Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 4

RWIYO 18 Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

Rudzikinuro Rwunotidzidzisei?

Rudzikinuro Rwunotidzidzisei?

“Mwari akatiratidza rudo rwake [neizvi].”1 JOH. 4:9.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti rudzikinuro rwunotidzidzisei pamusoro paJehovha Mwari naJesu Kristu.

1. Tinobatsirwa sei nekupinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu gore negore?

 JEHOVHA akatipa chipo chinokosha chaizvo paakatuma Mwanakomana wake kuti atifire. (2 VaK. 9:15) Nemhaka yekuti Jesu akapa upenyu hwake, unogona kuva shamwari yepedyo yaJehovha Mwari. Unokwanisawo kuva netariro yekurarama nekusingaperi. Saka zvakakodzera kuti tiratidze kuti tinotenda kudzikinurwa kwatakaitwa uye kuti tinotendawo Jehovha, uyo akatipa rudzikinuro urwu nekuti anotida. (VaR. 5:8) Kuti atibatsire kuti tigare tichitenda rudzikinuro uye kuti tirambe tichirwukoshesa, Jesu akatipa murayiro wekuti tipinde Chirangaridzo cherufu rwake gore negore.—Ruka 22:​19, 20.

2. Tichadzidzei munyaya ino?

2 Gore rino, Chirangaridzo chichaitwa musi weMugovera, 12 April 2025. Tese tiri kuronga kuzopinda musangano uyu. Tichabatsirwa nawo kana tikawana nguva yekufungisisa a zvatakaitirwa naJehovha neMwanakomana wake mumwaka uno weChirangaridzo. Munyaya ino, tichakurukura kuti rudzikinuro rwunotidzidzisei nezvaJehovha uye Mwanakomana wake. Munyaya inotevera, tichabatsirwa kunzwisisa kuti rudzikinuro rwunotibatsira sei uye kuti tingaratidza sei kuti tinorwukoshesa.

RUDZIKINURO RWUNOTIDZIDZISEI NEZVAJEHOVHA?

3. Rufu rwemunhu mumwe chete rwaigona sei kudzikinura vanhu vakawanda pachivi nerufu? (Onawo mufananidzo.)

3 Rudzikinuro rwunotidzidzisa kuti Jehovha ndiMwari anoita zvakarurama. (Dheut. 32:4) Nei tichidaro? Chimbozvifunga: Kusateerera kwaAdhamu kwakaita kuti tive nechivi, icho chinoita kuti tife. (VaR. 5:12) Kuti tisunungurwe pachivi nerufu, Jehovha akaronga kuti Jesu atidzikinure. Asi rufu rwemunhu mumwe chete akanga asina chivi rwaizodzikinura sei vanhu vakawanda pachivi nerufu? Muapostora Pauro akatsanangura kuti: “Nekuti kusateerera kwemunhu mumwe chete [Adhamu] kwakaita kuti vakawanda vanzi vatadzi, saka kuteerera kwemunhu mumwe chete [Jesu] kuchaitawo kuti vakawanda vanzi vakarurama.” (VaR. 5:19; 1 Tim. 2:6) Nemamwe mashoko, kusateerera kwemunhu mumwe chete akanga asina chivi kwakaita kuti tive varanda vechivi nerufu. Saka kuteerera kwemunhu mumwe chete akanga asina chivi kwakatisunungurawo pachivi nerufu.

Munhu mumwe chete, Adhamu, ndiye akaita kuti tive varanda vechivi nerufu. Nemhakawo yemunhu mumwe chete, Jesu, tinogona kusunungurwa pachivi nerufu (Ona ndima 3)


4. Nei Jehovha asina kungosiya vana vaAdhamu vaiteerera vachirarama nekusingaperi?

4 Jesu aitofanira kufa here kuti tinunurwe? Jehovha aitadza here kungoita kuti vana vaAdhamu vanoteerera vararame nekusingaperi? Kwatiri sevanhu vane chivi, izvozvo zvaigona kuita sezvakanaka uye zvine musoro. Asi kana tikava nemaonero iwayo, tinenge tiri kukanganwa kuti Jehovha ndiMwari anotonga zvakarurama. Kudai akasiya Adhamu asina kupiwa mutongo unoenderana nekutadza kwake, zvaizoita sekuti Adhamu haana kumbobvira atadza uye kuti vana vake havana kumbokanganiswa nechivi chaakaita.

5. Nei tichigona kuva nechivimbo chekuti Jehovha anoita zvakarurama nguva dzese?

5 Chii chaizoitika kudai Jehovha asina kuita urongwa hwerudzikinuro asi ongobvumira vana vaAdhamu vane chivi kuti vararame nekusingaperi? Kudai Jehovha akadaro, kwainge kuri kutotadza kutevedzera mitemo yake yakarurama. Izvi zvaizoita kuti vanhu vanetseke kuti kana akambotadza kutevedzera mitemo yake yakarurama, tingava sei nechivimbo chekuti achazadzisa zvimwe zvinhu zvaakavimbisa mune ramangwana? Hatifaniri hedu kunetseka nezvese izvi. Kupiwa kwatakaitwa Mwanakomana wake waanoda, kunyange zvazvo zvaimurwadza zvikuru, kunoita kuti tive nechivimbo chekuti Jehovha anoita zvakarurama nguva dzese.

6. Rudzikinuro runoratidza sei kuti Jehovha anotida? (1 Johani 4:​9, 10)

6 Kunyange zvazvo rudzikinuro rwuchitibatsira kunzwisisa kuti Jehovha anoita zvakarurama, rwunotonyanya kutibatsira kunzwisisa kudzama kwerudo rwake. (Joh. 3:16; verenga 1 Johani 4:​9, 10.) Dzidziso yerudzikinuro inoratidza kuti Jehovha anoda kuti tirarame nekusingaperi uye kuti anodawo kuti tive mumhuri yake. Chimbozvifunga: Adhamu paakatadza, Jehovha akamudzinga mumhuri yake yevaya vanomunamata. Izvi zvakaita kuti tese tiberekwe tiri kunze kwemhuri yaMwari. Asi nemhaka yerudzikinuro, Jehovha anoregerera zvivi zvedu uye pakupedzisira achaita kuti tive mumhuri yake yevanhu vanotenda maari uye vanomuteerera. Kunyange iye zvino, tinogona kuva shamwari dzaJehovha uyewo dzevaya vanomunamata. Chokwadi, Jehovha anotida zvikuru!—VaR. 5:​10, 11.

7. Kutambura kwakaita Jesu kunotibatsira sei kunzwisisa kudiwa kwatinoitwa naJehovha?

7 Tinogona kuwedzera kunzwisisa kudiwa kwatinoitwa naJehovha kana tikafunga kuti akanzwa sei paaiona Mwanakomana wake achirwadziwa. Satani anoti hakuna mushumiri waMwari anoramba akavimbika kana zvinhu zvikamuomera. Kuti Jehovha abudise pachena nhema idzodzo, akabvumira Jesu kuti atambure asati afa. (Job. 2:​1-5; 1 Pet. 2:21) Jehovha aizviona Jesu paaitsvinyirwa nevanhu vaiita zvechitendero vaimupikisa, paakarohwa nemasoja, uye paakarovererwa padanda. Jehovha akaonawo Mwanakomana wake waanoda achifa rufu runorwadza. (Mat. 27:​28-31, 39) Jehovha aiva nesimba rekuita kuti zvinhu izvi zvirege kuitika. Semuenzaniso, vaipikisa Jesu pavakati: “[Mwari] ngaachimununura kana achimuda,” Jehovha aigona kubva atoita izvozvo. (Mat. 27:​42, 43) Asi kudai Mwari akamununura, hapana rudzikinuro rwaizobhadharwa uye tingadai tisina tariro. Saka Jehovha akabvumira kuti Mwanakomana wake atambure kusvikira pakufa.

8. Jehovha akarwadziwa here paakaona Mwanakomana wake achitambura? Tsanangura. (Onawo mufananidzo.)

8 Ngatisafunga kuti nemhaka yekuti Jehovha ndiMwari wemasimbaose, haarwadziwewo! Takasikwa nemufananidzo waMwari, tichikwanisa kurwadziwawo panoitika zvimwe zvinhu. Saka zvine musoro kufunga kuti Jehovha anotorwadziwawo. Bhaibheri rinotsanangura nezvaJehovha kuti ‘akatomborwadziswawo.’ (Pis. 78:​40, 41) Fungawo nezvenyaya yaAbrahamu naIsaka. Unoyeuka kuti Abrahamu akapiwa murayiro wekuti aende kunopa mwanakomana wake mumwe chete sechibayiro. (Gen. 22:​9-12; VaH. 11:​17-19) Tinogona kufungidzira kunetseka kwaiita Abrahamu paaigadzirira kunouraya mwanakomana wake nebanga. Ko zvakadii naJehovha? Anofanira kunge akarwadziwa chaizvo paaiona Mwanakomana wake achibatwa zveutsinye kusvikira pakufa nevanhu vakanga vasinganamati Mwari!—Ona vhidhiyo iri pajw.org yakanzi Tevedzera Kutenda Kwavo—Abrahamu, Chikamu 2.

Jehovha airwadziwa paaiona Mwanakomana wake achitambura (Ona ndima 8)


9. VaRoma 8:​32, 38, 39 inokudzidzisei nezverudo rwaJehovha?

9 Rudzikinuro rwunotidzidzisa kuti hakuna mumwe anotida kupfuura Jehovha, kunyange hama kana kuti shamwari yedu yepedyo. (Verenga VaRoma 8:​32, 38, 39.) Jehovha anokuda kupfuura kuda kwaunozviita. Unoda kurarama nekusingaperi here? Jehovha anotoda kuti urarame nekusingaperi kupfuura kuda kwaunoita kurarama nekusingaperi. Unoda kuregererwa zvivi zvako here? Jehovha anoda kukuregerera zvivi zvako kupfuura kuda kwaunoita kuregererwa zvivi zvako. Chaanongotikumbira ndechekuti tigamuchire chipo ichi chaakatipa kuburikidza nekuratidza kutenda uye kumuteerera. Rudzikinuro chipo chakazonaka chinoratidza kuti Mwari wedu anotida. Uye munyika itsva, tichadzidza zvimwe zvakatowanda nezverudo rwaJehovha.—Mup. 3:11.

RUDZIKINURO RWUNOTIDZIDZISEI NEZVAJESU?

10. (a) Chii chainyanya kuita kuti Jesu arwadziwe paaifunga nezvekuurayiwa kwake? (b) Jesu akareverera sei zita raJehovha? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kuperera kwaJesu Kuna Mwari Kwakareverera Zita raJehovha.”)

10 Jesu ane hanya chaizvo nekuti vanhu vanofungei nezvaBaba vake. (Joh. 14:31) Jesu airwadziwa chaizvo kuti mutongo waaizopiwa wekuti aimhura Mwari uye wekuti aipandukira hurumende waizoshoresa zita raBaba vake. Ndosaka akanyengetera achiti: “Baba, kana zvichiita, kapu iyi ngaindipfuure.” (Mat. 26:39) Jesu paakaramba akaperera kuna Jehovha kusvika parufu, akaratidza pachena kuti zvese zvakataurwa naSatani nezvaBaba vake ndezvenhema.

11. Jesu akaratidza sei kuti anoda vanhu zvikuru? (Johani 13:1)

11 Rudzikinuro rwunotidzidzisawo kuti Jesu anoda vanhu chaizvo, kunyanya vadzidzi vake. (Zvir. 8:31; verenga Johani 13:1.) Semuenzaniso, Jesu aiziva kuti paaizoita ushumiri hwake panyika aizosangana nematambudziko, kunyanya paya paaizofa rufu rwunorwadza. Kunyange zvakadaro, paaiita basa rake panyika, haana kungoriita zvekungoti zvimubve. Asi Jesu aiparidza, aidzidzisa, uye aishumira vamwe nemwoyo wake wese. Kunyange musi waakafa, Jesu akatogeza tsoka dzevaapostora vake uye akavaudza mashoko akawanda ekuvanyaradza uye ekuvarayira. (Joh. 13:​12-15) Paakanga ava padanda, Jesu akataura mashoko aipa tariro kugororo rakanga rakarovererwa pedyo naye uye akaronga kuti amai vake vazochengetwa. (Ruka 23:​42, 43; Joh. 19:​26, 27) Saka Jesu akaratidza kuti aida vanhu kuburikidza nerufu rwake uyewo nemararamiro aaiita upenyu hwake ari panyika.

12. Zvii zvimwe zvatiri kuitirwa naJesu mazuva ano?

12 Kunyange zvazvo Kristu akafa “kamwe chete zvikabva zvakwana,” achiine zvimwe zvaari kutiitira. (VaR. 6:10) Zvii izvozvo? Anoramba achishandisa nguva yake nesimba kuti aite kuti tibatsirwe nerudzikinuro. Chimbofunga zvaari kuita. Ari kushanda saMambo wedu, Mupristi Mukuru, uye musoro weungano. (1 VaK. 15:25; VaEf. 5:23; VaH. 2:17) Ari kutungamirira pabasa rekuunganidza vakazodzwa neveboka guru, basa richazopera kutambudzika kukuru kusati kwapera. b (Mat. 25:32; Mako 13:27). Ari kuvawo nechokwadi chekuti vashumiri vake vakatendeka vanowana zvekudya zvakakwana zvekunamata mumazuva ano ekupedzisira. (Mat. 24:45) Uye paachange achitonga kwemakore 1 000, acharamba achiita zvinhu zvinotibatsira. Chokwadi Jehovha haana kutipa Mwanakomana wake kuti angotifira chete, asi kuti atiitirewo zvimwe zvakawanda.

RAMBA UCHIDZIDZA

13. Kufungisisa kungakubatsira sei kuti urambe uchidzidza nezvekudiwa kwatinoitwa naMwari uye Kristu?

13 Unogona kuramba uchidzidza nezvekudiwa kwatinoitwa naJehovha naJesu Kristu kana ukaramba uchifungisisa zvavakatiitira. Pamwe gore rino mumwaka weChirangaridzo, unogona kuverenga bhuku reEvhangeri rimwe chete kana kupfuura. Usaedza kuverenga zvinhu zvakawandisa panguva imwe chete. Asi verenga zvishoma nezvishoma uchitsvaga zvimwe zvikonzero nei uchifanira kuda Jehovha naJesu. Uye udzawo vamwe zvaunenge wadzidza.

14. Maererano naPisarema 119:97 uye mashoko emuzasi, kutsvakurudza kungakubatsira sei kuti urambe uchidzidza nezverudzikinuro uye dzimwewo dzidziso? (Onawo mufananidzo.)

14 Kana wava nemakore akawanda uri muchokwadi, unogona kufunga kuti pamwe hapana zvimwe zvitsva zvaunogona kudzidza panyaya dzakadai sekururama kwaMwari, rudo rwake, uye rudzikinuro. Asi chokwadi ndechekuti zvinhu zvatinogona kudzidza panyaya idzi nedzimwewo, hazvimboperi. Saka zvii zvaungaita? Verenga uye dzidza zvinhu zvinobudiswa mumabhuku edu anotsanangura Bhabheri. Kana ukaverenga paunenge usiri kunyatsonzwisisa, tsvakurudza. Zvadaro, unogona kuswera uchifungisisa zvaunenge wawana uye kuti zvinokudzidzisei nezvaJehovha, Mwanakomana wake, uye kuda kwavanokuita.—Verenga Pisarema 119:97 uye mashoko emuzasi.

Kunyange tava nemakore tiri muchokwadi, tinogona kuwedzera kukoshesa kwatinoita rudzikinuro (Ona ndima 14)


15. Nei tichifanira kugara tichitsvaga pfuma iri muShoko raMwari?

15 Usaora mwoyo kana ukasawana chinhu chitsva kana kuti chinokunakidza pese paunoverenga kana kutsvakurudza. Zvauri kuita zvakada kufanana nemunhu anenge achitsvaga goridhe. Kazhinji munhu anotsvaga goridhe anoita maawa kana kuti mazuva akawanda asati awana kana kachidimbu kadikidiki kegoridhe. Kunyange zvakadaro, anoramba achitsvaga nekuti anoziva kuti kunyange kachidimbu ikako kanokosha chaizvo. Pfuma iri muShoko raMwari inotokosha kupfuura goridhe! (Pis. 119:127; Zvir. 8:10) Saka ramba uchiverenga Bhaibheri uye ramba uchitsvaga zvinhu zvitsva zvaungadzidza.—Pis. 1:2.

16. Tingatevedzera sei Jehovha naJesu?

16 Paunenge uchidzidza, ona kuti ungashandisa sei zvinhu zvaunenge wadzidza. Semuenzaniso, tevedzera Jehovha pakuita zvakarurama kuburikidza nekusasarura vamwe. Tevedzera kuda kunoita Jesu Baba vake uye vamwe kuburikidza nekugara wakagadzirira kutambura nekuda kwezita raJehovha uye kushanda nesimba kuti ubatsire vaKristu vaunonamata navo. Uyewo tevedzera Jesu nekuramba uchiparidza kuti vamwe vawanewo mukana wekugamuchira chipo chinokosha zvikuru chinobva kuna Jehovha.

17. Tichadzidzei munyaya inotevera?

17 Patinoramba tichiwedzera kunzwisisa uye kukoshesa rudzikinuro, tinowedzerawo kuda Jehovha uye Mwanakomana wake. Uyewo Jehovha neMwanakomana wake vanowedzerawo kutida. (Joh. 14:21; Jak. 4:8) Saka ngatishandisei zvatinopiwa naJehovha kuti tirambe tichidzidza nezverudzikinuro. Munyaya inotevera, tichakurukura dzimwe nzira dzatinogona kubatsirwa nadzo nerudzikinuro uye kuti tingaita sei kuti tiratidze kuti tinokoshesa rudo rwatinoratidzwa naJehovha.

RWIYO 107 Muenzaniso waMwari Werudo

a KUTSANANGURWA KWESHOKO: “Kufungisisa” kunoreva kuisa pfungwa dzako pane imwe nyaya uye kutsvaga mamwe mashoko kuti uwedzere kuinzwisisa.

b Kuunganidzwa ‘kwezvinhu zviri kudenga’ kwakataurwa naPauro, sekunyorwa kwazvakaitwa pana VaEfeso 1:​10, kwakasiyana ‘nekuunganidzwa’ kwevakasarudzwa kwakataurwa naJesu kuri pana Mateu 24:31 uye Mako 13:27. Pauro akanga ari kutaura nezvenguva yekuti Jehovha anenge achisarudza vanhu vachatonga naJesu kudenga kuburikidza nekuvazodza nemweya mutsvene. Jesu akanga ari kutaura nezvenguva yekuti vaya vakazodzwa vanenge vachiri panyika vanounganidzwa kuti vaende kudenga panguva yekutambudzika kukuru.