Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 5

“Rudo Runa Kristu Runotimanikidza”

“Rudo Runa Kristu Runotimanikidza”

“Rudo runa Kristu runotimanikidza . . . kuti vaya vanorarama varege kuramba vachizviraramira.”—2 VAK. 5:14, 15.

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

ZVICHADZIDZWA a

1-2. (a) Kufunga nezveupenyu uye ushumiri hwaJesu kungaita kuti tinzwe sei? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

 KANA munhu watinoda akafa tinomusuwa chaizvo. Pakutanga tingarwadziwa chaizvo patinofunga zvakaitika kumunhu wacho mazuva mashoma asati afa, kunyanya kana akafa atambura. Asi nekufamba kwenguva, tinogona kutanga kufarazve patinofunga chimwe chinhu chaakatidzidzisa uye chaakataura kana kuti chimwe chinhu chaakaita chakatikurudzira kana chakatinakidza.

2 Saizvozvowo, tinorwadziwa patinofunga nezvekutambura uye kufa kwakaita Jesu. Mumwaka weChirangaridzo, tinozvipa nguva yekufungisisa nezvekukosha kwechibayiro cherudzikinuro. (1 VaK. 11:24, 25) Asi tinofara chaizvo patinofunga zvinhu zvese zvakataurwa uye zvakaitwa naJesu paaiva panyika. Tinokurudzirwa chaizvo patinofunga zvaari kuita parizvino uye zvaachatiitira mune ramangwana. Sezvatichaona munyaya ino, kufungisisa zvinhu izvi uye kufunga nezvekutida kwaanoita kuchatikurudzira kuti tide kuratidza kuti tinotenda zvatakaitirwa.

KUONGA KUNOITA KUTI TIDE KURAMBA TICHITEVERA JESU

3. Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvekuti titende chipo cherudzikinuro?

3 Patinofunga nezveupenyu hwaJesu uye kutifira kwaakaita tinonzwa tichida kutenda Jehovha neMwanakomana wake. Jesu paaiva panyika akadzidzisa vanhu zvinhu zvakanaka zvaizoitwa neUmambo hwaMwari. Tinofarira chaizvo chokwadi ichi cheUmambo. Tinoonga rudzikinuro nekuti runoita kuti tikwanise kuva shamwari dzepedyo dzaJehovha naJesu. Vaya vanotenda muna Jesu vane tariro yekurarama nekusingaperi uye yekuzoonazve hama dzavo dzakafa. (Joh. 5:28, 29; VaR. 6:23) Hapana chatakaita chinoita kuti tikodzere kuwana makomborero aya uye hatifi takakwanisa kubhadhara Mwari naKristu nezvavakatiitira. (VaR. 5:8, 20, 21) Asi tinogona kuvaratidza kuti tinotenda chaizvo zvavakatiitira. Tingazviita sei?

Kufungisisa zvakaitwa naMariya Magadharini kunokubatsira sei kuti uratidze kuonga? (Ona ndima 4-5)

4. Mariya Magadharini akaratidza sei kuti aitenda zvaakaitirwa naJesu? (Ona mufananidzo.)

4 Funga zvakaitwa nemukadzi wechiJudha ainzi Mariya Magadharini. Aitambura chaizvo nekuti aishungurudzwa nemadhimoni manomwe. Anofanira kunge akafunga kuti hapana anogona kumubatsira. Saka funga kuti akatenda Jesu zvakadii pashure pekunge amubvisa madhimoni iwayo. Izvi zvakaita kuti ave muteveri waJesu, uye zvakaita kuti ashandise nguva yake, simba rake uye zvinhu zvake kutsigira Jesu muushumiri hwake. (Ruka 8:1-3) Kunyange zvazvo Mariya akafara chaizvo nezvaakaitirwa naJesu, anogona kunge asina kuziva kuti Jesu aizomuitira zvakatowanda kupfuura ipapo. Jesu aizofira vanhu, “kuti munhu wese anotenda maari” awane upenyu husingaperi. (Joh. 3:16) Pasinei nekuti aiziva zvakawanda sei, Mariya akaratidza kuti aitenda zvaakaitirwa naJesu nekuramba akavimbika. Mariya aivapo Jesu paairwadziwa ari padanda rekutambudzirwa, nekuti aida Jesu uye aida kunyaradza vamwe vaivapo. (Joh. 19:25) Pashure pekunge Jesu afa, Mariya nevamwe vakadzi vaviri vakaenda nezvinhu zvinonhuhwirira kuguva raJesu. (Mako 16:1, 2) Jehovha akakomborera Mariya chaizvo nekuti akanga akavimbika kuna Jesu. Akaonana naJesu pashure pekunge amutswa ndokutaura naye. Vadzidzi vakawanda havana kumbova neropafadzo iyoyo.—Joh. 20:11-18.

5. Tingaratidza sei kuti tinoonga zvese zvatakaitirwa naJesu?

5 Isuwo tinogona kuratidza kuti tinoonga zvatakaitirwa naJehovha naJesu kuburikidza nekushandisa nguva yedu, simba redu uye mari yedu pakushumira Jehovha. Semuenzaniso, tinogona kubatsira pakuvaka uye pakugadziridza zvivakwa zvatinoshandisa pakunamata Jehovha.

KUDA JEHOVHA NAJESU KUNOITA KUTI TIDE VAMWE

6. Nei tichiti Jesu akafira mumwe nemumwe wedu?

6 Patinofunga nezvekudiwa kwatinoitwa naJehovha naJesu, tinonzwa tichivadawo. (1 Joh. 4:10, 19) Tinowedzera kuvada patinonzwisisa kuti Jesu akafira mumwe nemumwe wedu. Muapostora Pauro akabvuma kuti Jesu akafira mumwe nemumwe wedu uye akaratidza kuonga kwake mumashoko aakanyora kuvaGaratiya achiti: “Mwanakomana waMwari . . . akandida, akazvipa nekuda kwangu.” (VaG. 2:20) Sezvo Jesu akatifira, Jehovha anokwanisa kuita kuti uuye kwaari kuitira kuti ugone kuva shamwari yake. (Joh. 6:44) Hazvikufadzi here kuziva kuti Jehovha ane zvakanaka zvaakaona pauri uye kuti akabhadhara mutengo wakakura chaizvo kuti uve shamwari yake? Hazviiti kuti uwedzere kuda Jehovha naJesu here? Zvakanaka kuti tizvibvunze kuti, ‘Rudo irworwo rwuchaita kuti ndiite sei?’

Kuda Mwari naKristu kunoita kuti tiparidze mashoko akanaka eUmambo tisingasaruri (Ona ndima 7)

7. Sezviri kuratidzwa pamufananidzo, tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha naJesu? (2 VaKorinde 5:14, 15; 6:1, 2)

7 Kuda kwatinoita Mwari naKristu kunoita kuti tide vamwe. (Verenga 2 VaKorinde 5:14, 15; 6:1, 2.) Imwe nzira yatinoratidza nayo rudo irworwo ndeyekushanda nesimba mubasa rekuparidza. Hatisaruri vanhu nemhaka yedzinza ravo kana kuti kwavanobva. Tinoparidzira vanhu vese pasinei nekuti vapfumi here kana kuti varombo uye pasinei nekuti vakadzidza here kana kuti havana. Patinoita izvi, tinenge tichiita kuda kwaJehovha “uyo anoda kuti vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Tim. 2:4.

8. Tingaratidza sei kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu?

8 Tinoratidzawo kuda kwatinoita Mwari naKristu kuburikidza nekuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu. (1 Joh. 4:21) Pavanenge vaine matambudziko, tinoda chaizvo kuziva kuti ndezvipi zvavanoda kubatsirwa nazvo tobva tavabatsira. Tinovanyaradza pavanofirwa, tinovashanyira pavanenge vachirwara, uye tinoita zvese zvatinogona kuti tivakurudzire pavanenge vakaora mwoyo. (2 VaK. 1:3-7; 1 VaT. 5:11, 14) Tinogara tichivanyengeterera nekuti tinoziva kuti “kuteterera kwemunhu akarurama kune simba.”—Jak. 5:16.

9. Ndeipi imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu?

9 Tinoratidzawo kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nekushanda nesimba kuti tirambe tiine rugare nadzo. Tinoedza nepatinogona napo kuti tiregerere vamwe sezvinoita Jehovha. Kana Jehovha akarega Mwanakomana wake achifira zvivi zvedu, isuwo hatifaniri here kuregerera hama nehanzvadzi dzedu padzinotikanganisira? Hatingambodi kuita semuranda akaipa anotaurwa mune mumwe mufananidzo waJesu. Kunyange zvazvo akaregererwa chikwereti chakakura chaizvo, iye akatadza kuregerera mumwe wake chikwereti chidiki pane ichocho. (Mat. 18:23-35) Kana uine mumwe munhu wemuungano wausiri kuwirirana naye, wadii kutanga iwe kuyanana nehama yako Chirangaridzo chisati chasvika? (Mat. 5:23, 24) Kana ukadaro unenge uchiratidza kuti unonyatsoda Jehovha naJesu.

10-11. Vakuru vangaratidza sei kuti vanoda Jehovha naJesu? (1 Petro 5:1, 2)

10 Vakuru vangaratidza sei kuti vanoda Jehovha naJesu? Chimwe chinokosha chavangaita kufudza makwai aJesu. (Verenga 1 Petro 5:1, 2.) Jesu akajekesa izvozvo paaitaura nemuapostora Petro. Pashure pekunge aramba Jesu katatu, Petro anofanira kunge aida chaizvo kuratidza kuti anoda Jesu. Paakanga amutswa, Jesu akabvunza Petro kuti: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Tinogona kuva nechokwadi chekuti Petro aizoita zvese zvaaigona kuti aratidze kuti aida Tenzi wake. Jesu akaudza Petro kuti: “Fudza makwai angu madiki.” (Joh. 21:15-17) Uye kweupenyu hwake hwese Petro akaratidza kuti aida Jesu kuburikidza nekuchengetedza makwai aIshe wake.

11 Mumwaka weChirangaridzo, vakuru mungaratidza sei kuti munokoshesa mashoko akataurwa naJesu kuna Petro? Munogona kuratidza kuda kwamunoita Jehovha naJesu kana mukagara muchiita basa rekufudza uye muchibatsira vasisaiti basa kuti vadzoke kuna Jehovha. (Ezek. 34:11, 12) Munogonawo kukurudzira vadzidzi veBhaibheri nevatsva vanenge vauya kuChirangaridzo. Tinoda kuti vanzwe vakasununguka nekuti tinotarisira kuti vachavawo vateveri vaKristu.

KUDA KRISTU KUNOITA KUTI TIVE NEUSHINGI

12. Kuziva zvakataurwa naJesu usiku hwekupedzisira asati afa kunotibatsira sei kuti tive neushingi? (Johani 16:32, 33)

12 Usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchasangana nematambudziko munyika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.” (Verenga Johani 16:32, 33.) Chii chakabatsira Jesu kuti arambe akashinga pasinei nezvaiitwa nevavengi vake uye chii chakamubatsira kuti arambe akatendeka kusvika parufu? Aivimba naJehovha. Jesu aizivawo kuti vateveri vake vachasangana nemiedzo yakafanana neyaakasangana nayo, saka akakumbira Jehovha kuti avachengetedze. (Joh. 17:11) Kuziva izvi kunotibatsira sei kuti tive neushingi? Tinova neushingi nekuti tinoziva kuti Jehovha ane simba kupfuura vavengi vedu. (1 Joh. 4:4) Jehovha anoona zvese zviri kuitika. Tine chokwadi chekuti kana tikavimba naJehovha, achatibatsira kuti tisatya uye tive neushingi.

13. Josefa wekuArimatiya akaratidza sei kuti aiva neushingi?

13 Funga zvakaitwa naJosefa wekuArimatiya. Airemekedzwa chaizvo nevaJudha. Aiva nhengo yeSanihedrini, dare repamusorosoro revaJudha. Asi Josefa haana kana kumboratidza ushingi Jesu paaiita ushumiri hwake panyika. Johani akati Josefa aiva “mudzidzi waJesu asi ari wepachivande nekuti aitya vaJudha.” (Joh. 19:38) Kunyange zvazvo Josefa aifarira kunzwa nezveUmambo aisada kuti vamwe vazive kuti aitenda muna Jesu. Anogona kunge aityira kuti vanhu vaisazomuremekedza kana vakaziva kuti aiva mudzidzi waJesu. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti pashure pekunge Jesu afa, Josefa “akazvishingisa akauya ndokuenda pamberi paPirato, akakumbira chitunha chaJesu.” (Mako 15:42, 43) Josefa akanga asisatyi kuzivikanwa kuti aiva mudzidzi waJesu.

14. Unofanira kuitei kana uchitya vanhu?

14 Unombotyawo vanhu sezvakaitwa naJosefa here? Paunenge uri kubasa kana kuti kuchikoro, unombotya kuudza vamwe kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here? Uri kuzeza kutanga kuparidza kana kuti kubhabhatidzwa uchityira kuti vamwe vanozofungei nezvako here? Usarega manzwiro akadaro achikutadzisa kuita zvaunoziva kuti ndizvo zvakanaka. Nyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha. Mukumbire kuti akupe ushingi hwekuti uite kuda kwake. Paunoona kuti Jehovha ari kupindura sei minyengetero yako, zvichakusimbisa uye uchawedzera kuva neushingi.—Isa. 41:10, 13.

MUFARO UNOITA KUTI TIRAMBE TICHISHUMIRA JEHOVHA

15. Pashure pekunge Jesu azviratidza kuvadzidzi vake, mufaro wavo wakaita kuti vaitei? (Ruka 24:52, 53)

15 Vadzidzi vakanetseka chaizvo pakafa Jesu. Chimboedza kufungidzira kuti vainzwa sei. Vakanga varasikirwa neshamwari yavo yepedyo uye vainzwa sekuti pakanga pasisina tariro. (Ruka 24:17-21) Zvisinei, Jesu paakazviratidza kwavari akavabatsira kuti vanzwisise kuti zvakaitika kwaari zvaizadzisa uprofita. Akavapawo basa rinokosha. (Ruka 24:26, 27, 45-48) Jesu paakazoenda kudenga pashure pemazuva 40, akasiya vadzidzi vake vava nemufaro wakakura. Vaifara nekuti Jesu akanga ari mupenyu uye kuti aizovabatsira kuti vaite basa raakanga avapa. Mufaro iwoyo wakaita kuti varambe vachirumbidza Jehovha.—Verenga Ruka 24:52, 53; Mab. 5:42.

16. Tingatevedzera sei zvakaitwa nevadzidzi vaJesu?

16 Tingatevedzera sei zvakaitwa nevadzidzi vaJesu? Tinogona kuwana mufaro wekunamata Jehovha kwete mumwaka weChirangaridzo chete asi gore rese. Izvi zvinoreva kuti Umambo hwaMwari hunofanira kuva pekutanga muupenyu hwedu. Semuenzaniso, vamwe vakagadziridza purogiramu yavo yekubasa kuti vawane nguva yekuita ushumiri, yekupinda misangano uye yekugara vachiita kunamata kwemhuri. Vamwe vakasarudza kugara vasina zvinhu zvinonzi nevamwe hazvifaniri kushayikwa kuitira kuti vawane nguva yekuita mamwe mabasa muungano kana kuti vaende kunodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda. Kunyange zvazvo tichifanira kutsungirira kuti tirambe tichishumira Jehovha, iye anotivimbisa kuti achatikomborera kana tikaisa Umambo pekutanga muupenyu hwedu.—Zvir. 10:22; Mat. 6:32, 33.

Mumwaka weChirangaridzo, wana nguva yekufungisisa zvawakaitirwa naJehovha naJesu (Ona ndima 17)

17. Zvii zvaunoda kuita mumwaka uno weChirangaridzo? (Ona mufananidzo.)

17 Tiri kutarisira chaizvo kuyeuka rufu rwaJesu musi weChipiri 4 April. Asi usamirira kuti musi iwoyo usvike kuti uzotanga kufunga nezveupenyu uye rufu rwaJesu uye nezverudo rwatakaratidzwa naye naBaba vake. Gara uchifunga nezvazvo Chirangaridzo chisati chasvika uye chapfuura. Semuenzaniso, unogona kuwana nguva yekuverenga uye kufungisisa zviitiko zviri pachati yakanzi “Vhiki Rekupedzisira Reupenyu hwaJesu Panyika,” inowanika paMashoko Ekuwedzera B12 muShanduro yeNyika Itsva. Paunenge uchiverenga nezveupenyu hwaJesu, tsvaga ndima dzeBhaibheri dzinoita kuti uwedzere kuva munhu anoonga, ane rudo, ane ushingi, uye ane mufaro. Edza kutsvaga nzira dzaungaratidza nadzo kuti unotenda zvawakaitirwa. Unogona kuva nechokwadi chekuti Jesu achakoshesa zvese zvauchaita kuti umuyeuke mumwaka weChirangaridzo.—Zvak. 2:19.

RWIYO 17 “Ndinoda”

a Mumwaka weChirangaridzo, tinokurudzirwa kufungisisa nezveupenyu uye rufu rwaJesu uye kufungisisa nezverudo rwaakatiratidza iye naBaba vake. Izvi zvichaita kuti tide kuratidza Jehovha naJesu kuti tinotenda zvavakatiitira. Nyaya ino ichataura zvatingaita kuti tiratidze kuti tinoonga chibayiro cherudzikinuro uye kuti tinoda Jehovha naJesu. Tichadzidzawo zvinhu zvichatibatsira kuti tide hama nehanzvadzi dzedu, tiratidze ushingi, uye tiwane mufaro mubasa redu.