Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 1

RWIYO 2 Jehovha Ndiro Zita Renyu

Kudzai Jehovha

Kudzai Jehovha

RUGWARO RWEDU RWEGORE RWA2025: “Ipai Jehovha kukudzwa kwakakodzera zita rake.”PIS. 96:8.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti tingapa sei Jehovha rukudzo rwakamukodzera.

1. Vanhu vakawanda mazuva ano vanoisa pfungwa pachii?

 WAKAMBOCHERECHEDZA here kuti vanhu vakawanda mazuva ano vanongozvifunga? Semuenzaniso, vamwe vavo vanotoshandisa social media kuzvikudza uye kushamisira nezvinhu zvavainazvo uye zvavanenge vachiita. Kunyange zvakadaro, kunewo vamwe vanoda kukudza Jehovha Mwari. Munyaya ino, tichakurukura kuti kukudza Jehovha kunomborevei uye kuti nei tichifanira kumukudza. Tichadzidzawo kuti tingapa sei Mwari rukudzo rwakamukodzera uye kuti iye pachake achakudza sei zita rake mune ramangwana.

ZVINOMBOREVEI KUKUDZA JEHOVHA?

2. Jehovha akaratidza sei ukuru hwake paGomo reSinai? (Onawo mufananidzo uri pakavha.)

2 Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha ndiMwari mukuru anoshamisa. Nguva pfupi rudzi rwaIsraeri rwanunurwa kubva muuranda muIjipiti, Jehovha akaratidza ukuru hwake nenzira inoshamisa. Chimbofungidzira izvi: Mamiriyoni evaIsraeri akaungana mujinga reGomo reSinai kuti anzwe mashoko anobva kuna Mwari. Gore dema rinofukidza gomo racho. Nyika inobva yatanga kudengenyeka uye panova nemabhanan’ana nemheni. Panonzwikawo kurira kukuru kwehwamanda. (Eks. 19:​16-18; 24:17; Pis. 68:8) Chimbofungidzira kuti vaIsraeri ivavo vakanzwa sei pavakaona uye pavakanzwa zvinhu izvi zvinoratidza kuti Jehovha ndiMwari ane simba guru.

Jehovha akaratidza vaIsraeri ukuru hwake paGomo reSinai (Ona ndima 2)


3. Zvinomborevei kukudza Jehovha?

3 Ko isu vanhu, tinokwanisawo kukudza Jehovha here? Ehe, tinokwanisa. Imwe nzira yatinokudza nayo Jehovha ndeyekuudza vamwe nezvesimba rake guru uye kuvatsanangurira kuti ndiMwari akaita sei. Tinokudzawo Jehovha patinoita kuti arumbidzwe pese paanotibatsira kuita chimwe chinhu. (Isa. 26:12) Mambo Dhavhidhi ndemumwe wevanhu vakakudza Jehovha. Akatombonyengetera pamberi peungano yevaIsraeri achiti: “Haiwa Jehovha, ukuru nesimba nerunako nekubwinya nekukudzwa ndezvenyu, nekuti zvinhu zvese zviri kudenga nepanyika ndezvenyu.” Pashure pekunge Dhavhidhi apedza kunyengetera, “ungano yese yakabva yarumbidza Jehovha.”—1 Mak. 29:​11, 20.

4. Jesu akakudza sei Jehovha?

4 Jesu paaiva panyika, aikudza Baba vake nekuudza vanhu kuti Jehovha ndiye aimupa simba rekuita zvishamiso. (Mako 5:​18-20) Jesu aikudzawo Jehovha nemabatiro aaiita vamwe uye zvaaitaura nezvaBaba vake. Rimwe zuva, Jesu aidzidzisa musinagogi. Pakati pevanhu vaiteerera paiva nemumwe mukadzi akanga ava nemakore 18 akagarwa nedhimoni. Dhimoni racho rakanga raita kuti afambe akakotama zvakanyanya zvekuti aisatombogona kumira akatwasuka. Mukadzi iyeye anofanira kunge akanga akaomerwa chaizvo neupenyu! Jesu akamunzwira tsitsi, achibva aenda paari akataura naye zvakanakanaka achiti: “Amai, masunungurwa pakushayiwa kwenyu simba.” Akabva aisa maoko ake paari, uye pakarepo mukadzi iyeye akasimuka “akatanga kukudza Mwari.” Akatenda chaizvo kuti Jehovha akanga amuporesa! (Ruka 13:​10-13) Mukadzi iyeye aiva nechikonzero chakanaka chekukudza Jehovha, uye nesuwo tine zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti timukudze.

NEI TICHIKUDZA JEHOVHA?

5. Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvekuti tiremekedze Jehovha?

5 Tinokudza Jehovha nekuti tinomuremekedza zvikuru. Tine zvikonzero zvakawanda zvekuti timuremekedze. Jehovha ndewemasimbaose; simba rake harigumi. (Pis. 96:​4-7) Uchenjeri hwake hwakadzama hunooneka pazvinhu zvaakasika. Ndiye akatipa upenyu uye ndiye anotipa zvese zvatinoda kuti tirambe tichirarama. (Zvak. 4:11) Akavimbika. (Zvak. 15:4) Zvese zvaanoita zvinobudirira, uye nguva dzese anoita zvaanenge avimbisa. (Josh. 23:14) Ndosaka muprofita Jeremiya akataura nezvaJehovha achiti: “Pakati pevakachenjera vese vemamwe marudzi uye pakati peumambo hwavo hwese, hapana kana akaita semi”! (Jer. 10:​6, 7) Chokwadi tine zvikonzero zvakanaka zvekuti tiremekedze Baba vedu vekudenga. Asi hatingogumiri pakuremekedza Jehovha, tinomudawo.

6. Nei tichida Jehovha?

6 Tinokudza Jehovha nekuti tinomuda zvikuru. Chimbofunga zvimwe zvinhu zvinoita kuti timude. Ane tsitsi nengoni. (Pis. 103:13; Isa. 49:15) Patinorwadziwa, anorwadziwawo. (Zek. 2:8) Anoita kuti zvive nyore kuti tiswedere pedyo naye uye tive shamwari dzake. (Pis. 25:14; Mab. 17:27) Uye anozvininipisa; “anokotama kuti atarise denga nenyika, achisimudza munhu akaderera kubva muguruva.” (Pis. 113:​6, 7) Zvese izvi zvinoita kuti tide kukudza Mwari wedu mukuru.—Pis. 86:12.

7. Mukana upi watiinawo?

7 Tinokudza Jehovha nekuti tinoda kuti vamwe vamuzive. Vanhu vakawanda havazivi chokwadi nezvaJehovha. Nei zvakadaro? Nekuti Satani akapofumadza pfungwa dzavo nekutaura nhema nezvaMwari. (2 VaK. 4:4) Satani anoita kuti vanhu vafunge kuti Jehovha akangomirira kuranga vanhu, haana rudo, uye kuti ndiye ari kukonzera matambudziko ese ari panyika. Asi isu tinoziva chokwadi nezvaMwari wedu! Tine mukana wekubatsira vanhu kuti vazive kuti Jehovha ndiMwari akaita sei, vomukudza. (Isa. 43:10) Pisarema 96 rinotaura nezvekukudza Jehovha. Patichange tichikurukura zvimwe zviri mupisarema iri rakafemerwa, funga nezvezvimwe zvaungaita kuti upe Jehovha rukudzo rwakamukodzera.

TINGAITA SEI KUTI TIPE JEHOVHA RUKUDZO RWAKAMUKODZERA?

8. Ndeipi imwe nzira yatingakudza nayo Jehovha? (Pisarema 96:​1-3)

8 Verenga Pisarema 96:​1-3. Tinogona kukudza Jehovha nezvatinotaura nezvake. Mumavhesi aya, vanhu vaJehovha vanoudzwa kuti ‘vaimbire Jehovha,’ ‘varumbidze zita rake,’ ‘vazivise mashoko akanaka ekuponesa kwake,’ uye ‘vazivise kukudzwa kwake pakati pemarudzi.’ Zvese izvi zvinhu zvatinogona kuita kuti tikudze Baba vedu vekudenga nezvatinotaura. VaJudha vakatendeka uye vaKristu vekutanga vaisazeza kuudza vamwe nezvezvinhu zvakanaka zvavakanga vaitirwa naJehovha uye kutaura vachimumiririra paaishorwa. (Dhan. 3:​16-18; Mab. 4:29) Tingaitawo sei izvozvo?

9-10. Wadzidzei kubva kune zvakaitika kuna Angelena? (Onawo mufananidzo.)

9 Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Angelena, a inogara kuUnited States. Akataura neushingi achimiririra Jehovha kubasa kwaanoshanda. Paakanga achiri mutsva pabasa pacho, iye nevamwe vakanga vachangobva kupinda basa pakambani iyoyo vakadaidzwa kuti vauye kumusangano. Pamusangano iwoyo, mumwe nemumwe aifanira kutaura chimwe chinhu nezvake. Angelena aida kuratidza vanhu mapikicha anoratidza mufaro waanowana kubva pakuva Chapupu chaJehovha. Mukana wake wekuti ataure pawakanga wava kuda kusvika, mumwe murume waanoshanda naye akasimuka kuti ataurewo. Murume wacho akabva ataura kuti akarerwa mumhuri yeZvapupu uye akatanga kutaura zvakaipa nezvezvatinotenda. Angelena anoti: “Hana yangu yakatanga kurova. Asi ndakafunga kuti: ‘Ndingarega munhu achitaura nhema nezvaJehovha here? Ndinofanira kutotaura chokwadi ndichimumiririra.’”

10 Murume wacho paakapedza kutaura, Angelena akanyengetera nechemumwoyo. Akabva ataura naye zvakanakanaka achiti: “Neniwo ndakarerwa mumhuri yeZvapupu kungofanana newe uye nanhasi ndichiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Murume wacho akaratidza kuti haana kufara nezvakanga zvataurwa naAngelena, asi Angelena akaramba akadzikama. Akatanga kuratidza vanhu mapikicha ake neshamwari dzake vachishumira Jehovha vachifara uye kutsanangura zvaanotenda zvine ruremekedzo. (1 Pet. 3:15) Zvakaguma nei? Angelena paakazopedza kutaura, murume wacho akanga adzikama. Akatotaura zvimwe zvinhu zvakanaka zvakaitika paaikura achiri kuwadzana neZvapupu zvaJehovha. Angelena anoti: “Jehovha anofanira kumiririrwa vanhu pavanotaura zvakaipa nezvake uye iropafadzo chaiyo kutaura tichimumiririra.” Isuwo tine ropafadzo yekurumbidza Jehovha uye kumukudza kunyange vamwe pavanomushora.

Tinogona kukudza Jehovha nezvatinotaura, nezvinhu zvedu zvinokosha, uye nezvatinoita (Ona ndima 9-10) b


11. Kubvira kare, vanamati vechokwadi vaishandisa sei zvinotaurwa pana Pisarema 96:8?

11 Verenga Pisarema 96:8. Tinogona kukudza Jehovha nekumupa zvinhu zvedu zvinokosha. Vanamati vechokwadi vagara vachikudza Jehovha nenzira iyi. (Zvir. 3:9) Semuenzaniso, vaIsraeri vakapa mipiro yaizoshandiswa pakuvaka temberi uye kuita kuti igare yakanaka. (2 Madz. 12:​4, 5; 1 Mak. 29:​3-9) Vadzidzi vaKristu vaishumira Jesu nevaapostora vake “vachishandisa zvinhu zvavo.” (Ruka 8:​1-3) VaKristu vekutanga vakaunganidzawo zvinhu zvaizobatsira hama nehanzvadzi dzavo dzakanga dzawirwa nenzara. (Mab. 11:​27-29) Mazuva ano isuwo tinogona kukudza Jehovha nemipiro yatinopa.

12. Mipiro yatinopa ingaita sei kuti Jehovha akudzwe? (Onawo mufananidzo.)

12 Funga zvimwe zvakaitika zvinoratidza kuti mipiro yedu inoita kuti Jehovha akudzwe. Mumwe mushumo wegore ra2020 wakataura kuti muZimbabwe makaitika nzara. Mamiriyoni evanhu akanga asina kana chekubata, kusanganisira imwe hanzvadzi yedu inonzi Prisca. Pasinei nekuti kwaiva nenzara, Prisca akaramba achienda kunoparidza musi weChitatu neChishanu chega chega, kunyange panguva yekurima. Vavakidzani vake pavaimuona achienda kunoparidza pane kuti aende kumunda, vaimunyomba vachiti, “Uchafa nenzara.” Asi Prisca aipindura nechivimbo achiti, “Jehovha haamborasi vashumiri vake.” Pasina nguva, Prisca akabatsirwa neurongwa hwakanga hwaitwa nesangano redu hwekuyamura vaya vakanga vawirwa nenzara. Mipiro yedu ndiyo yakashandiswa kuti vanhu ivavo vakanga vawirwa nenzara vayamurwe. Vavakidzani vaPrisca vakabayiwa mwoyo uye vakamuudza kuti, “Mwari haana kumbokurasa, saka tinoda kudzidza zvakawanda nezvake.” Vavakidzani vake 7 vakatanga kupinda misangano.

Tinogona kukudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha (Ona ndima 12) c


13. Tingakudza sei Jehovha nezvatinoita? (Pisarema 96:9)

13 Verenga Pisarema 96:9. Tinogona kukudza Jehovha nezvatinoita. Vapristi vaishumira paimba yaJehovha vaifanira kugara vakachena. (Eks. 40:​30-32) Isuwo tinofanira kugara takachena, kwete panyaya yekungova neutsanana chete asiwo tinofanira kurega kuita chero chii zvacho chinovengwa naJehovha. (Pis. 24:​3, 4; 1 Pet. 1:​15, 16) Tinofanira kushanda nesimba kuti tibvise “unhu hwekare,” kureva mafungiro nemaitiro asina kuchena, topfeka “unhu hutsva,” kureva mafungiro nemaitiro anoratidza kuti tiri kutevedzera Jehovha. (VaK. 3:​9, 10) Jehovha anogona kubatsira chero munhu aiita zvakaipa kuti achinje uye apfeke unhu hutsva.

14. Wadzidzei kubva kune zvakaitika kuna Jack? (Onawo mufananidzo.)

14 Funga nezvaJack, mumwe murume aityisa zvisingaiti uye aida zvekurwisana nevanhu. Akanga akatopiwa zita remadunhurirwa rekuti Dhimoni. Nemhaka yemhosva dzake, Jack akatongerwa rufu. Asi paakanga akamirira kuti aurayiwe, akabvuma kudzidza Bhaibheri neimwe hama yaienda kunoparidza kujeri raakanga akavharirwa. Pasinei nezvaakanga amboita, Jack akabvisa unhu hwake hwekare uye akatozokwanisa kubhabhatidzwa. Jack akachinja zvekuti musi waakaurayiwa mamwe magadhijeri akatoyangarara misodzi mumaziso paaimuoneka. Mumwe musoja anoshanda mujeri racho akati: “Mujeri rino rese hapana munhu akanga akaipa saJack. Asi iye zvino ndiye ava munhu akanaka kupfuura vamwe vese.” Pashure pevhiki Jack aurayiwa, hama padzakadzokera kujeri riya kuti dzinoitisa musangano, dzakaona mumwe musungwa akatanga kupinda musangano musi iwoyo. Chii chakaita kuti ade kupinda? Akabayiwa mwoyo nekuchinja kwakanga kwaita Jack uye aida kuziva kuti zvii zvaaifanira kuita kuti anamate Jehovha. Zviri pachena kuti zvatinoita zvinogona kuita kuti Baba vedu vekudenga vakudzwe!—1 Pet. 2:12.

Tinogona kukudza Jehovha nezvatinoita (Ona ndima 14) d


JEHOVHA ACHAKUDZA SEI ZITA RAKE MUNGUVA PFUPI IRI KUUYA?

15. Jehovha achakudza sei zita rake zvizere munguva pfupi iri kuuya? (Pisarema 96:​10-13)

15 Verenga Pisarema 96:​10-13. Mavhesi ekupedzisira ePisarema 96 anorondedzera Jehovha saMambo uye Mutongi akarurama. Jehovha achakudza sei zita rake munguva pfupi iri kuuya? Achazviita achishandisa mitongo yake. Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achapa mutongo kuBhabhironi Guru nekuti rinozvidza zita rake dzvene. (Zvak. 17:​5, 16; 19:​1, 2) Vamwe vachaona Bhabhironi Guru richiparadzwa vanogona kubatana nesu pakunamata kwechokwadi. Pakupedzisira, pahondo yeAmagedhoni, Jehovha achaparadza nyika yese yaSatani. Panguva iyoyo, achaparadza vese vanomupikisa uye vanomhura zita rake, oponesa vaya vanomuda, vanomuteerera uye vanomukudza. (Mako 8:38; 2 VaT. 1:​6-10) Pachapera muedzo wekupedzisira, uyo uchaitika pashure peKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000, Jehovha achange atsvenesa zita rake zvizere. (Zvak. 20:​7-10) Panguva iyoyo, “nyika ichazara nekuziva kubwinya kwaJehovha sekufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.”—Hab. 2:14.

16. Une chido chekuitei? (Onawo mufananidzo.)

16 Tichafara zvikuru pachasvika nguva yekuti munhu wese achange ava kupa Jehovha rukudzo rwakakodzera zita rake! Asi takamirira nguva iyoyo, tinogona kushandisa mukana wese watinowana kuti tikudze Mwari wedu. Kuti tiise pfungwa pabasa iroro rinokosha, Dare Rinotungamirira rasarudza Pisarema 96:8 kuti rwuve rugwaro rwegore rwa2025. Rugwaro rwacho runoti: Ipai Jehovha kukudzwa kwakakodzera zita rake.”

Pakupedzisira, munhu wese achapa Jehovha rukudzo rwakakodzera zita rake! (Ona ndima 16)

RWIYO 12 Mwari Mukuru, Jehovha

a Mamwe mazita akachinjwa.

b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mufananidzo uri kuenzanisira zvakaitika kuna Angelena.

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mufananidzo uri kuenzanisira zvakaitika kuna Prisca.

d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mufananidzo uri kuenzanisira zvakaitika kuna Jack.