Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 3

Zvatinodzidza Pamisodzi yaJesu

Zvatinodzidza Pamisodzi yaJesu

“Misodzi yaJesu yakatanga kuyerera.”—JOH. 11:35.

RWIYO 17 “Ndinoda”

ZVICHADZIDZWA *

1-3. Zvinhu zvipi zvingaita kuti vanhu vaJehovha vabudise misodzi?

WAKAPEDZISIRA riini kuchema? Dzimwe nguva tinobudisa misodzi yekufara. Asi kakawanda tinochema nekuti tinenge tichirwadziwa mumwoyo. Semuenzaniso, tinochema kana tafirwa nemumwe munhu. Imwe hanzvadzi inonzi Lorilei, yekuUnited States, yakanyora kuti: “Dzimwe nguva ndairwadziwa zvakanyanya nekufirwa kwandakaitwa nemwanasikana wangu zvekuti zvaiita sekuti hapana kana chaigona kundinyaradza. Panguva idzodzo, ndaiona sekuti ndaisazombonzwa zviri nani.” *

2 Pane zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tibudise misodzi. Mumwe piyona wekuJapan anonzi Hiromi akati: “Dzimwe nguva kusafarira kunoita vanhu vandinoona muushumiri kunoita kuti ndiore mwoyo. Maziso achiyangarara misodzi, ndinokumbira Jehovha kuti andibatsire kuwana munhu ari kutsvaga chokwadi.”

3 Unombonzwawo sezvinoita vanhu vabva kutaurwa here? Vakawanda vedu tinombonzwa saizvozvo. (1 Pet. 5:9) Tinoda ‘kushumira Jehovha tichifara,’ asi dzimwe nguva tinomushumira nemisodzi nemhaka yekufirwa, kuora mwoyo, kana rimwe dambudziko rinoita kuti zvitiomere kuramba takatendeka kuna Mwari. (Pis. 6:6; 100:2) Tingaita sei kana tichinzwa saizvozvo?

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Tinogona kudzidza pane zvakaitwa naJesu. Dzimwe nguva aimboshungurudzika zvakanyanya zvekuti ‘misodzi yake yaiyerera.’ (Joh. 11:35; Ruka 19:41; 22:44; VaH. 5:7) Ngatimboonai zvimwe zvinhu zvakaita kuti abudise misodzi. Patinenge tichidaro, tichaona zvimwe zvatinodzidza. Tichaonawo zvatingaita patinenge tichisangana nezvinhu zvingaita kuti ticheme.

MISODZI YAJESU YAIRATIDZA KUTI AIVA NEHANYA NESHAMWARI DZAKE

Nyaradza vaya vanenge vafirwa sezvakaitwa naJesu (Ona ndima 5-9) *

5. Tinodzidzei nezvaJesu munyaya yakanyorwa pana Johani 11:32-36?

5 Mugore ra32 C.E., Razaro shamwari yaJesu akarwara ndokufa. (Joh. 11:3, 14) Aiva nehanzvadzi mbiri, Mariya naMarita, uye Jesu aida mhuri iyi chaizvo. Vakadzi ava vakarwadziwa chaizvo nekufa kwakaita hanzvadzi yavo. Pashure pekunge Razaro afa, Jesu akaenda kuBhetani kwaigara Mariya naMarita. Marita paakanzwa kuti Jesu akanga achiuya, akabva angobuda kuti anomuchingura. Fungidzira kusuruvara kwaainge akaita paaitaura kuti: “Ishe, kudai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” (Joh. 11:21) Jesu paakangoona Mariya nevamwe vachichema, ‘misodzi yake yakatanga kuyerera.’—Verenga Johani 11:32-36.

6. Chii chakaita kuti Jesu acheme paakaonana naMariya naMarita?

6 Chii chakaita kuti Jesu acheme panguva iyoyo? Insight on the Scriptures inopindura kuti: “Kufa kweshamwari yake Razaro uye kushungurudzika kwaiita hanzvadzi dzaRazaro kwakaita kuti Jesu ‘ashushikane uye misodzi yake itange kuyerera.’” * Jesu anogona kunge akafunga nezvekurwadziwa kwainge kwaita shamwari yake Razaro payairwara uye manzwiro akaita Razaro paakaziva kuti akanga ava kufa. Hapana mubvunzo kuti Jesu akachema paakaona kushungurudzika kwaiita Mariya naMarita nekufirwa kwavakanga vaitwa nehanzvadzi yavo. Kana wakafirwa neshamwari yepedyo kana kuti nemumwe munhu wemumhuri, unogona kunge wakavawo nemanzwiro akadaro. Ona zvidzidzo zvitatu zvaungadzidza panyaya iyi.

7. Misodzi yaJesu inotidzidzisei nezvaJehovha?

7Jehovha anonzwisisa manzwiro auri kuita. Jesu ‘ndiye mufananidzo chaiwo’ waBaba vake. (VaH. 1:3) Jesu paakachema airatidza manzwiro anoita Baba vake. (Joh. 14:9) Kana wakafirwa nemunhu wepedyo, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoona kushungurudzika kwauri kuita uye kuti anorwadziwa pamwe chete newe. Anoda kukuporesa paunenge wakaora mwoyo.—Pis. 34:18; 147:3.

8. Nei tiine chokwadi chekuti Jesu achamutsa hama neshamwari dzedu dzakafa?

8Jesu anoda kumutsa hama neshamwari dzako dzakafa. Asati achema, Jesu akaudza Marita kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Marita aitenda zvakataurwa naJesu. (Joh. 11:23-27) Sezvo Marita ainamata Jehovha, zviri pachena kuti aiziva nezvekumutswa kwakanga kwaitwa vamwe vanhu nevaprofita vanoti Eriya uye Erisha. (1 Madz. 17:17-24; 2 Madz. 4:32-37) Uye anogona kunge akanzwawo nezvevamwe vanhu vakanga vamutswa naJesu. (Ruka 7:11-15; 8:41, 42, 49-56) Unogonawo kuva nechokwadi chekuti uchaonazve hama neshamwari dzako dzakafa. Kuchema kwakaita Jesu paainyaradza shamwari dzake dzakanga dzafirwa kunoratidza kuti anoda chaizvo kumutsa vakafa!

9. Ungatevedzera sei Jesu pakunyaradza vaya vakafirwa? Taura muenzaniso.

9Unogona kunyaradza vaya vakafirwa. Jesu haana kungogumira pakuchema naMarita naMariya, asiwo akavateerera uye akavanyaradza. Izvi ndizvo zvatinogona kuitawo kune vaya vanenge vafirwa. Mumwe mukuru wekuAustralia anonzi Dan anoti: “Pandakafirwa nemudzimai wangu, ndaida kunyaradzwa. Nguva dzese hama dzakawanda nemadzimai adzo vainge vakagadzirira kunditeerera. Vaindirega ndichitaura nezvekurwadziwa kwandaiita uye vaisanyara pandaichema. Pandaisakwanisa kuita zvinhu zvakadai sekugeza mota, kunotenga zvekudya uye kubika, vaindibatsira. Uye vaigara vachinyengetera neni. Vakaratidza kuti vaiva shamwari dzechokwadi uye hama ‘dzakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.’”—Zvir. 17:17.

JESU AKACHEMA NEKUTI AIVA NEHANYA NEVANHU VAAIPARIDZIRA

10. Rondedzera chiitiko chakanyorwa pana Ruka 19:36-40.

10 Jesu akasvika muJerusarema musi waNisani 9, 33 C.E. Paakanga ava pedyo neguta racho, vanhu vakawanda vakaungana uye vakatanga kuwaridza nguo dzavo mumugwagwa vachiratidza kuti vaibvuma kuti aiva Mambo wavo. Ichi chaiva chiitiko chinofadza. (Verenga Ruka 19:36-40.) Saka vadzidzi vake vangangodaro vaisatarisira zvakabva zvazoitwa naJesu. “Paakasvika pedyo neguta, akariona akatanga kurichema.” Aine misodzi, Jesu akataura zvinhu zvinotyisa zvaizoitika kuvanhu vaigara muJerusarema.—Ruka 19:41-44.

11. Nei Jesu akachema vagari vemuJerusarema?

11 Jesu akarwadziwa mumwoyo nekuti aiziva kuti pasinei nekugamuchirwa zvakanaka kwaainge aitwa, vaJudha vakawanda vakanga vatoratidza kuti vaisazogamuchira mashoko eUmambo. Izvi zvaizoita kuti Jerusarema riparadzwe, uye vaya vaizopona pakuparadzwa kweguta racho vaizova nhapwa. (Ruka 21:20-24) Zvinorwadza kuti sezvakanga zvataurwa naJesu, vanhu vakawanda vakamuramba. Kwaunogara, vanhu vakawanda vanoita sei pavanonzwa mashoko eUmambo? Kana kuine vashoma vanofarira zvaunoedza kuita kuti uvadzidzise chokwadi, ungadzidzei pakuchema kwakaita Jesu vagari vemuJerusarema? Ngationei zvimwe zvinhu zvitatu zvatinodzidza.

12. Tinodzidzei nezvaJehovha pakuchema kwakaita Jesu vavakidzani vake?

12Jehovha ane hanya nevanhu. Misodzi yaJesu inotiyeuchidza kuti Jehovha ane hanya zvakadii nevanhu. “Hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakutendeuka.” (2 Pet. 3:9) Mazuva ano tinoratidza kuti tinoda vavakidzani vedu nekuita zvese zvatinogona kuti tivabatsire kudzidza nezvemashoko akanaka eUmambo.—Mat. 22:39. *

Chinja nguva dzaunoita ushumiri hwako sezvaiitwa naJesu (Ona ndima 13-14) *

13-14. Jesu akaratidza sei kuti aiva nehanya nevanhu uye tingamutevedzera sei?

13Jesu aishanda nesimba muushumiri. Akaratidza kuti aida vanhu nekuramba achivadzidzisa pese paaiwana mukana. (Ruka 19:47, 48) Chii chaiita kuti Jesu adaro? Aivanzwira tsitsi. Dzimwe nguva vanhu vakawanda vaida kunzwa mashoko aJesu zvekuti iye nevadzidzi vake ‘vaitadza kana kudya.’ (Mako 3:20) Pane imwe nguva, Jesu akaparidza usiku nekuti ndiyo nguva yainge yakanakira mumwe muteereri wake. (Joh. 3:1, 2) Vanhu vakawanda vaiteerera Jesu havana kuzova vadzidzi vake. Asi vese vakamunzwa vakawana uchapupu hwakasimba. Mazuva ano tinoda kupa munhu wese mukana wekuti anzwe mashoko akanaka. (Mab. 10:42) Kuti tikwanise kuita izvi, pamwe pacho tingatoda kuchinja maitiro atinoita ushumiri hwedu.

14Iva nechido chekuchinja maitiro aunoita ushumiri hwako. Kana tisingachinji nguva yatinoita ushumiri hwedu, tinogona kutadza kuwana vamwe vanhu vanofarira mashoko akanaka. Mumwe piyona anonzi Matilda anoti: “Ini nemurume wangu tinoedza kuparidzira vanhu panguva dzakasiyana-siyana. Mangwanani-ngwanani tinoparidza munzvimbo dzemabhizinesi. Masikati tinoparidza nechingoro vanhu vakawanda pavanenge vava kufamba famba. Zuva parinenge rava kudoka, tinowana vanhu vakawanda mudzimba dzavo.” Pane kuti tiparidze panguva yakatinakira tinofanira kuva nechido chekuchinja nguva yedu kuitira kuti tiparidze panguva inowanzowanika vanhu vakawanda. Kana tikadaro tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha ari kufadzwa nazvo.

JESU AKACHEMA NEKUTI AINETSEKA NEZVEZITA RAJEHOVHA

Teterera kuna Jehovha paunenge uchishungurudzika sezvakaitwa naJesu (Ona ndima 15-17) *

15. Sezvakanyorwa pana Ruka 22:39-44, chii chakaitika usiku hwekupedzisira Jesu asati aurayiwa?

15 Usiku hwaNisani 14, 33 C.E., Jesu akaenda muGetsemane. Ari imomo akadurura mwoyo wake kuna Jehovha. (Verenga Ruka 22:39-44.) Panguva iyoyo Jesu ‘akanyengetera achiteterera, achiita zvekuchema nemisodzi.’ (VaH. 5:7) Jesu akanyengetera nezvei usiku ihwohwo hwekupedzisira asati afa? Akanyengetera achikumbira simba rekuti arambe akavimbika kuna Jehovha uye kuti aite kuda kwaMwari. Jehovha akanzwa munyengetero wemwoyo wese wakapiwa neMwanakomana wake uye akatuma ngirozi kuti imusimbise.

16. Nei Jesu aishungurudzika paainyengetera muGetsemane?

16 Zviri pachena kuti Jesu akachema paainyengetera muGetsemane nekuti aishungurudzika kuti vanhu vaizomuona semunhu asingaremekedzi zita raMwari. Aiziva kuti zvaikosha chaizvo kuti arambe akavimbika uye kuti areverere zita raBaba vake. Kana uri kusangana nedambudziko rinoshungurudza riri kuedza kuvimbika kwawakaita kuna Jehovha, ungadzidzei pamisodzi yaJesu? Ngationei zvimwe zvidzidzo zvitatu.

17. Tinodzidzei nezvaJehovha pakupindura kwaakaita minyengetero yaJesu yemwoyo wese?

17Jehovha anonzwa kuteterera kwako. Jehovha akateerera minyengetero yaJesu yemwoyo wese. Nei akadaro? Nekuti Jesu ainyanya kufunga nezvekuramba akavimbika kuna Baba vake uye kureverera zita ravo. Kana tichinyanya kufunga nezvekuramba takavimbika kuna Jehovha uye kureverera zita rake, achapindura minyengetero yedu.—Pis. 145:18, 19.

18. Chii chinoratidza kuti Jesu ishamwari inonzwisisa manzwiro atinoita?

18Jesu anonzwisisa manzwiro aunoita. Patinenge takaora mwoyo, zvinofadza kuva neshamwari inonzwisisa manzwiro atinenge tichiita, kunyanya kana iri iya yakambosangana nedambudziko rakafanana neratiri kusangana naro. Jesu ndiye shamwari yakadaro. Anoziva manzwiro anoita munhu kana asina simba uye achida rubatsiro. Anoziva patisina kusimba uye achava nechokwadi chekuti tawana rubatsiro “panguva yakakodzera.” (VaH. 4:15, 16) Jesu akabvuma kubatsirwa nengirozi muGetsemane. Tinofanirawo kubvuma rubatsiro rwatinopiwa naJehovha urwo rwatinogona kuwana mune rimwe remabhuku edu, muvhidhiyo, muhurukuro kana kuti pakukurudzirwa kwatinoitwa nemukuru kana muKristu akasimba pakunamata.

19. Ungaitei kuti uwane simba? Taura muenzaniso.

19Jehovha achakupa “rugare rwaMwari.” Jehovha achatisimbisa sei? Patinonyengetera, tichawana “rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese.” (VaF. 4:6, 7) Rugare rwatinopiwa naJehovha runoita kuti tigadzikane mupfungwa uye titange kufunga zvakanaka. Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Luz. Inoti: “Ndainzwa kusurukirwa kakawanda. Dzimwe nguva manzwiro iwayo aiita kuti ndinzwe sekuti Jehovha haandidi. Asi pandaingotanga kunzwa saizvozvo, ndaibva ndanyengetera kuna Jehovha ndichimuudza manzwiro angu. Kunyengetera kunoita kuti ndinzwe zviri nani.” Sezvataona pahanzvadzi iyi, tinogona kuwana rugare kana tikanyengetera.

20. Tadzidzei pamisodzi yaJesu?

20 Tinowana zvidzidzo zvinotinyaradza uye zvinotibatsira pamisodzi yaJesu. Tayeuchidzwa kuti tinyaradze shamwari dzedu dzakafirwa uye tive nechivimbo chekuti Jehovha naJesu vachatinyaradza patinofirwa nemunhu watinoda. Takurudzirwa kuti tive nehanya nevanhu patinoparidza uye patinodzidzisa nekuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vanoratidza unhu uhwu hwakazonaka. Tanyaradzwa nekuziva kuti Jehovha neMwanakomana wake waanoda vanonzwisisa manzwiro edu, vanoziva patisina kusimba uye vanoda kutibatsira kutsungirira. Dai tikaramba tichishandisa zvatadzidza kusvikira Jehovha azadzisa vimbiso yake ‘yekupukuta misodzi yese pamaziso edu’!—Zvak. 21:4.

RWIYO 120 Tevedzera Unyoro hwaKristu

^ ndima 5 Dzimwe nguva Jesu aishungurudzika zvakanyanya zvekuti misodzi yake yaibuda. Munyaya ino tichakurukura zviitiko zvitatu zvakaita kuti Jesu abude misodzi uye zvatingadzidza pamisodzi yake.

^ ndima 1 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 6 Ona Insight on the Scriptures, Volume 2, peji 69.

^ ndima 12 Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “muvakidzani” pana Mateu 22:39 haringorevi vanhu vanogara pedyo nesu. Rinogona kureva munhu wese watinotaura naye.

^ ndima 58 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu akanyaradza Mariya naMarita. Tinogonawo kunyaradza vaya vanenge vafirwa nevanhu vavanoda.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu akazvipira kudzidzisa Nikodhimo usiku. Tinofanira kudzidza Bhaibheri nevanhu panguva yakavanakira.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu akanyengetera achikumbira simba rekuti arambe akavimbika kuna Jehovha. Ndizvo zvatinofanirawo kuita patinenge tasangana nemiedzo.