Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 5

‘Shandisa Nguva Yako Nekuchenjera’

‘Shandisa Nguva Yako Nekuchenjera’

“Rambai makanyatsongwarira kuti musafamba sevanhu vasina kuchenjera asi sevanhu vakachenjera, muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.”—VAEF. 5:15, 16.

RWIYO 8 Jehovha Inzvimbo Yedu Yekupotera

ZVICHADZIDZWA *

1. Tingaitei kuti tive nenguva naJehovha?

TINONAKIDZWA nekuva pamwe chete nevanhu vatinoda. Murume nemudzimai vanonyatsowirirana vanoda chaizvo kuwana nguva yekuva pamwe chete vachitandara zvavo. Vechidiki vanonakidzwa nekuva neshamwari dzavo dzepedyo. Uye tese tinokoshesa nguva yatinenge tiine hama nehanzvadzi dzedu. Asi chinonyanya kukosha ndechekuti tinoda kuva nenguva naMwari wedu. Tinogona kuita izvi nekunyengetera kwaari, kuverenga Shoko rake, uye kufungisisa zvinangwa zvake uye kuti ndiMwari akaita sei. Nguva yatinenge tiina Jehovha inokosha chaizvo.—Pis. 139:17.

2. Idambudziko ripi ratinosangana naro?

2 Kunyange zvazvo tichinakidzwa nekuva naJehovha, ibasa chairo kuti tiwane nguva iyoyo. Tine zvinhu zvakawanda zvekuita muupenyu izvo zvingaita kuti tiomerwe nekuwana nguva yekunamata Jehovha. Mabasa edu, kuriritira mhuri, uye zvimwe zvinhu zvatinofanira kuita zvinogona kutidyira nguva yakawanda, zvekuti tinopedzisira tava kuona sekuti hatina nguva yekunyengetera, kudzidza, kana kufungisisa.

3. Ndechipi chimwe chinhu chinogona kutidyira nguva?

3 Panewo chimwe chinhu chinogona kutidyira nguva yedu. Kana tikasangwarira, tinogona kuita zvinhu zvinotidyira nguva yatinogona kushandisa pakuswedera pedyo naJehovha. Semuenzaniso, zvinokosha kuti timbowana nguva yekuzvivaraidza. Asi kunyange kuvaraidzwa nezvinhu zvakanaka kunogona kutidyira nguva zvekuti tinosara tava nenguva shoma yekuita zvekunamata. Tinofanira kuyeuka kuti kuzvivaraidza hakusi iko chinhu chinonyanya kukosha.—Zvir. 25:27; 1 Tim. 4:8.

4. Tava kuda kukurukurei?

4 Munyaya ino tichaona kuti nei tichifanira kusarudza kuti ndezvipi zvinonyanya kukosha muupenyu hwedu. Tichakurukurawo kuti tingaitei kuti tishandise zvakanaka nguva yatinenge tiina Jehovha, uye kuti izvozvo zvingatibatsira sei.

SARUDZA NEKUCHENJERA; ISA ZVINONYANYA KUKOSHA PEKUTANGA MUUPENYU

5. Kufunga nezvezano riri pana VaEfeso 5:15-17 kungabatsira sei wechidiki kusarudza upenyu hwakanakisisa?

5Sarudza upenyu hwakanakisisa. Vechidiki vanowanzofunga zvavangada kuzoita neupenyu hwavo. Vadzidzisi nevemumhuri vasingatendi vangavakurudzira kuti vaite zvedzidzo yepamusoro kuitira kuti vazokwanisa kuwana mabasa akanaka nemari yakawanda. Dzidzo yakadaro inogona kuvadyira nguva yakawanda. Ukuwo vabereki neshamwari dzemuungano vanogona kukurudzira vechidiki kuti vashandise upenyu hwavo mubasa raJehovha. Chii chingabatsira wechidiki anoda Jehovha kuti aite chisarudzo chakanakisisa? Zvinganaka kana akaverenga VaEfeso 5:15-17 ofungisisa nezvayo. (Verenga.) Kana averenga mavhesi aya, wechidiki anogona kuzvibvunza kuti: ‘“Kuda kwaJehovha ndekupi”? Chisarudzo chipi chingamufadza? Chisarudzo chipi chingandibatsira kunyatsoshandisa nguva yangu nekuchenjera?’ Yeuka kuti tiri ‘mumazuva akaipa,’ uye kuti nyika yaSatani yava kuguma. Kana tikashandisa nguva yedu kuita zvinhu zvinofadza Jehovha tinenge taratidza kuti takachenjera.

6. Chisarudzo chipi chakaitwa naMariya, uye nei chaiva chisarudzo chekuchenjera?

6Isa zvinonyanya kukosha pekutanga muupenyu. Kuti tishandise nguva yedu nekuchenjera, dzimwe nguva tingafanira kusarudza pakati pezvinhu zviviri zvisina kuipa. Tinogona kuona izvi pane zvakaitika Jesu paakashanyira Mariya naMarita. Marita akafara chaizvo kuva naJesu semuenzi wavo zvekuti akagadzira zvekudya zvemaoresa. Asi Mariya akagara pedyo naIshe wake achiteerera zvaaidzidzisa. Zvakaitwa naMarita zvakanga zvisina kuipa, asi Jesu akati Mariya ‘akasarudza mugove wakanaka.’ (Ruka 10:38-42) Mariya anogona kunge akakanganwa zvavakadya musi iwoyo, asi tinogona kuva nechokwadi chekuti haana kukanganwa zvaakadzidza kuna Jesu. Kukoshesa kwakaita Mariya nguva iyoyo yaaiva naJesu, ndiko kukoshesa kwatinoitawo nguva yatinenge tiina Jehovha. Tingashandisa sei nguva iyoyo nekuchenjera?

SHANDISA NEKUCHENJERA NGUVA YAKO NAJEHOVHA

7. Nei zvichikosha chaizvo kuti tinyengetere, tidzidze, uye tifungisise?

7Ziva kuti kunyengetera, kudzidza, uye kufungisisa, zvikamu zvekunamata kwedu. Patinonyengetera, tinenge tichitaura naBaba vedu vekudenga, avo vanotida chaizvo. (Pis. 5:7) Patinodzidza Bhaibheri, tinenge tichiwana “ruzivo pamusoro paMwari” uyo akachenjera kupfuura chero ani zvake. (Zvir. 2:1-5) Patinofungisisa, tinenge tichidzamisa pfungwa paunhu hwakanaka huna Jehovha tichifunga zvinhu zvakanaka zvaachatiitira uye zvaachaitira vanhu vese. Iyi ndiyo nzira yakanakisisa yaungashandisa nguva yako. Asi chii chingatibatsira kuita izvozvo?

Unogona kuwana nzvimbo yakanyarara here kuti udzidze uri wega? (Ona ndima 8-9)

8. Tinodzidzei pamashandisiro akaita Jesu nguva yake paaiva murenje?

8Kana zvichiita, enda panzvimbo yakanyarara. Ngationei zvakaitwa naJesu. Asati akatanga ushumiri hwake panyika, Jesu akaita mazuva 40 ari murenje. (Ruka 4:1, 2) Munzvimbo iyoyo yakanyarara, Jesu aikwanisa kunyengetera uye kufungisisa zvaidiwa naBaba vake kuti aite. Izvi zvakabatsira Jesu kuti agadzirire miedzo yaakanga ava kuzosangana nayo. Zvakaitwa naJesu zvingakubatsira sei? Kana uchigara pamba pane vanhu vakawanda, zvingasava nyore kuti uwane nzvimbo yakanyarara. Kana zvakadaro, unogona kutsvaga nzvimbo yakanyarara kunze kwemba. Izvi ndizvo zvinoitwa naJulie kana achida kunyengetera kuna Jehovha. Iye nemurume wake vanogara mukaimba kadiki kuFrance, uye zvakaoma kuti awane nguva yekumbova ega pasina chinomuvhiringidza. Julie anoti, “Saka mazuva ese ndinombofamba mupaki. Ndiri imomo ndinokwanisa kuva ndega, kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete, uye kunyatsotaura naJehovha.”

9. Pasinei nekuti aigara akabatikana, Jesu akaratidza sei kuti aikoshesa ushamwari hwake naJehovha?

9 Paaiva panyika, Jesu aigara akabatikana. Paaiita ushumiri hwake, kwese kwaaienda aiteverwa nevanhu vakawanda, avo vaida kuva naye. Pane imwe nguva, “guta rese rakanga rakaungana pasuo chaipo” kuti rimuone. Kunyange zvakadaro, Jesu aigara achironga nguva yekusimbisa ushamwari hwake naJehovha. Zuva risati rabuda “akaenda kwake ega” kuti awane nguva yekuva naBaba vake.—Mako 1:32-35.

10-11. Maererano naMateu 26:40, 41, Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti vaitei, asi chii chakaitika?

10 Usiku hwake hwekupedzisira asati afa, paakanga ava kupedza ushumiri hwake, Jesu akaenda zvakare panzvimbo yakanyarara kuti akwanise kufungisisa uye kunyengetera. Akawana nzvimbo iyoyo muGetsemane. (Mat. 26:36) Ari imomo, Jesu akaudza vadzidzi vake chimwe chinhu chinokosha chaizvo nezvekunyengetera.

11 Funga zvakaitika. Pavakasvika muGetsemane, nguva yakanga yafamba uye kunenge kuti pakanga patova pakati peusiku. Jesu akaudza vaapostora vake kuti ‘varambe vakarinda,’ uye akabva aenda kunonyengetera. (Mat. 26:37-39) Asi paainyengetera, vakabatwa nehope. Paakavawana vachirara, Jesu akavakurudzirazve kuti ‘varambe vakarinda uye varambe vachinyengetera.’ (Verenga Mateu 26:40, 41.) Aiziva kuti vaiva nezvinhu zvakawanda zvaivanetsa uye kuti vakanga vaneta. Jesu akavanzwira tsitsi uye akataura kuti “nyama haina simba.” Jesu akaendazve kaviri kunonyengetera, uye paaidzoka aiwana vadzidzi vake vachirara pane kuti vanyengetere.—Mat. 26:42-45.

Unogona here kuronga kuti unyengetere panguva yaunenge usina kunyanya kuneta? (Ona ndima 12)

12. Tingaitei kana dzimwe nguva tichinzwa tisingadi kunyengetera nekuti tiri kunyanya kunetseka kana kuti takanyanya kuneta?

12Sarudza nguva yakanaka. Dzimwe nguva tinogona kunzwa tisingadi kunyengetera nekuti tiri kunyanya kunetseka kana kuti takanyanya kuneta. Kana izvozvo zvakamboitika kwauri, ziva kuti hausi wega. Chii chaungaita? Vamwe vaigara vachinyengetera kuna Jehovha vava kuda kurara vakaona zvichibatsira kuti vati kasikei kunyengetera panguva dzemanheru vasati vanyanya kuneta. Vamwe vakaona kuti zvavanenge vakaita muviri wavo pavanenge vachinyengetera zvinogona kubatsira. Asi ungaitei kana uchinzwa usingadi kunyengetera nekuti wakaora mwoyo kana kuti uri kunetseka zvakanyanya? Udza Jehovha manzwiro aunenge uchiita. Unogona kuva nechokwadi chekuti Baba vedu vane tsitsi vachazvinzwisisa.—Pis. 139:4.

Unogona kumbomira kutumira mameseji here paunenge uri pamisangano? (Ona ndima 13-14)

13. Mafoni angativhiringidza sei patinenge tichinyengetera, tichidzidza, kana kuti patinenge tiri pamisangano?

13Usarega zvimwe zvinhu zvichikudzongonyedza paunenge uchidzidza. Kunyengetera handiko kwega kunosimbisa ushamwari hwedu naJehovha. Kudzidza Shoko raMwari uye kupinda misangano kunogona kutibatsirawo kuswedera pedyo naMwari. Pane zvaunogona kuita here kuti ushandise zvakanaka nguva yaunenge uchidzidza kana yaunenge uri pamisangano yeungano? Zvibvunze kuti, ‘Chii chinondivhiringidza pandinenge ndiri pamisangano kana kuti pandinenge ndichidzidza?’ Kungava kufonerwa kana kuti mameseji anopinda pafoni pako here? Mazuva ano mabhiriyoni evanhu ane zvigadzirwa izvi zvinobatsira. Vamwe vatsvakurudzi vakaona kuti patinenge tichiedza kuisa pfungwa dzedu pachinhu chimwe chete, kungova nefoni pedyo kunogona kutivhiringidza. Imwe nyanzvi yakati, “Haukwanisi kuisa pfungwa dzako pane zvaunenge uchiita. Dzinenge dzichitofungawo zvimwe.” Gungano risati ratanga, tinowanzoudzwa kuti tiite kuti mafoni edu asavhiringidza vamwe. Tinogona kuitawo here kuti mafoni edu asavhiringidza isu vacho panguva yatinenge tiina Jehovha?

14. Maererano naVaFiripi 4:6, 7, Jehovha achatibatsira sei kuisa pfungwa dzedu pane zvatinenge tichiita?

14Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuisa pfungwa pane zvaunenge uchiita. Kana ukaona kuti pfungwa dzako dziri kumbeya-mbeya paunenge uchidzidza kana kuti uri pamusangano weungano, kumbira Jehovha kuti akubatsire. Kana uchinetseka kana kuti uchizvidya mwoyo, zvingasava nyore kuti umbosendeka zviri kukunetsa woisa pfungwa dzako pane zvekunamata, asi zvinokosha kuti udaro. Nyengetera kuti uve nerugare ruchachengetedza mwoyo wako uyewo “pfungwa” dzako.—Verenga VaFiripi 4:6, 7.

KUWANA NGUVA YEKUVA NAJEHOVHA KUNOTIBATSIRA

15. Unobatsirwa sei nekuwana nguva yekuva naJehovha?

15 Kana ukawana nguva yekuti utaure naJehovha, umuteerere, uye ufunge nezvake, zvichakubatsira chaizvo. Zvinokubatsira sei? Chekutanga ndechekuti uchaita zvisarudzo zvakanaka. Bhaibheri rinotiudza kuti “munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.” (Zvir. 13:20) Saka kana ukawana nguva yekuva naJehovha uyo ari Tsime reuchenjeri, uchawedzera kuva neuchenjeri. Uchawedzera kunzwisisa kuti ungamufadza sei uye kuti ungaitei kuti usaita zvisarudzo zvinomurwadzisa.

16. Kuwana nguva yekuva naJehovha kunotibatsira sei kuwedzera unyanzvi hwedu hwekudzidzisa?

16 Chechipiri ndechekuti uchawedzera kuva mudzidzisi ane unyanzvi. Patinodzidza nemumwe munhu Bhaibheri, chinangwa chedu chikuru ndechekumubatsira kuti aswedere pedyo naJehovha. Patinoramba tichinyengetera kuna Jehovha uye tichidzidza nezvake, tinowedzera kumuda uye tinowedzerawo unyanzvi hwedu hwekudzidzisa mudzidzi wedu kuti amude. Izvi ndizvo zvaiitwa naJesu. Akataura nezvaBaba vake nenzira yakanaka chaizvo zvekuti yakabatsira vadzidzi vake kuti vadewo Jehovha.—Joh. 17:25, 26.

17. Kunyengetera uye kudzidza kunotibatsira sei kuti tisimbise kutenda kwedu?

17 Chechitatu ndechekuti kutenda kwako kunowedzera kusimba. Funga zvinoitika kana ukakumbira Mwari kuti akutungamirire, akunyaradze kana kuti akutsigire. Pese panopindura Jehovha minyengetero iyoyo, kutenda kwako kunokura. (1 Joh. 5:15) Chii chimwe chingakubatsira kusimbisa kutenda kwako? Kudzidza uri wega. Yeuka kuti “kutenda kunouya kana munhu anzwa shoko.” (VaR. 10:17) Asi kuti tive nekutenda kwakasimba hatifaniri kungogumira pakuva neruzivo. Chii chimwe chatinofanira kuita?

18. Taura muenzaniso unoratidza kuti nei tichifanira kufungisisa.

18 Tinofanira kufungisisa zvatinenge tichidzidza. Funga zvakaitika kumunyori wePisarema 77. Ainetseka nekuti ainzwa sekuti iye nevamwe vaIsraeri vakanga vasisafarirwi naJehovha. Kunetseka ikoko kwaiita kuti ashaye hope usiku. (Mavhesi 2-8) Akaita sei? Akaudza Jehovha kuti: “Ndichafungisisa nezvemabasa enyu ese uye ndichadzamisa pfungwa ndichifunga zvamakaita.” (Vhesi 12) Munyori uyu wepisarema ainyatsoziva zvinhu izvo Jehovha akanga aitira vanhu vake kare, asi airamba achinetseka kuti: “Mwari akanganwa kuratidza nyasha dzake here? Kana kuti kutsamwa kwake kwaita kuti tsitsi dzake dzipere here?” (Vhesi 9) Munyori wepisarema akafungisisa nezvemabasa aJehovha uye kuti Mwari akanga amboratidza ngoni uye tsitsi kare. (Vhesi 11) Chii chakabva chaitika? Akava nechokwadi chekuti Jehovha aisazosiya vanhu vake. (Vhesi 15) Kutenda kwako kuchawedzerawo kusimba kana ukafungisisa zvinhu izvo Jehovha akaitira vanhu vake uye zvaakakuitira iwe pachako.

19. Chii chimwe chatichabatsirwa nacho kana tikawana nguva yekuva naJehovha?

19 Chechina uye chinonyanya kukosha ndechekuti kuda kwaunoita Jehovha kuchawedzera. Rudo ruchaita kuti uteerere Jehovha, uzvipire kuitira kuti umufadze, uye utsungirire chero dambudziko. (Mat. 22:37-39; 1 VaK. 13:4, 7; 1 Joh. 5:3) Hapana chimwe chinhu chinokosha kupfuura kuva neushamwari hwepedyo naJehovha!—Pis. 63:1-8.

20. Ungaitei kuti uve nechokwadi chekuti wawana nguva yekuva naJehovha?

20 Yeuka kuti kunyengetera, kudzidza, uye kufungisisa, zvinhu zvatinoita pakunamata kwedu. Sezvaiitwa naJesu, tsvaga nzvimbo yakanyarara kuti umbova naJehovha. Usarega zvimwe zvinhu zvisinganyanyi kukosha zvichikuvhiringidza. Paunenge uchiita zvinhu zvekunamata, kumbira Jehovha kuti akubatsire kuisa pfungwa dzako pane zvaunenge uchiita. Kana ukashandisa nguva yako nekuchenjera iye zvino, Jehovha achakupa mubayiro weupenyu husingaperi munyika itsva yaMwari.—Mako 4:24.

RWIYO 28 Kuva Shamwari yaJehovha

^ ndima 5 Jehovha ndiye Shamwari yedu inopfuura dzese. Tinokoshesa ushamwari hwedu naye, uye tinoda kuwedzera kumuziva. Zvinotora nguva kuti uzivane nemumwe munhu. Ndizvo zvazvinoitawo kana tichida kuramba tichisimbisa ushamwari hwedu naJehovha. Sezvo tiine zvakawanda zvekuita muupenyu, tingaitei kuti tiwane nguva yekuswedera pedyo naBaba vedu vekudenga, uye kuita izvozvo kunotibatsira sei?