Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 5

RWIYO 108 Rudo rwaMwari Rusingachinji

Tinobatsirwa Sei Nerudo rwaJehovha?

Tinobatsirwa Sei Nerudo rwaJehovha?

“Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi.”1 TIM. 1:15.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kubatsirwa kwatinoitwa nerudzikinuro uye kuti tingaratidza sei kuti tinoonga Jehovha nekutipa rudzikinuro.

1. Tinofanira kuita sei kuti Jehovha afare?

 CHIMBOFUNGIDZIRA uchipa mumwe munhu waunoda chipo chakazonaka uye chinobatsira. Waizorwadziwa chaizvo kudai waizoziva kuti munhu wacho pashure pekunge atambira chipo chawakamupa, haana kuzombobvira achishandisa asi akachirongedza hake mumba! Asi kana munhu wacho akashandisa chipo chawakamupa uye akatokutenda, unofara chaizvo. Muenzaniso uyu unotidzidzisei? Jehovha akatipa Mwanakomana wake kuti azotifira. Jehovha anofanira kunge achifara chaizvo paanotiona tichiratidza kuti tinotenda chipo chaakatipa uye kuti tinotenda rudo rwaakatiratidza paakatipa rudzikinuro!—Joh. 3:16; VaR. 5:​7, 8.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Nekufamba kunenge kuchiita makore, tinogona kutanga kusakoshesa chipo ichi cherudzikinuro. Izvozvo zvinenge zvakafanana nekutambira chipo ichocho chatakapiwa naMwari, tobva tachiisa pekuti hatichione kana kufunga nezvacho. Kuti izvozvo zvisaitika kwatiri tinofanira kuramba tichifunga zvese zvatakaitirwa naMwari uye naKristu. Nyaya ino ichatibatsira kuti tingazviita sei. Tichakurukura kubatsirwa kwatinoitwa nerudzikinuro iye zvino uye kubatsirwa kwatichaitwa narwo mune ramangwana. Tichakurukurawo kuti tingaratidza sei kuti tinoonga rudo urwu rwatakaratidzwa naJehovha kunyanya mumwaka uno weChirangaridzo.

TINOBATSIRWA SEI NERUDZIKINURO IYE ZVINO?

3. Ndeipi imwe nzira yatinobatsirwa nayo nerudzikinuro iye zvino?

3 Tiri kutobatsirwa nechibayiro chaKristu cherudzikinuro. Semuenzaniso, achishandisa rudzikinuro Jehovha anoregerera zvivi zvedu. Aisafanira hake kutiregerera. Asi iye anotoda kutiregerera. Munyori wemapisarema akaratidza kuti aionga kuregerera kunoita Jehovha. Akati: “Nekuti makanaka uye makagadzirira kukanganwira, haiwa Jehovha.”—Pis. 86:5; 103:​3, 10-13.

4. Rudzikinuro rwakabhadharirwa vanaani naJehovha? (Ruka 5:32; 1 Timoti 1:15)

4 Vamwe vanogona kunge vachinzwa vasingakodzeri kuregererwa naJehovha. Chokwadi ndechekuti hapana kana mumwe wedu anokodzera kuregererwa naJehovha. Muapostora Pauro akaratidza kuti ainzwisisa pfungwa iyi paakati, “handina kukodzera kunzi muapostora.” Asi akazoti zvakare: “Nyasha dzaMwari dzakaita kuti ndive sezvandiri.” (1 VaK. 15:​9, 10) Patinopfidza zvivi zvedu, Jehovha anotiregerera. Nei achidaro? Anotiregerera nekuti anotida kwete nekuti tinokodzera kuregererwa. Kana uchimbonzwa sekuti hauna kukodzera kuregererwa naJehovha yeuka kuti rudzikinuro haruna kubhadharirwa vaya vasingatadzi asi rwakabhadharirwa vanhu vanotadza vane chido chekuchinja.—Verenga Ruka 5:32; 1 Timoti 1:15.

5. Tinofanira here kunzwa sekuti takakodzera kuregerwa naJehovha? Tsanangura.

5 Kunyange kana tava nemakore akawanda tichishumira Jehovha, hatifaniri kunzwa sekuti takakodzera kuregererwa naye. Ichokwadi kuti Jehovha anoyeuka zvese zvakanaka zvatinoita mubasa rake. (VaH. 6:10) Asi akapa Mwanakomana wake sechipo chepachena kwete semubhadharo wezvese zvakanaka zvatinomuitira. Saka kunenge kuri kukanganisa kana tikafunga kuti tinokodzera kuregererwa naJehovha nekuda kwezvese zvatakamuitira. Kana tikava nemafungiro akadaro, tinenge tichitoti Kristu akafira pasina.—Enzanisa naVaGaratiya 2:21.

6. Nei Pauro aishanda nesimba mubasa raJehovha?

6 Pauro aiziva kuti aisakodzera kuregererwa naJehovha pasinei nezvese zvaaimuitira. Saka nei aishanda nesimba chaizvo mubasa raJehovha? Aiita izvi kuti aratidze kuti aionga nyasha dzaakanga aratidzwa kwete kuti aratidze kuti aikodzera kuregererwa. (VaEf. 3:7) Kungofanana naPauro, isuwo tinoramba tichishanda nesimba mubasa raJehovha kuti tiratidze kuti tinoonga nyasha dzatakangoitirwawo, kwete kuti tizokodzera kunzwirwa tsitsi.

7. Ndeipi imwe nzira yatinobatsirwa nayo nerudzikinuro iye zvino? (VaRoma 5:1; Jakobho 2:23)

7 Imwe nzira yatinobatsirwa nayo nerudzikinuro iye zvino ndeyekuti tinokwanisa kuva neushamwari hwepedyo naJehovha. a Sezvakakurukurwa munyaya yakapfuura, tinoberekwa tisina ushamwari naMwari. Asi nekuda kwerudzikinuro tinokwanisa kuva “nerugare naMwari” uye kuva neushamwari hwepedyo naye.—Verenga VaRoma 5:1; Jakobho 2:23.

8. Nei tichifanira kutenda chipo chemunyengetero?

8 Chimbofunga nezvechimwe chinhu chatinokwanisa kuita nekuti tava neushamwari naMwari. Tinokwanisa kunyengetera kuna Jehovha. Jehovha haangogumiri pakunzwa minyengetero inopiwa nevanhu vake pavanenge vakaungana pamisangano asi anonzwawo minyengetero yatinopa semunhu mumwe nemumwe patinenge tiri pedu tega. Patinonyengetera, tinonzwa takanyatsodzikama uye tiine rugare mupfungwa. Asi munyengetero une zvimwewo zvaunotibatsira. Unotibatsira kusimbisa ushamwari hwedu naMwari. (Pis. 65:2; Jak. 4:8; 1 Joh. 5:14) Paaiva panyika, Jesu ainyengetera kakawanda nekuti aiziva kuti Jehovha ainzwa minyengetero yake uye kuti minyengetero yake yaizosimbisa ushamwari hwake naBaba vake. (Ruka 5:16) Tinotenda chaizvo kuti nekuda kwerudzikinuro, tinokwanisa kuva shamwari dzaJehovha uyewo kunyengetera kwaari!

MAKOMBORERO ATICHAWANA MUNE RAMANGWANA NEKUDA KWERUDZIKINURO

9. Rudzikinuro ruchabatsira sei vashumiri vaMwari vakatendeka mune ramangwana?

9 Vashumiri vaJehovha vakatendeka vachabatsirwa sei nerudzikinuro mune ramangwana? Jehovha achavapa upenyu husingaperi. Vanhu vakawanda vanofunga kuti izvi hazvimbofa zvakaitika nekuti vanhu vava nezviuru zvemakore vachifa. Asi chinangwa chaJehovha pakutanga chaiva chekuti vanhu vararame nekusingaperi. Kudai Adhamu asina kutadza, hapana aizombofunga kuti hazviite kuti vanhu vararame nekusingaperi. Uye kunyange kana iye zvino zvakatiomera kufungidzira tichirarama nekusingaperi, tinogona kuva nekutenda kwekuti tichararama upenyu ihwohwo nekuti tinoziva kuti Jehovha akabhadhara mubhadharo wakakura chaizvo achishandisa upenyu hweMwanakomana wake kuitira kuti izvozvo zviitike.—VaR. 8:32.

10. Vakazodzwa uye vemamwe makwai vanotarisirei?

10 Kunyange zvazvo upenyu husingaperi chiri chinhu chatichawana mune ramangwana, Jehovha anoda kuti tigare tichifunga nezvahwo iye zvino. Vakazodzwa vanotarisira kurarama upenyu hune chinangwa vari kudenga pavanenge vaina Kristu vachitonga nyika. (Zvak. 20:6) Vemamwe makwai vanotarisira kuzorarama munyika inenge yava Paradhiso pasina marwadzo kana kusuruvara. (Zvak. 21:​3, 4) Uri wemamwe makwai here anotarisira kuzorarama upenyu husingaperi pano panyika? Jehovha akasika vanhu kuti vararame panyika. Saka kurarama nekusingaperi panyika kuchaita kuti tinyatsofara zvechokwadi!

11-12. Ndeapi mamwe makomborero atiri kutarisira kuzowana muParadhiso? (Onawo mifananidzo.)

11 Chimbofungidzira kuti upenyu huchange hwakaita sei munyika inenge yava Paradhiso. Unenge usisarware uye hauzombofi. (Isa. 25:8; 33:24) Jehovha achakupa zvinhu zvese zvakanaka zvaunoda. Zvii zvaunoda kuzoita? Unoda here kuzodzidza zvinhu zvakawanda nezvemhuka kana kuti shiri? Unoda here kuzodzidza kuridza mimhanzi? Unoda here kuzodzidza kudhirowa? MuParadhiso tichada vanhu vanogona kugadzira mapurani emba, kuvaka dzimba dzacho, uyewo varimi. Uyewo pachadiwa vanhu vanogadzira zvekudya, vanogadzira maturusi, uye vachaita kuti nyika yese irambe ichiratidzika zvakanaka. (Isa. 35:1; 65:21) Pauchange wava kurarama nekusingaperi, uchange wava nenguva yekuita zvinhu zvese izvi nezvimwewo.

12 Zvichange zvichifadza chaizvo kugamuchira zvakare vaya vanenge vamutswa! (Mab. 24:15) Fungidzira kuti uchanakidzwa sei nekudzidza zvakawanda nezvaJehovha paucharamba uchiongorora zvinhu zvakawanda zvaakasika. (Pis. 104:24; Isa. 11:9) Uye kupfuura zvese, fungidzira kunakidza kwazvinenge zvichiita kushumira Jehovha usina kana chaunokanganisa uye usingatombofaniri hako kukumbira ruregerero! Ungabvuma kurasikirwa nemakomborero ese aya here uchingoda “kufadzwa nechivi kwenguva diki”? (VaH. 11:25) Aiwa, haungambodi kuita zvakadaro! Upenyu hwatichararama panguva iyoyo huchange hwakanaka chaizvo kupfuura chero chii zvacho chatingawana munyika iye zvino. Yeuka kuti hatisi kuzongoramba tichitarisira kuti tichararama muParadhiso mune ramangwana. Asi nguva yacho ichasvika yekuti tinenge tava kutorarama muParadhiso macho. Zvese izvi zvaisazombofa zvakaitika kudai Jehovha asina kutiratidza rudo rwakakura chaizvo nekutipa chipo cheMwanakomana wake!

Makomborero api auri kutarisira muParadhiso? (Ona ndima 11-12)


RATIDZA KUTI UNOONGA RUDO RWAJEHOVHA

13. Tingaratidza sei kuti tinoonga rudo rwaJehovha? (2 VaKorinde 6:1)

13 Tingaratidza sei kuti tinoonga Jehovha nezvese zvaakatiitira kuti atipe rudzikinuro? Tinoita izvi nekuisa basa rake pekutanga muupenyu hwedu. (Mat. 6:33) Izvozvo zvine musoro nekuti Jesu akafira vanhu vese “kuti vaya vanorarama varege kuramba vachizviraramira, asi vararamire iye akavafira, akamutswa.” (2 VaK. 5:15) Saka hatingatombodi kugamuchira nyasha dzaMwari totadza kunzwisisa chinangwa chadzo.—Verenga 2 VaKorinde 6:1.

14. Tingaratidza sei kuti tine kutenda mune zvatinoudzwa naJehovha kuti tiite?

14 Tinogona kuratidzawo kuti tinoonga rudo rwaJehovha nekuvimba naye uye kuteerera zvaanotiudza. Tingazviita sei? Patinenge tichida kuita zvisarudzo zvakadai sekuti tova nedzidzo yakawanda sei muupenyu kana kuti toita basa ripi, tinofanira kutanga taona kuti Jehovha anoda kuti tiite sei. (1 VaK. 10:31; 2 VaK. 5:7) Patinoratidza kutenda kwedu nemabasa, pane chimwe chinhu chinoshamisa chinoitika. Kutenda kwedu uye ushamwari hwedu naJehovha zvinowedzera kusimba. Tariro yedu inowedzerawo kusimba.—VaR. 5:​3-5; Jak. 2:​21, 22.

15. Tingashandisa sei Chirangaridzo kuratidza kuti tinoonga zvatakaitirwa?

15 Pane chimwewo chinhu chatinogona kuita kuti tiratidze kuti tinoonga rudo rwaJehovha. Tinogona kushandisa mwaka uno weChirangaridzo kuratidza Jehovha kuti tinoonga kutipa kwaakaita rudzikinuro. Kuwedzera pane urongwa hwatiri kutoita hwekuti tive paChirangaridzo, tinogona kukokawo vamwe. (1 Tim. 2:4) Vatsanangurire zvichaitwa paChirangaridzo chacho. Unogona kushandisa vhidhiyo iri pajw.org yakanzi Jesu Akafirei? uyewo yakanzi Kuyeuka Rufu rwaJesu. Vakuru vanofanira kuva nechokwadi chekuti vakoka vaya vasingachaiti basa. Fungidzira mufaro unovako kudenga uye panyika kana mamwe makwai aJehovha akarasika akava nechido chekudzoka kuboka! (Ruka 15:​4-7) PaChirangaridzo chacho, tinofanira kumhoresa munhu wese anenge auya kusanganisira vaya vatagara tichizivana navo, vatsva vanenge vauya kana kuti vaya vava nenguva vasingapindi Chirangaridzo. Tinoda kugamuchira munhu wese zvakanaka!—VaR. 12:13.

16. Nei tichifanira kufunga nezvekuwedzera zvatinoita mubasa raJehovha mumwaka weChirangaridzo?

16 Unogona here kuwedzera zvaunoita mubasa raJehovha mumwaka weChirangaridzo? Kuita izvozvo kunoratidza kuti unoonga chaizvo zvese zvatakaitirwa naMwari uye naKristu. Patinowedzera zvatinoita mubasa raJehovha, tinowedzerawo kuona kutsigira kwaari kutiita uye izvozvo zvinoita kuti tiwedzere kuvimba naye. (1 VaK. 3:9) Uyewo, iva nechokwadi chekuti uri kufambirana nepurogiramu yekuverenga Bhaibheri yeChirangaridzo iri mubhuku raKuongorora Magwaro Zuva Nezuva kana kuti iri pachati inenge iri mupurogiramu yezvekuita yepamusangano wepakati pevhiki. Unogona kushandisawo mavhesi iwayo pakudzidza uri wega.

17. Jehovha anofadzwa nei? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvaungaita kuti Uratidze kuti Unoonga Rudo rwaJehovha.”)

17 Asi mamiriro ako ezvinhu angasakubvumira kuita zvese zvataurwa munyaya ino. Kunyange zvakadaro, yeuka kuti Jehovha haaenzanisi zvaunokwanisa kuita nezvinoitwa nevamwe; anoona zviri mumwoyo mako. Anofadzwa paanoona kuti unoonga nemwoyo wese chipo chaakakupa cherudzikinuro.—1 Sam. 16:7; Mako 12:​41-44.

18. Nei tichionga Jehovha Mwari uye Jesu Kristu?

18 Kudai pasina rudzikinuro tingadai tisingakwanisi kuregererwa zvivi zvedu, kuva neushamwari naJehovha, uye tingadai tisina tariro yeupenyu husingaperi. Saka dai tikaramba tichiratidza kuti tinoonga rudo rwaJehovha, urwo rwakaita kuti makomborero ese aya avepo. (1 Joh. 4:19) Uye dai tikaramba tichiratidza kuti tinoonga Jesu, uyo akatida zvikuru zvekuti akapa upenyu hwake achiitira isu!—Joh. 15:13.

RWIYO 154 Rudo Rusingachinji

a Jehovha airegerera vashumiri vake vakararama Kristu asati auya panyika, kunyange zvazvo rudzikinuro rwakanga rwusati rwabhadharwa. Jehovha aikwanisa kuita izvi nekuti aiva nechivimbo chekuti Mwanakomana wake aizoramba akatendeka kusvikira pakufa. Saka kuna Mwari, zvaiita sekuti rudzikinuro rwakanga rwatobhadharwa kare.—VaR. 3:25.