Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 29

“Pandinenge Ndisina Simba, Ndipo Pandiine Simba”

“Pandinenge Ndisina Simba, Ndipo Pandiine Simba”

“Ndinofara mukusava nesimba, mukutukwa, mukushayiwa, mukutambudzwa uye mukuomerwa nezvinhu, nekuda kwaKristu.”—2 VAK. 12:10.

RWIYO 38 Achakusimbisa

ZVICHADZIDZWA *

1. Muapostora Pauro akatii nezvake?

MUAPOSTORA Pauro akataura kuti dzimwe nguva ainzwa asina simba. Akati ‘munhu waaiva nechekunze akanga achipera,’ zvainge zvisiri nyore kuti aite zvakarurama, uye hapasi pese paipindurwa minyengetero yake naJehovha sezvaaitarisira. (2 VaK. 4:16; 12:7-9; VaR. 7:21-23) Pauro akatiwo vanhu vaimupikisa vaimuona semunhu asina simba. * Asi haana kurega maonerwo asina kunaka aaiitwa nevamwe kana kuti kushayiwa kwaaiita simba kuchimuita kuti anzwe asingabatsiri.—2 VaK. 10:10-12, 17, 18.

2. Maererano na2 VaKorinde 12:9, 10, Pauro akadzidza chidzidzo chipi chinokosha?

2 Pauro akawana chidzidzo chinokosha chekuti munhu anogona kuva nesimba kunyange paanonzwa seasina simba. (Verenga 2 VaKorinde 12:9, 10.) Jehovha akaudza Pauro kuti simba rake ‘raiitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba,’ zvichireva kuti simba raJehovha raizoita kuti Pauro akwanise kuita zvinhu zvaaisakwanisa kuita nesimba rake pachake. Ngatitangei nekuona kuti nei tisingafaniri kunetseka kana vavengi vedu vakatituka.

‘FARA PAUNOTUKWA’

3. Nei tichifara patinotukwa?

3 Hapana munhu anoda kutukwa. Asi kana vavengi vedu vakatituka tobva tanyanya kunetseka nazvo, tinogona kuora mwoyo. (Zvir. 24:10) Saka tinofanira kuitei kana tikatukwa nevanotipikisa? Sezvakaita Pauro, tinogona ‘kufara patinotukwa.’ (2 VaK. 12:10) Nei tichigona kudaro? Nekuti kutukwa uye kupikiswa zviratidzo zvekuti tiri vadzidzi vaJesu vechokwadi. (1 Pet. 4:14) Jesu akati vateveri vake vaizotambudzwa. (Joh. 15:18-20) Izvozvo ndizvo zvakaitika kuvaKristu vekutanga. Kare ikako, vaya vainge vakakanganiswa netsika dzechiGiriki vaiona vaKristu sevanhu vakapusa uye vasingabatsiri. Vamwe vaJudha vaiona vaKristu sevanhu ‘vasina kudzidza, vanhuwo zvavo,’ semaonerwo aiitwa vaapostora Petro naJohani. (Mab. 4:13) VaKristu vaiita sevanhu vasina simba. Vaisapindira mune zvematongerwo enyika kana muchiuto uye izvi zvaiita kuti vashorwe nevanhu.

4. VaKristu vekutanga vakaita sei pavaiona kuti vanhu vaivatarisira pasi?

4 VaKristu ivavo vekutanga vakarega maonerwo avaiitwa nevanhu vaivapikisa achiita kuti vakande mapfumo pasi here? Aiwa. Semuenzaniso, Petro naJohani vaifara pavaitambudzirwa kuti vaiva vateveri vaJesu uye kuti vaidzidzisa vamwe nezvake. (Mab. 4:18-21; 5:27-29, 40-42) VaKristu vakanga vasina chikonzero chekunyara. Kunyange zvazvo vaKristu ivavo vekutanga vaivengwa nevanhu, vakaita zvakawanda zvaibatsira vamwe kupfuura zvakaitwa nevanhu vaivapikisa. Semuenzaniso, mabhuku akafemerwa akanyorwa nevamwe vaKristu ivavo achiri kubatsira uye kupa tariro mamiriyoni evanhu. Umambo hwavaiparidza nezvahwo hwavapo uye munguva pfupi iri kuuya huchatonga vanhu vese. (Mat. 24:14) Umambo hweRoma uhwo hwaitambudza vaKristu ava hwakaparara kare kare, asi vaKristu ivavo vakatendeka vava madzimambo kudenga. Vaya vaivapikisa vakafa; uye kana zvikaitika kuti vamutswa, vachange vachitongwa neUmambo hwaiparidzwa nevaKristu vavaivenga.—Zvak. 5:10.

5. Maererano naJohani 15:19, nei vanhu vaJehovha vachitarisirwa pasi?

5 Mazuva ano, vamwe vanhu havaremekedzi Zvapupu zvaJehovha uye vanotitsvinyira nekuti vanofunga kuti takapusa uye tiri vanhu vasingabatsiri. Nei vachidaro? Nekuti mafungiro edu akasiyana neevanhu vari munyika. Tinoedza kuva vanhu vanozvininipisa, vanyoro, uye vanoteerera. Asi nyika inoyemura vanhu vanozvikudza, vanodada uye vasingateereri. Uyewo hatipindiri mune zvematongerwo enyika kana zvechiuto. Takasiyana nevanhu vari munyika, saka tinotarisirwa pasi.—Verenga Johani 15:19; VaR. 12:2.

6. Jehovha ari kukwanisa kuitei achishandisa vanhu vake?

6 Pasinei nemaonerwo atinoitwa nenyika, Jehovha ari kuita mabasa makuru achitishandisa. Ari kuita kuti tikwanise kuita basa rekuparidza rakakura chaizvo zvisati zvamboitwa panyika. Vashumiri vake vari kubudisa magazini anoshandurwa mumitauro yakawanda kupfuura mamwe ese, uye vanoshandisa Bhaibheri kuti vabatsire mamiriyoni evanhu kuti ave neupenyu huri nani. Mbiri yese inoenda kuna Jehovha uyo ari kushandisa vanhu vanoita sevasina simba pakuita mabasa makuru aya. Asi mumwe nemumwe wedu angaitei? Jehovha anogona kutibatsira here kuti tive nesimba? Kana zvakadaro, tingaitei kuti atibatsire? Ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvatinodzidza kune muapostora Pauro.

USAVIMBA NESIMBA RAKO

7. Tinodzidzei pana Pauro?

7 Chimwe chezvidzidzo zvatinodzidza pana Pauro ndeichi: Usavimba nesimba rako kana unyanzvi hwako pakushumira Jehovha. Mumaonero evanhu, Pauro aiva nezvikonzero zvekuva munhu anozvikudza uye anozvivimba. Akakurira muTaso, guta guru reKirikiya, iyo yaiva pasi peumambo hweRoma. Taso raiva guta rakabudirira rainge riine yunivhesiti yakakurumbira. Pauro ainge akadzidza chaizvo. Akadzidziswa nemumwe wevatungamiriri vechiJudha airemekedzwa chaizvo panguva iyoyo ainzi Gamarieri. (Mab. 5:34; 22:3) Uye pane imwe nguva, Pauro akambova munhu aikosha chaizvo pakati pevaJudha. Akati: “Ndakanga ndichibudirira kwazvo muchiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu murudzi rwangu.” (VaG. 1:13, 14; Mab. 26:4) Asi paakanga ava muKristu, Pauro akanga asingachazvivimbi.

Zvinhu zvaionekwa nenyika sezvinobatsira, Pauro akazviona “semarara” paakazvienzanisa neropafadzo yekuva muteveri waKristu (Ona ndima 8) *

8. Maererano naVaFiripi 3:8, Pauro aiona sei zvinhu zvaakasiya, uye nei ‘aifara mukusava nesimba’?

8 Pauro haana kumborwadziwa nekusiya zvinhu zvaiita kuti aonekwe semunhu anokosha. Akaona zvinhu izvozvo “semarara.” (Verenga VaFiripi 3:8.) Pauro akasangana nematambudziko akawanda nekuti akanga ava muteveri waKristu. Akavengwa nevanhu verudzi rwake. (Mab. 23:12-14) Pasinei nekuti aiva chizvarwa cheRoma, akarohwa uye akasungwa nevaRoma. (Mab. 16:19-24, 37) Uyewo Pauro aiziva kuti zvainge zvakamuomera kuti aite zvakarurama. (VaR. 7:21-25) Asi pane kuti arege kutevera Kristu nemhaka yematambudziko ake kana kupikiswa nevamwe, ‘aifara mukusava nesimba.’ Nei aidaro? Nekuti paaisava nesimba ndipo paaiona simba raMwari richishanda muupenyu hwake.—2 VaK. 4:7; 12:10.

9. Kusava nezvinhu zvinokosheswa nenyika kunokupa mukana wei?

9 Kana tichida kupiwa simba naJehovha, hatifaniri kuona sekuti simba redu, dzidzo yedu, kwatinobva kana upfumi hwedu ndizvo zvinoita kuti tive vanhu vanokosha. Zvinhu izvi handizvo zvinoita kuti tive vanhu vanokosha kuna Jehovha. Pavanhu vaMwari, “havasi vazhinji vakachenjera panyama, havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji veimba huru.” Asi Jehovha anosarudza kushandisa “zvinhu zvisina simba zvenyika.” (1 VaK. 1:26, 27) Kunyange usina zvinhu zvinokosheswa nenyika unogona kuramba uchishumira Jehovha. Kana usina zvinhu izvozvo, uchava nemukana wekuona kuti Jehovha anokupa sei simba. Semuenzaniso, kana ukatyisidzirwa nevanhu vanoita kuti usava nechokwadi nezvaunotenda, nyengetera kuna Jehovha kuti akupe ushingi hwekutaura zvaunotenda. (VaEf. 6:19, 20) Kana uchitambura nekurwara zvakanyanya, kumbira Jehovha kuti akupe simba rekuti urambe uchiita basa rake. Pese paunoona kuti wabatsirwa naJehovha, kutenda kwako kunokura uye unowedzerawo kuva nesimba.

DZIDZA KUBVA PAVANHU VANOTAURWA MUBHAIBHERI

10. Nei tichifanira kudzidza nezvevanhu vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vakadai sevari pana VaHebheru 11:32-34?

10 Pauro aidzidza Magwaro nemwoyo wese. Akadzidza zvakawanda muShoko raMwari, uye akadzidzawo kubva pane zvakaitika kuvanhu vaakaverenga nezvavo. Paainyorera vaKristu vechiHebheru, akavakumbira kuti vafunge zvakaitwa nevashumiri vaJehovha vakatendeka. (Verenga VaHebheru 11:32-34.) Chimbofunga nezvemumwe wavo, Mambo Dhavhidhi. Akatsungirira kupikiswa kwaaiitwa nevavengi vake uyewo nevamwe vanhu vaimbova shamwari dzake. Patinofunga nezvaDhavhidhi, tichaona kuti Pauro angangodaro akadzidzei paakafungisisa nezveupenyu hwaDhavhidhi uye tichaonawo kuti tingatevedzera sei Pauro.

Kunyange zvazvo Dhavhidhi aiva mudiki uye aiita sekuti haana simba, haana kutya kurwisa Goriyati. Akavimba naJehovha nekuti aiziva kuti Jehovha aizomupa simba rekukunda Goriyati, uye ndizvo zvaakaita. (Ona ndima 11)

11. Nei Dhavhidhi aiita sekuti haana simba? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

11 Dhavhidhi aionekwa seasiri chinhu nemusoja ainge akasimba chaizvo ainzi Goriyati. Goriyati paakaona Dhavhidhi, “akatanga kumuzvidza.” Aiva zirume rakakura, raiva nezvombo zvakakwana zvehondo uye rakanyatsodzidziswa kurwa. Dhavhidhi aingovawo hake mukomana aisava neruzivo rwehondo uye aiita seasina zvombo zvakakwana. Zvaiita sekuti Dhavhidhi aisava nesimba, asi simba rake raibva pakuvimba kwaaiita naJehovha uye akakwanisa kukunda muvengi wake.—1 Sam. 17:41-45, 50.

12. Dhavhidhi akasangana nerimwe dambudziko ripi?

12 Dhavhidhi aiva nerimwe dambudziko raigona kuita kuti anzwe asina simba. Ainge akavimbika pakushumira kwaaiita Sauro, mambo weIsraeri ainge akagadzwa naJehovha. Mambo Sauro akatanga achiremekedza Dhavhidhi. Nekufamba kwenguva, kuzvikudza kwakaita kuti Sauro aitire Dhavhidhi godo. Sauro akatanga kuitira Dhavhidhi zvakaipa uye aitoedza kumuuraya.—1 Sam. 18:6-9, 29; 19:9-11.

13. Dhavhidhi aiita sei paaibatwa zvisina kunaka naMambo Sauro?

13 Pasinei nekuti aibatwa zvisina kunaka naMambo Sauro, Dhavhidhi akaramba achiremekedza mambo akagadzwa naJehovha. (1 Sam. 24:6) Haana kupa Jehovha mhosva yezvakaipa zvaiitwa naSauro. Asi Dhavhidhi akavimba naJehovha kuti amupe simba rekutsungirira dambudziko iri rakaoma.—Pis. 18:1, uye mashoko ekusuma.

14. Matambudziko api akasangana naPauro akaita seaDhavhidhi?

14 Muapostora Pauro akasangana nematambudziko akaita seaDhavhidhi. Vavengi vaPauro vaiva nesimba rakawanda kupfuura raaiva naro. Vatungamiriri vakawanda vemunguva yake vaimuvenga. Vaiwanzoita kuti arohwe uye akandwe mujeri. Kungofanana naDhavhidhi, Pauro akabatwa zvisina kunaka nevanhu vaifanira kunge vaiva shamwari dzake. Vamwe vaiva muungano yechiKristu vakatomupikisa. (2 VaK. 12:11; VaF. 3:18) Asi Pauro akavakunda vese. Akazviita sei? Akaramba achiparidza pasinei nekupikiswa. Akaramba akavimbika kuhama nehanzvadzi dzake pasinei nekuti dzaimuodza mwoyo. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti akaramba akatendeka kuna Mwari kusvikira afa. (2 Tim. 4:8) Akakwanisa kuita zvese izvi nekuti aivimba naJehovha, kwete nesimba rake pachake.

Paunenge uchitaura nevaya vanenge vachiita zvinhu zvinopesana nezvaunotenda, varemekedze uye taura navo zvakanaka (Ona ndima 15) *

15. Chinangwa chedu ndechei uye tingachizadzisa sei?

15 Wakambotukwa here kana kutambudzwa nevanhu vemukirasi mako, vaunoshanda navo, kana kuti vanhu vemumhuri menyu vasiri Zvapupu? Mumwe munhu wemuungano akambokubata zvisina kunaka here? Kana zvakadaro, yeuka zvakaitwa naDhavhidhi naPauro. Unogona kuramba “uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaR. 12:21) Chinangwa chako hachisi chekuuraya munhu nedombo sezvakaitwa naDhavhidhi, asi ndechekuita kuti Shoko raMwari ripinde mupfungwa nemumwoyo mevanhu vanoda kuteerera. Unogona kuzadzisa chinangwa ichocho kana ukashandisa Bhaibheri kupindura mibvunzo yevanhu, ukaremekedza vaya vanokubata zvisina kunaka, uye ukaitira vese zvakanaka kunyange vavengi vako.—Mat. 5:44; 1 Pet. 3:15-17.

BVUMA KUBATSIRWA NEVAMWE

16-17. Pauro haana kumbokanganwa chii?

16 Asati ava mudzidzi waKristu, muapostora Pauro aiva munhu akaipa aitambudza vateveri vaJesu. (Mab. 7:58; 1 Tim. 1:13) Jesu pachake ndiye akaita kuti Pauro, uyo aizivikanwa saSauro, arege kutambudza ungano yechiKristu. Jesu paakanga ava kudenga, akataura naPauro uye akamupofumadza. Kuti atangezve kuona, Pauro aifanira kutsvaga rubatsiro kuvanhu vaakanga achitambudza. Akabvuma kubatsirwa nemumwe mudzidzi ainzi Ananiyasi, uyo akaita kuti Pauro atangezve kuona.—Mab. 9:3-9, 17, 18.

17 Pauro akazova nhengo yakakurumbira yeungano yechiKristu, asi haana kumbokanganwa chidzidzo chaakawana Jesu paakataura naye mumugwagwa unoenda kuDhamasiko. Pauro akaramba achizvininipisa uye akabvuma kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzake. Akataura kuti ‘dzaimusimbisa.’—VaK. 4:10, 11, mashoko emuzasi.

18. Nei dzimwe nguva zvichitiomera kubvuma kubatsirwa nevamwe?

18 Tinodzidzei pana Pauro? Patakatanga kuwadzana nevanhu vaJehovha, tingangodaro taida kubatsirwa nevamwe, nekuti taiziva kuti taiva vacheche pane zvekunamata uye pane zvakawanda zvatainge tisati tadzidza. (1 VaK. 3:1, 2) Asi iye zvino tava papi? Kana tava nemakore tichishumira Jehovha uye tava kuziva zvakawanda, zvinogona kutiomera kubvuma kubatsirwa nemumwe munhu, kunyanya kana makore ake ekushumira Jehovha ari mashoma pane edu. Asi kakawanda kacho Jehovha anotisimbisa achishandisa hama nehanzvadzi dzedu. (VaR. 1:11, 12) Saka kana tichida kuwana simba rinobva kuna Jehovha, tinofanira kubvuma kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzedu.

19. Nei Pauro akakwanisa kuita zvinhu zvakawanda zvinoshamisa?

19 Pauro akaita zvinhu zvakawanda zvinoshamisa paakanga ava muKristu. Nei akakwanisa kuzviita? Nekuti akadzidza kuti kubudirira kwemunhu pakunamata hakubvi pasimba remuviri, dzidzo kana kuti pfuma, asi kunobva pakuzvininipisa uye kuvimba naJehovha. Dai tese tikatevedzera Pauro (1) nekuvimba naJehovha, (2) nekudzidza pamienzaniso iri muBhaibheri, uye (3) nekubvuma kubatsirwa nevamwe vaKristu. Uye pasinei nekuti tinombonzwa kupera simba, Jehovha achatipa simba!

RWIYO 71 Tiri Uto raJehovha!

^ ndima 5 Munyaya ino tichakurukura muenzaniso wemuapostora Pauro. Tichaona kuti kana tichizvininipisa Jehovha anotipa simba ratinoda kuti titsungirire kusekwa uye anoita kuti tive nesimba patinonzwa tisina simba.

^ ndima 1 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Pane zvikonzero zvakawanda zvinogona kuita kuti tinzwe tisina simba. Tinogona kushayiwa simba nemhaka yeurombo, kurwara, kusawana dzidzo yakakwana kuchikoro uye nekuti takaberekwa tiine chivi. Uyewo, vavengi vedu vanoedza kuita kuti tizvione sevanhu vasingabatsiri pavanotaura zvakaipa nezvedu kana kuti pavanotirwisa.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pauro paakatanga kuparidza nezvaKristu, akasiya zvinhu zvese zvaaimboita paaiva muFarisi. Izvi zvingangodaro zvaisanganisira mabhuku enyika uye kabhokisi kaiva nemagwaro.

^ ndima 61 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vanhu vekubasa kweimwe hama vari kuedza kuimanikidza kuti ibatane navo pakupemberera zuva rekuberekwa kwemumwe mushandi.