Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Pakudzidza

Zvaungaita Pakudzidza

Unofarira kuverenga nyaya dzeupenyu dzehama nehanzvadzi dzedu here?

Mumwe murume nemudzimai avo vanoverenga nyaya dzeupenyu mangwanani ega ega vanoti: “Kuverenga nyaya idzi kunotikurudzira uye kunoita kuti tifare. Dzinotiyeuchidza kuti nesuwo tinogona kuramba takavimbika pasinei nematambudziko.” Imwe hanzvadzi inonzwawo saizvozvo inoti: “Nyaya idzi dzeupenyu dzinonyaradza, dzinobata-bata, uye dzinokurudzira. Hama nehanzvadzi dzedu dzinorarama upenyu hune chinangwa. Nyaya dzavo dzinondikurudzira kuita zvakawanda muushumiri uye dzinondibatsira pakutungamirira vana vangu kuti vashumire Jehovha mubasa renguva yakazara.”

Nyaya dzeupenyu dzinogona kukukurudzira kuti uite zvakawanda mubasa raJehovha, ukurire zvinhu zvinokudzorera shure, uye utsungirire matambudziko akakura uchifara uye wakadzikama. Ungawana sei nyaya idzi?

  • Tsvaga pachikamu chakanzi “Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha” pajw.org kana kuti paJW Library.

  • Tsvaga “Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha” paWatchtower ONLINE LIBRARY kana kuti Watchtower Library.