Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 4

Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo

Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo

“Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—RUKA 22:19.

RWIYO 19 Kudya kwaShe Kwemanheru

ZVICHADZIDZWA a

1-2. Nei tichipinda Chirangaridzo gore rega rega?

 MAKORE anenge 2,000 apfuura, Jesu akatifira, uye izvi zvakavhura nzira yekuti tiwane upenyu husingaperi. Usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akarayira vateveri vake kuti vayeuke rudo rwaakaratidza. Izvi zvinoitwa kuburikidza nechiitiko chinongoda chingwa newaini.—1 VaK. 11:23-26.

2 Tinoteerera murayiro waJesu nekuti tinomuda chaizvo. (Joh. 14:15) Gore rega rega mumwaka weChirangaridzo, tinoratidza kuonga kwatinoita zvaakatiitira nekuwana nguva yekufungisisa kubatsirwa kwatinoitwa nerufu rwake uye kunyengetera nezvazvo. Tinofarawo kuwedzera zvatinoita muushumiri, tichikoka vakawanda kuti vabatane nesu pachiitiko ichi chinokosha. Uye hatitombodi kurega chero chii zvacho chichititadzisa kupinda Chirangaridzo.

3. Tichaongororei munyaya ino?

3 Munyaya ino, tichaongorora zvinhu zvitatu zvinokosha zvakaitwa nevanhu vaJehovha kuti vachengete rufu rwaJesu zvinoti: (1) kuchengeta Chirangaridzo sezvakadzidziswa naJesu, (2) kukoka vamwe kuChirangaridzo, uye (3) kuchengeta Chirangaridzo pasinei nematambudziko.

KUCHENGETA CHIRANGARIDZO SEZVAKADZIDZISWA NAJESU

4. Mibvunzo ipi inopindurwa gore rega rega paChirangaridzo, uye nei tisingafaniri kurerutsa chokwadi ichi? (Ruka 22:19, 20)

4 Gore rega rega paChirangaridzo tinoteerera hurukuro yeBhaibheri inopindura mibvunzo yakati wandei. Tinodzidza kuti nei vanhu vachida rudzikinuro uye kuti rufu rwemunhu mumwe chete rwunobhadhara sei zvivi zvevazhinji. Tinoyeuchidzwa kuti chingwa newaini zvinomiririrei uye kuti ndivanaani vanofanira kudya nekunwa. (Verenga Ruka 22:19, 20.) Uye tinofungisisa nezvemakomborero achawanikwa nevaya vane tariro yekurarama panyika. (Isa. 35:5, 6; 65:17, 21-23) Hatifaniri kurerutsa chokwadi ichi. Mabhiriyoni evanhu haazivi chokwadi ichi uye havanzwisisi kukosha kwakaita chibayiro chaJesu. Havachengetiwo Chirangaridzo cherufu rwaJesu maererano nezvaakadzidzisa. Nei zvakadaro?

5. Pashure pekunge vaapostora vakawanda vafa, vanhu vakatanga kuyeuka rufu rwaJesu sei?

5 Pashure pekunge vaapostora vaJesu vakawanda vafa, muungano makava nevaKristu vekunyepedzera. (Mat. 13:24-27, 37-39) Vaitaura zvinhu “zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mab. 20:29, 30) Chimwe chezvinhu “zvisina kururama” chakapedzisira chava kudzidziswa nevaKristu vekunyepera ndechekuti Jesu haana kupa muviri wake “kamwe chete zvikabva zvakwana kuti atakure zvivi zvevakawanda,” sezvinotaurwa neBhaibheri, asi kuti chibayiro chake chinofanira kuramba chichipiwa. (VaH. 9:27, 28) Mazuva ano vanhu vakawanda vanotenda dzidziso iyi yenhema. Vanoenda kuchechi vhiki rega rega, uye dzimwe nguva mazuva ese, kuti vachengete chavava kuti “Chibayiro cheMisa.” b Zvimwe zvitendero hazvichengeti rufu rwaJesu kakawanda zvakadaro, asi vanhu vakawanda vanopinda zvitendero izvozvo havanyatsonzwisisi zvinorehwa nechibayiro chaJesu. Vamwe vangazvibvunza kuti, ‘Rufu rwaJesu rwungaita kuti zvivi zvangu zviregererwe here?’ Nei vachibvunza mubvunzo iwoyo? Pamwe pacho vanenge vakadzidziswa nevaya vanoti zvivi hazvikwanisi kuregererwa pachishandiswa chibayiro chaJesu. Vateveri vaJesu vechokwadi vakaita sei nenyaya iyi?

6. Pakazosvika 1872, vadzidzi veBhaibheri vakanga vava kunzwisisei?

6 Makore ekuma1800 ava kunopera, boka revadzidzi veBhaibheri raitungamirirwa naCharles Taze Russell rakatanga kudzidza Magwaro zvakadzama. Vaida kuziva chokwadi nezvekukosha kwechibayiro chaJesu uye kuti rufu rwaJesu rwunofanira kuyeukwa sei. Pakazosvika 1872, vakanga vava kunzwisisa kuti Jesu akaita kuti pave nerudzikinuro rwevanhu vese. Havana kunyarara nezvavakawana. Asi vakaita kuti vamwe vazvizive vachishandisa mabhuku, mapepanhau, uye magazini. Uye panguva iyoyo, vachitevedzera vaKristu vekutanga, vakatanga kuungana kamwe chete pagore kuti vachengete Chirangaridzo.

7. Tinobatsirwa sei netsvakurudzo yakaitwa nevadzidzi veBhaibheri?

7 Mazuva ano tinobatsirwa netsvakurudzo yakaitwa kare nevaKristu ivavo. Tinobatsirwa sei? Jehovha akatibatsira kuti tinzwisise zvinorehwa nechibayiro chaJesu, uye kubatsira kwachinoita. (1 Joh. 2:1, 2) Takadzidzawo kuti Bhaibheri rine tariro mbiri dzarinopa vanhu vanofadza Mwari. Vamwe vachararama kudenga vasingafi uye vamwe vachawana upenyu husingaperi panyika. Tinowedzera kuswedera pedyo naJehovha patinofunga nezvekuda kwaanotiita uye kuti mumwe nemumwe wedu anobatsirwa sei nechibayiro chaJesu. (1 Pet. 3:18; 1 Joh. 4:9) Saka tichitevedzera hama dzedu dzakatendeka dzekare, tinokoka vamwe kuti vabatane nesu pakuchengeta Chirangaridzo maererano nezvakadzidziswa naJesu.

KUKOKA VAMWE KUCHIRANGARIDZO

Ungaitei kuti unyatsoita mushandirapamwe wekukoka vanhu kuChirangaridzo? (Ona ndima 8-10) e

8. Zvii zvakaitwa nevanhu vaJehovha pakukoka vanhu kuChirangaridzo? (Ona mufananidzo.)

8 Vanhu vaJehovha vava nemakore akawanda vachikoka vamwe kuChirangaridzo. Kutanga muna 1881, hama nehanzvadzi dzemuUnited States dzakakokwa kumusangano wakaitirwa pane imwe imba muAllegheny, Pennsylvania, kuti vachengete chiitiko ichocho chinokosha. Nekufamba kwenguva, ungano imwe neimwe yakanga yava kuita yega Chirangaridzo. Muna March 1940, vaparidzi vakaudzwa kuti vaigona kukoka chero munhu wemundima yavo ainge aratidza kufarira. Muna 1960, sangano rakatanga kupa ungano mapepa akaprindwa ekukoka vanhu. Kubva ipapo, mabhiriyoni emapepa ekukoka vanhu kuChirangaridzo akaparadzirwa. Nei tichishanda nesimba zvakadaro pakukoka vamwe?

9-10. Ndivanaani vanobatsirwa nebasa ratinoita pakukoka vamwe kuChirangaridzo? (Johani 3:16)

9 Chimwe chikonzero chinoita kuti tikoke vamwe kuChirangaridzo ndechekuti tinoda kuti vaya vanenge vapinda kekutanga vadzidze zvatakaitirwa naJehovha naJesu. (Verenga Johani 3:16.) Tinovimba kuti zvavanoona uye zvavanonzwa paChirangaridzo zvichaita kuti vade kudzidza zvakawanda vova vashumiri vaJehovha. Asi vamwe vanobatsirwawo.

10 Tinokokawo vaya vasingachashumiri Jehovha. Tinoita izvozvo kuti tivayeuchidze kuti Mwari achiri kuvada. Vakawanda vanouya, uye tinofara chaizvo kuvaona. Kupinda Chirangaridzo kunovayeuchidza mufaro wavaiwana pavaishumira Jehovha. Funga zvakaitika kuna Monica. c Panguva yeCOVID-19 akatangazve kuita basa rekuparidza. Pashure pekupinda Chirangaridzo muna 2021, akati: “Chirangaridzo ichi changa chichikosha chaizvo kwandiri. Kekutanga pashure pemakore 20, ndakakwanisa kuparidzira vanhu uye kuvakoka kuChirangaridzo. Ndakaita zvese zvandinogona pakukoka vamwe nekuti ndinotenda chaizvo zvandakaitirwa naJehovha naJesu.” (Pis. 103:1-4) Pasinei nekuti vanhu vanobvuma kukokwa here kana kuti kwete, tinovakoka kuChirangaridzo nemwoyo wese tichiziva kuti Jehovha anokoshesa basa redu.

11. Jehovha ari kukomborera sei zvatinoita pakukoka vanhu kuChirangaridzo? (Hagai 2:7)

11 Jehovha ari kukomborera chaizvo kukoka kwatinoita vanhu kuChirangaridzo. Muna 2021, pasinei nekutadziswa kuita zvimwe zvinhu nechirwere cheCOVID-19, vanhu vakapinda Chirangaridzo vaiva 21 367 603. Nhamba iyoyo inopeta kanenge kaviri nehafu nhamba yeZvapupu zvaJehovha pasi rese. Jehovha haanei nemanhamba. Ane hanya nemumwe nemumwe anenge auya. (Ruka 15:7; 1 Tim. 2:3, 4) Tine chokwadi kuti patinoita basa rekukoka vanhu kuChirangaridzo, Jehovha anotibatsira kuti tiwane vanhu vanoda kudzidza chokwadi.—Verenga Hagai 2:7.

KUPINDA CHIRANGARIDZO PASINEI NEMATAMBUDZIKO

Jehovha anokomborera zvatinoita kuti tichengete Chirangaridzo (Ona ndima 12) f

12. Matambudziko api angaita kuti zvitiomere kuchengeta Chirangaridzo? (Ona mufananidzo.)

12 Jesu akataura kuti mumazuva ekupedzisira, taizosangana nematambudziko akasiyana-siyana akadai sekupikiswa nevemumhuri, kutambudzwa, hondo, zvirwere, nemamwe akawanda. (Mat. 10:36; Mako 13:9; Ruka 21:10, 11) Dzimwe nguva matambudziko aya anoita kuti zvitiomere kuti tiite Chirangaridzo cherufu rwaJesu. Zvii zvakaitwa nehama nehanzvadzi dzedu kuti dzikunde matambudziko akadaro uye Jehovha akadzibatsira sei?

13. Jehovha akakomborera sei ushingi uye chido zvaiva naArtem kuti achengete Chirangaridzo paaiva mujeri?

13 Kuiswa mujeri. Hama dzedu dziri mumajeri nemhaka yekutenda kwadzo dzinoita zvese zvadzinogona kuti dzichengete rufu rwaJesu. Funga zvakaitika kuna Artem. Mumwaka weChirangaridzo wa2020, akaiswa mukachitokisi kadiki kaigara kaine vasungwa 4 kana 5. Pasinei nekuva mujeri, akakwanisa kuwana zvinhu zvekushandisa paChirangaridzo, uye akaronga kuti aizopa hurukuro yeChirangaridzo kuitira kuti abatsirike. Asi varume vaiva musero rake vaiputa zvisingaite uye vaigara vachitaura mashoko akashata. Saka akaitei? Akavakumbira kuti vambomira kutuka nekuputa kweawa imwe chete. Artem akashamiswa kuti varume vacho vakabvuma kuti vaisazoputa kana kutuka panguva yeChirangaridzo. Artem anoti: “Ndakavaudza kuti kana vachida ndaizovaudza nezveChirangaridzo.” Kunyange zvazvo vakati vaisada kunzwa nezvechiitiko chacho, pashure pekuona uye kunzwa Artem achichengeta Chirangaridzo, vakamubvunza nezvacho.

14. Vanhu vaJehovha vakaitei kuti vachengete Chirangaridzo pasinei nekupararira kweCOVID-19?

14 Chirwere cheCOVID-19. Paipararira chirwere ichi, vanhu vaJehovha vaisakwanisa kuungana kuti vachengete Chirangaridzo. Asi izvozvo hazvina kuvatadzisa kuchengeta Chirangaridzo. d Dzimwe ungano dzakakwanisa kupinda Chirangaridzo dzichishandisa Indaneti. Asi zvakadii nemamiriyoni evanhu akanga asingakwanisi kuenda paIndaneti? Mune dzimwe nyika, urongwa hwakaitwa kuti vanhu vaone hurukuro yacho paTV kana kuiteerera paredhiyo. Uyewo, mapazi akarekodha hurukuro yacho mumitauro inopfuura 500 kuitira kuti vaya vari munzvimbo dziri kwadzo dzega vakwanise kuchengeta Chirangaridzo. Uye hama dzakaronga kuti hurukuro dzacho dziendeswe kune vaya vaidzida.  

15. Unodzidzei pane zvakaitwa nemudzidzi weBhaibheri anonzi Sue?

15 Kupikiswa nevemumhuri. Dambudziko rakanyanya kukura rinosangana nevamwe pakuchengeta Chirangaridzo, nderekupikiswa nevemumhuri. Funga zvakaitwa nemumwe mudzidzi weBhaibheri anonzi Sue. Muna 2021, kwasara zuva rimwe chete kuti Chirangaridzo chiitwe, Sue akaudza mudzidzisi wake weBhaibheri kuti nemhaka yekupikiswa kwaaiitwa kumba, aisakwanisa kupinda Chirangaridzo. Mudzidzisi wake weBhaibheri akaverenga Ruka 22:44. Akabva amutsanangurira kuti, kana tikasangana nematambudziko tinofanira kutevedzera muenzaniso waJesu wekunyengetera kuna Jehovha uye kuvimba naye zvizere. Zuva rakatevera, Sue akatsvaga chingwa newaini uye akaona progiramu yeKunamata Kwemangwanani yemusi wacho pajw.org. Manheru iwayo akapinda mumba maairara, uye akateerera Chirangaridzo pafoni yake. Sue akazonyorera mudzidzisi wake weBhaibheri achiti: “Makandikurudzira chaizvo nezuro. Ndakaita zvese zvandaigona kuti ndipinde Chirangaridzo, uye Jehovha akandibatsira. Ndiri kushaya kuti ndotaura sei kufara uye kutenda kwandiri kuita!” Unofunga kuti Jehovha anogona kukubatsira here kana ukasangana nedambudziko rakadaro?

16. Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha achakomborera zvese zvatichaita kuti tipinde Chirangaridzo? (VaRoma 8:31, 32)

16 Jehovha anokoshesa chaizvo zvatinoita kuti tiyeuke rufu rwaJesu. Tine chokwadi chekuti achatikomborera kana tikaratidza kuti tinoonga zvaakatiitira. (Verenga VaRoma 8:31, 32.) Saka ngativei nechokwadi chekuti tapinda Chirangaridzo gore rino uye ngatiitei zvese zvatinogona kuti tiwedzere zvatinoita pakushumira Jehovha mumwaka weChirangaridzo.

RWIYO 18 Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

a Musi weChipiri 4 April 2023, mamiriyoni evanhu pasi rese achachengeta Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Vakawanda kachange kari kekutanga kuchipinda. Pachange painewo vamwe vakamira kushumira Jehovha uye vava nemakore akawanda vasina kumbopinda Chirangaridzo. Vamwe zvinovaomera kuti vapinde chirangaridzo asi vanongopinda zvakadaro. Pasinei nezviri kuitika muupenyu hwako, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achafara kuti waita zvaunogona kuti uvepo.

b Vanamati vacho vanotenda kuti pavanochengeta chiitiko ichi, chingwa newaini zvinochinja kuva muviri neropa zvaKristu. Vanofunga kuti muviri neropa raJesu, zvinobayirwa nguva yega yega mumwe munhu paanodya nekunwa pachiitiko ichi.

c Mamwe mazita akachinjwa.

d Onawo pajw.org nyaya dzakanzi “2021 Memorial Commemoration.”

e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Kubva kuma1960, mapepa ekukoka vanhu kuChirangaridzo anga achivandudzwa uye pava kuwanikwa akaprindwa neepamafoni.

f KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Kuenzanisira—Hama nehanzvadzi dziri kuchengeta Chirangaridzo panguva isina kugadzikana zvinhu munyika.