Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 30

Ramba Uchifamba Muchokwadi

Ramba Uchifamba Muchokwadi

“Hapana chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.”—3 JOH. 4.

RWIYO 54 “Iyi Ndiyo Nzira”

ZVICHADZIDZWA *

1. Sezvinoratidzwa pana 3 Johani 3, 4, chii chinoita kuti tifare?

MUAPOSTORA Johani anofanira kunge akafara chaizvo paakanzwa kuti vaya vaakabatsira kudzidza chokwadi vairamba vachishumira Jehovha vakatendeka. Vaisangana nematambudziko akawanda, uye Johani aishanda nesimba kuti asimbise kutenda kwevaKristu ava vaaiona sevana vake. Nesuwo tinofara kana vana vedu vekubereka kana kuti vatakabatsira kuwana chokwadi vakazvitsaurira kuna Jehovha uye vakaramba vachimushumira.—Verenga 3 Johani 3, 4.

2. Chinangwa chetsamba dzakanyorwa naJohani chaiva chei?

2 Muna 98 C.E., Johani angangodaro aigara muEfeso kana kuti pedyo neguta iroro. Anogona kunge akatamira ikoko paakasunungurwa mujeri raiva pachitsuwa chePatmosi. Panenge panguva iyoyo, mweya mutsvene waJehovha wakamubatsira kuti anyore tsamba nhatu. Chinangwa chetsamba idzodzo chaiva chekukurudzira vaKristu vakatendeka kuti varambe vachitenda muna Jesu uye varambe vachifamba muchokwadi.

3. Mibvunzo ipi yatichapindura?

3 Johani ndiye aiva muapostora wekupedzisira kurarama, uye ainetseka nezvekukanganiswa kwaiitwa ungano nevadzidzisi venhema. * (1 Joh. 2:18, 19, 26) Vanhu ivavo vakatsauka pakutenda vaizviti vanoziva Mwari, asi vakanga vasingateereri mitemo yake. Ngatikurukurei nezvezano rakafemerwa ravakapiwa naJohani. Tichapindurawo mibvunzo mitatu inoti: Zvinorevei kufamba muchokwadi? Zvii zvingatitadzisa kuramba tichifamba muchokwadi? Uye tingabatsirana sei kuti tirambe tichifamba muchokwadi?

ZVINOREVEI KUFAMBA MUCHOKWADI?

4. Maererano na1 Johani 2:3-6 uye 2 Johani 4, 6, tinofanira kuitei kuti tifambe muchokwadi?

4 Kuti tifambe muchokwadi, tinofanira kuziva chokwadi chiri muShoko raMwari, Bhaibheri. Uyewo, tinofanira ‘kuchengeta mirayiro yaJehovha,’ kureva kuti tinofanira kuiteerera. (Verenga 1 Johani 2:3-6; 2 Johani 4, 6.) Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka panyaya yekuteerera Jehovha. Saka imwe nzira inokosha yekuteerera nayo Jehovha ndeyekuita zvese zvatinogona pakutevedzera muenzaniso waJesu.—Joh. 8:29; 1 Pet. 2:21.

5. Chii chatinofanira kunyatsogutsikana nacho?

5 Kuti tirambe tichifamba muchokwadi, tinofanira kunyatsogutsikana kuti Jehovha ndiMwari anotaura chokwadi nguva dzese, uye kuti zvese zvaanotiudza muShoko rake Bhaibheri, ichokwadi. Tinofanirawo kunyatsogutsikana kuti Jesu ndiye Mesiya akapikirwa. Mazuva ano vakawanda havabvumi kuti Jesu ndiye akagadzwa kuva Mambo weUmambo hwaMwari. Johani akayambira kuti paiva ‘nevanyengeri vazhinji,’ avo vaigona kutsausa vaya vakanga vasinganyatsotendi muna Jehovha naJesu. (2 Joh. 7-11) Johani akanyora kuti: “Ndiani anoreva nhema kunze kweuya anoramba kuti Jesu ndiye Kristu?” (1 Joh. 2:22) Saka kuti tisanyengerwa, tinofanira kudzidza Shoko raMwari. Izvozvo ndizvo zvichaita kuti tisvike pakuziva Jehovha naJesu. (Joh. 17:3) Uye tinobva tanyatsogutsikana kuti takawana chokwadi.

ZVII ZVINGATITADZISA KUFAMBA MUCHOKWADI?

6. Chii chinogona kutadzisa vaKristu vechidiki kufamba muchokwadi?

6 VaKristu vese vanofanira kungwarira kuti vasatsauswa nedzidziso dzevanhu. (1 Joh. 2:26) VaKristu vechidiki ndivo vanofanira kunyanya kungwarira panyaya iyoyi. Imwe hanzvadzi ine makore 25 yekuFrance inonzi Alexia * yakati: “Pandaiva kuchikoro, taidzidziswa dzidziso dzevanhu uyewo kuti zvinhu zvakaita zvekushanduka. Izvi zvakaita kuti ndisava nechokwadi nezvandaidzidza muBhaibheri. Dzimwe nguva ndaiona dzidziso idzodzo sedzine musoro. Asi ndainzwa sekuti zvakanga zvisina kunaka kuti ndingobvuma zvese zvaitaurwa nevadzidzisi vangu ndisingamboongororiwo kuti Jehovha anoti kudii.” Alexia akadzidza bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? Pashure pemavhiki mashoma, akanga avazve nechokwadi nezvaaidzidza muBhaibheri. Alexia anoti: “Ndakanyatsogutsikana kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi. Uye ndakaona kuti kutevedzera zvarinotaura muupenyu hwangu kunoita kuti ndifare uye kuti ndigadzikane.”

7. Chii chatinofanira kungwarira uye nechikonzero chei?

7 VaKristu vese, vakuru nevadiki, vanofanira kungwarira kuti vasanyepedzera kushumira Mwari uku vachiita zvakaipa. Johani akaratidza kuti hatigoni kufamba muchokwadi ukuwo tichiita zvinhu zvisina kunaka. (1 Joh. 1:6) Kana tichida kufarirwa naMwari iye zvino uye mune ramangwana, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anoona zvese zvatinoita. Kunyange vanhu vakasaona zvivi zvatinoita tiri tega, Jehovha anozviona.—VaH. 4:13.

8. Maonero api atisingafaniri kuva nawo?

8 Hatifaniri kuva nemaonero akafanana neenyika panyaya yechivi. Muapostora Johani akanyora kuti: “Kana tichitaura kuti, ‘Hatina chivi,’ tiri kuzvinyengera uye chokwadi hachisi matiri.” (1 Joh. 1:8) Mumazuva aJohani, vakatsauka pakutenda vaiti munhu anogona hake kuita chivi asi oramba ari shamwari yaMwari. Mazuva ano tiri kuraramawo nevanhu vane maonero akafanana naiwayo. Vakawanda vanozviti vanotenda muna Mwari asi havabvumirani nezvinotaurwa naJehovha panyaya yechivi, kunyanya kana dziri nyaya dzine chekuita nebonde. Zvinhu zvinoonekwa naJehovha sezvakaipa, vakawanda vanozviona sezvinhu zvekuti munhu anogona kusarudza ega kuti ozviita here kana kuti orega.

Vechidiki, zivai kuti nei Jehovha achiti chimwe chinhu chakarurama kana kuti chakaipa, kana mukadaro muchakwanisa kutsanangura kuti nei muchisarudza kusaita zvinhu zvakaipa (Ona ndima 9) *

9. Vechidiki vanobatsirwa sei pavanoramba vachiita zvinonzi neBhaibheri ndizvo zvakanaka?

9 VaKristu vechidiki vanogona kunzwa vachida kutevedzera zvinhu zvisina kuchena zvinoitwa nevekuchikoro kwavo kana kuti vavanoshanda navo. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Aleksandar. Anoti: “Vamwe vasikana vekuchikoro kwedu vaida kuti ndirare navo. Vainditi ndiri ngochani, nekuti ndakanga ndisina musikana.” Kana uri kusanganawo nemiedzo yakadai, yeuka kuti paunoramba uchiita zvinonzi neBhaibheri ndizvo zvakanaka, ucharamba uri munhu anoremekedzeka, ane utano hwakanaka, asinganetseki, uye ane ushamwari naJehovha. Uye pese paunokunda muedzo zvichakuitira nyore kuti uite zvakanaka. Yeukawo kuti maonero anoita nyika nyaya dzebonde akabva kuna Satani. Saka paunoramba mafungiro evanhu vari munyika, unenge ‘wakunda akaipa.’—1 Joh. 2:14.

10. Rugwaro rwa1 Johani 1:9 inotibatsira sei kuti tishumire Jehovha tiine hana yakachena?

10 Tinoziva kuti Jehovha ndiye ane kodzero yekutiudza kuti chivi ndechipi. Uye tinoita zvese zvatinogona kuti tisaite chivi. Asi patinoita chivi, tinonyengetera kuna Jehovha tichireurura. (Verenga 1 Johani 1:9.) Uye kana tikaita chivi chakakura, tinotsvaga kubatsirwa nevakuru, avo vakagadzwa naJehovha kuti vatibatsire. (Jak. 5:14-16) Asi hatifaniri kuramba tichizvipa mhosva nezvekukanganisa kwatakaita kare. Nei tisingafaniri kudaro? Nekuti Baba vedu vane rudo vakatipa chibayiro cherudzikinuro cheMwanakomana wavo kuti tikwanise kuregererwa zvivi zvedu. Kana Jehovha akati anoregerera mutadzi anenge apfidza, anenge achirevesa. Saka hapana chingatitadzisa kushumira Jehovha tiine hana yakachena.—1 Joh. 2:1, 2, 12; 3:19, 20.

11. Tingazvidzivirira sei padzidziso dzinogona kukanganisa kutenda kwedu?

11 Tinofanira kuramba dzidziso dzevakatsauka pakutenda. Kubvira pakatanga ungano yechiKristu, Dhiyabhorosi ari kushandisa vanyengeri vakawanda kuti akanganise kutenda kwevashumiri vaMwari. Saka tinofanira kunge tichigona kusiyanisa chokwadi nenhema. * Vavengi vedu vanogona kushandisa Indaneti kana social media kuti vakanganise kutenda kwedu muna Jehovha uye kuda kwatinoita hama dzedu. Yeuka kuti nhema idzodzo dzinobva kuna Satani uye usadziteerera!—1 Joh. 4:1, 6; Zvak. 12:9.

12. Nei tichifanira kusimbisa kutenda kwedu muchokwadi chatakadzidza?

12 Kuti tikwanise kukunda miedzo yaSatani, tinofanira kuramba tichisimbisa kutenda kwedu muna Jesu uye mune zvaari kuita kuti chinangwa chaMwari chizadziswe. Tinofanirawo kuvimba nevaya vari kushandiswa naJehovha pakutungamirira basa rake. (Mat. 24:45-47) Tinosimbisa kutenda kwedu nekugara tichidzidza Shoko raMwari. Kana tikadaro, kutenda kwedu kuchava semuti une midzi yakadzika pasi pasi. Pauro akataura pfungwa yakafanana neiyi paakanyora tsamba kuungano yevaKorose. Akati: “Sekugamuchira kwamakaita Kristu Jesu Ishe, rambai muchifamba muri pamwe naye, makadzika midzi, muchivakwa maari uye muchisimbiswa pakutenda.” (VaK. 2:6, 7) Kana tikashanda nesimba kuti tisimbise kutenda kwedu, hapana chinogona kuitwa naSatani nevaya vanomutsigira, chinogona kutitadzisa kufamba muchokwadi.—2 Joh. 8, 9.

13. Chii chatinofanira kutarisira uye nechikonzero chei?

13 Tinofanira kutarisira kuvengwa nenyika. (1 Joh. 3:13) Johani anotiyeuchidza kuti “nyika yese iri musimba reakaipa.” (1 Joh. 5:19) Sezvo nyika ino yava pedyo nekuguma, Satani ari kuwedzera kutsamwa. (Zvak. 12:12) Ari kushandisawo nzira dziri pachena dzakadai sekutitambudza. Satani anoziva kuti asarirwa nenguva pfupi ndosaka ari kuedza kumisa basa redu kana kuedza kuparadza kutenda kwedu. Ndokusaka zvisingatishamisi kuti dzimwe nyika dziri kuedza kurambidza basa redu. Kunyange zvakadaro, hama nehanzvadzi dzedu dzemunyika idzodzo dziri kutsungirira. Saka pasinei nezvingaitwa naSatani kuvanhu vaJehovha, tinogona kuramba takatendeka!

NGATIBATSIRANEI KUTI TIRAMBE TIRI MUCHOKWADI

14. Ndeipi imwe nzira yatingabatsira nayo hama nehanzvadzi dzedu kuti dzirambe dziri muchokwadi?

14 Kuti tibatsire hama nehanzvadzi dzedu kuramba dziri muchokwadi, tinofanira kudzinzwira tsitsi. (1 Joh. 3:10, 11, 16-18) Tinofanira kudanana nguva dzese, zvinhu pazvinenge zvakanaka uyewo pazvinenge zvisina. Semuenzaniso, une munhu waunoziva here akafirwa uyewo anoda kunyaradzwa kana kubatsirwa pane zvimwe zvinhu? Kana kuti pane vaKristu vawakanzwa kuti vakarasikirwa nezvinhu zvavo here zvichikonzerwa nenjodzi dzinongoitika dzega vanoda kubatsirwa kuvaka Dzimba dzeUmambo kana kuti misha yavo? Tinoratidza kuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu uye kudzinzwira tsitsi nezvatinotaura asi tinonyanya kuzviratidza nezvatinoita.

15. Sezvinotaurwa pana 1 Johani 4:7, 8, tinofanira kuitei?

15 Patinodanana, tinenge tichitevedzera baba vedu vekudenga vane rudo. (Verenga 1 Johani 4:7, 8.) Nzira inokosha yatinoratidza nayo kuti tinoda vamwe ndeyekuvaregerera. Semuenzaniso, mumwe munhu anogona kuita zvinhu zvinotirwadza asi ozokumbira ruregerero. Tinoratidza kuti tinomuda kana tikamuregerera, tokanganwa nyaya yacho. (VaK. 3:13) Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hama inonzi Aldo. Akanzwa imwe hama yaairemekedza ichitaura mashoko akaipa nezvevanhu vekwaanobva. Aldo anoti, “Ndakaramba ndichinyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kuti ndisafunga zvakaipa nezvehama iyi.” Asi Aldo haana kungogumira ipapo. Akakumbira hama yacho kuti vabude vese muushumiri. Pavaiva muushumiri, Aldo akaudza hama yacho kuti akarwadziwa sei nezvayakataura. Anoti, “Hama yacho payakaziva kuti ndakarwadziwa sei nezvayakataura, yakakumbira ruregerero. Kubva pamatauriro ayakaita, ndakanyatsoona kuti hama iyi yakanga ichizvidemba nezvayakataura. Takazoparadzana tava neushamwari hwakanaka.”

16-17. Tinofanira kuramba tichiitei?

16 Muapostora Johani aida hama dzake chaizvo uye aida kuti dzive nekutenda kwakasimba. Rudo rwake runooneka mumashoko aakavanyorera mutsamba dzake nhatu. Zvinofadza chaizvo kuziva kuti varume nevakadzi vachatonga naJesu vanewo rudo uyewo vane hanya nevanhu sezvaiita Johani!—1 Joh. 2:27.

17 Ngatirambei tichifunga nezvemazano atakurukura. Ngatitsungei kuramba tichifamba muchokwadi, tichiteerera Jehovha pane zvese zvatinoita muupenyu hwedu. Dzidza Shoko rake uye vimba nezvarinotaura. Iva nekutenda kwakasimba muna Jesu. Ramba dzidziso dzevanhu uye dzevakatsauka pakutenda. Usambofa wakanyepedzera kushumira Mwari uku uchiita zvakaipa, uye usateerera vaya vanoda kukufurira kuti uite zvakaipa. Teerera mitemo yaJehovha muupenyu hwako. Ngatibatsirei hama dzedu kuti dzirambe dzakasimba kuburikidza nekudziregerera padzinenge dzatirwadzisa uye nekubatsira vaya vanoda kubatsirwa. Izvi zvichaita kuti tirambe tichifamba muchokwadi pasinei nematambudziko atinosangana nawo.

RWIYO 49 Kufadza Mwoyo waJehovha

^ ndima 5 Tiri kurarama munyika inotongwa naSatani, baba venhema. Saka zvinogona kutiomera kuramba tichifamba muchokwadi. Iri ndirowo dambudziko raisangana nevaKristu vekutanga. Jehovha akafemera muapostora Johani kuti anyore tsamba nhatu dzaizovabatsira, uye tsamba idzodzo dzinotibatsirawo. Zviri mutsamba idzodzo zvichatibatsira kuziva kuti zvii zvingatitadzisa kuramba tichifamba muchokwadi uye kuti tingaitei kuti tikunde matambudziko iwayo.

^ ndima 6 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 11 Ona nyaya yekudzidza ine musoro unoti “Une Chokwadi Nenyaya Yacho Here?” iri muNharireyomurindi yaAugust 2018.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Painenge iri kuchikoro, hanzvadzi yechidiki inogara ichiona uye ichinzwa zvinhu zvinoita kuti vanhu vaone sekuti ungochani hauna kuipa. (Mune dzimwe nyika mavara erainbow anoshandiswa sechiratidzo cheungochani.) Pave paya, hanzvadzi yacho inotsvakurudza kuti isimbise kutenda kwayo muzvinhu zvinonzi naJehovha zvakarurama. Izvi zvinoibatsira kuti iite chisarudzo chakanaka.