Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 29

Fara Nezvaunokwanisa Kuita Pakushumira Jehovha!

Fara Nezvaunokwanisa Kuita Pakushumira Jehovha!

‘Munhu mumwe nemumwe ngaafare nezvaanoita iye pachake asingazvienzanisi nemumwe munhu.’—VAG. 6:4.

RWIYO 34 Kufamba Ndakavimbika

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei Jehovha asingatienzanisi nevamwe?

JEHOVHA anofarira kusiyana-siyana kwezvinhu. Izvi zvinooneka pazvinhu zvinoshamisa zvaakasika kusanganisira vanhu. Hapana munhu akanyatsofanana newe pane zvese. Saka Jehovha haambokuenzanisi nevamwe. Anoona zvauri chaizvo nechemukati. (1 Sam. 16:7) Anozivawo zvaunogona, zvausingagoni, uye marererwo awakaitwa. Uye haakuudzi kuti uite zvausingakwanisi kuita. Tinofanira kuzviona semaonero aanotiita. Tikadaro tichava ‘nepfungwa dzakanaka,’ tisinganyanyi kuzvionera pamusoro kana kuzvitarisira pasi.—VaR. 12:3.

2. Nei zvisina kunaka kuti tizvienzanise nevamwe?

2 Zvinogona kutibatsira kana tikacherechedza zvakanaka zvinoitwa nehama kana hanzvadzi yakatendeka inonyatsogona basa rekuparidza. (VaH. 13:7) Tinogona kubva taona zvatingaita kuti tivandudze ushumiri hwedu. (VaF. 3:17) Asi kutevedzera zvakanaka zvinoitwa nemumwe munhu kwakasiyana nekuzvienzanisa naye. Kuzvienzanisa kwakadaro kunogona kuita kuti uve neshanje, uore mwoyo, kunyange kuzviona seusingabatsiri. Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, kukwikwidzana nevamwe vari muungano kunogonawo kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Saka Jehovha anotirayira achiti: “Munhu mumwe nemumwe ngaaongorore zvaanoita, uye achabva afara nazvo iye pachake, asingazvienzanisi nemumwe munhu.”—VaG. 6:4.

3. Zvii zvawakaita pakunamata Jehovha zvinoita kuti ufare?

3 Jehovha anoda kuti ufadzwe nekufambira mberi kwako pakunamata. Semuenzaniso, kana ukabhabhatidzwa, unogona kufara kuti wasvika pachidanho ichocho! Wakazvisarudzira wega kuita izvozvo, zvichibva pakuda kwaunoita Mwari. Funga zvese zvawakaita kubva ipapo. Kuda kwaunoita kuverenga uye kudzidza Bhaibheri kwawedzera here? Minyengetero yako iri kuwedzera kubva pasi pemwoyo here? (Pis. 141:2) Uri kuwedzera kuva neunyanzvi hwekukurukura nevanhu mubasa rekuparidza uye pakushandisa maturusi edu eushumiri here? Uye kana uine mhuri, Jehovha akakubatsira kuti uve murume, mudzimai, kana kuti mubereki akanaka here? Unogona kufara uye kugutsikana chaizvo nekuchinja kwese kwawakaita. 

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Tinogona kubatsira vamwe kuti vafare nekufambira mberi kwavari kuita pakunamata. Tinogonawo kuvabatsira kuti varege kuzvienzanisa nevamwe. Munyaya ino tichaona kuti vabereki vangabatsira sei vana vavo, murume nemudzimai vangabatsirana sei, uye kuti vakuru nevamwe vangabatsira sei hama nehanzvadzi dzavo. Tichapedzisa nekukurukura Magwaro anogona kubatsira mumwe nemumwe wedu kuti ave nezvinangwa zvaanogona kuzadzisa.

ZVINOGONA KUITWA NEVABEREKI UYE NEMURUME NEMUDZIMAI

Vabereki, ratidzai mwana mumwe nemumwe kuti munofara nezvakanaka zvaanenge aita (Ona ndima 5-6) *

5. Maererano naVaEfeso 6:4, ndezvipi zvisingafaniri kuitwa nevabereki?

5 Vabereki vanofanira kungwarira kuti vasaenzanisa vana kana kutarisira kuti mwana aite zvinopfuura zvaanogona. Kana vabereki vakadaro, vanoita kuti mwana wavo aore mwoyo. (Verenga VaEfeso 6:4.) Imwe hanzvadzi inonzi Sachiko * inoti: “Vadzidzisi vangu vaitarisira kuti ndigone chikoro kupfuura vamwe vese vemukirasi medu. Uyewo amai vangu vaida kuti ndigone muchikoro, kuitira kuti vadzidzisi vangu uye baba vangu vakanga vasiri Chapupu vaone vanhu vaJehovha neziso rakanaka. Vaitoda kuti ndigone zvese pandainyora mazamanishoni, asi ndaisazvikwanisa. Kunyange zvazvo ndava nemakore ndapedza chikoro dzimwe nguva ndinonzwa sekuti Jehovha haafari neni kunyange ndikaita zvese zvandinogona.”

6. Vabereki vanodzidzei pana Pisarema 131:1, 2?

6 Vabereki vanowana chidzidzo chinokosha pana Pisarema 131:1, 2. (Verenga.) Mambo Dhavhidhi akati akanga asina “shungu nezvinhu zvikurukuru” kana kuti zvinhu zvaakanga asingakwanisi. Kuzvininipisa kwake kwakaita kuti agutsikane uye ave nerugare. Vabereki vanodzidzei pamashoko aDhavhidhi? Kana vabereki vachizvininipisa uye vachigutsikana, havatarisiri kuita zvakawanda kupfuura zvavanogona uyewo havatarisiri izvozvo kumwana wavo. Vabereki pavanenge vachibatsira mwana wavo kuti ave nezvinangwa, vanofanira kumuratidza kuti vanoziva zvaanokwanisa nezvaasingakwanisi. Izvi zvichaita kuti aone kuti vanomukoshesa. Imwe hanzvadzi inonzi Marina inoti: “Amai vangu havana kumbobvira vandienzanisa nehanzvadzi dzangu kana nevamwe vana. Vakandidzidzisa kuti zvipo zvevanhu zvinosiyana uye kuti mumwe nemumwe wedu anokosha kuna Jehovha. Izvi zvakandibatsira kuti ndisagare ndichizvienzanisa nevamwe.”

7-8. Murume angaratidza sei rukudzo kumudzimai wake?

7 Murume wechiKristu anofanira kuratidza rukudzo kumudzimai wake. (1 Pet. 3:7) Rukudzo runosanganisira kukoshesa vamwe uye kuvaremekedza. Saka murume anoratidza kuti anokudza mudzimai wake kana achimukoshesa. Haatarisiri kuti aite zvakawanda kupfuura zvaanogona. Uye haatombomuenzanisi nevamwe vakadzi. Mudzimai anganzwa sei kana murume wake akamuenzanisa nevamwe vakadzi? Imwe hanzvadzi inonzi Rosa ine murume asiri Chapupu uyo anogara achiienzanisa nevamwe vakadzi. Anotaura mashoko anorwadza ayo anoita kuti Rosa anzwe asingabatsiri uyewo aone sekuti hapana anomuda. Rosa anoti, “Ndinoda kugara ndichiyeuchidzwa kuti Jehovha anondikoshesa.” Zvinoitwa nemurume waRosa zvakasiyana nezvinoitwa nemurume wechiKristu. Murume wechiKristu anokudza mudzimai wake. Anoziva kuti kana akadaro, anowedzera kudanana nemudzimai wake uye anova neushamwari hwepedyo naJehovha. *

8 Murume anokudza mudzimai wake anotaura zvakanaka nezvake kune vamwe vanhu, anoita kuti azive kuti anomuda uye kuti anomukoshesa. (Zvir. 31:28) Izvi ndizvo zvinoitwa nemurume weimwe hanzvadzi inonzi Katerina, yakataurwa munyaya yakapfuura. Murume wacho anobatsira Katerina kuti asazvitarisira pasi. Katerina achiri mwana mudiki amai vake vaimushora uye kakawanda kacho vaimuenzanisa nevamwe vasikana kusanganisira shamwari dzake. Izvi zvakaita kuti Katerina atange kuzvienzanisa nevamwe kunyange pashure pekunge ava Chapupu chaJehovha. Asi murume wake uyo ari Chapupu chaJehovha akamubatsira kuti arwise maitiro iwayo uye kuti azvione neziso rakanaka. Katerina anoti: “Murume wangu anondida, anondirumbidza pane zvakanaka zvandinenge ndaita uye anondinyengeterera. Anondiyeuchidzawo nezveunhu hwakanaka hwaJehovha uye anondibatsira kugadzirisa mafungiro angu.”

ZVINOGONA KUITWA NEVAKURU UYE NEVAMWE

9-10. Vakuru vane hanya vakabatsira sei imwe hanzvadzi kuti isagara ichizvienzanisa nevamwe?

9 Vakuru vangabatsira sei vaya vanowanzozvienzanisa nevamwe? Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Hanuni, iyo yaisawanzorumbidzwa payaiva mudiki. Inoti: “Ndainyara uye ndaiona sekuti vamwe vana vaiva nani paneni. Kubvira ndichiri mudiki ndaingozvienzanisa nevamwe.” Kunyange paakanga ava muchokwadi, Hanuni akaramba achizvienzanisa nevamwe. Izvi zvakaita kuti anzwe sekuti akanga asingakoshi muungano. Asi iye zvino ava piyona anofara. Chii chakamubatsira kuchinja maonero ake?

10 Hanuni anoti akabatsirwa nevakuru vaiva nehanya naye. Vakamuratidza kuti vaivimba naye uye vakarumbidza zvakanaka zvaaiita. Anoti: “Dzimwe nguva vakuru vaindikumbira kuti ndikurudzire dzimwe hanzvadzi dzaida rubatsiro. Kupiwa mabasa aya kwaiita kuti ndinzwe kuti ndinokosha muungano. Ndinoyeuka vamwe vakuru vachinditenda nekukurudzira kwandakanga ndaita dzimwe hanzvadzi dzechidiki. Vakabva vandiverengera 1 VaTesaronika 1:2, 3. Izvozvo zvakandibaya mwoyo chaizvo! Kubatsirwa kwandakaitwa nevafudzi ivavo vane rudo, kwakaita kuti ndizive kuti ndinokosha muungano.”

11. Sezvinotaurwa pana Pisarema 34:18, tingabatsira sei ‘vaya vakaora mwoyo uye vakasuruvara’?

11 Verenga Pisarema 34:18. Jehovha ane hanya chaizvo ‘nevaya vakaora mwoyo uye vakasuruvara.’ Tese zvedu, kwete vakuru chete, tinogona kukurudzira hama nehanzvadzi idzi dzinodiwa. Imwe nzira yatinogona kuvakurudzira nayo ndeyekuvaratidza kuti tine hanya navo. Jehovha anoda kuti tivaratidze kuti anovada zvakadii. (Zvir. 19:17) Tinogonawo kubatsira hama nehanzvadzi dzedu nekuva vanhu vanozvininipisa uye vasingadadi neunyanzvi hwavo. Hatidi kuita zvekuda kuonekwa nevamwe nekuti zvinomutsa shanje. Asi tinoshandisa unyanzvi hwedu neruzivo rwedu kuti tikurudzirane.—1 Pet. 4:10, 11.

Vadzidzi vaJesu vaida kuva pedyo naye nekuti aisazviona seari nani pavari. Ainakidzwa nekutandara neshamwari dzake (Ona ndima 12)

12. Nei vanhu vakaderera vaida kuva naJesu? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

12 Tinogona kudzidza zvakawanda nezvemabatiro atinofanira kuita vamwe kana tikafunga nezvekuti Jesu aibata sei vateveri vake. Ndiye aiva munhu mukuru kupfuura vese vakamborarama panyika. Asi aiva munhu ‘munyoro uye ane mwoyo unozvininipisa.’ (Mat. 11:28-30) Aisashamisira nekuchenjera kwake uye kuziva kwaaiita zvinhu zvakawanda. Paaidzidzisa, aishandisa mashoko anonzwisisika uye mienzaniso yaisvika pamwoyo pevanhu vakaderera. (Ruka 10:21) Kusiyana nevatungamiriri vezvitendero vaizvikudza, Jesu haana kumbobvira aita kuti vamwe vanzwe sekuti havakoshi kuna Mwari. (Joh. 6:37) Asi airemekedza vanhu vakaderera.

13. Mutsa waJesu uye rudo rwake zvakaoneka sei pamabatiro aaiita vadzidzi vake?

13 Mutsa waJesu uye rudo rwake zvakaoneka pamabatiro aaiita vadzidzi vake. Aiziva kuti vakanga vakasiyana pane zvavaikwanisa kuita uye pamamiriro avo ezvinhu. Saka vaisagona kupiwa mabasa akafanana kana kuita zvinhu zvakaenzana muushumiri. Asi aifara nekuti mumwe nemumwe wavo aiita zvese zvaaigona. Izvi zvinooneka mumufananidzo wematarenda. Mumufananidzo iwoyo, tenzi akapa muranda mumwe nemumwe basa ‘maererano nezvaaikwanisa.’ Pavaranda vaviri vaishanda nesimba, mumwe akawana zvakawanda kupfuura mumwe. Asi tenzi akavarumbidza vese nemashoko akafanana achiti: “Waita zvakanaka, muranda akanaka uye akatendeka!”—Mat. 25:14-23.

14. Tingatevedzera sei Jesu pamabatiro aaiita vamwe?

14 Jesu anotiratidza mutsa uye rudo. Anoziva kuti unyanzvi hwedu hunosiyana uye mamiriro edu ezvinhu anosiyana, uye anofara patinoita zvese zvatinogona. Tinofanira kumutevedzera pamabatiro atinoita vamwe. Hatimbodi kuita kuti watinonamata naye anzwe seasingakoshi kana kumuita kuti anyare nekuti haakwanisi kuita zvakawanda sezvinoitwa nevamwe. Asi tinofanira kugara tichirumbidza hama nehanzvadzi dzedu nekuti dzinoita zvese zvadzinogona pakushumira Jehovha.

IVA NEZVINANGWA ZVAUNOGONA KUZADZISA

Wana mufaro unobva pakuva nezvinangwa zvaunogona kuzadzisa (Ona ndima 15-16) *

15-16. Imwe hanzvadzi yakabatsirwa sei nekuva nezvinangwa zvainogona kuzadzisa?

15 Kuva nezvinangwa zvekunamata kunoita kuti upenyu hwedu huve negwara uye tigutsikane nahwo. Asi tinofanira kuva nezvinangwa zvinoenderana nezvatinokwanisa kuita uye mamiriro edu ezvinhu, tisingaiti zvekungotevedzera vamwe. Hatidi kuita zvinhu zvinozotiodza mwoyo. (Ruka 14:28) Funga nezveimwe hanzvadzi inopayona inonzi Midori.

16 Midori paaiva mudiki, baba vake avo vasiri Chapupu vaigara vachimuudza kuti vamwe vana vemumhuri uyewo vekuchikoro vaiva nani paari. Midori anoti: “Ndaizviona semunhu asingabatsiri.” Asi Midori paaikura, kuzvitarisira pasi kwaaiita kwakatanga kupera. Anoti, “Ndaiverenga Bhaibheri mazuva ese nekuti izvozvo zvaindibatsira kuona kuti Jehovha anondida.” Akavawo nezvinangwa zvaaida kuzadzisa uye akanyengetera kuti abatsirwe kuzvizadzisa. Izvozvo zvakaita kuti Midori afadzwe nezvaaiita pakushumira Jehovha.

RAMBA UCHIITIRA JEHOVHA ZVESE ZVAUNOGONA

17. Tingaitei kuti ‘tirambe tichiitwa vatsva pamafungiro edu,’ uye kuita izvozvo kunoguma nei?

17 Kuzvitarisira pasi hakungoerekani kwapera. Saka Jehovha anotirayira kuti: “Munofanira kuramba muchiitwa vatsva pamafungiro enyu.” (VaEf. 4:23, 24) Kuti tiite izvozvo, tinofanira kunyengetera, kudzidza Shoko raMwari, uye kufungisisa. Saka ramba uchiita zvinhu izvi, uye kumbira Jehovha kuti akupe simba. Mweya mutsvene wake uchakubatsira kuti udzidze kusazvienzanisa nevamwe. Kana zvikaitika kuti mumwoyo mako wava neshanje kana kuti wava kuzvikudza, Jehovha achakubatsira kuzviziva, uyewo achakubatsira kuti ukurumidze kuchinja.

18. Mashoko ari pana 2 Makoronike 6:29, 30 anogona sei kukunyaradza?

18 Verenga 2 Makoronike 6:29, 30. Jehovha anoziva mwoyo yedu. Anozivawo kurwisa kwatiri kuita mafungiro enyika uyewo kurwisa kwatiri kuita chido chekuita zvakaipa. Jehovha paanotiona tichirwisa nesimba zvinhu zvakaipa izvozvo, anowedzera kutida.

19. Jehovha anoshandisa muenzaniso upi kuti aratidze manzwiro aanoita nezvedu?

19 Kuti aratidze manzwiro aanoita nezvedu, Jehovha akashandisa muenzaniso werudo ruri pakati paamai nemwana wavo. (Isa. 49:15) Funga nezvevamwe amai vanonzi Rachel. Vanoti: “Mwanasikana wangu Stephanie akazvarwa nguva isati yakwana. Pandakatanga kumuona aiva kamunhu kadiki diki kasina simba. Asi vemuchipatara vakandibvumira kuti ndimusimudze uye ndimumbundire zuva rega rega mumwedzi wekutanga paaiva mugirazi. Izvi zvakaita kuti ini nemwanasikana wangu tidanane chaizvo. Iye zvino ava nemakore 6 uye ane muviri mudiki kana achienzaniswa nevezera rake. Asi ndinomuda chaizvo nekuti akarwisa kuti ararame, uye anoita kuti ndifare chaizvo muupenyu!” Zvinonyaradza kuziva kuti ndiwo madirwo atinoitwa naJehovha paanoona tichirwisa kuti timushumire nemweya wese!

20. Semushumiri waJehovha akazvitsaurira, chikonzero chipi chauinacho chinoita kuti ufare?

20 Sezvo uri mushumiri waJehovha, uri munhu anokosha chaizvo wemumhuri make uye hapana mumwe akaita sewe. Chikonzero chakaita kuti Jehovha aite kuti uuye kwaari hachisi chekuti waiva nani pane vamwe. Akaita kuti uuye kwaari nekuti akatarisa mumwoyo mako akaona kuti uri munhu munyoro uye anodzidzisika waanogona kuumba. (Pis. 25:9) Ziva kuti anofara paunoita zvese zvaunogona kuti umushumire. Kutsungirira kwaunoita uye kutendeka kwako kunoratidza kuti une “mwoyo wakarurama uye wakanaka.” (Ruka 8:15) Saka ramba uchiitira Jehovha zvese zvaunogona. Izvi zvichaita kuti ufare ‘nezvaunoita iwe pachako.’

RWIYO 38 Achakusimbisa

^ ndima 5 Jehovha haatienzanisi nevamwe vanhu. Asi vamwe vedu tingangodaro tichiita izvozvo, zvoita kuti tizvitarisire pasi. Munyaya ino tichakurukura kuti nei zvisina kunaka kuti tizvienzanise nevamwe. Tichaonawo kuti tingabatsira sei vemumhuri medu nevaya vari muungano kuti vazvione semaonerwo avanoitwa naJehovha.

^ ndima 5 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 7 Kunyange zvazvo tiri kutaura nezvevarume, mazano acho anoshandawo kumadzimai.

^ ndima 58 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pavari kuita kunamata kwemhuri, vabereki vanoratidza kufara nezvagadzirwa nemwana mumwe nemumwe kuti zviiswe muareka yaNoa.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Amai vanorera mwana vari vega vari kuronga kuti vazokwanisa kuita upiyona hwebetsero uye vari kufara pavanozadzisa chinangwa chavo.