Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 1

“Vaya Vanotsvaga Jehovha Havana Chakanaka Chavachashaya”

“Vaya Vanotsvaga Jehovha Havana Chakanaka Chavachashaya”

RUGWARO RWEDU RWEGORE RWA2022 RUNOTI: “Vaya vanotsvaga Jehovha havana chakanaka chavachashaya.”—PIS. 34:10.

RWIYO 4 “Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

ZVICHADZIDZWA *

Dhavhidhi ainzwa sekuti ‘haana chakanaka chaaishaya’ kunyange paainge akaomerwa (Ona ndima 1-3) *

1. Dhavhidhi aiva mumamiriro api ezvinhu akaoma?

DHAVHIDHI aitiza neupenyu hwake. Sauro, mambo aiva nesimba weIsraeri, ndiye aida kumuuraya. Dhavhidhi paaida zvekudya, akasvika muguta reNobhu akakumbira zvingwa zvishanu chete. (1 Sam. 21:1, 3) Iye nevarume vaaiva navo vakazohwanda mubako. (1 Sam. 22:1) Zvakafamba sei kuti Dhavhidhi asvike panguva yakadai?

2. Zvinhu zvipi zvakaipa chaizvo zvakaitwa naSauro? (1 Samueri 23:16, 17)

2 Sauro aiitira Dhavhidhi godo nekuti Dhavhidhi aifarirwa nevanhu vakawanda uye vaimurumbidza nekukunda kwaakaita muhondo dzakawanda. Sauro aizivawo kuti kusateerera kwake ndiko kwakanga kwaita kuti Jehovha amurambe samambo weIsraeri, uye kuti Jehovha akanga asarudza Dhavhidhi kuti ave mambo. (Verenga 1 Samueri 23:16, 17) Asi Sauro akanga achiri mambo weIsraeri uye aiva neuto rakakura nevatsigiri vakawanda, saka Dhavhidhi aifanira kutiza kuti asaurayiwa. Kungava here kuti Sauro aifunga kuti aigona kutadzisa Mwari kuita kuti Dhavhidhi ave mambo? (Isa. 55:11) Bhaibheri harina zvarinotaura, asi tinogona kuva nechokwadi chekuti Sauro akanga achizvisikira moto muziso. Vaya vanorwa naMwari havabudiriri!

3. Dhavhidhi ainzwa sei pasinei nezvaiitika muupenyu hwake?

3 Dhavhidhi aisava munhu anoda chinzvimbo. Haana kusarudza ega kuti aida kuva mambo weIsraeri. Jehovha ndiye akamusarudza. (1 Sam. 16:1, 12, 13) Sauro akatanga kuvenga Dhavhidhi zvakanyanya. Asi Dhavhidhi haana kupa Jehovha mhosva yezvakaitika kwaari, uye haana kunyunyuta kuti aiva nezvekudya zvishoma uye kuti aigara mubako. Kunenge kuti paainge akahwanda mubako iroro ndipo paakanyora rwiyo rwekurumbidza rune mashoko ari murugwaro ruri kutungamirira nyaya ino ekuti: “Vaya vanotsvaga Jehovha havana chakanaka chavachashaya.”—Pis. 34:10.

4. Mibvunzo ipi yatichakurukura nezvayo, uye nei ichikosha?

4 Mazuva ano vashumiri vaJehovha vakawanda vanomboshaya zvekudya zvakakwana uye zvimwe zvinodiwa pakurarama. * Izvi ndizvo zvakaitika kuvashumiri vaJehovha vakawanda kunyanya panguva yechirwere cheCOVID-19. Uye zvinhu zvichatowedzera kuoma sezvatiri kuswedera pedyo “nekutambudzika kukuru.” (Mat. 24:21) Saka zvakanaka kuti tipindure mibvunzo 4 inoti: Dhavhidhi ‘haana chakanaka chaakashaya’ pakuti kudii? Nei tichifanira kudzidza kugutsikana nezvatiinazvo? Nei tichifanira kuva nechivimbo chekuti Jehovha achatichengeta? Tingaitei iye zvino kuti tigadzirire ramangwana?

“HAPANA CHANDICHASHAYIWA”

5-6. Pisarema 23:1-6 inotibatsira sei kunzwisisa zvairehwa naDhavhidhi paakati vashumiri vaMwari “havana chakanaka chavachashaya”?

5 Dhavhidhi airevei paakati vashumiri vaJehovha ‘havana chakanaka chavachashaya’? Pisarema 23 rinogona kutibatsira kunzwisisa zvaaireva nekuti rine mashoko akafanana naiwayo. (Verenga Pisarema 23:1-6.) Dhavhidhi anotanga pisarema racho nemashoko ekuti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandichashayiwa.” Mupisarema racho rese, Dhavhidhi anozotaura nezvezvinhu zvinonyanya kukosha, kureva zvinhu zvakanaka zvaakaitirwa naJehovha nekuti akabvuma kuti ndiye Mufudzi wake. Jehovha akamutungamirira “munzira dzekururama,” uye akatsigira Dhavhidhi panguva dzakanaka nedzakaoma. Dhavhidhi aiziva kuti kuva “mumafuro akasvibirira” aJehovha kwaisareva kuti aisazosangana nematambudziko muupenyu. Dzimwe nguva aiora mwoyo zvoita sekuti ari kufamba “mumupata werima gobvu,” uye dzimwe nguva aiva nevavengi. Asi sezvo Jehovha aiva Mufudzi wake, Dhavhidhi ‘haana chaaizotya.’

6 Saka iyi ndiyo mhinduro yemubvunzo wedu wekuti: Dhavhidhi ‘haana chakanaka chaaishaya’ pakuti kudii? Aiva nezvese zvaaida kuti arambe ari pedyo naJehovha. Mufaro wake waisabva pakuva nezvinhu zvakawanda. Aigutsikana nezvinhu zvaaipiwa naJehovha. Chainyanya kukosha kwaari kwaiva kukomborerwa uye kudzivirirwa naMwari wake.

7. Maererano naRuka 21:20-24, matambudziko api akasangana nevaKristu vaigara muJudhiya?

7 Mashoko aDhavhidhi anotibatsira kuona kuti hatifaniri kunyanya kukoshesa zvinhu zvedu. Ichokwadi kuti tinofanira kufadzwa nepfuma yedu, asi hatifaniri kubva taona sekuti ndiyo inonyanya kukosha. Izvozvo ndizvo zvakanzwisiswa nevaKristu vaigara muJudhiya. (Verenga Ruka 21:20-24.) Jesu akavayambira kuti paizova nenguva yekuti guta reJerusarema ‘raizokombwa nemauto akadzika misasa.’ Izvozvo pazvaizoitika, vaizofanira ‘kutanga kutizira kumakomo.’ Kutiza ndiko kwaizovaponesa asi vaizorasikirwa nezvinhu zvakawanda. Makore adarika, Nharireyomurindi yakati: ‘Vakasiya minda nemisha, havana kana kumbozviunganidzira zvinhu zvavo zvaiva mudzimba dzavo. Vachivimba kuti Jehovha aizovadzivirira uye aizovatsigira, vakaita kuti kumunamata kuve pekutanga kupfuura zvimwe zvese zvaiita sezvinokosha.’

8. Chidzidzo chipi chinokosha chatinowana pane zvakaitika kuvaKristu vaigara muJudhiya?

8 Tinowana chidzidzo chipi chinokosha pane zvakaitika kuvaKristu vaigara muJudhiya? Nharireyomurindi yambotaurwa yakati: ‘Tinogona kuzosangana nemiedzo ingabudisa pachena kuti tinonyanya kukoshesa zvinhu zvedu here kupfuura zvimwe zvese kana kuti tinonyanya kukoshesa kuponeswa kwatichaitwa naMwari zvichibva pakuti takavimbika kwaari? Saka mugumo pauchasvika, tinogona kusangana nematambudziko uye kushaya zvimwe zvinhu. Tinofanira kunge takagadzirira kuita zvese zvatinogona sezvakaitwa nevaKristu vakatiza muJudhiya.’ *

9. Unodzidzei pazano raPauro raakapa vaHebheru?

9 Chimbofunga kuti zvakanga zvakaoma sei kuti vaKristu ivavo vasiye zvinenge zvese zvavaiva nazvo, votanga upenyu hutsva kune imwe nzvimbo. Zvaida kutenda kuti vavimbe kuti Jehovha aizovapa zvavaida pakurarama. Asi pane chimwe chinhu chaigona kuvabatsira. Makore 5 vaRoma vasati vauya kuzokomba Jerusarema, muapostora Pauro akapa vaHebheru zano rakanaka rekuti: “Mararamiro enyu ngaarege kuva ekuda mari, uye gutsikanai nezvinenge zviripo. Nekuti iye akati: ‘Handizokusiyi, uye handizokurasi.’ Kuti tive vakanyatsoshinga tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi. Munhu angandiitei?’” (VaH. 13:5, 6) Zviri pachena kuti vaya vakateerera zano raPauro vaRoma vasati vapinda muJerusarema zvakavaitira nyore kuti vagutsikane nezvinhu zvishoma zvavakanga vava kuwana pavakanga vatama. Vaiva nechokwadi chekuti Jehovha aizovapa zvavanoda pakurarama. Mashoko aPauro anoita kuti tivewo nechokwadi chekuti Jehovha achatipa zvatinoda pakurarama.

“TICHAGUTSIKANA NEZVINHU IZVI”

10. Zvii zvatakaudzwa naPauro?

10 Pauro akapa Timoti zano rakadaro uye rinoshandawo kwatiri. Akanyora kuti: “Saka kana tiine zvekudya nezvekupfeka, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Tim. 6:8) Zvinoreva here kuti hatifaniri kudya zvekudya zvinonaka, kuva nepekugara pakanaka, kana kupota tichitenga zvipfeko zvitsva? Izvozvo handizvo zviri kurehwa naPauro. Pauro ari kuti tinofanira kugutsikana nezvatinenge tiinazvo. (VaF. 4:12) Izvi ndizvo zvakadzidzwa naPauro. Chinonyanya kukosha kwatiri ushamwari hwedu naMwari, kwete chero chii zvacho chatingava nacho.—Hab. 3:17, 18.

VaIsraeri ‘havana chavakashaya’ kwemakore 40 pavaiva murenje. Tinogonawo here kugutsikana nezvatiinazvo iye zvino? (Ona ndima 11) *

11. Tinodzidzei nezvekugutsikana pamashoko akaudzwa vaIsraeri naMozisi?

11 Zvatinofunga kuti ndizvo zvatinoda pakurarama zvinogona kunge zvakasiyana nezvinozivikanwa naJehovha kuti ndizvo zvatinoda. Pashure pekunge vaIsraeri vaita makore 40 vari murenje, Mozisi akavaudza kuti: “Jehovha Mwari wenyu akakukomborerai pazvese zvamakaita. Anonyatsoziva kufamba kwamakaita nemurenje rino guru. Kwemakore 40 aya Jehovha Mwari wenyu aiva nemi uye hapana chamakashayiwa.” (Dheut. 2:7) Mumakore 40 iwayo, Jehovha akapa vaIsraeri mana kuti vadye. Zvipfeko zvavakabuda nazvo muIjipiti hazvina kusakara. (Dheut. 8:3, 4) Kunyange zvazvo vamwe vaiona sekuti izvi zvaiva zvishoma, Mozisi akayeuchidza vaIsraeri kuti vaiva nezvese zvavaida. Jehovha anofara kana tikadzidza kugutsikana. Anoda kuti tive vanhu vanoonga kunyange pazvinhu zvakaita sezvidiki zvaanotipa uye anoda kuti tinzwisise kuti izvozvo zvipo zvinobva kwaari.

IVA NECHOKWADI CHEKUTI JEHOVHA ACHAKUCHENGETA

12. Chii chinoratidza kuti Dhavhidhi akanga asingazvivimbi asi kuti aivimba naJehovha?

12 Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha akavimbika uye ane hanya nevaya vanomuda. Kunyange zvazvo upenyu hwaDhavhidhi hwaiva pangozi paakanyora Pisarema 34, kutenda kwaaiita muna Jehovha kwainge kwakasimba zvekuti aiva nechokwadi chekuti “ngirozi yaJehovha” yainge yakadzika musasa ‘yakamukomberedza.’ (Pis. 34:7) Zvimwe Dhavhidhi aienzanisa ngirozi yaJehovha nemusoja anenge akarinda mumusasa achitarisa vavengi. Dhavhidhi aiva murwi ane ushingi uye Jehovha ainge amuvimbisa kuti aizova mambo, asi haana kuvimba neunyanzvi hwake hwekushandisa chipfuramabwe kana hwekushandisa bakatwa pakukunda muvengi. (1 Sam. 16:13; 24:12) Aivimba naMwari aine chokwadi chekuti ngirozi yaJehovha ‘inonunura vaya vanomutya.’ Mazuva ano hatitarisiri hedu kuti Jehovha aite chishamiso chekutidzivirira. Asi tinoziva kuti vese vanovimba naJehovha vachawana upenyu husingaperi kunyange vakafa iye zvino.

Pakutambudzika kukuru, mauto aGogi weMagogi anogona kuedza kutirwisa tiri mudzimba dzedu. Asi tinogona kunyaradzwa nekuziva kuti Jesu nengirozi dzake vanoziva zviri kuitika uye vachatidzivirira (Ona ndima 13)

13. Gogi weMagogi paachatirwisa, nei zvichaita sekuti hatina anotidzivirira, uye nei tisingafaniri kutya? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

13 Munguva pfupi iri kuuya, kuvimba kwatinoita kuti Jehovha achatiponesa kuchaedzwa. Gogi weMagogi, kureva nyika dzese dzinenge dzabatana, paacharwisa vanhu vaMwari, tinogona kuona sekuti tichaurayiwa. Panguva iyoyo tichafanira kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokwanisa kutinunura uye achatinunura. Marudzi achaona sekuti takaita semakwai asina anoadzivirira. (Ezek. 38:10-12) Tichange tisina zvombo uye tisina kudzidziswa kurwa. Marudzi achaona sekuti zvichange zviri nyore kutirwisa. Haazooni zvatinoona nemaziso edu ekutenda. Pane uto rengirozi rakakomberedza vanhu vaMwari rakagadzirira kutidzivirira. Marudzi haakwanisi kuona ngirozi idzi nekuti haana kutenda. Achashamiswa chaizvo mauto ekudenga paachatirwira!—Zvak. 19:11, 14, 15.

GADZIRIRA RAMANGWANA IYE ZVINO

14. Tingaitei iye zvino kuti tigadzirire ramangwana?

14 Zvii zvatingaita iye zvino kuti tigadzirire ramangwana? Chekutanga, hatifaniri kuona sekuti zvinhu zvatiinazvo zvinonyanya kukosha, nekuti rimwe zuva tichazvisiya. Tinofanirawo kuva vanhu vanogutsikana uye mufaro wedu unofanira kubva pakuva neushamwari hwepedyo naJehovha. Kana tikawedzera kuziva Mwari wedu, tichawedzerawo kuva nechokwadi chekuti achatidzivirira paticharwiswa naGogi weMagogi.

15. Zvii zvakaitika kuna Dhavhidhi paaiva mudiki zvakaita kuti ave nechokwadi chekuti Jehovha aisazomurasisa?

15 Ngationei zvimwe zvakabatsira Dhavhidhi uye zvinogona kutibatsira kuti tigadzirire miedzo yatichasangana nayo. Dhavhidhi akati: “Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; anofara murume anopotera kwaari.” (Pis. 34:8) Mashoko iwayo anoratidza kuti nei Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha aimutsigira. Dhavhidhi aigara achivimba naJehovha uye Mwari wake haana kumbomurasisa. Paaiva mudiki, Dhavhidhi aifanira kurwisana nezirume rechiFiristiya rainzi Goriyati uye akariudza kuti: “Nhasi chaiye Jehovha achakuisa muruoko rwangu.” (1 Sam. 17:46) Dhavhidhi paakanga ava kushandira Sauro, Sauro wacho akaedza kakawanda kumuuraya. Asi ‘Jehovha aiva’ naDhavhidhi. (1 Sam. 18:12) Dhavhidhi akanga ambozvionera ega kubatsirwa kwaakanga amboitwa naJehovha kare, saka aiziva kuti Jehovha aizomubatsirazve pamiedzo yaakanga ava kusangana nayo.

16. ‘Tinoravira’ sei kuti Jehovha akanaka?

16 Kana tikaramba tichivimba naJehovha kuti atitungamirire iye zvino, tichawedzerawo kuva nechokwadi chekuti achatiponesa mune ramangwana. Zvinoda kutenda uye kuvimba naJehovha kuti tikumbire watinoshandira nguva yekusava pabasa kuitira kuti tipinde gungano, kana kuti tichinje nguva yatinopedza basa kuitira kuti tipinde misangano yese uye tive nenguva yakawanda yekuita ushumiri. Asi ko kana zvikaitika kuti watinoshandira aramba zvatakumbira torasikirwa nebasa? Tine kutenda here kuti Jehovha haazotisiyi kana kutirasa uye kuti acharamba achitipa zvatinoda pakurarama? (VaH. 13:5) Vakawanda vari mubasa renguva yakazara vane zvakaitika kwavari zvinoratidza kuti Jehovha akavabatsira sei panguva chaiyo yavaida kubatsirwa naye. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha akatendeka.

17. Nderupi rugwaro rwegore rwa2022 uye nei rwakakodzera?

17 Hatifaniri kutya zvichaitika mune ramangwana nekuti Jehovha ari padivi pedu. Kana tichitanga kutsvaga Umambo, Mwari wedu haazombotisiyi. Kuitira kuti tirambe tichiyeuka kuti tinofanira kugadzirira iye zvino matambudziko ari mberi uye kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha haazombotisiyi, Dare Rinotungamirira rakasarudza Pisarema 34:10 kuti ive rugwaro rwedu rwegore rwa2022. Iyo inoti: “Vaya vanotsvaga Jehovha havana chakanaka chavachashaya.”

RWIYO 38 Achakusimbisa

^ ndima 5 Rugwaro rwedu rwegore rwa2022 rwakatorwa pana Pisarema 34:10. Runoti: “Vaya vanotsvaga Jehovha havana chakanaka chavachashaya.” Vashumiri vaJehovha vakatendeka vakawanda vanorarama nezvinhu zvishoma. Saka nei zvichinzi ‘havana chakanaka chavanoshaya’? Kunzwisisa zvinorehwa nevhesi iyi kunotibatsira sei kugadzirira matambudziko atichasangana nawo?

^ ndima 4 Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaSeptember 15, 2014.

^ ndima 8 Ona Nharireyomurindi yaMay 1, 1999, peji 19.

^ ndima 54 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Kunyange paainge akahwanda mubako achitiza Mambo Sauro, Dhavhidhi aionga zvaaipiwa naJehovha.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pashure pekunge vaIsraeri vabuda muIjipiti, Jehovha akavapa mana kuti vadye uye akaita kuti zvipfeko zvavo zvisasakare.