Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 3

RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika

Jehovha Achakubatsira Panguva Dzakaoma

Jehovha Achakubatsira Panguva Dzakaoma

[Jehovha] anodzikamisa zvinhu panguva yako.”ISA. 33:6.

ZVATICHADZIDZA

Zvatinofanira kuita kuti tiwane rubatsiro runobva kuna Jehovha patinenge tiri munguva dzakaoma.

1-2. Vashumiri vaJehovha vakatendeka vangasangana nematambudziko api?

 MUUPENYU, tinogona kungoerekana tasangana nematambudziko anochinja upenyu hwedu. Semuenzaniso, imwe hama yakatendeka inonzi Luis a yakabatwa chirwere chekenza. Chiremba akamuudza kuti akanga angosarirwa nemwedzi mishomanana ari mupenyu. Monika nemurume wake vaiva nezvakawanda zvavaiita mubasa raJehovha. Asi rimwe zuva, Monika akazoziva kuti murume wake, uyo aiva mukuru, akanga atova nemakore achiita chivi. Imwe hanzvadzi isina kuroorwa inonzi Olivia yakasiya musha wayo nekuti kwaiuya dutu rinotyisa. Paakadzoka, akawana imba yake yaparadzwa nedutu. Upenyu hwevanhu ava hwakangoerekana hwachinja. Wakambosangana nezvinhu zvakadaro here zvakaita kuti upenyu hwako hungoerekana hwachinja?

2 Kunyange zvazvo tiri vashumiri vaJehovha vakatendeka, tinosangana nematambudziko uye tinorwara sezvinongoita vamwe vanhu vese. Tinogonawo kupikiswa kana kutambudzwa nevanhu vanovenga vanhu vaMwari. Jehovha haaiti kuti tisatarisana nematambudziko akadaro, asi anotivimbisa kuti achatibatsira. (Isa. 41:10) Tichibatsirwa naye, tinogona kuramba tichifara, tichiita zvisarudzo zvakanaka, uye toramba takavimbika kwaari pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma. Munyaya ino tichaongorora nzira ina dzatinobatsirwa nadzo naJehovha patinenge tichishungurudzika muupenyu. Tichaongororawo zvatinofanira kuita kuti tiwane rubatsiro rwacho.

JEHOVHA ACHAKUCHENGETEDZA

3. Patinosangana nedambudziko, tinogona kuomerwa nekuitei?

3 Dambudziko. Patinosangana nematambudziko, pfungwa dzedu dzinovhiringika, uye tinotadza kuita zvisarudzo zvakanaka. Nei zvakadaro? Tinenge tichinyanya kurwadziwa mumwoyo, uye pfungwa dzedu dzinenge dzakaremerwa. Tinogona kunzwa setiri kufamba mukati memhute, tisinganyatsooni kuti toenda nekupi. Ona kuti hanzvadzi mbiri dzambotaurwa dzainzwa sei. Olivia anoti: “Dutu racho parakaparadza imba yangu, ndakashaya kana pekutangira.” Monika achitaura nezvekusavimbika kwemurume wake anoti: “Ndakagumbuka zvekugumbuka zviya. Ndakarwadziwa kusvika pekupedzisira. Hapana kana chandakanga ndava kukwanisa kuita. Handina kumbobvira ndafungira kuti zvinhu zvakadaro zvingaitika kwandiri.” Jehovha anovimbisa kutibatsira sei patinenge tapererwa?

4. Maererano naVaFiripi 4:​6, 7, Jehovha anotivimbisei?

4 Zvinoitwa naJehovha. Anotivimbisa kutipa runonzi neBhaibheri “rugare rwaMwari.” (Verenga VaFiripi 4:​6, 7.) Rugare urwu runoreva kunzwa takagadzikana mupfungwa nemumwoyo zvichibva pakuti tine ushamwari hwakanaka naJehovha. Rugare urwu “runopfuura kunzwisisa kwese.” Izvi zvinoreva kuti rwakanaka kupfuura zvatinogona kufungidzira. Semuenzaniso, wakambonyengetera nemwoyo wese here kuna Jehovha uye uchingopedza wobva wanzwa kugadzikana? Irworwo ndirwo runonzi “rugare rwaMwari.”

5. Rugare rwaMwari runochengetedza sei pfungwa dzedu nemwoyo?

5 VaFiripi 4:7 inotiwo rugare rwaMwari “ruchachengetedza mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu.” Pakanyorwa mashoko iwayo, shoko rakashandurwa kuti ‘kuchengetedza’ raiva shoko raishandiswa muchiuto richitaura zvaiitwa nemasoja anenge akarinda guta kuti risarwiswa. Vagari vemuguta rinenge rakarindwa vaikwanisa kurara vasina chekutya, vachiziva kuti pane masoja ari pamagedhi. Saizvozvowo, kana rugare rwaMwari rwakachengetedza mwoyo yedu nepfungwa dzedu, tinonzwa takagadzikana, tisina chekutya. (Pis. 4:8) Sezvakaitika kuna Hana, kunyange kana mamiriro edu ezvinhu akasakurumidza kuchinja, tinogona kunzwa tiine rugare. (1 Sam. 1:​16-18) Uye kana takagadzikana, zvinotiitira nyore kufunga zvakanaka uye kuita zvisarudzo zvakanaka.

Nyengetera kusvikira wava kunzwa kuti “rugare rwaMwari” ruri kuchengetedza mwoyo wako nepfungwa dzako (Ona ndima 4-6)


6. Tingaitei kuti tibatsirwe nerugare rwaMwari? (Onawo mufananidzo.)

6 Zvatinofanira kuita. Paunenge uchinetseka, ita seuri kushevedza varindi. Unozviita sei? Nyengetera kusvikira wava nerugare rwaMwari. (Ruka 11:9; 1 VaT. 5:17) Luis ambotaurwa anotsanangura kuti chii chakabatsira iye nemudzimai wake Ana kuti vatsungirire pavakaziva kuti akanga angosarirwa nemwedzi mishomanana ari mupenyu. Akati: “Panguva dzakadai, zvakaoma chaizvo kuita zvisarudzo zvine chekuita neutano nezvimwewo. Asi kunyengetera ndiko kuri kutibatsira kuti tirambe tiine rugare panguva ino yakaoma.” Luis nemudzimai wake vakati vakaramba vachinyengetera nemwoyo wese, vachikumbira Jehovha kuti vagadzikane mupfungwa nemumwoyo, uye kuti avape uchenjeri hwekuita zvisarudzo zvakanaka. Vakanyatsoona kuti akavabatsira. Kana uine dambudziko rauri kusangana naro, ramba uchinyengetera uye uchawana rugare rwaMwari urwo ruchachengetedza pfungwa dzako nemwoyo.—VaR. 12:12.

JEHOVHA ACHAITA KUTI UNZWE WAKADZIKAMA

7. Tinganzwa sei patinenge tiri mudambudziko rakakura?

7 Dambudziko. Patinenge tiri mudambudziko rakakura, manzwiro edu, mafungiro edu, uye maitiro edu zvinogona kuchinja. Tinogona kuita sengarava iri kukandwa kwese kwese. Ana ambotaurwa akati ndizvo zvakaitika kwaari pashure pekunge Luis afa. Akati: “Dzimwe nguva ndaimboora mwoyo, ndotanga kufunga nezvenhamo dzangu. Kuziva kuti haasisipo kwaimboita kuti ndigumbuke.” Pamwe pacho Ana aisurukirwa uye airwadziwa paaifanira kuita zvisarudzo zvaimboitwa naLuis. Dzimwe nguva ainzwa sekuti ari pakati pedutu mugungwa. Jehovha anotibatsira sei patinova nemanzwiro akadaro?

8. Sezvinotaurwa pana Isaya 33:​6, Jehovha anotivimbisei?

8 Zvinoitwa naJehovha. Anovimbisa kuti achaita kuti tinzwe takadzikama. (Verenga Isaya 33:6.) Kana kuine dutu, ngarava inogona kukandwa kwese kwese. Kuti izvi zvisaitika, ngarava dzakawanda dzine zvinhu zvinodzidzikamisa zvinenge zviri mumativi. Zvinhu izvozvo zvinoita kuti ngarava yacho isanyanya kuzunguzwa, zvoita kuti vanenge varimo vanzwe vakagadzikana uye vasina chekutya. Asi kakawanda, zvinhu zvinotsigisa ngarava zvinoshanda zvakanaka kana ngarava yacho ichifamba. Saizvozvowo, Jehovha anoita kuti tidzikame patinoramba tichimushumira takatendeka tiri mumatambudziko.

Zvitsigise uchibatsirwa nemabhuku edu atinoshandisa pakutsvakurudza (Ona ndima 8-9)


9. Maturusi edu ekutsvakurudza angatibatsira sei kuramba takadzikama? (Onawo mufananidzo.)

9 Zvatinofanira kuita. Paunonzwa seuri mudutu rematambudziko, ita zvese zvaunogona kuti urambe uchiita zvinhu zvekunamata. Unogona kunge usingachakwanisi kuita zvakawanda sezvawaisimboita, asi yeuka kuti Jehovha haatarisiri kuti uite zvakawanda kupfuura zvaunokwanisa. (Enzanisa naRuka 21:​1-4.) Pakunamata kwaunoita, iva nenguva yekudzidza uye kufungisisa. Nei uchifanira kudaro? Nekuti Jehovha achishandisa sangano rake, ari kutipa zvinhu zvinobva muMagwaro zvinotibatsira kuti tirambe takadzikama. Kuti uwane zvaunenge uchida, unogona kushandisa maturusi ekutsvakurudza akadai seJW Library app, Watch Tower Publications Index, uye Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Monika ambotaurwa akataura kuti akashandisa maturusi aya ekutsvakurudza kuti awane mazano ekukunda matambudziko ake. Semuenzaniso, aitsvaga shoko rekuti “kutsamwa.” Pamwe pacho aitsvaga shoko rekuti, “kusavimbika” kana kuti rekuti, “kuvimbika.” Aibva atanga kuverenga nezvazvo kusvikira ava kunzwa zviri nani. Akati: “Pandakatanga kutsvakurudza ndaizvidya mwoyo chaizvo, asi pandakaramba ndichiverenga, ndakanzwa sekuti Jehovha akanga ari kundimbundira. Pandaiverenga ndakasvika pakuona kuti Jehovha aiziva manzwiro akasiyana-siyana andaiita uye kuti aindibatsira.” Rubatsiro rwakadai runobva kuna Jehovha runogona kukubatsirawo kuti urambe wakadzikama kusvikira wava kunzwa zviri nani.—Pis. 119:​143, 144.

JEHOVHA ACHAKUTSIGIRA

10. Tinogona kunzwa sei kana tikasangana nedambudziko rinotirwadza chaizvo?

10 Dambudziko. Kana chimwe chinhu chinorwadza chaizvo chikaitika kwatiri, tinogona kuva nemazuva atinonzwa takarukutika uye takaremerwa mupfungwa. Tinogona kunzwa semunhu aiva shasha pakumhanya ozokuvara zvekuti anenge ava kukamhina. Zvinogonawo kutiomera kuita mabasa ataimboita zviri nyore. Kana kuti tinogona kunzwa tisina chido chekuita zvinhu zvataimbonakidzwa nazvo. Sezvakaitika kuna Eriya, tinogona kushayiwa simba rekumuka. Tinenge tichingoda kurara. (1 Madz. 19:​5-7) Jehovha anovimbisa kutiitirei kana tisina simba?

11. Ndeipi imwe nzira inoshandiswa naJehovha kutibatsira? (Pisarema 94:18)

11 Zvinoitwa naJehovha. Anovimbisa kutitsigira. (Verenga Pisarema 94:18.) Sezvo mumhanyi akakuvara achida kutsigirwa, isuwo tingada kubatsirwa kuti tirambe tichishumira Jehovha. Panguva dzakadaro, Jehovha anotivimbisa kuti: “Ini Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rwerudyi, uye ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ndichakubatsira.’” (Isa. 41:13) Mambo Dhavhidhi akaona Jehovha achimubatsira saizvozvo. Paakasangana nematambudziko uye nevavengi, akati kuna Jehovha: “Ruoko rwenyu rwerudyi runonditsigira.” (Pis. 18:35) Asi Jehovha anotitsigira sei?

Bvuma kutsigirwa nevemumhuri mako, shamwari dzako, uye nevakuru (Ona ndima 11-13)


12. Jehovha anogona kushandisa ani kuti atibatsire patinenge tisina simba?

12 Jehovha anowanzotitsigira nekuita kuti vamwe vatibatsire. Semuenzaniso, pane imwe nguva Dhavhidhi paainge akaneta, shamwari yake Jonatani yakamushanyira kuti imusimbise uye imukurudzire. (1 Sam. 23:​16, 17) Saizvozvowo, Jehovha akasarudza Erisha kuti abatsire Eriya. (1 Madz. 19:​16, 21; 2 Madz. 2:2) Mazuva ano Jehovha anogona kushandisa vemumhuri, shamwari, kana kuti vakuru, kuti vatitsigire. Asi patinenge tichishungurudzika tinogona kunzwa tisingadi kuva pane vamwe. Tinenge tichingoda kuva tega. Izvozvo zvinoitika. Tingaitei kuti titsigirwe naJehovha?

13. Tingaitei kuti titsigirwe naJehovha? (Onawo mufananidzo.)

13 Zvatinofanira kuita. Ita zvese zvaunogona kuti usazviparadzanisa nevamwe. Patinozviparadzanisa nevamwe tinotanga kungofunga nezvedu chete uye nezvematambudziko edu. Mafungiro akadai anotikanganisa patinoita zvisarudzo. (Zvir. 18:1) Dzimwe nguva tinombonzwa tichida kuva tega, kunyanya kana tasangana nedambudziko rakakura. Asi kana tikazviparadzanisa nevamwe kwenguva yakareba, tinogona kunge tichitoramba rubatsiro runobva kuvanhu vari kushandiswa naJehovha pakutitsigira. Saka pasinei nekuoma kwazvingaita paunenge uri mudambudziko, bvuma kubatsirwa nevemumhuri mako, shamwari, uye nevakuru. Vaone senzira iri kushandiswa naJehovha pakukutsigira.—Zvir. 17:17; Isa. 32:​1, 2.

JEHOVHA ACHAKUNYARADZA

14. Zvinhu zvipi zvinogona kuita kuti titye?

14 Dambudziko. Dzimwe nguva tinogona kumbonzwa tichitya. MuBhaibheri, vashumiri vaMwari vakatendeka vakambotaura nezvenguva dzavaishungurudzika uye dzavaidedera zvichikonzerwa nevavengi vavo kana kuti nemamwewo matambudziko. (Pis. 18:4; 55:​1, 5) Saizvozvowo, tinogona kunge tichipikiswa nevekuchikoro, kubasa, vemumhuri kana kuti nehurumende. Tinogona kunge tichitya kuti tichafa nemhaka yekurwara kwatinenge tichiita. Panguva dzakadaro, tinogona kunzwa tisina zvatinogona kuita sekamwana kadiki. Jehovha anotibatsira sei pakadaro?

15. Ivimbiso ipi yatinowana pana Pisarema 94:19?

15 Zvinoitwa naJehovha. Anotinyaradza uye anotizorodza. (Verenga Pisarema 94:19.) Pisarema iri rinoita kuti tifunge nezvekasikana kari kutya uye kari kutadza kurara nekuti kune mheni nemabhanan’ana. Tinogona kufungidzira baba vacho vachiuya vokabata uye vokambundira kusvikira karara. Kunyange zvazvo kuchiri kutinhira, kumbundirwa kwakaitwa nababa vako kunoita kuti kanzwe kakachengeteka. Patinosangana nematambudziko anoita kuti titye, tinoda kuti baba vedu vekudenga vaite sevakatibata kusvikira tava kunzwa zviri nani. Tingaitei kuti tinyaradzwe naJehovha?

Baba vako vekudenga ngavakunyaradze vachishandisa Magwaro (Ona ndima 15-16)


16. Ungaitei kuti unyaradzwe naJehovha? (Onawo mufananidzo.)

16 Zvatinofanira kuita. Gara uchiwana nguva yekuva naJehovha kuburikidza nekunyengetera kwaari uye kuverenga Shoko rake. (Pis. 77:​1, 12-14) Kana ukagara uchidaro, chinhu chekutanga chauchaita paunenge uchinetseka, kunyengetera kuna Baba vako vekudenga. Udza Jehovha zvauri kutya uye zviri kukunetsa. Chibva wamuteerera paunoverenga Shoko rake, uye uchaona kukunyaradza kwaari kuita. (Pis. 119:28) Unogona kuwana zvikamu zveBhaibheri zvinogona kukunyaradza paunenge uchitya. Semuenzaniso unogona kukurudzirwa nezvaunoverenga mubhuku raJobho, raMapisarema, raZvirevo, uyewo mashoko aJesu ari muna Mateu chitsauko 6. Paunonyengetera kuna Jehovha uye kuverenga Shoko rake uchanzwa wanyaradzwa.

17. Tine chivimbo chei?

17 Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha acharamba achitibatsira patinowirwa nematambudziko akakura muupenyu hwedu. Hatizombofi takava tega. (Pis. 23:4; 94:14) Jehovha anovimbisa kutichengetedza, kutidzikamisa, kutitsigira uye kutinyaradza. Ichitaura nezvaJehovha, Isaya 26:3 inoti: “Muchachengetedza vaya vanovimba nemi zvizere; muchaita kuti varambe vaine rugare, nekuti ivo vanovimba nemi.” Saka vimba naJehovha, uye ita zvese zvaunogona kuti ubatsirwe naye. Kana ukadaro, uchawana simba kunyange munguva dzakaoma.

UNGAPINDURA SEI?

  • Ndepapi patinganyanya kuda kubatsirwa naJehovha?

  • Inzira dzipi ina dzinoshandiswa naJehovha pakutibatsira patinenge tichishungurudzika?

  • Tingaitei kuti tibatsirwe naJehovha?

RWIYO 12 Mwari Mukuru, Jehovha

a Mamwe mazita akachinjwa.