Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuona sei nyaya yekushandisa mawebsite ekutsvaga wekudanana naye?

▪ Jehovha anoda kuti vanhu vaviri vanoroorana vafare uye vadanane kweupenyu hwese. (Mat. 19:4-6) Kana uchida kuroora kana kuroorwa, ungawana sei murume kana mudzimai akanaka? Sezvo ari Musiki wedu, Jehovha anoziva zvinodiwa kuti tifare muwanano. Saka kana ukashandisa mazano aakatipa, uchava nemufaro wechokwadi. Ngatimboongororai mamwe mazano acho.

Kutanga, tinofanira kunzwisisa kuti: ‘Mwoyo yedu inonyengera kupfuura zvinhu zvese uye yakaipa kwazvo.’ (Jer. 17:9) Zviri nyore kuti mukomana nemusikana vari kutsvaga wekuroorana naye pavanoonana, votanga kufambidzana, vakurumidze kutorwa mwoyo. Asi izvozvo zvinogona kuvatadzisa kuita zvisarudzo zvakanaka. Vanhu pavanoroorana zvichingobva pakutorwa mwoyo, havawanzofari muwanano. (Zvir. 28:26) Ndosaka zvisina kunaka kuti ukurumidze kuratidza kuperera kwawakaita kana kutanga kuvimbisana zvimwe zvinhu musati manyatsozivana.

Zvirevo 22:3 inoti: “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda, asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.” Kushandisa mawebsite ekutsvaga wekudanana naye kwakaipirei? Zvinosuwisa kuti vamwe vakatanga kudanana nevanhu vavanga vasingazivi paindaneti. Asi vakatozoona kuti vainyengedzwa. Kunewo vamwe vanogadzira maakaundi ekunyepa vachiitira kubira vanhu mari. Pamwe pacho vanhu vanoita zvinhu izvi vanonyepa kuti Zvapupu zvaJehovha.

Chimwezve chazvakaipira ndechekuti kazhinji mawebsite aya ekutsvaga wekudanana naye, anowanzoshandisa mapurogiramu emakombiyuta kuti atsvage munhu waunoenderana naye. Asi hapana uchapupu hunoratidza kuti zvinhu zvakadaro zvinoshanda. Zvine musoro here kushandisa mapurogiramu akadaro akagadzirwa nevanhu pakuita chisarudzo chinokosha chakadai sechekutsvaga wekuroorana naye? Bhaibheri ndiro chete rine mazano atinogona kuvimba nawo kwete mapurogiramu aya epaindaneti.—Zvir. 1:7; 3:5-7.

Zano riri pana Zvirevo 14:15 rinoti: “Munhu asina kuchenjera anongotenda shoko rese rese, asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.” Usati wasarudza munhu wekuzoroorana naye, unofanira kutanga wanyatsomuziva. Asi hazvisi nyore kuti unyatsozivana nemunhu waunenge wawana pamawebsite aya. Kunyange zvazvo uchikwanisa kuona zvaakanyora paprofile yake uye muchigara muchinyorerana mameseji, ungati unonyatsomuziva here? Vamwe vaifunga kuti vawana munhu wekuroorana naye, asi vakazoshamisika pavakaonana chiso nechiso.

Mumwe munyori wepisarema akati: “Handishamwaridzane nevanhu vanonyengera, uye ndinotambira kure nevaya vanovanza zvavari.” (Pis. 26:4) Vanhu vakawanda havaoni sekuti pane chakaipa nekunyora zvekunyepa pamaprofile avo epamawebsite ekutsvaga wekudanana naye kuti vafarirwe. Vanogona kuvanza unhu hwavo hwakaipa kana kuti unogona kutadza kuzviona pamameseji avanonyora. Zvinokosha chaizvo kuti uzvibvunze mibvunzo iyi: Kunyange zvazvo vamwe vachizviti Zvapupu zvaJehovha, vakabhabhatidzwa here? Vakasimba pakunamata here? Vanhu vanoremekedzeka here muungano mavo? Zvisarudzo zvavanoita zvinoratidza uchenjeri here kana kuti vatori ‘shamwari dzakaipa’? (1 VaK. 15:33; 2 Tim. 2:20, 21) Uye vakasunungurwa neMagwaro here kuti varoore kana kuroorwa? Unofanira kuziva zvinhu izvi, asi zvakaoma kuti uzvizive usina kumbobvunzawo zvimwe Zvapupu zvinonyatsozivana nemunhu iyeye. (Zvir. 15:22) Chimwezve chatinofanira kuyeuka ndechekuti, mushumiri waJehovha akatendeka haangambofungi ‘nezvekusungwa zvisina kukodzera pajoko’ nemunhu asingatendi.—2 VaK. 6:14; 1 VaK. 7:39.

Sezvo kushandisa mawebsite aya kuine ngozi, pane dzimwe nzira dzekutsvaga wekuroorana naye. Ungawana sei munhu wekuroorana naye? Zvapupu zvaJehovha zvinowana mikana yekuungana uye kuzivana nevamwe pamisangano yavo, magungano uye pavanomboungana vachifara.

Pamunopedza nguva yakawanda muri mese, muchaona kuti zvinangwa zvenyu uye zvamunokoshesa zvinopindirana here

Pamwe pacho tinogona kutadza kuungana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, semuenzaniso chirwere cheCOVID-19 chapararira. Panguva dzakadaro, tinopinda misangano tichishandisa indaneti uye vanhu vasina kuroora kana kuroorwa vanogona kuwana mikana yekuti vazivane. Unogona kuteerera hurukuro dzavo pamisangano kana kuvanzwa vachipindurawo. (1 Tim. 6:11, 12) Unogona kuwanawo mukana wekutaura nevamwe mumabreakout room kana misangano yapera. Kuungana kunoita Zvapupu zvaJehovha vachitandara pachishandiswa indaneti, kunokupa mukana wekuziva munhu wauri kufunga nezvake, woona matauriro ake nemabatiro aanoita vamwe, uye izvozvo zvichakuratidza kuti munhu akaita sei. (1 Pet. 3:4) Pamunozosvika pakunyatsozivana zviri nani, unogona kuona kuti zvinangwa zvenyu zvakafanana here uye kuti munganzwanana zvekukwanisa kunyatsomisa imba here.

Kana vanhu vasina kuroora kana kuroorwa vakashandisa mazano ari muBhaibheri pakutsvaga wekuroorana naye, kazhinji kacho vanova newanano inofadza. Izvi ndizvo zvinotaurwa nechirevo cheBhaibheri chinoti: “Anowana mudzimai [kana murume] akanaka anenge awana chinhu chakanaka, uye achafarirwa naJehovha.”—Zvir. 18:22.