Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 27

Rega Kufunga Nezvako Kupfuura Zvaunofanira Kuita

Rega Kufunga Nezvako Kupfuura Zvaunofanira Kuita

“Ndinoudza munhu wese ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga, asi kuti afunge zvinoratidza kuti ane pfungwa dzakanaka.”—VAR. 12:3.

RWIYO 130 Kanganwira Vamwe

ZVICHADZIDZWA *

1. Izano ripi ratinowana pana VaFiripi 2:3, uye tinobatsirwa sei kana tikarishandisa?

TINOTEERERA Jehovha nekuti anoziva zvakatinakira nguva dzese. (VaEf. 4:22-24) Kuzvininipisa kunoita kuti tikoshese zvinodiwa naJehovha kupfuura zvatinoda uye tione vamwe sevakuru kwatiri. Izvi zvinoita kuti tive neushamwari hwakanaka naJehovha uye nevamwe vaKristu.—Verenga VaFiripi 2:3.

2. Muapostora Pauro aizivei, uye tichakurukurei munyaya ino?

2 Kana tikasangwarira, tinogona kupedzisira tava kuita sevanhu vari munyika yaSatani vanozvikudza uye vanongofunga zvakavanakira. * Zvinoita sekuti vamwe vaKristu vekutanga vakanga vava kukanganiswa nenyika, nekuti muapostora Pauro akanyorera vaRoma kuti: “Ndinoudza munhu wese ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga, asi kuti afunge zvinoratidza kuti ane pfungwa dzakanaka.” (VaR. 12:3) Pauro aiziva kuti tinofanira kufungawo nezvedu. Asi kuzvininipisa kuchatibatsira kuti tisanyanya kuzvifunga. Munyaya ino tichaona kuti kuzvininipisa kuchatibatsira sei kuti tisazvikudza pazvinhu zvitatu zvinoti, (1) wanano yedu, (2) mabasa atinoita musangano raJehovha, uye (3) mashandisiro atinoita social media.

ZVININIPISE MUWANANO

3. Nei murume nemudzimai vachimbotadza kuwirirana, uye vamwe vanoedza sei kugadzirisa dambudziko racho?

3 Jehovha anoda kuti murume nemudzimai vafare vari pamwe chete. Asi sezvo munhu wese achikanganisa, murume nemudzimai vanombotadza kuwirirana. Pauro akanyora kuti vaya vanopinda muwanano vachasangana nematambudziko. (1 VaK. 7:28) Vamwe varume nemadzimai vanogara vachinetsana, uye vanogona kufunga kuti vaisafanira kunge vakaroorana. Kana vachinge vakanganiswa nenyika, vanokurumidza kufunga kuti vanofanira kurambana. Mumwe nemumwe achangozvifunga iye pachake uye vachaona sekuti kurambana ndiko kuchaita kuti vafare.

4. Zvii zvatisingafaniri kuita?

4 Hatifaniri kuona sekuti wanano yedu yakundikana. Tinoziva kuti upombwe ndihwo chete chikonzero chemuBhaibheri chingaita kuti vakaroorana varambane. (Mat. 5:32) Saka patinosangana nematambudziko akataurwa naPauro, hatifaniri kuzvikudza, tofunga zvinhu zvakadai sekuti: ‘Mumwe wangu haana basa neni. Haasi kundipa rudo rwandinofanira kuwana. Pamwe ndikawana mumwe munhu ndiko kuti ndifare.’ Kana tiine mafungiro iwayo tinenge tichingozvifunga kwete kufunga mumwe wedu. Nyika inoti ita zvinodiwa nemwoyo wako, pasinei nekuti izvozvo zvichaita kuti urambane newawakaroorana naye. Mwari anoti ‘haufaniri kungofunga zvakakunakira chete, asi zvakanakirawo vamwe.’ (VaF. 2:4) Jehovha anoda kuti uchengetedze wanano yako, kwete kuiparadza. (Mat. 19:6) Anoda kuti utange wafunga nezvake, kwete kuzvifunga iwewe.

5. Maererano naVaEfeso 5:33, murume nemudzimai vanofanira kugarisana sei?

5 Murume nemudzimai vanofanira kudanana uye kuremekedzana. (Verenga VaEfeso 5:33.) Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tive vanhu vanopa kwete vanongoda kugamuchira. (Mab. 20:35) Chii chichabatsira murume nemudzimai kuti vadanane uye varemekedzane? Vanofanira kuzvininipisa. Murume kana mudzimai anozvininipisa haazorambi “achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.”—1 VaK. 10:24.

Pane kuti vakwikwidzane murume nemudzimai vanozvininipisa vanoshanda pamwe chete (Ona ndima 6)

6. Unodzidzei kubva pane zvakataurwa naSteven naStephanie?

6 Kuzvininipisa kwakabatsira vaKristu vakawanda kuti vafare muwanano dzavo. Semuenzaniso, mumwe murume anonzi Steven anoti: “Kana muri vanhu vakabatana, muchashanda pamwe chete kunyanya pamunotadza kuwirirana. Pane kufunga kuti ‘ndezvipi zvakanyanya kundinakira?’ uchafunga kuti ‘ndezvipi zvakanyanya kutinakira?’” Ndiwo manzwiro anoitawo mudzimai wake, Stephanie. Anoti, “Hapana anoda kugara nemunhu anomuitisa nharo. Patinotadza kuwirirana tinotsvaga kuti dambudziko riri papi. Tinobva tanyengetera, totsvakurudza uye tokurukura kuti tingagadzirisa sei dambudziko racho. Tinorwisa dambudziko racho kwete kurwisana.” Varume nemadzimai vanobatsirwa chaizvo kana mumwe nemumwe akarega kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kuita.

SHUMIRA JEHOVHA “NEKUZVININIPISA KWESE”

7. Hama inofanira kuva nemafungiro api painopiwa zvekuita musangano raJehovha?

7 Zvese zvatinoita pakushumira Jehovha tinozviona seropafadzo. (Pis. 27:4; 84:10) Kana hama iine chido chekuita zvakawanda musangano raJehovha, izvozvo zvakanaka. Bhaibheri rinoti: “Kana murume achivavarira kuva mutariri, ari kuda basa rakanaka.” (1 Tim. 3:1) Asi paanopiwa zvekuita, haafaniri kubva atanga kuzviona sekuti ava munhu anokosha. (Ruka 17:7-10) Chinangwa chake chinofanira kunge chiri chekushumira vamwe achizvininipisa.—2 VaK. 12:15.

8. Tinodzidzei pane zvakaitwa naDhiyotrefesi, Uziya, uye Absaromu?

8 MuBhaibheri mune mienzaniso inotiyambira yevanhu vainyanya kuzvifunga. Dhiyotrefesi akanga asingazvininipisi uye aida “kuva nechinzvimbo chepamusoro” muungano. (3 Joh. 9) Uziya akazvikudza, ndokuedza kuita basa raakanga asina kupiwa naJehovha. (2 Mak. 26:16-21) Absaromu aida kuva mambo, saka akanyepedzera kuva nehanya nevanhu achida kuti vamutsigire. (2 Sam. 15:2-6) Nyaya idzodzo dziri muBhaibheri dzinonyatsoratidza kuti Jehovha haafadzwi nevanhu vanoda kuzvitsvagira kukudzwa. (Zvir. 25:27) Vanhu vanozvikudza uye vanozvitsvagira mukurumbira vanozosangana nematambudziko.—Zvir. 16:18.

9. Jesu akatisiyira muenzaniso wei?

9 Kusiyana nevanhu ivavo vaizvikudza, Jesu, “uyo, kunyange zvazvo aiva mumufananidzo waMwari, haana kufunga nezvekubvuta simba, kureva kuti, kuzviita akaenzana naMwari.” (VaF. 2:6) Kunyange zvazvo Jehovha ari iye chete ane simba rinopfuura rake, Jesu haazvifungi kupfuura zvaanofanira kuita. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Munhu anozviita mudiki pakati penyu mese ndiye mukuru.” (Ruka 9:48) Takakomborerwa chaizvo kushumira pamwe chete nemapiyona, vashumiri veungano, vakuru uye vatariri vematunhu, vanotevedzera Jesu pakuzvininipisa! Kuzvininipisa kunoita kuti tide vamwe uye Jesu akati vadzidzi vake vachazivikanwa nekudanana.—Joh. 13:35.

10. Unofanira kuitei kana ukaona sekuti matambudziko ari muungano haasi kugadziriswa zvakanaka?

10 Unofanira kuitei kana zvichiita sekuti muungano mune matambudziko uye uchiona sekuti vakuru havasi kunyatsoagadzirisa? Pane kuti unyunyute, unogona kuratidza kuzvininipisa wotsigira vaya vari kutungamirira. (VaH. 13:17) Kuti uite izvozvo unofanira kuzvibvunza kuti: ‘Matambudziko aya akakura zvekuti anofanira kugadziriswa here? Iyi ndiyo nguva yakanaka yekuti agadziriswe here? Ndini ndinofanira kuagadzirisa here? Ndiri kuedza kuita kuti ungano ibatane here kana kuti ndiri kuda kuonekwa semunhu anokosha?’

Vaya vakapiwa mabasa musangano havafaniri kungozivikanwa neunyanzvi hwavo chete asi nekuzvininipisa (Ona ndima 11) *

11. Maererano naVaEfeso 4:2, 3, chii chinoitika patinoshumira Jehovha tichizvininipisa?

11 Jehovha anokoshesa kuzvininipisa kupfuura unyanzvi, uye kubatana kupfuura kuita zvakawanda pabasa. Saka ita zvese zvaunogona kuti ushumire Jehovha uchizvininipisa. Izvozvo zvinoita kuti ungano ibatane. (Verenga VaEfeso 4:2, 3.) Shanda nesimba muushumiri. Tsvaga mikana yekuitira vamwe zvakanaka. Gamuchira vaenzi vese zvakanaka kusanganisira vaya vasina mabasa avanoita muungano. (Mat. 6:1-4; Ruka 14:12-14) Paunoshanda nevamwe muungano uchizvininipisa, vamwe vachaona unyanzvi hwako, asi chinonyanya kukosha ndechekuti vachaona kuti unozvininipisa.

ZVININIPISE PAUNENGE UCHISHANDISA SOCIAL MEDIA

12. Bhaibheri rinotii nezvekuva neshamwari?

12 Jehovha anoda kuti tinakidzwe nekuva pamwe chete nehama neshamwari dzedu. (Pis. 133:1) Jesu aiva neshamwari dzakanaka. (Joh. 15:15) Bhaibheri rinotaura kuti zvakanakirei kuva neshamwari dzechokwadi. (Zvir. 17:17; 18:24) Rinotiudza kuti hazvina kunaka kuti tizviparadzanise nevamwe. (Zvir. 18:1) Vakawanda vanofunga kuti social media inoita kuti vave neshamwari dzakawanda uye vasanzwa kusurukirwa. Asi tinofanira kungwarira patinenge tichiishandisa.

13. Nei vamwe vanoshandisa social media vachiwanzosurukirwa uye vachishaya mufaro?

13 Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vaya vanopedza nguva yakawanda vachitarisa zvinhu zvinoiswa nevamwe pasocial media vanopedzisira vasurukirwa uye vasisina mufaro. Nei zvakadaro? Chimwe chinoita kuti vanzwe saizvozvo ndechekuti vanhu vanowanzoisa zvinhu zvinofadza zvakaitika muupenyu hwavo zvakadai semapikicha avo akanyanya kunaka, eshamwari dzavo uye enzvimbo dzakanaka dzavakamboenda. Munhu paanoona mapikicha iwayo anogona kuona sekuti upenyu hwake haunakidzi sezvinoita hwevamwe. Imwe hanzvadzi ine makore 19 yakati: “Ndakatanga kusafara pandaiona vamwe vachinakidzwa seizvi pakupera kwevhiki, ini ndiri pamba.”

14. Zano riri pana 1 Petro 3:8 ringatibatsira sei panyaya yekushandisa social media?

14 Social media inogona kushandiswa nechinangwa chakanaka, chakadai sekukurukura nevemumhuri uye neshamwari. Asi wakambozviona here kuti mamwe mapikicha anoiswa nevanhu ndeekuda kuti vayemurwe nevamwe? Zvinoita sekuti vari kuti, “Nditarisei muone zvandiri kuita.” Vamwe vanonyora mashoko akashata uye anonyadzisira pamapikicha avo kana kuti anenge aiswa nevamwe. VaKristu vanokurudzirwa kuti vazvininipise uye vanzwire vamwe tsitsi, saka havazoiti zvinhu zvakadaro.—Verenga 1 Petro 3:8.

Kana ukaisa zvinhu paindaneti, zvinoita kuti vamwe vafunge kuti uri munhu anozvikudza here kana kuti anozvininipisa? (Ona ndima 15

15. Bhaibheri ringatibatsira sei kuti tisazviona setinokosha chaizvo?

15 Kana uchishandisa social media, zvibvunze kuti: ‘Mashoko, mapikicha kana kuti mavhidhiyo andinoisa ipapo angaita kuti vamwe vaone sekuti ndinozvikudza here? Handingadaro ndiri kuita kuti vamwe vanzwe godo here?’ Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvese zviri munyika zvinoti, kuchiva kwenyama, nekuchiva kwemaziso nekushamisira nezvinhu zvauinazvo, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.” (1 Joh. 2:16) Mune rimwe Bhaibheri, mashoko ekuti “kushamisira nezvinhu zvauinazvo,” akanyorwa achinzi, “kuda kuonekwa seunokosha.” VaKristu havafaniri kuzviona sevanokosha kana kunzwa vachida kuyemurwa nevamwe. Vanoteerera zano reBhaibheri rekuti: “Ngatiregei kuzvikudza, tichimutsa makwikwi pakati pedu, tichiitirana shanje.” (VaG. 5:26) Kuzvininipisa kuchatibatsira kuti tisaita zvinoitwa nevanhu vari munyika avo vanozvikudza uye vanoda kuonekwa sevanokosha chaizvo.

‘MAFUNGIRO AKO NGAARATIDZE KUTI UNE PFUNGWA DZAKANAKA’

16. Nei tisingafaniri kuzvikudza?

16 Tinofanira kuzvininipisa nekuti vanhu vanozvikudza havana “pfungwa dzakanaka.” (VaR. 12:3) Vanhu vanozvikudza vane nharo uye vanozviona sevanokosha chaizvo kupfuura vamwe. Mafungiro avo uye maitiro avo anowanzoita kuti vazvirwadzise uye varwadzisewo vamwe. Kana vakasachinja mafungiro avo, pfungwa dzavo dzinopofumadzwa uye dzinokanganiswa naSatani. (2 VaK. 4:4; 11:3) Asi munhu anozvininipisa ane pfungwa dzakanaka. Haazvioni seanonyanya kukosha kana kuti seasingabatsiri, asi anonzwisisa kuti vamwe vanomupfuura pane zvakawanda. (VaF. 2:3) Uye anoziva kuti “Mwari anopesana nevanozvikudza, asi ane nyasha kune vanozvininipisa.” (1 Pet. 5:5) Vaya vane pfungwa dzakanaka havadi kuti Jehovha apesane navo.

17. Tinofanira kuitei kuti tirambe tichizvininipisa?

17 Kuti tirambe tichizvininipisa tinofanira kushandisa zano reBhaibheri rekuti ‘tipfekenure unhu hwekare nemabasa ahwo, topfeka unhu hutsva.’ Izvi zvinoda kuti tishande nesimba. Tinofanira kudzidza zvaiitwa naJesu toedza kunyatsomutevedzera. (VaK. 3:9, 10; 1 Pet. 2:21) Tikaita izvozvo zvichatibatsira chaizvo. Patinozvininipisa, mufaro wemumhuri medu unowedzera, tinoita kuti muungano muve nekubatana, uye hatizoshandisi social media nenzira isina kunaka. Chinonyanya kukosha ndechekuti tichafarirwa naJehovha uye achatikomborera.

RWIYO 117 Kuva Vakanaka

^ ndima 5 Tiri kurarama munyika yakazara vanhu vanozvikudza uye vanozvifunga. Tinoda kungwarira kuti tisava neunhu hwakafanana nehwavo. Munyaya ino tichakurukura kuti ndepapi patisingafaniri kufunga nezvedu kupfuura zvatinofanira kuita.

^ ndima 2 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Munhu anozvikudza anonyanya kufunga nezvake kupfuura kufunga kwaanoita nezvevamwe. Saka anongofunga zvakamunakira. Asi kuzvininipisa kunobatsira munhu kuti asangofunga zvakamunakira. Kana munhu achizvininipisa haazvikudzi uye haazvioni seanokosha kupfuura vanhu vese.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mukuru uyo anopa hurukuro pamagungano uye ari mutariri pabasa rekuvaka, anokoshesawo ropafadzo yekuitisa musangano webasa rekuparidza uye kuchenesa paImba yeUmambo.