Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 2

RWIYO 132 Tava Nyama Imwe

Varume, Kudzai Madzimai Enyu

Varume, Kudzai Madzimai Enyu

‘Imi varume, batai madzimai enyu nerukudzo.’1 PET. 3:7.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti murume angakudza sei mudzimai wake nezvaanotaura uye nezvaanoita.

1. Nei Jehovha akaita kuti pave neurongwa hwewanano?

 JEHOVHA ‘ndiMwari anofara,’ uye anodawo kuti tifare. (1 Tim. 1:11) Akatipa zvipo zvakawanda zvinoita kuti upenyu hunakidze. (Jak. 1:17) Chimwe chezvipo izvozvo iwanano. Murume nemukadzi pavanochata, vanoita mhiko yekuti vacharamba vachidanana, vachiremekedzana uye vachikoshesana. Pavanoramba vachidanana, zvinoita kuti vafare chaizvo.—Zvir. 5:18.

2. Chii chiri kuitika muwanano dzakawanda mazuva ano?

2 Zvinosuwisa kuti vakawanda vari muwanano nhasi vanokanganwa mhiko dzavakaita musi wavakachata uye izvozvo zvinoita kuti vasafare muwanano dzavo. Mumwe mushumo unobva kuchikamu cheSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese chinoona nezveutano, World Health Organization, unoratidza kuti varume vakawanda vanorova, vanotuka kana kuti vanoshusha madzimai avo. Murume anoita izvi anogona kuita sekuti anoremekedza mudzimai wake pamberi pevanhu asi iye achimubata zvisina kunaka kumba. Wanano dzakawanda dziri kukanganiswawo nekuti varume vakawanda vari kuona zvinonyadzisira.

3. Zvii zvinogona kuita kuti murume ashungurudze mudzimai wake?

3 Chii chinogona kuita kuti vamwe varume vashungurudze madzimai avo? Vanogona kunge vakarerwa nababa vaishungurudza mhuri yavo saka vanofunga kuti hapana chakaipa nekuti murume ashungurudze mudzimai wake. Vamwe vanokanganiswa netsika dzekwavakakurira, idzo dzinogona kuita kuti vafunge kuti “murume chaiye” anofanira kubata mudzimai wake zvehasha kuti amuratidze kuti ndiye baba. Vamwe havana kudzidziswa kuzvidzora saka vanotadza kudzora hasha dzavo. Vamwewo ndivo vakakanganiswa maonero avanoita vakadzi uye bonde nenyaya yekugara vachiona zvinonyadzisira. Uyewo, mishumo inoratidza kuti panguva yechirwere cheCOVID-19, matambudziko aya akatowedzera. Asi zvese izvi hazvitombofaniri kuita kuti murume ashungurudze mudzimai wake.

4. Varume vechiKristu vanofanira kungwarirei, uye nei vachifanira kudaro?

4 Varume vechiKristu vanofanira kungwarira kuti vasaona vakadzi semaonerwo avanoitwa nevanhu vari munyika. a Nei vachifanira kudaro? Chimwe chikonzero chacho ndechekuti kazhinji kacho, munhu anowanzoita zvinhu zvaanogara achifunga nezvazvo. Muapostora Pauro akayambira vaKristu vakazodzwa vaigara muRoma kuti “regai kusiya nyika ino ichikuumbai.” (VaR. 12:​1, 2) Pauro paakanyora mashoko aya kuvaRoma, ungano yacho yakanga yava nenguva iripo. Asi mashoko aPauro anoratidza kuti vamwe vaiva muungano iyi, vakanga vachiri kukanganiswa nemafungiro enyika netsika dzayo. Ndokusaka akavakurudzira kuti vachinje mafungiro uye maitiro avo. Zano raakapa vaKristu ava rinoshandawo kuvarume vechiKristu mazuva ano. Zvinosuwisa kuti vamwe varume vechiKristu vakakanganiswa nemafungiro enyika zvekuti vava kutoshungurudza madzimai avo. b Asi Jehovha anoda kuti murume abate sei mudzimai wake? Tinowana mhinduro yemubvunzo iwoyo murugwaro ruri kutungamirira nyaya ino.

5. Maererano na1 Petro 3:​7, murume anofanira kubata sei mudzimai wake?

5 Verenga 1 Petro 3:7. Jehovha anorayira varume kuti vakudze madzimai avo. Shoko rekuti kukudza rinoreva mabatiro atinoita munhu watinoremekedza. Murume anokudza mudzimai wake anomubata zvakanaka uye zvine rudo. Munyaya ino, tichakurukura kuti murume angaratidza sei kuti anokudza mudzimai wake. Asi kutanga, regai tikurukure zvisingatombofaniri kuitwa nemurume kumudzimai wake.

USAITA ZVINHU ZVINORWADZISA MUDZIMAI WAKO

6. Jehovha anonzwa sei nezvevarume vanorova madzimai avo? (VaKorose 3:19)

6 Murume haafaniri kurova mudzimai wake. Jehovha anovenga munhu wese anoita zvemhirizhonga. (Pis. 11:5) Haatombodi zvachose kuti varume vashungurudze madzimai avo. (Mar. 2:16; verenga VaKorose 3:19.) Maererano nerugwaro ruri kutungamirira nyaya ino rwa1 Petro 3:​7, kana murume asingabati mudzimai wake zvakanaka, izvozvo zvinokanganisa ushamwari hwake naMwari. Jehovha anogona kusatoteerera minyengetero yake.

7. Maererano naVaEfeso 4:​31, 32, matauriro akaita sei asingafaniri kuitwa nevarume? (Onawo “Kutsanangurwa Kweshoko.”)

7 Murume haafaniri kutaura mashoko anorwadzisa mudzimai wake. Vamwe varume vanoshungurudza madzimai avo nekutaura navo zvehasha, vachivaudza magaramwoyo. Asi Jehovha anovenga “kutsamwa, hasha, kupopota nekutuka.” c (Verenga VaEfeso 4:​31, 32.) Anonzwa zvese zvinotaurwa nevanhu. Jehovha ane basa nekuti murume anotaura sei nemudzimai wake kunyange pavanenge vari pavo vega. Murume anotaura nemudzimai wake nehasha, anokanganisa wanano yake uye ushamwari hwake naMwari.—Jak. 1:26.

8. Jehovha anoona sei nyaya yekuona zvinonyadzisira, uye nei achidaro?

8 Murume haafaniri kuona zvinhu zvinonyadzisira. Jehovha anoona sei nyaya yekuona zvinonyadzisira? Anoivenga. Saka murume anoona mifananidzo isina kuchena anokanganisa ushamwari hwake naJehovha uye anodzikisira mudzimai wake. d Jehovha anoda kuti murume arambe akavimbika kumudzimai wake pane zvaanoita uye zvaanofunga. Jesu akati murume anoramba akatarisa mukadzi asiri wake zvekuti anomuchiva, anenge “atoita upombwe naye mumwoyo make.” eMat. 5:​28, 29.

9. Nei Jehovha asingafari nazvo kana murume achimanikidza mudzimai wake kuita zvaasingadi pabonde?

9 Murume haafaniri kumanikidza mudzimai wake kuita zvaasingadi pabonde. Vamwe varume vanomanikidza madzimai avo kuti vaite zvinhu pabonde zvinosiya madzimai acho achinetseka kana kuti achinzwa asingadiwi. Jehovha anovenga maitiro iwayo asina rudo uye anoratidza kuzvifunga. Anoda kuti murume ade uye akoshese mudzimai wake uyewo aremekedze manzwiro ake. (VaEf. 5:​28, 29) Zvakadini kana murume wechiKristu achimanikidza mudzimai wake kuti aite zvinhu zvaasingadi pabonde, kana kuti achishungurudza mudzimai wake, kana kuti achitoona zvinonyadzisira? Zvii zvingamubatsira kuti achinje maitiro nemafungiro ake?

MURUME ANGAITA SEI KUTI ASIYE MAITIRO AKAIPA?

10. Varume vanobatsirwa sei nemuenzaniso waJesu?

10 Chii chinogona kubatsira murume kuti asashungurudza mudzimai wake kana kumurwadzisa? Anofanira kuedza kutevedzera Jesu. Kunyange zvazvo Jesu asina kumbobvira aroora, mabatiro aaiita vadzidzi vake anogona kubatsira murume kuti azive mabatiro aanofanira kuita mudzimai wake. (VaEf. 5:25) Semuenzaniso, ona kuti varume vanodzidzei kubva pamabatiro aiita Jesu vaapostora vake uye matauriro aaiita navo.

11. Jesu aibata sei vaapostora vake?

11 Jesu aibata vaapostora vake zvakanaka uye aivaremekedza. Haana kumbobvira avaitira hasha kana utsinye. Kunyange zvazvo aiva Ishe uye Tenzi wavo, Jesu haana kushandisa simba rake kuti avatyisidzire. Pane kudaro, aivashumira achizvininipisa. (Joh. 13:​12-17) Akaudza vadzidzi vake kuti: “[Dzidzai] kwandiri, nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo.” (Mat. 11:​28-30) Ona kuti Jesu aiva munyoro. Kana munhu ari munyoro hazvirevi kuti haana simba. Asi munhu munyoro anotoratidza kuti ane simba rekuzvidzora. Vanhu pavanoita zvinhu zvinomugumbura, anoramba akadzikama uye anokwanisa kudzora manzwiro ake.

12. Jesu aitaura sei nevamwe?

12 Jesu aitaura zvinonyaradza uye zvinozorodza vamwe. Aisataura zvehasha nevateveri vake. (Ruka 8:​47, 48) Kunyange vaya vaimupikisa pavaimutuka vachiedza kumugumbura, “haana kutukawo.” (1 Pet. 2:​21-23) Dzimwe nguva, Jesu aitosarudza kuramba akanyarara pane kuti apindure zvehasha. (Mat. 27:​12-14) Iwoyo muenzaniso wakanaka chaizvo wekuti varume vechiKristu vatevedzere!

13. Sezvakanyorwa pana Mateu 19:​4-6, murume ‘anganamatira sei kumudzimai wake’? (Onawo mufananidzo.)

13 Jesu akarayira varume kuti varambe vakavimbika kumadzimai avo. Akataura zvakambotaurwa naBaba vake zvekuti murume anofanira ‘kunamatira kumudzimai wake.’ (Verenga Mateu 19:​4-6.) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kunamatira” mundima iyi, rinoreva “kubatanidza zvinhu zviviri neguruu.” Saka murume nemukadzi pavanobatanidzwa muwanano, chisungo chavo chinofanira kunge chakasimba zvekuti zvinoita sekuti vakanamatidzwa pamwe chete. Kana mumwe wavo akaedza kudambura chisungo ichocho zvinoita kuti vese vari vaviri varwadziwe chaizvo. Murume anenge akanamatira kumudzimai wake saizvozvo anotambira kure nezvinhu zvese zvinonyadzisira. Anokurumidza kubvisa maziso ake kuti ‘asatarisa zvinhu zvisina basa.’ (Pis. 119:37) Tingatoti anoita sungano nemaziso ake kuti asatarisa mukadzi asiri wake achimuchiva.—Job. 31:1.

Murume akavimbika anoramba kuona zvinonyadzisira (Ona ndima 13) g


14. Matanho api anofanira kutorwa nemurume ari kushungurudza mudzimai wake kuti agadzirise ushamwari hwake naJehovha uye nemudzimai wake?

14 Murume anorova kana kutaura mashoko anorwadzisa mudzimai wake ane zvimwewo zvaanofanira kuita kuti agadzirise ushamwari hwake naJehovha uye nemudzimai wake. Zvii izvozvo? (1) Anobvuma kuti zvaari kuita zvakaipa uye hapana chakavanzika mumaziso aJehovha. Jehovha anoona zvese zvaanoita uye anonzwa zvese zvaanotaura. (Pis. 44:21; Mup. 12:14; VaH. 4:13) (2) Anorega kushungurudza mudzimai wake, ochinja maitiro ake. (Zvir. 28:13) (3) Anokumbira mudzimai wake uyewo Jehovha ruregerero. (Mab. 3:19) Anofanirawo kukumbira Jehovha kuti amupe chido chekuchinja uye kuti amubatsire kudzora mafungiro ake, matauriro ake uye zvaanoita. (Pis. 51:​10-12; 2 VaK. 10:5; VaF. 2:13) (4) Anoita zvinoenderana neminyengetero yake nekudzidza kuvenga mhirizhonga uye matauriro anorwadzisa vamwe. (Pis. 97:10) (5) Anokurumidza kukumbira kubatsirwa nevafudzi vane rudo muungano. (Jak. 5:​14-16) (6) Anoronga kuti angaita sei kuti asazoita zvakare zvinhu izvi zvakaipa. Murume anoona zvinonyadzisira anofanira kutevedzerawo matanho aya. Jehovha achakomborera zvese zvaanoita kuti achinje maitiro ake. (Pis. 37:5) Asi handizvo zvega zvinofanira kuitwa nemurume kuti asiye maitiro akaipa. Anofanirawo kudzidza kukudza mudzimai wake. Angazviita sei?

UNGAITA SEI KUTI UKUDZE MUDZIMAI WAKO?

15. Murume angaratidza sei kuti anoda mudzimai wake?

15 Muratidze kuti unomuda. Vamwe varume vechiKristu vari kufara muwanano dzavo vanogara vachiita chimwe chinhu zuva rega rega kuti varatidze madzimai avo kuti vanoada. (1 Joh. 3:18) Murume anogona kuratidza mudzimai wake kuti anomuda nekuita zvinhu zvidiki zvakadai sekumubata ruoko kana kuti kumumbundira. Anogonawo kunyora meseji achimuudza kuti “Ndakusuwa” kana kuti “Uri sei?” Nguva nenguva, anogona kunyorawo kadhi achiudza mudzimai wake kuti anomuda. Murume paanoita zvinhu izvi, anokudza mudzimai wake uye anoita kuti wanano yavo irambe yakasimba.

16. Nei murume achifanira kurumbidza mudzimai wake?

16 Ratidza kuti unoonga zvese zvaanoita. Murume anokudza mudzimai wake anomuudza kuti nei achimukoshesa uye anomukurudzira. Imwe nzira yaanoita izvi ndeyekugara achiratidza kuti anoonga zvese zvinoitwa nemudzimai wake kuti amutsigire. (VaK. 3:15) Murume paanorumbidza mudzimai wake zvinobva pamwoyo, anoita kuti afare. Mudzimai wake achagara asina chekutya, achiziva kuti anodiwa, uye kuti murume wake anomukudza.—Zvir. 31:28.

17. Murume angaratidza sei kuti anoremekedza mudzimai wake?

17 Mubate zvakanaka uye muremekedze. Murume anoda mudzimai wake anomukoshesa. Anomuona sechipo chinokosha chaizvo chinobva kuna Jehovha. (Zvir. 18:22; 31:10) Izvi zvinoita kuti amubate zvakanaka uye amuremekedze kunyange pavanenge vachiita zvepabonde. Haazomanikidzi mudzimai wake kuita zvimwe zvinhu pabonde zvinomusiya asinganzwi zvakanaka, zvinomudzikisira kana kuti zvinosiya hana yake ichinetseka. f Murume achaedzawo kuti asaita chero chii zvacho pabonde chinomusiya aine hana inomupa mhosva pamberi paJehovha.—Mab. 24:16.

18. Varume vanofanira kutsunga kuitei? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvinhu Zvina Zvaungaita Kuti Uve Murume Anoremekedza Mudzimai Wake.”)

18 Varume, munogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoona uye anoonga zvamunoita kuti mukudze madzimai enyu pazvese zvamunoita muupenyu. Ramba wakatsunga kukudza mudzimai wako nekurega maitiro akaipa, uye nekumubata zvakanaka uchimuremekedza nekumuratidza rudo. Paunoita izvi unoratidza kuti unonyatsomuda uye unomukoshesa. Kudza mudzimai wako, uye izvozvo zvichaita kuti ushamwari hwako naJehovha hurambe hwakasimba. Hapana chimwe chinhu chinokosha kupfuura izvozvo.—Pis. 25:14.

RWIYO 131 “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”

a Varume vanogona kubatsirwa nekuverenga nyaya yakanzi “Unobata Vanhukadzi Sezvinoita Jehovha Here?” iri muNharireyomurindi yaJanuary 2024.

b Vaya vari kushungurudzwa mudzimba vanogona kubatsirwa nekuverenga nyaya yakanzi “Rubatsiro Kune Vaya Vari Kushungurudzwa Mudzimba” iri pakanzi “Dzimwe Nyaya” pajw.org uye paJW Library®.

c KUTSANANGURWA KWESHOKO: “Kutuka” kuri kutaurwa apa kunosanganisira kutsvinyira munhu, kutaura zvehasha uye kugara uchimutsoropodza. Saka maererano nezviri kutaurwa apa, mashoko ese anotaurwa nechinangwa chekurwadzisa munhu, chekumudzikisira, kana kuti chekumugumbura, anogona kunzi kutuka.

d Ona nyaya iri pajw.org uye iri paJW Library yakanzi “Kuona Zvinonyadzisira Kunogona Kuparadza Wanano.”

e Mudzimai ane murume anoona zvinonyadzisira anogona kubatsirwa nekuverenga nyaya yakanzi “Ungaitei Kana Wawakaroorana Naye Achiona Zvinonyadzisira?” iri muNharireyomurindi yaAugust 2023.

f Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvipi zvinoitwa pabonde nemurume nemudzimai zvinganzi zvakachena kana kuti hazvina kuchena. Murume nemudzimai vanofanira kuita zvisarudzo zvinoratidza kuti vanoda kukudza Jehovha, zvinoita kuti mumwe nemumwe wavo afare uye zvinovasiya vaine hana yakachena. Havazofambi havo vachiudza vamwe vanhu zvinhu zvavanoita pabonde muwanano yavo.

g KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vamwe varume vasiri Zvapupu vanoshanda neimwe hama vari kuda kuti vaone vese zvinonyadzisira mumagazini.