Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 1

Nyatsogutsikana Kuti ‘Shoko raMwari Ichokwadi’

Nyatsogutsikana Kuti ‘Shoko raMwari Ichokwadi’

RUGWARO RWEDU RWEGORE RWA2023 RUNOTI: “Shoko renyu rese ichokwadi.”—PIS. 119:160.

RWIYO 96 Bhuku raMwari —Ipfuma Chaiyo

ZVICHADZIDZWA a

1. Nei vanhu vakawanda mazuva ano vasingavimbi neBhaibheri?

 VANHU vakawanda mazuva ano vari kushaya kuti vovimba naani. Havana chokwadi kana vanhu vavanoremekedza vakadai sevezvematongerwo enyika, masaindisti uye vemabhizinesi vaine hanya navo zvechokwadi. Uye havaremekedzi vatungamiriri vezvitendero avo vanozviti vaKristu. Saka hazvitishamisi kuti havavimbi neBhaibheri, bhuku iro vatungamiriri ivavo vezvitendero vanoti vanovimba naro.

2. Maererano naPisarema 119:160, tinofanira kuva nechokwadi chei?

2 Vanhu vaJehovha vese vane chokwadi chekuti iye ‘ndiMwari anotaura chokwadi’ uye nguva dzese anoda kuti zvinhu zvinyatsotifambira zvakanaka. (Pis. 31:5; Isa. 48:17) Tinovimba nezvatinoverenga muBhaibheri nekuti tinotenda kuti “Shoko [raMwari] rese ichokwadi.” (Verenga Pisarema 119:160.) Tinobvumirana nezvakanyorwa nemumwe muongorori weBhaibheri. Akati: “Pane zvakataurwa naMwari hapana kana kanhema karipo uye hapana chinozvitadzisa kuzadzika. Vanhu vaMwari vanogona kuvimba nezvinotaurwa naMwari nekuti vanovimba naMwari akazvitaura.”

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Tingabatsira sei vamwe kuti vavimbe neShoko raMwari sezvatinoita? Ngationei zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tivimbe neBhaibheri. Tichakurukura nezvekusachinja kwemashoko eBhaibheri, kuzadzika kweuprofita hweBhaibheri, uye kuti Bhaibheri rine simba rekuchinja upenyu hwevanhu.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HAZVINA KUCHINJA

4. Nei vamwe vanhu vachifunga kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvakachinjwa?

4 Jehovha Mwari akashandisa varume vanenge 40 vakatendeka kuti vanyore mabhuku eBhaibheri. Asi magwaro avakanyora ivo pachavo haasisipo. Ese atiinawo akakopwa kubva pane mamwe akakopwa. Izvi zvinoita kuti vamwe vanhu vave nemubvunzo kana zvatinoverenga muBhaibheri mazuva ano, zvakafanana nezvakanyorwa nevarume ivavo. Wakambozvibvunzawo here kuti tingava sei nechokwadi chekuti zvakafanana?

Vanhu vainge vakadzidziswa kukopa Magwaro echiHebheru vakashanda nesimba kuti vave nechokwadi chekuti makopi avo eShoko raMwari ainge akarurama (Ona ndima 5)

5. Magwaro echiHebheru aikopwa sei? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

5 Kuitira kuti mashoko ake akafemerwa achengetedzwe, Jehovha akarayira kuti akopwe. Akarayira madzimambo eIsraeri kuti azvinyorere Mutemo wacho uye akagadza vaRevhi kuti vadzidzise vanhu Mutemo iwoyo. (Dheut. 17:18; 31:24-26; Neh. 8:7) Pashure pekunge vaJudha vabva kuutapwa kuBhabhironi, vamwe vanyori vaiva neunyanzvi vakatanga kuita makopi akawanda eMagwaro echiHebheru. (Ezra 7:6, mashoko emuzasi) Varume ava vainyatsongwarira pavaiita basa ravo. Vakazotanga kuverenga mashoko uyewo mabhii kuti vave nechokwadi chekuti zvese zvakanyatsokopwa sezvazviri. Kunyange zvakadaro, sezvo vaiva vanhu vane chivi paivawo netumwe tunhu tudiki twavaikanganisa pakukopa. Asi paiva nemakopi akawanda ainge akakopwa, saka zvikanganiso izvozvo zvaigona kuzoonekwa. Zvaizoonekwa sei?

6. Zvikanganiso zviri mumakopi eBhaibheri zvinoonekwa sei?

6 Nyanzvi dzinoongorora Bhaibheri mazuva ano, dzine nzira yakanaka yekuona nayo zvikanganiso zvakaitwa nevaya vakakopa mashoko eBhaibheri. Semuenzaniso, ngatitii pane varume 100 vaudzwa kuti vakope mashoko ari pane imwe peji vachinyora nemaoko. Mumwe wevarume vacho anoita chikanganiso chidiki pane zvaanyora. Imwe nzira yekuona nayo chikanganiso chacho ndeyekuenzanisa zvaanyora nezvanyorwa nevamwe vese. Saizvozvowo, nyanzvi dzinoongorora Bhaibheri dzinokwanisa kuona zvikanganiso zvakaitwa nemumwe munyori padzinoenzanisa zvaakanyora nezviri mune mamwe makopi akawanda eBhaibheri.

7. Chii chinoratidza kuti vanhu vakawanda vaikopa zvinyorwa zveBhaibheri vainyatsongwarira pakuita basa ravo?

7 Vaya vaikopa zvinyorwa zveBhaibheri vaishanda zvakaoma kuti basa ravo ribude zvakarurama. Ona muenzaniso unoratidza izvi. Chinyorwa chekare kupfuura zvese, icho chine Magwaro ese echiHebheru, ndechegore ra1008 kana kuti 1009 C.E. Chinonzi Leningrad Codex. Asi munguva ichangopfuura pakawanikwa zvikamu zvakawanda zveBhaibheri zvakanyorwa makore 1 000 Leningrad Codex isati yanyorwa. Vamwe vangafunga kuti kukopwa kwairamba kuchiitwa zvinyorwa izvi kwemakore 1 000, kwaizoita kuti zvakanyorwa muLeningrad Codex zvisiyane zvakanyanya nezvakanyorwa muzvinyorwa izvozvo zvekare. Asi hazvisirizvo. Vanoongorora Bhaibheri pavakaenzanisa zvinyorwa zvekare nezvitsva vakaona kuti paingova nemisiyano midiki-diki mumashoko uye kuti zvairehwa nemashoko acho hazvina kuchinja.

8. Ndeupi musiyano uri pakati pemakopi eMagwaro echiKristu echiGiriki nemakopi emamwe mabhuku ekare?

8 VaKristu vekutanga vaitevedzera zvaiitwa nevaya vaikopa Magwaro echiHebheru. Vainyatsongwarira pavaikopa mabhuku 27 eMagwaro echiGiriki ayo avaishandisa pamisangano yavo uye pabasa ravo rekuparidza. Mumwe muongorori weBhaibheri, uyo akaenzanisa zvinyorwa zveMagwaro echiGiriki nemamwe mabhuku akanyorwa panguva imwe chete nezvinyorwa izvi zvemagwaro akati: “Mazuva ano kune makopi akawanda [ezvinyorwa zveMagwaro echiGiriki] kupfuura emamwe mabhuku, . . . uye kakawanda kacho makopi aya haana chaanenge asina.” Bhuku rinonzi Anatomy of the New Testament rinoti: “Munhu anogona kuva nechokwadi chekuti zvinhu zvaanoverenga mushanduro yakanaka [yeMagwaro echiGiriki] zvakafanana nezvakanyorwa nevanyori vekare.”

9. Ichokwadi chipi chine chekuita neShoko raMwari chinotaurwa pana Isaya 40:8?

9 Kwemazana emakore vakawanda avo vaikopa mashoko eBhaibheri vainyatsongwarira pabasa ravo. Ndosaka tiine Bhaibheri rakarurama ratinoverenga uye ratinodzidza mazuva ano. b Zviri pachena kuti ndiJehovha akava nechokwadi chekuti Shoko rake rasvika kwatiri risina kuchinja. (Verenga Isaya 40:8.) Vamwe vangati kusachinja kwemashoko eBhaibheri hakuratidzi kuti akafemerwa naMwari. Saka ngatikurukurei humwe uchapupu hunoratidza kuti Bhaibheri rakabva kuna Mwari.

UPROFITA HURI MUBHAIBHERI HUNOZADZIKA

Left: C. Sappa/​DeAgostini/​Getty Images; right: Image © Homo Cosmicos/​Shutterstock

Uprofita hweBhaibheri hwakazadzika uye huri kuzadzika (Ona ndima 10-11) d

10. Taura muenzaniso weuprofita hwakazadzika hunoratidza kuti mashoko ari pana 2 Petro 1:21, ndeechokwadi. (Ona mifananidzo.)

10 Bhaibheri rine uprofita hwakawanda hwakazadzika, humwe hwacho hwakazadzika papera mazana emakore kubva pahwakanyorwa. Nhoroondo dzezvakaitika dzinoratidza kuti uprofita uhwu hwakazadzika. Izvi hazvifaniri kutishamisa nekuti tinoziva kuti uprofita hwese huri muBhaibheri hunobva kuna Jehovha. (Verenga 2 Petro 1:21.) Funga nezveuprofita hunotaura nezvekuparadzwa kweguta reBhabhironi. Mumakore ekuma700 B.C.E., muprofita Isaya akafemerwa kuti ataure nezvekukundwa kwaizoitwa guta reBhabhironi iro raiva nesimba panguva iyoyo. Akatotaura kuti murume ainzi Koreshi aizokunda guta iri uye akataura kuti aizorikunda sei. (Isa. 44:27–45:2) Isaya akaprofitawo kuti Bhabhironi raizopedzisira raparadzwa uye kuti hapana aizombogaramo. (Isa. 13:19, 20) Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika. VaMedhiya nevaPezhiya vakakunda Bhabhironi muna 539 B.C.E., uye nzvimbo yaimbova neguta iri rainge rakakurumbira angova matongo.—Ona vhidhiyo inonzi Bhaibheri Rakagara Rataura Nezvekuparadzwa kweBhabhironi, iri mubhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!, chidzidzo 03 pfungwa 5.

11. Tsanangura kuti Dhanieri 2:41-43 iri kuzadzika sei mazuva ano.

11 Uprofita hweBhaibheri hahuna kungozadzika kare chete; nanhasi huchiri kuzadzika. Semuenzaniso, funga nezvekuzadzika kunoshamisa kweuprofita hwaDhanieri hunotaura nezveumambo hweBritain neAmerica. (Verenga Dhanieri 2:41-43.) Uprofita ihwohwo hwakataura zvakajeka kuti umambo uhwu hwaizova “nepamwe pakasimba” sesimbi “nepamwe pasina kusimba” sevhu. Iye zvino tinogona kuona kuti ichi ichokwadi. Britain neAmerica dzakaratidza kuti dzine simba rakaita seresimbi. Nyika idzi dzine zvinhu zvikuru zvadzakaita zvakabatsira pakukunda muHondo Yenyika yekutanga neyechipiri uye dzichiri nesimba rakakura chaizvo mune zvehondo. Asi vanhu vadzo avo vanowanzorwira kodzero dzavo uye rusununguko vanodzitadzisa kunyatsoshandisa simba radzo. Munguva ichangopfuura mumwe muongorori wezvematongerwo enyika akati: “Panyika dzese dzine utongi hwegutsaruzhinji, United States ndiyo inopfuura dzese pakusabatana mune zvematongerwo enyika.” Uye Britain, chimwe chikamu cheumambo uhwu iri kutadza kunyatsobatana zvichikonzerwa nemaonero akasiyana evagari vemunyika yacho panyaya yekuti inofanira kudyidzana kusvika papi nenyika dziri muEuropean Union. Kusabatana uku kuri kutadzisa Umambo hweBritain neAmerica kuti hunyatsoratidza simba rahwo.

12. Uprofita huri muBhaibheri hunoita kuti tive nechokwadi chei?

12 Kuzadzika kwakaita uprofita hwakawanda huri muBhaibheri, kunosimbisa chivimbo chedu chekuti zvakavimbiswa naMwari nezveramangwana zvichatozadzika. Tinonzwa sezvakaita munyori wepisarema uyo akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Ndinosuwa ruponeso rwenyu, nekuti shoko renyu ndiro tariro yangu.” (Pis. 119:81) MuBhaibheri, Jehovha anotipa “ramangwana rakanaka netariro.” (Jer. 29:11) Tariro yedu yeramangwana inobva pane zvinovimbiswa naJehovha kwete pane zvinoitwa nevanhu. Ngatirambei tichivimba neShoko raMwari kuburikidza nekushingaira kudzidza uprofita hweBhaibheri.

MAZANO ARI MUBHAIBHERI ARI KUBATSIRA MAMIRIYONI EVANHU

13. Maererano naPisarema 119:66, 138, ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti tivimbe neBhaibheri?

13 Chimwe chikonzero chinoita kuti tivimbe neBhaibheri ndechekuti rinobatsira vanhu pavanoteerera mazano arimo. (Verenga Pisarema 119:66, 138.) Semuenzaniso, vamwe vakanga vava kuda kudambura muchato, vava kufara iye zvino nekuti vakashandisa mazano eBhaibheri. Vana vavo vanofara kuva mumhuri yechiKristu ine vabereki vane hanya navo uye vanovada.—VaEf. 5:22-29.

14. Taura muenzaniso unoratidza kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kunobatsira sei vanhu kuti upenyu hwavo hunake.

14 Vamwe vanhu vaiita zvakaipa chaizvo, vakachinja upenyu hwavo pavakashandisa mazano eBhaibheri. Ona kuti zvinodzidziswa neBhaibheri zvakabatsira sei mumwe musungwa ainzi Jack. c Airwisa vamwe uye aizivikanwa semusungwa anotyisa chaizvo pavasungwa vese vainge vatongerwa rufu. Asi rimwe zuva, Jack akaendawo paiva nevamwe vaidzidza Bhaibheri. Akabayiwa mwoyo nemutsa wakaratidzwa nehama dzaiitisa chidzidzo chacho uye akabva atangawo kudzidza. Paaishandisa zvaaidzidza muBhaibheri, akatanga kuchinja maitiro ake neunhu hwake. Nekufamba kwenguva, Jack akava muparidzi asina kubhabhatidzwa uye akazobhabhatidzwa. Akashingaira kuparidzira vamwe vasungwa nezveUmambo hwaMwari uye akabatsira vanenge 4 vavo kudzidza chokwadi. Zuva rekuurayiwa kwaJack parakasvika, akanga atova mumwe munhu. Rimwe remagweta ake rakati: “Jack haasisiri uya wandaiziva makore 20 apfuura. Dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha dzakachinja upenyu hwake.” Kunyange zvazvo Jack akaurayiwa sezvaainge atongerwa, muenzaniso wake unonyatsoratidza kuti tinogona kuvimba neShoko raMwari uye kuti rine simba rekuchinja upenyu hwevanhu kuti hunake.—Isa. 11:6-9.

Mazano ari muBhaibheri akabatsira vanhu vakawanda vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana kuti vave neupenyu hwakanaka (Ona ndima 15) e

15. Kushandisa mazano eBhaibheri kunosiyanisa sei vanhu vaJehovha nevanhu vari munyika mazuva ano? (Ona mufananidzo.)

15 Vanhu vaJehovha vakabatana nekuti vanoita zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwavo. (Joh. 13:35; 1 VaK. 1:10) Rugare uye kubatana kwatakaita zvinonyanya kuonekwa nekuti vanhu vakawanda mazuva ano havana kubatana zvichikonzerwa nemaonero akasiyana-siyana avanoita zvematongerwo enyika, kusiyana kwemarudzi kana kusiyana kweupenyu hwavo. Mumwe murume wechidiki anonzi Jean akabayiwa mwoyo paakaona kubatana kwevanhu vaJehovha. Akakurira mune imwe nyika yemuAfrica. Pakatanga hondo akapinda muchiuto asi akazotiza achienda kune imwe nyika iri pedyo. Ari ikoko akasangana neZvapupu zvaJehovha. Jean anoti: “Ndakadzidza kuti vanhu vari muchitendero chechokwadi havapindiri mune zvematongerwo enyika uye havaiti mazvake mazvake. Asi vanodanana.” Anowedzera kuti: “Ndainge ndakazvipira kurwira nyika. Asi pandakadzidza chokwadi cheBhaibheri, ndakasarudza kutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha.” Jean akanyatsochinja upenyu hwake. Pane kurwisana nevanhu vasiri verudzi rwake, iye zvino ava kuudza munhu wese waanosangana naye mashoko erugare ari muBhaibheri. Kubatsirwa kunoitwa vanhu vakasiyana-siyana nemazano eBhaibheri, uchapupu hune simba chaizvo hunoratidza kuti tinogona kuvimba neShoko raMwari.

RAMBA UCHIVIMBA NESHOKO RAMWARI RECHOKWADI

16. Nei zvichikosha kuti tishande nesimba pakuwedzera kuvimba kwatinoita neShoko raMwari?

16 Sezvo nyika ino iri kubva pakuipa ichienda pakuipisisa, kuvimba kwatinoita nechokwadi kuchaedzwa. Vanhu vangaedza kuita kuti tisava nechokwadi chekuti Bhaibheri rinotaura chokwadi kana kuti Jehovha akagadza muranda akatendeka akangwara kuti atungamirire vanamati vake mazuva ano. Asi kana tichinyatsogutsikana kuti Shoko raJehovha ragara riri rechokwadi, tichakwanisa kubudirira kurwira kutenda kwedu. Tichange ‘takazvipira kuteerera mirau yaJehovha nguva dzese, kusvikira pakupedzisira.’ (Pis. 119:112) ‘Hatizonyari’ kuudza vamwe chokwadi uye kuvakurudzira kuti vararame maererano nacho. (Pis. 119:46) Uye tichakwanisa kutsungirira ‘tiine mwoyo murefu nemufaro,’ mumamiriro ezvinhu akaoma chaizvo ayo anosanganisira kutambudzwa.—VaK. 1:11; Pis. 119:143, 157.

17. Rugwaro rwedu rwegore runotiyeuchidzei?

17 Tinotenda chaizvo kuti Jehovha akaita kuti tizive chokwadi! Chokwadi ichocho chinotibatsira kuti tidzikame, tive nechivimbo uye chinotidzidzisa zvakajeka mararamiro atinofanira kuita munyika ino iri kuwedzera kuvhiringidzika uye kusabatana. Chinoita kuti tive netariro yakazonaka yeramangwana tichitongwa neUmambo hwaMwari. Kudai rugwaro rwedu rwegore rwa2023 rukatibatsira kuti tirambe tiine chivimbo chekuti Shoko raMwari rese ichokwadi!—Pis. 119:160.

RWIYO 94 Kuonga Shoko raMwari

a Rugwaro rwegore rwa2023 urwo runosimbisa kutenda kwedu runoti: “Shoko renyu rese ichokwadi.” (Pis. 119:160) Zviri pachena kuti unobvumirana nemashoko iwayo. Asi vanhu vakawanda havatendi kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi uye kuti rinotipa mazano akanaka. Munyaya ino tichaongorora uchapupu hutatu hwatinogona kushandisa kubatsira vamwe kuti vavimbe neBhaibheri uye nemazano aro.

b Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvekuchengetedzwa kwakaitwa Bhaibheri, enda pajw.org wobaya pakanzi tsvaga, wonyora kuti “Nhoroondo Dzekare Uye Bhaibheri.”

c Mamwe mazita akachinjwa.

d KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mwari akataura kuti guta reBhabhironi iro rainge rakakurumbira raizova matongo.

e KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Pane kurwisa vanhu, mumwe murume akadzidza kubva muBhaibheri zvaangaita kuti ave nerugare uye abatsirewo vamwe kuita izvozvo.