Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 3

RWIYO 35 ‘Zvinhu Zvinokosha Kupfuura Zvimwe’

Ita Zvisarudzo Zvinofadza Jehovha

Ita Zvisarudzo Zvinofadza Jehovha

“Kutya Jehovha ndiko kutanga kweuchenjeri, uye kuziva Mutsvenetsvene ndiko kunzwisisa.”ZVIR. 9:10.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti tingashandisa sei ruzivo, kunzwisisa, uye ungwaru kuti tiite zvisarudzo zvinoratidza uchenjeri.

1. Zvinhu zvipi zvisiri nyore zvatinofanira kuita tese zvedu?

 ZUVA NEZUVA tinofanira kuita zvisarudzo. Zvimwe zvacho zviri nyore kuita, zvakadai sekusarudza zvekudya mangwanani kana kusarudza nguva yekurara. Zvimwe zvacho zvakaoma kuita. Zvinogona kuita kuti isu nevemumhuri medu tive neutano kana kutokanganisa utano hwedu. Zvinogona kuita kuti tifare kana kutotitorera mufaro wedu. Uye zvinogona kuita kuti tishumire Jehovha zvakanaka kana kutotitadzisa kumushumira. Tinoda kuita zvisarudzo zvinobatsira isu nevemumhuri medu. Asi kupfuura zvese, tinoda kuti zvisarudzo zvedu zvifadze Jehovha.—VaR. 12:​1, 2.

2. Matanho api achakubatsira kuti uite zvisarudzo zvekuchenjera?

2 Kazhinji unogona kuita zvisarudzo zvakanaka kana (1) ukatsvaga mashoko nezvenyaya yacho, (2) ukatsvaga mafungiro aJehovha panyaya yacho, uye (3) ukanyatsofunga kuti ndezvipi zvakanyanya kunaka pane zvaunenge uchida kusarudza. Nyaya ino ichakurukura matanho iwayo matatu, uye ichatibatsira kuti tione kuti tingaita sei kuti tishandise ungwaru kana kuti simba redu rekunzwisisa patinenge tichiita zvisarudzo.—Zvir. 2:11.

TSVAGA MASHOKO NEZVENYAYA YACHO

3. Taura muenzaniso unoratidza kuti nei zvichikosha kuti utange watsvaga mashoko usati waita chisarudzo.

3 Danho rekutanga raunofanira kutora kana uchida kuita chisarudzo chakanaka nderekutsvaga mashoko nezvenyaya yacho. Nei izvi zvichikosha? Chimbofungidzira murwere anoenda kuna chiremba nekuti ane dambudziko rakakura reutano raainaro. Chiremba wacho angangotanga kurapa murwere wacho asina kumbotanga amuongorora kana kumubvunza mibvunzo here? Aiwa. Kungofanana nachiremba anonyatsogona basa rake, uchaita zvisarudzo zvakanaka kana ukatanga watsvaga mashoko nezvenyaya yacho. Ungazviita sei?

4. Maererano naZvirevo 18:​13, zvii zvaungaita kuti uwane mashoko nezvechisarudzo chaunenge uchida kuita? (Onawo mufananidzo.)

4 Kazhinji unogona kuwana mashoko nezvenyaya yacho kana ukabvunza mibvunzo. Semuenzaniso, kana ukakokwa kupati, chii chingakubatsira kuti uzive kuti woenda here kana kuti worega? Kana usinganyatsozivani nemunhu wacho anenge akukoka kana kuti usinganyatsozivi nezveurongwa hwaitwa, unofanira kumubvunza mibvunzo yakadai seyekuti: “Pati yacho ichaitirwa kupi uye riini? Pachange paine vanhu vakawanda sei? Ndiani achange achitungamirira zvinhu zvinenge zvichiitwa ipapo? Ndivanaani vachange varipo? Zvii zvichange zvichiitwa ikoko? Pachange paine doro here?” Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinogona kukubatsira kuti usarudze nekuchenjera.—Verenga Zvirevo 18:13.

Bvunza mibvunzo kuti uwane mashoko nezvenyaya yacho (Ona ndima 4) a


5. Zvii zvaunofanira kuita kana wawana mashoko nezvechisarudzo chaunenge uchida kuita?

5 Kana wawana mashoko awanga uchitsvaga, chinyatsofungisisa nezvenyaya yacho yese. Semuenzaniso, ko kana ukaziva kuti vamwe vanhu vasingaremekedzi zvinodzidziswa neBhaibheri vachange vari kupati yacho kana kuti pachange paine doro asi pasina ari kuona kuti vanhu vari kunwa zvine mwero? Haufungi here kuti kupati iyi vanhu vanogona kupedzisira vava kufara zvakapfurikidza? (1 Pet. 4:3) Ko kana ukaona kuti nguva iri kuitwa pati yacho ndiyo nguva yaunofanira kunge uri kumisangano kana kuti uchiita basa rekuparidza? Kunyatsofunga nezvenyaya yacho yese kuchaita kuti zvive nyore kuita chisarudzo chakanaka. Asi pane rimwe danho raunofanira kutora. Kunyange zvazvo wava kuziva kuti uri kunzwa sei nezvenyaya yacho, zvibvunze kuti, ‘Jehovha anonzwa sei nezvazvo?’—Zvir. 2:6.

FUNGA KUTI JEHOVHA ANOONA SEI NYAYA YACHO

6. Maererano naJakobho 1:​5, nei tichifanira kunyengetera kuti Jehovha atibatsire?

6 Kumbira Jehovha kuti akubatsire kunzwisisa mafungiro ake. Jehovha anovimbisa kutipa uchenjeri kuti tikwanise kunzwisisa kuti ndezvipi zvinomufadza. ‘Anopa munhu wese uchenjeri asingazvidzi.’—Verenga Jakobho 1:5.

7. Ungaitei kuti uve nemafungiro aJehovha? Taura muenzaniso.

7 Kana wanyengetera kuti Jehovha akubatsire, chinyatsocherechedza kuti anokupindura sei. Ngatitii warasika uchienda kune imwe nzvimbo wobva wabvunza munhu anogara munzvimbo yacho kuti akubatsire. Unobva wangobva paari here asati akupindura? Aiwa. Unonyatsomira woteerera zvaanenge achikurayira. Ndizvo zvimwe chetewo kana ukakumbira Jehovha kuti akupe uchenjeri. Edza kuona kuti anokupindura sei kuburikidza nekutsvaga kuti mitemo ipi yemuBhaibheri kana kuti mazano api eBhaibheri anoshanda panyaya yako. Semuenzaniso, paunenge uchisarudza kuti woenda here kupati yatambotaura nezvayo pamusoro apa, unogona kufunga kuti Bhaibheri rinoti kudii nezvenyaya yemitambo yekufara zvakapfurikidza, shamwari dzakaipa uye nyaya yekuisa Umambo pekutanga.—Mat. 6:33; VaR. 13:13; 1 VaK. 15:33.

8. Ungaita sei kana uchida kubatsirwa kuti uwane mashoko aunenge uchida? (Onawo mufananidzo.)

8 Dzimwe nguva unogona kunge uchida kubatsirwa kuti uwane mashoko aunenge uchida. Unogona kupiwa mazano nehama kana hanzvadzi yakasimba pakunamata. Asi unogonawo kutsvakurudza uri wega. Pane mashoko akawanda aunogona kuwana mumabhuku atinoshandisa pakudzidza Bhaibheri akadai serinonzi Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza uye rinonzi Magwaro Anobatsira Pakurarama kwechiKristu. Yeuka kuti chinangwa chako ndechekuti uite chisarudzo chinofadza Jehovha.

Funga kuti Jehovha anoona sei nyaya yacho (Ona ndima 8) b


9. Tingava sei nechokwadi chekuti zvatinosarudza zvinofadza Jehovha? (VaEfeso 5:17)

9 Tingava sei nechokwadi chekuti zvatinosarudza zvinofadza Jehovha? Tinofanira kutanga tanyatsomuziva. Bhaibheri rinoti: “Kuziva Mutsvenetsvene ndiko kunzwisisa.” (Zvir. 9:10) Kunzwisisa kwechokwadi kunobva pakunyatsoziva kuti Jehovha ndiMwari akaita sei, chinangwa chake, uye zvaanoda nezvaanovenga. Zvibvunze kuti, ‘Kubva pane zvandinoziva nezvaJehovha, chisarudzo chipi chandichaita chichamufadza?’—Verenga VaEfeso 5:17.

10. Nei mazano eBhaibheri achikosha kupfuura tsika dzemumhuri kana kuti dzemunharaunda matinogara?

10 Dzimwe nguva kuti tifadze Jehovha tinotofanira kuita zvinhu zvisingafadze vanhu vari pedyo nesu. Semuenzaniso, vamwe vabereki vachifunga kuti vari kuita zvakanaka vanogona kukurudzira mwanasikana wavo kuti aroorwe nemurume akapfuma, kana kuti uya anogona kuvapa mari yeroora yakawanda, kunyange zvazvo murume wacho asina kusimba pakunamata. Ichokwadi kuti vanenge vachida kuti mwanasikana wavo achengetwe zvakanaka, asi ndiani achamubatsira kuti arambe achifambira mberi pakunamata? Jehovha anoona sei nyaya iyi? Tinowana mhinduro pana Mateu 6:33. Pavhesi iyoyo, vaKristu vanokurudzirwa kuti: “Rambai muchitanga kutsvaga Umambo.” Kunyange zvazvo tichikudza vabereki vedu uye tichiremekedza vanhu vemunharaunda matinogara, chinangwa chedu chikuru ndechekuita kuti Jehovha afare.

NYATSOFUNGA KUTI NDEZVIPI ZVAKANYANYA KUNAKA

11. Chii chinotaurwa pana VaFiripi 1:​9, 10 chichakubatsira kusarudza zvakanaka?

11 Kana wanyatsofunga nezvemazano eBhaibheri anoshanda pane zvaunenge uchida kusarudza, chinyatsofunga kuti ndechipi chisarudzo chakanaka kupfuura chimwe. (Verenga VaFiripi 1:​9, 10; ona study note yakanzi full discernment.”) Ungwaru huchakubatsira kuti uone kuti chisarudzo chimwe nechimwe chichaguma nei. Dzimwe nguva zviri nyore kusarudza zvekuita. Asi hazvisi zvisarudzo zvese zviri pachena. Ungwaru huchakubatsira kuti usarudze zvakanaka kunyange pazvinenge zvisiri nyore.

12-13. Ungwaru huchakubatsira sei kuti usarudze nekuchenjera panyaya yekutsvaga basa?

12 Ngatitii uri kutsvaga basa rekuti uriritire mhuri yako. Pane mabasa maviri amuka. Unotanga nekuongorora kuti zvii zvinenge zvichimboitwa pabasa racho, uchange uchiriita mazuva api uye nguvai, zvichada nguva yakawanda sei kuenda nekudzoka kubasa kwacho, nezvimwewo. Unoona kuti mabasa acho ese haapesani nezvinodzidziswa neBhaibheri. Pamwe uri kunyanya kuda rimwe racho nekuti unorifarira kana kuti rinobhadhara kupfuura rimwe racho. Asi pane zvimwe zvaunofanira kufunga nezvazvo usati wasarudza rauchaita.

13 Semuenzaniso, basa racho richakutadzisa kupinda mimwe misangano here? Richakutorera nguva yaunofanira kutandara nemhuri yako uye kuibatsira kuti irambe yakasimba pakunamata here? Kuzvibvunza mibvunzo iyi kuchakubatsira kuti uise zvinhu zvekunamata uye mhuri yako pekutanga, zvinova ndizvo ‘zvinonyanya kukosha kupfuura’ mari. Kuita izvi kuchakubatsira kuti uite chisarudzo chichakomborerwa naJehovha.

14. Ungwaru huchatibatsira sei kuti tiratidze rudo uye tisagumbura vamwe?

14 Ungwaru huchatibatsirawo kuti tifunge kuti zvatinosarudza zvinoita kuti vamwe vanzwe sei kuitira kuti ‘tisavagumbura.’ (VaF. 1:10) Izvi zvinokosha patinenge tichisarudza zvinhu zvakadai semapfekero edu uye kuratidzika kwatinoita. Semuenzaniso, tinogona kunge tiine zvatinofarira panyaya idzi. Asi ko kana vamwe, vangava vari muungano kana kuti vasiri, vachigumburwa nazvo? Ungwaru huchatibatsira kuti tiremekedze manzwiro avo. Rudo ruchatibatsira kuti tiite zvinhu ‘zvinobatsira vamwe’ uye kuti tive nemwero. (1 VaK. 10:​23, 24, 32; 1 Tim. 2:​9, 10) Kana tikadaro, zvinhu zvatinosarudza zvicharatidza kuti tinoda vamwe uye tinovaremekedza.

15. Zvii zvaunofanira kufunga nezvazvo kana uine chisarudzo chakakura chauri kuda kuita?

15 Kana uine chisarudzo chakakura chauri kuda kuita, funga kuti zvii zvinodiwa kuti ukwanise kuita zvacho zvauchasarudza. Jesu akatidzidzisa kuti kana tiine zvatiri kuda kuita tinofanira kutanga ‘taverenga zvatichashandisa.’ (Ruka 14:28) Saka funga nezvekuti zvichada nguva yakawanda sei, zvii zvinodiwa uye kuti uchafanira kushanda zvakadii kuti zvaunenge wasarudza zvibudirire. Dzimwe nguva ungatofanira kutaura nevemumhuri mako kuti muone kuti mumwe nemumwe angaitei kuti atsigire zvinenge zvasarudzwa. Nei zvichikosha kuti muronge zvinhu saizvozvo? Izvi zvinogona kukubatsira kuona kuti pane zvaungada kugadzirisa here pane zvawanga wasarudza kana kuti wotosarudza zvimwe zvakasiyana naizvozvo. Kana ukakurukura nevemumhuri mako, woteererawo mazano avo, zvichaita kuti vave nechido chekutsigira zvauchasarudza zvoita kuti ubudirire.—Zvir. 15:22.

ITA CHISARUDZO CHICHABUDIRIRA

16. Zvii zvichakubatsira kuti uite chisarudzo chichabudirira? (Onawo bhokisi rakanzi “ Ungaitei Kuti Uite Zvisarudzo Zvekuchenjera?”)

16 Kana waita zvese zvataurwa pamusoro apa, unenge wava kukwanisa kusarudza nekuchenjera. Watsvaga mashoko anodiwa uye waongorora mazano achakubatsira kuti usarudze zvinhu zvinofadza Jehovha. Iye zvino wava kukwanisa kukumbira Jehovha kuti akubatsire kuti zvaunenge wasarudza zvibudirire.

17. Ndechipi chinhu chikuru chichakubatsira kuita zvisarudzo zvakanaka?

17 Kunyange kana wakamboita zvisarudzo zvakawanda zvakabudirira kare, yeuka kuti chinhu chikuru chichakubatsira kuita zvisarudzo zvakanaka, kuvimba neuchenjeri hwaJehovha kwete kungwara kwako kana ruzivo rwako. Ndiye ega anogona kukupa ruzivo rwechokwadi, kunzwisisa, uye ungwaru, izvo zvinoita kuti uve neuchenjeri. (Zvir. 2:​1-5) Jehovha anogona kukubatsira kusarudza zvinhu zvinomufadza.—Pis. 23:​2, 3.

RWIYO 28 Kuva Shamwari yaJehovha

a KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hama nehanzvadzi dzechidiki dziri kukurukura nezvemeseji yavatumirwa pamafoni avo iri kuvakoka kupati.

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Imwe hama yacho inotsvakurudza kuti ione kuti yoenda here kupati yacho kana kuti yorega.