Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 2

Zvaunodzidza Pamunin’ina waJesu

Zvaunodzidza Pamunin’ina waJesu

“Jakobho, muranda waMwari uye waShe Jesu Kristu.”—JAK. 1:1.

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

ZVICHADZIDZWA *

1. Jakobho akakurira mumhuri yakaita sei?

JAKOBHO, munin’ina waJesu akakurira mumhuri yainge yakasimba pakunamata. Vabereki vake Josefa naMariya, vaida Jehovha zvikuru uye vaiita zvese zvavaigona kuti vamushumire. Jakobho aiva nechimwe chikomborero. Mukoma wake aizova Mesiya akavimbiswa. Iyi yaiva ropafadzo yakazonaka kuna Jakobho, kuva mumhuri iyoyo.

Paaikura naJesu, Jakobho akasvika pakunyatsoziva mukoma wake (Ona ndima 2)

2. Jakobho aiva nezvikonzero zvipi zvekuti adzidze pana mukoma wake?

2 Jakobho aiva nezvikonzero zvakawanda zvekuti adzidze pane zvaiitwa nemukoma wake. (Mat. 13:55) Semuenzaniso, Jesu ainyatsoziva Magwaro zvekuti paaiva nemakore 12, akashamisa vadzidzisi vaiva muJerusarema. (Ruka 2:46, 47) Jakobho anofanira kunge aishanda naJesu pabasa rekuveza. Kana zviri izvo, anofanira kunge akasvika pakunyatsoziva mukoma wake. Nathan H. Knorr aiwanzoti, “Unodzidza zvakawanda nezvemunhu paunoshanda naye.” * Jakobho anofanira kunge akaonawo ‘Jesu achiramba achiva neuchenjeri uye achikura uye achifarirwa naMwari nevanhu.’ (Ruka 2:52) Saka tingafunga kuti Jakobho aifanira kunge akava mumwe wevadzidzi vaJesu vekutanga. Asi handizvo zvakaitika.

3. Jesu paakatanga ushumiri hwake Jakobho akaita sei?

3 Jesu paaiita ushumiri hwake hwepanyika, Jakobho haana kuva mumwe wevadzidzi vake. (Joh. 7:3-5) Jakobho anogona kunge aiva mumwe wehama dzaJesu dzakafunga kuti akanga “arasika pfungwa.” (Mako 3:21) Uye hapana chinoratidza kuti Jakobho aiva naamai vake Mariya, Jesu paakaurayiwa padanda rekutambudzirwa.—Joh. 19:25-27.

4. Zvidzidzo zvipi zvatichakurukura?

4 Jakobho akazotenda muna Jesu uye akava mukuru anoremekedzwa muungano yechiKristu. Munyaya ino tichakurukura zvidzidzo zviviri zvatinogona kudzidza pana Jakobho zvinoti: (1) nei tichifanira kuramba tichizvininipisa uye (2) tingaitei kuti tive vadzidzisi vanobudirira?

RAMBA UCHIZVININIPISA SEZVAIITWA NAJAKOBHO

Jakobho akazvininipisa Jesu paakazviratidza kwaari, uye kubvira ipapo akashumira semudzidzi waKristu akatendeka (Ona ndima 5-7)

5. Jakobho akaita sei pashure pekunge Jesu azviratidza kwaari?

5 Jakobho akava muteveri waJesu riini? Jesu paakamutswa, ‘akazviratidza kuna Jakobho, akazozviratidza kuvaapostora vese.’ (1 VaK. 15:7) Pashure pekuonana naJesu, Jakobho akazova mudzidzi waJesu. Aivapowo vaapostora pavaimirira kugamuchira mweya mutsvene vari muimba yepamusoro muJerusarema. (Mab. 1:13, 14) Jakobho akazova neropafadzo yekushumira senhengo yedare rinotungamirira. (Mab. 15:6, 13-22; VaG. 2:9) Uye gore ra62 C.E. risati rasvika, akafemerwa kuti anyorere vaKristu vakazodzwa tsamba. Tsamba iyoyo inotibatsira mazuva ano, tingava tiine tariro yekudenga kana kuti yepanyika. (Jak. 1:1) Munyori anonzi Josephus, akanyora kuti Mupristi Mukuru wechiJudha Ananiyasi ndiye akarayira kuti Jakobho aurayiwe. Jakobho akaramba akatendeka kuna Jehovha kusvikira apedza upenyu hwake hwepanyika.

6. Jakobho ainge akasiyana papi nevatungamiriri vechitendero vepanguva yake?

6Jakobho aizvininipisa. Nei tichitaura kudaro? Ona musiyano uri pakati pezvakazoitwa naJakobho nezvakaitwa nevatungamiriri vakawanda vechitendero. Jakobho paakaona uchapupu husingarambiki hwekuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, akahugamuchira achizvininipisa. Izvi handizvo zvakaitwa nevatungamiriri vevapristi vaiva muJerusarema. Semuenzaniso, vakashaya kuti vozviramba sei kuti Jesu akanga amutsa Razaro. Pane kuti vabvume kuti Jesu aiva mumiririri waJehovha, vakaedza kuuraya Jesu naRazaro. (Joh. 11:53; 12:9-11) Pave paya Jesu pachake paakamutswa, vakaedza kuita kuti vanhu vasazviziva. (Mat. 28:11-15) Kuzvikudza kwevatungamiriri vechitendero ivavo kwakaita kuti varambe Mesiya.

7. Nei tisingafaniri kuzvikudza?

7Zvatinodzidza: Usazvikudza uye bvuma kudzidziswa naJehovha. Sezvinoita chirwere chinogona kuita kuti mwoyo usashanda zvakanaka, kuzvikudza kunogona kuita kuti munhu atadze kuteerera Jehovha. VaFarisi vaizvikudza zvekuti vakaramba kubvuma uchapupu hwaiva pachena hwekuti Jesu aiva nemweya waMwari uye aiva Mwanakomana waMwari. (Joh. 12:37-40) Izvozvo zvainge zvakavaipira nekuti zvakaita kuti vasazowana upenyu husingaperi. (Mat. 23:13, 33) Zvinokosha chaizvo kuti tirambe tichibvumira Shoko raMwari nemweya wake kuti zviumbe unhu hwedu, mafungiro edu, uye zvisarudzo zvatinoita. (Jak. 3:17) Kuzvininipisa kwaiita Jakobho kwakaita kuti abvume kudzidziswa naJehovha. Uye sezvatichaona, kuzvininipisa ikoko kwakaita kuti ave mudzidzisi ane unyanzvi.

DZIDZISA ZVINE UNYANZVI SEZVAIITA JAKOBHO

8. Chii chichatibatsira kuti tive vadzidzisi vane unyanzvi?

8 Jakobho akanga asina dzidzo yekunyika inoshamisira. Vatungamiriri vechitendero vepanguva yake vanogona kunge vaimuona ‘semunhu asina kudzidza uye munhuwo zvake,’ semaonero avaiita vaapostora Petro naJohani. (Mab. 4:13) Asi Jakobho akadzidza kuva mudzidzisi ane unyanzvi sezvatinoona patinoverenga bhuku rine zita rake. Sezvainge zvakaita Jakobho, tinogona kunge tisina dzidzo yakawanda yenyika. Kunyange zvakadaro, tichibatsirwa nemweya waJehovha uye kudzidziswa kwatinoitwa nesangano rake, isuwo tinogona kuva vadzidzisi vane unyanzvi. Ngatikurukurei zvaiitwa naJakobho paaidzidzisa toona zvatingadzidza.

9. Tsanangura madzidzisiro aiita Jakobho.

9Jakobho aisashandisa mashoko akaoma kana tsanangudzo dzisiri nyore kunzwisisa. Izvi zvaiita kuti vateereri vake vazive zvavaifanira kuita uye maitirwo azvo. Semuenzaniso, ona kudzidzisa kwaakaita zviri nyore kuti vaKristu vanofanira kubvuma kuitirwa zvakaipa vasingachengeti chigumbu. Akanyora kuti: “Tinoti vanofara vaya vakatsungirira. Makanzwa nezvekutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakazoitirwa naJehovha, kuti Jehovha ane tsitsi huru uye ane ngoni.” (Jak. 5:11) Ona kuti Jakobho aishandisa Magwaro paaidzidzisa. Akashandisa Shoko raMwari kuti abatsire vateereri vake kuona kuti Jehovha anopa mubayiro vaya vakavimbika kwaari sezvaakaita kuna Jobho. Jakobho akashandisa mashoko ari nyore uye tsanangudzo dzisina kuoma kuti abudise chidzidzo ichocho. Nemadzidzisiro aya, Jakobho akaita kuti vanhu vanyanye kufunga nezvaJehovha kwete nezvake.

10. Ndeipi imwe nzira yatingatevedzera nayo Jakobho patinodzidzisa?

10Zvatinodzidza: Ita kuti zvaunodzidzisa zvive nyore kunzwisisa, uye dzidzisa uchishandisa Shoko raMwari. Patinodzidzisa vamwe, hatifaniri kuedza kuvaratidza kuti tinoziva zvakawanda zvakadii, asi tinofanira kuvaratidza kuti Jehovha anoziva zvakawanda zvakadii uye kuti ane hanya navo. (VaR. 11:33) Tinokwanisa kuita izvozvo kana tikaita kuti zvese zvatinotaura zvibve muBhaibheri. Pane kuti tiudze vadzidzi veBhaibheri zvataizoita, tinofanira kuvabatsira kuti vafunge nezvemienzaniso iri muBhaibheri uye kuti vanzwisise mafungiro aJehovha uye manzwiro ake. Vachabva vashandisa zvavanenge vadzidza nekuti vanoda kufadza Jehovha kwete isu.

11. Matambudziko api aisangana nevamwe vaKristu panguva yaJakobho, uye akavapa zano ripi? (Jakobho 5:13-15)

11Jakobho ainzwisisa matambudziko aisangana nehama nehanzvadzi dzake. Patinotarisa mutsamba yake, zviri pachena kuti Jakobho aiziva matambudziko aisangana nehama nehanzvadzi dzake uye akavaudza zvakajeka kuti vangakunda sei matambudziko aya. Semuenzaniso, vamwe vaKristu vainonoka kushandisa mazano. (Jak. 1:22) Vamwe vaingofarira vanhu vakapfuma chete. (Jak. 2:1-3) Vamwewo vaiomerwa nekudzora rurimi rwavo. (Jak. 3:8-10) VaKristu ivavo vaiva nezvinhu zvakakura zvavaikanganisa, asi Jakobho aiva netariro yekuti vaigona kuchinja. Akapa zano rake zvakanaka asi asingatendereri uye akakurudzira vaya vairwara pakunamata kuti vabatsirwe nevakuru.—Verenga Jakobho 5:13-15.

12. Tinofanira kuva nemaonero api patinenge tichibatsira vadzidzi veBhaibheri?

12Zvatinodzidza: Ona zvinhu sezvazviri asi ramba uine netariro yekuti vanhu vanogona kuchinja. Vakawanda vatinodzidza navo Bhaibheri vanogona kuomerwa nekushandisa zvavanodzidza. (Jak. 4:1-4) Zvinogona kuvatorera nguva kuti vabvise unhu hwakaipa vova neunhu hwechiKristu. Tichitevedzera Jakobho, tinofanira kuva neushingi hwekuudza vadzidzi vedu veBhaibheri pavanofanira kugadzirisa. Tinodawo kuramba tiine tariro tichivimba kuti Jehovha achaita kuti vanhu vanozvininipisa vauye kwaari uye kuti achavapa simba rekuti vachinje mararamiro avo.—Jak. 4:10.

13. Sezviri pana Jakobho 3:2, Jakobho aizivei?

13Jakobho aisazviona seari nani pane vamwe. Jakobho aisafunga kuti ari nani pane vamwe vaKristu nenyaya yekuti aiva munin’ina waJesu kana kuti aiita mabasa anokosha. Aidana vaKristu vaainamata navo kuti “hama dzangu dzinodiwa.” (Jak. 1:16, 19; 2:5) Haana kuita kuti vamwe vafunge kuti ainge asingatadzi. Akabvumawo kuti aikanganisa paakataura kuti: “Tese tinokanganisa kazhinji.”—Verenga Jakobho 3:2.

14. Nei tichifanira kubvuma kuti tinokanganisawo?

14Zvatinodzidza: Yeuka kuti tese tiri vatadzi. Hatifaniri kufunga kuti tiri nani pane vaya vatinodzidzisa. Nei tisingafaniri kufunga kudaro? Kana tikaita kuti mudzidzi wedu afunge kuti hatina chatinombokanganisa, anogona kupedzisira ava kufunga kuti haangambokwanisi kufadza Mwari. Asi patinomuudza kuti zvaimbotiomerawo kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri, tomutsanangurira kuti Jehovha akatibatsira sei kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwedu, achabva aona kuti naiyewo anokwanisa kushumira Jehovha.

Mifananidzo yaJakobho yaiva nyore kunzwisisa, yainge yakajeka uye yaibaya mwoyo (Ona ndima 15-16) *

15. Jakobho akashandisa mifananidzo yakaita sei? (Jakobho 3:2-6, 10-12)

15Jakobho akashandisa mifananidzo inosvika pamwoyo. Zviri pachena kuti akabatsirwa nemweya mutsvene, asi anofanira kunge akadzidzawo zvakawanda panyaya yekudzidzisa nekuongorora mifananidzo yakashandiswa nemukoma wake Jesu. Mifananidzo yakashandiswa naJakobho mutsamba yake iri nyore kunzwisisa uye zvidzidzo zvacho zvakajeka.—Verenga Jakobho 3:2-6, 10-12.

16. Kushandisa mifananidzo inojekesa pfungwa yatiri kutaura kunobatsirei?

16Zvatinodzidza: Shandisa mifananidzo inojekesa pfungwa yauri kutaura. Paunoshandisa mifananidzo zvakakodzera, unobatsira vanhu kuti vaite sevari kuona zvauri kuvadzidzisa. Izvozvo zvingaita kuti vateereri vako vayeuke pfungwa dzinokosha dziri muBhaibheri. Jesu aiva neunyanzvi pakushandisa mifananidzo uye ndizvo zvakatevedzerwawo nemunin’ina wake Jakobho. Ngationgororei mufananidzo mumwe chete wakashandiswa naJakobho toona kuti nei uchinyatsoshanda.

17. Nei mufananidzo wakanyorwa pana Jakobho 1:22-25 uchinyatsoshanda?

17 Verenga Jakobho 1:22-25. Pane zvikonzero zvakawanda zvinoratidza kuti mufananidzo wegirazi wakashandiswa naJakobho unonyatsoshanda. Aiva nechidzidzo chaaida kubudisa pachena chekuti kana tichida kubatsirwa neShoko raMwari hatifaniri kungogumira pakuriverenga chete, asi tinofanirawo kuita zvatinenge taverenga. Jakobho akashandisa mufananidzo waiva nyore kuti vateereri vake vanzwisise. Akataura nezvemunhu ari kutarisa mugirazi. Chidzidzo chiripo ndechei? Hazvina zvazvinobatsira kuti munhu atarise mugirazi oona panoda kugadziriswa asi ongopasiya pakadaro. Hazvinawo zvazvinobatsira kuti tiverenge Shoko raMwari toona chimwe chinhu chatinofanira kugadzirisa paunhu hwedu asi tongosiya zvakadaro.

18. Ndezvipi zvinhu zvitatu zvatinofanira kuita patinenge tichishandisa mufananidzo?

18 Kana uchishandisa mufananidzo, unogona kutevedzera Jakobho nekuita zvinhu zvitatu zvinoti: (1) Muenzaniso wako unofanira kuita kuti pfungwa yauri kutaura ijeke. (2) Shandisa mufananidzo unonzwisiswa zviri nyore nevateereri vako. (3) Ita kuti chidzidzo chiri mumufananidzo wacho chibude pachena. Kana uchiomerwa nekuwana mifananidzo yekushandisa, tarisa muWatch Tower Publications Index. Kana ukaenda pakanzi “Illustrations,” uchaona mifananidzo yakawanda yaunogona kushandisa. Asi yeuka kuti mifananidzo yakafanana negudzanzwi pakuti inoita kuti pfungwa yaunenge uchida kubudisa iwedzere kujeka. Saka zvakanaka kungoshandisa mufananidzo paunenge uchida kusimbisa pfungwa huru chete. Chinonyanya kuita kuti tide kuvandudza madzidzisiro edu haisi nyaya yekuti tizvitsvagire mbiri, asi ndechekuti tinoda kubatsira vanhu vakawanda kuti vave mumhuri yaJehovha.

19. Tinoratidza sei kuti tinokoshesa hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu?

19 Jakobho aiva nemukoma asingatadzi asi isu hatina. Asi takakomborerwa kuti tinoshumira Jehovha pamwe chete nemhuri yakakura yehama nehanzvadzi dzedu. Tinoratidza kuti tinovada nekuwadzana navo, nekudzidza kwavari, uye nekushanda navo mubasa rekuparidza nekudzidzisa. Kana tikashanda nesimba pakutevedzera Jakobho paunhu hwedu, pamaitiro edu uye pamadzidzisiro edu, tinoita kuti Jehovha akudzwe uye tinobatsira vanhu vanoda kuwana upenyu kuti vaswedere pedyo naBaba vedu vekudenga vane rudo.

RWIYO 114 “Ivai Nemwoyo Murefu”

^ ndima 5 Jakobho akakurira mumhuri imwe chete naJesu. Aiziva Mwanakomana waMwari akakwana kupfuura vanhu vakawanda vepanguva iyoyo. Munyaya ino tichaongorora zvatinogona kudzidza paupenyu nedzidziso zvemunin’ina waJesu uyo akazova mbiru muungano yechiKristu

^ ndima 2 Nathan H. Knorr aiva nhengo yeDare Rinotungamirira. Akapedza upenyu hwake hwepanyika muna 1977.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jakobho akashandisa muenzaniso wemoto uyo unonzwisiswa zviri nyore paaitaura nezvekushandisa rurimi rwedu zvisina kunaka.