Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Kudhirowa Kunokubatsira Kuyeuka Zvawadzidza

Kudhirowa Kunokubatsira Kuyeuka Zvawadzidza

Pamwe kungofanana nevakawanda vedu, zvinombokuomera kuyeuka zvaunenge wadzidza. Asi wakambocherechedza here kuti zviri nyore kuyeuka mifananidzo yaJesu? Nei zvakadaro? Nekuti tinogona kufungidzira zvakaitika mumifananidzo yacho zvotibatsira kuyeuka zvaaidzidzisa. Saizvozvowo, unokwanisa kuyeuka zvakawanda zvaunenge wadzidza kana ukaedza kufungidzira zvinhu zvacho zvaunenge uchiverenga. Ungazviita sei izvozvo? Kuburikidza nekudhirowa zvaunenge uchidzidza.

Vanhu vanodhirowa zvinhu zvitsva zvavanenge vadzidza vanowanzozviyeuka. Vanoona kuti kudhirowa kunovabatsira kubata mashoko uye pfungwa huru dzavanenge vadzidza. Havadhirowe havo zvinhu zvinoshamisira asi zvekungoti zvivabatsire kuyeuka zvavanenge vadzidza. Uye zvakaonekwa kuti vaya vakura vanogona kubatsirwa chaizvo kana vakashandisa nzira iyi pakudzidza.

Saka paunenge uchiverenga, unogona kumboedza kudhirowa zvinhu zvaunenge wadzidza. Unogona kutoshamisika nekuwanda kwezvinhu zvaunenge uchiri kukwanisa kuyeuka!