Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 27

Tevedzera Kutsungirira kwaJehovha

Tevedzera Kutsungirira kwaJehovha

“Kana mukatsungirira, muchachengetedza upenyu hwenyu.”—RUKA 21:19.

RWIYO 114 “Ivai Nemwoyo Murefu”

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Mashoko aJehovha ari pana Isaya 65:16, 17, anotibatsira sei kuti tirambe tichitsungirira?

MUSORO wepurogiramu yegungano remunharaunda ra2017 waiti, “Usaneta!” Purogiramu yacho yakatibatsira kuona kuti tingatsungirira sei matambudziko edu. Patopera makore mana kubva pakaitwa gungano iroro, uye tichiri kutsungirira upenyu munyika ino yakaipa.

2 Matambudziko api awakasangana nawo munguva ichangopfuura? Wakafirwa nehama yako kana kuti shamwari yako here? Une chirwere chinogona kuuraya here? Uri kutambura nematambudziko anokonzerwa nekukwegura here? Wakasangana nezvinhu zvakadai senjodzi inongoitika yega, kurohwa, kana kutambudzwa here? Une matambudziko akakonzerwa neCOVID-19 kana kuti nechimwewo chirwere here? Tinotarisira chaizvo nguva ichange isisina matambudziko ese aya. Tichaakanganwa zvachose uye haazoitiki zvakare!—Verenga Isaya 65:16, 17.

3. Tinofanira kuitei iye zvino, uye nei tichifanira kudaro?

3 Upenyu munyika ino hwakaoma, uye tingasangana nematambudziko akatonyanya kukura mune ramangwana. (Mat. 24:21) Saka tinofanira kuramba tichiwedzera kutsungirira. Nei tichifanira kudaro? Nekuti Jesu akati: “Kana mukatsungirira, muchachengetedza upenyu hwenyu.” (Ruka 21:19) Kufunga nezvekuti vamwe vari kukwanisa sei kutsungirira matambudziko akafanana needu, kunogona kutibatsira kuti tiwedzere kutsungirira.

4. Nei tingati Jehovha ndiye muenzaniso mukuru panyaya yekutsungirira?

4 Ndiani muenzaniso mukuru panyaya yekutsungirira? NdiJehovha Mwari. Mhinduro iyoyo inokushamisa here? Inogona kukushamisa asi kana ukafunga nezvayo unosvika pakuinzwisisa. Nyika ino iri kutongwa naDhiyabhorosi, uye yakazara nematambudziko. Jehovha ane simba rekuti abva angoparadza nyika ino, asi ari kumirira zuva raachaiparadza mune ramangwana. (VaR. 9:22) Mwari wedu anoramba achitsungirira kusvikira panguva yaachaparadza nyika ino. Ngatikurukurei zvinhu 9 zviri kutsungirirwa naJehovha.

ZVII ZVIRI KUTSUNGIRIRWA NAJEHOVHA?

5. Zita raMwari rakasvibiswa sei uye unonzwa sei nezvazvo?

5 Kusvibiswa kwakaitwa zita rake. Jehovha anoda zita rake uye anoda kuti munhu wese ariremekedze. (Isa. 42:8) Asi kwemakore 6 000 apfuura zita rake ranga richisvibiswa. (Pis. 74:10, 18, 23) Izvi zvakatangira mumunda weEdheni, Dhiyabhorosi (kureva munhu anosvibisa zita remumwe) paakapomera Mwari kuti ainyima Adhamu naEvha chimwe chinhu chavaifanira kuva nacho kuti vafare. (Gen. 3:1-5) Kubva panguva iyoyo, Jehovha ari kupomerwa kuti anonyima vanhu zvinhu zvavanofanira kuva nazvo. Jesu ainetseka nezvekuzvidzwa kwaiitwa zita raBaba vake. Ndosaka akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengetere vachiti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe.”—Mat. 6:9.

6. Nei Jehovha akarega nguva yakareba ichipfuura asati aratidza kuti ndiye ane kodzero yekutonga kudenga nepanyika?

6 Kupikiswa kwekodzero yake yekutonga. Jehovha chete ndiye ane kodzero yekutonga kudenga nepanyika uye matongero ake ndiwo akanaka kupfuura mamwe ese. (Zvak. 4:11) Asi Dhiyabhorosi anoedza kutsausa ngirozi nevanhu kuti vafunge kuti Mwari haana kodzero iyoyo. Nyaya yekodzero yaJehovha yekutonga yaisakwanisa kugadziriswa nezuva rimwe chete. Neuchenjeri hwake, Mwari akarega vanhu vachizvitonga kwenguva yakareba kuitira kuti vaone kuti havakwanisi kunyatsozvitonga kana vasingateereri Musiki. (Jer. 10:23) Kuratidza kunoita Mwari mwoyo murefu kuchaita kuti pasare pasina ane mubvunzo kuti Mwari ane kodzero yekutonga kudenga nepanyika. Vese vachaziva kuti matongero aJehovha ndiwo anopfuura mamwe ese uye kuti Umambo hwake chete ndihwo huchaita kuti panyika pave nerugare rwechokwadi.

7. Ndivanaani vakapandukira Jehovha uye achaitei navo?

7 Kupanduka kwevamwe vana vake. Jehovha akasika vana vake vekudenga nevepanyika vakakwana, vasina kana pakakanganisika. Asi imwe ngirozi yakabva yapanduka ikava Satani (kureva “Mupikisi”) ndokufurira vanhu vakakwana Adhamu naEvha kuti vapandukire Jehovha. Dzimwe ngirozi uye vamwe vanhu vakabva vapandukirawo Mwari. (Jud. 6) Nekufamba kwenguva, vaIsraeri, avo vaiva vanhu vaMwari vakasarudzwa, vakamuramba vakatanga kunamata vanamwari venhema. (Isa. 63:8, 10) Jehovha akarwadziwa nazvo. Asi akatsungirira uye acharamba achitsungirira kusvikira panguva yaachaparadza vapanduki vese. Izvi zvichaunza zororo kuvanhu vake vakavimbika vari kutsungirira nyika ino yakaipa sezvaari kuita.

8-9. Inhema dzipi dzinotaurwa nezvaJehovha uye isu tinopindura sei nhema idzodzo?

8 Nhema dzaDhiyabhorosi. Satani akapomera Jobho nevashumiri vese vaJehovha vakatendeka kuti vanonamata Mwari vachingoitira kuti zvivanakire. (Job. 1:8-11; 2:3-5) Dhiyabhorosi ari kuramba achipomera vanhu nanhasi. (Zvak. 12:10) Tinoratidza kuti Satani murevi wenhema kana tikatsungirira matambudziko, toramba takavimbika kuna Jehovha nekuti tinomuda. Kana tikatsungirira, Jehovha achatikomborera sezvaakaita Jobho.—Jak. 5:11.

9 Satani anoshandisa vatungamiriri vezvitendero zvenhema kuti ataure kuti Jehovha ane utsinye uye ndiye ari kuita kuti vanhu vatambure. Vamwe vanototi vana pavanofa, vanenge vatorwa naMwari, nekuti anenge achida dzimwe ngirozi kudenga. Ikoko kumhura Mwari zvisingaiti. Asi tinoziva kuti Jehovha ndiBaba vane rudo. Kana tikabatwa nechirwere chinouraya kana kuti munhu watinoda akafa, hatimbopomeri Mwari wedu. Asi tinotenda kuti rimwe zuva achaporesa vari kurwara uye achamutsa vakafa. Tinogona kuudza munhu wese anoteerera kuti Jehovha ndiMwari ane rudo. Jehovha anobva akwanisa kupindura uya anomushora.—Zvir. 27:11.

10. Pisarema 22:23, 24, inoratidzei nezvaJehovha?

10 Kutambura kunoita vashumiri vake vaanoda. Jehovha ndiMwari anonzwira tsitsi. Anorwadziwa chaizvo paanotiona tichishungurudzika zvichikonzerwa nekutambudzwa, kurwara, kana kuti chivi chatakaberekwa tiinacho. (Verenga Pisarema 22:23, 24.) Jehovha anonzwisisa marwadzo edu. Anoda kuti apere uye achaapedza. (Enzanisa naEksodho 3:7, 8; Isaya 63:9.) Richasvika zuva ‘raachapukuta misodzi yese pamaziso edu, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.’—Zvak. 21:4.

11. Jehovha anosuwa chii pavashumiri vake vakafa vainge vakatendeka?

11 Kuparadzana neshamwari dzake dzakafa. Jehovha anonzwa sei nezvevarume nevakadzi vakafa vainge vakatendeka? Anoda chaizvo kuvaona zvakare. (Job. 14:15) Fungidzira kuti Jehovha anosuwa zvakadii shamwari yake Abrahamu. (Jak. 2:23) Kana kuti Mozisi waaitaura naye “vakatarisana chiso nechiso.” (Eks. 33:11) Uye anotarisira kuzonzwa Dhavhidhi nevamwe vanyori vemapisarema vachiimba nziyo dzavo dzekumurumbidza. (Pis. 104:33) Kunyange zvazvo shamwari dzaMwari idzi dzirere murufu, Jehovha haana kudzikanganwa. (Isa. 49:15) Anoyeuka zvese zvavakanga vari. Bhaibheri rinoti, “kwaari vese vapenyu.” (Ruka 20:38) Rimwe zuva achavamutsa, uye achanzwa zvakare minyengetero yavo inobva pamwoyo uye achagamuchira kunamata kwavo. Kana wakafirwa nehama yako, kufunga izvi kunogona kukunyaradza.

12. Chii chinonyanya kurwadza Jehovha mumazuva ano akaipa ekupedzisira?

12 Kudzvinyirirwa kwevanhu. Kupanduka pakwakatanga muEdheni, Jehovha aiziva kuti zvinhu zvaizowedzera kuipa zvisati zvanaka. Jehovha anovenga uipi, udzvinyiriri, uye mhirizhonga zviri kuitika munyika mazuva ano. Agara achiratidza kuti ane hanya nevanhu vasingagoni kuzvidzivirira, vakadai senherera nechirikadzi. (Zek. 7:9, 10) Anorwadziwa chaizvo paanoona vashumiri vake vakatendeka vachidzvinyirirwa uye vachiiswa mumajeri. Zivai kuti anokudai imi mese muri kutsungirira pamwe chete naye.

13. Mwari ari kuona zvinhu zvipi zvinosembura zviri kuitwa nevanhu, uye achaitei nazvo?

13 Unzenza huri kuitwa nevanhu. Vanhu vakasikwa nemufananidzo waMwari. Asi Satani anoda kuti vanhu vaite zvinhu zvakaipa. Jehovha Mwari paakaona “kuti uipi hwemunhu hwakanga hwanyanya” mumazuva aNoa, “akademba kuti akanga aita vanhu panyika, uye mwoyo wake wakarwadziwa.” (Gen. 6:5, 6, 11) Zvinhu zvakavandudzika here munyika kubva ipapo? Kwete, hazvina. Dhiyabhorosi anofara chaizvo paanoona unzenza hwemarudzi ese huchiitwa kwese kwese munyika, kusanganisira unzenza hunoitwa nevarume nevakadzi uyewo ungochani. (VaEf. 4:18, 19) Satani anonyanya kufara kana akaita kuti vaya vanoshumira Jehovha vaite chivi chakakura. Kana mwoyo murefu waJehovha waguma, acharatidza kuti anovenga unzenza paachabvisa vanhu vese vanohuita avo vanoramba kuchinja.

14. Vanhu vari kuitei kuzvisikwa zvaMwari zviri panyika?

14 Kuparadzwa kwezvisikwa zvake zviri panyika. Vanhu havasi kungogumira pakutonga vamwe vachivabata zvakaipa, asi vari kuparadzawo nyika nemhuka zvakaiswa naJehovha mumaoko avo. (Mup. 8:9; Gen. 1:28) Dzimwe nyanzvi dzesainzi dzinoyambira kuti zviri kuitwa nevanhu zvinogona kuita kuti mamwezve marudzi emhuka nemiti anosvika 1 miriyoni atsakatike mumakore mashoma ari kutevera. Ndosaka vanhu vachiti, zvinhu hazvina kumira zvakanaka panyika. Chinofadza ndechekuti Jehovha akavimbisa kuti ‘achaparadza vaya vari kuparadza nyika’ uye achaita kuti nyika yese ive paradhiso.—Zvak. 11:18; Isa. 35:1.

ZVATINODZIDZA PAKUTSUNGIRIRA KWAJEHOVHA

15-16. Chii chinofanira kutibatsira kuti tirambe tichitsungirira sezvinoita Jehovha? Taura muenzaniso.

15 Funga nezvematambudziko ese anorwadza atsungirirwa naBaba vedu vekudenga kwezviuru zvemakore. (Ona bhokisi rakanzi “ Zvii Zviri Kutsungirirwa naJehovha?”) Jehovha anogona kugumisa nyika ino yakaipa chero nguva. Asi mwoyo murefu wake uri kutibatsira. Funga nezvemuenzaniso uyu. Ngatitii murume nemudzimai vanoudzwa kuti mwana wavo achiri mudumbu achazvarwa aine matambudziko akakura uye kuti upenyu huchange hwakamuomera uye achafa achiri mudiki. Kunyange zvakadaro, vabereki vemwana wacho vanofara paanozvarwa pasinei nekuti zvichange zvakavaomera kumuchengeta. Kuda kwavanoita mwana wavo kunoita kuti vatsungirire chero dambudziko kuitira kuti vamuitire zvese zvavagona muupenyu.

16 Vana vese vaAdhamu naEvha vanoberekwawo vaine chivi. Kunyange zvakadaro, Jehovha anovada uye ane hanya navo. (1 Joh. 4:19) Jehovha akasiyana nevabereki vataurwa mumuenzaniso nekuti anogona kubvisa matambudziko evana vake. Akasarudza nguva yaachabvisa matambudziko ese evanhu. (Mat. 24:36) Kuda kwatinoita Jehovha kunofanira kutibatsira kuti tirambe tichitsungirira.

17. Mashoko anotaura nezvaJesu ari pana VaHebheru 12:2, 3, anotikurudzira sei kuti tirambe tichitsungirira?

17 Jehovha ndiye muenzaniso mukuru panyaya yekutsungirira. Jesu akatevedzera kutsungirira kwaBaba vake. Paaiva panyika, Jesu akatsungirira mashoko eruvengo, kunyadziswa, uye danda rekutambudzirwa achiitira isu. (Verenga VaHebheru 12:2, 3.) Kutsungirira kwaJehovha ndiko kwakapa Jesu simba rekutsungirira. Kunogona kutisimbisawo.

18. Mashoko ari pana 2 Petro 3:9 anotibatsira sei kunzwisisa chikonzero chinoita kuti Jehovha ave nemwoyo murefu?

18 Verenga 2 Petro 3:9. Jehovha anoziva nguva yakanaka chaizvo yekugumisa nyika ino yakaipa. Mwoyo murefu wake uri kuita kuti paunganidzwe boka guru revanhu vanosvika mamiriyoni, vanomunamata uye vanomurumbidza. Vese vanofara kuti Jehovha akatsungirira kwenguva yakareba zvekuti vakasvika pakuberekwa, vakadzidza nezvake uye vakazvitsaurira kwaari. Zvichaoneka kuti Jehovha akaita chisarudzo chakanaka chekuva nemwoyo murefu paachakomborera mamiriyoni evanhu anenge atsungirira kusvikira kumugumo.

19. Tinofanira kuramba tichiitei uye tichawana mubayiro wei?

19 Tinodzidza kuna Jehovha kuti tingatsungirira sei tichifara. Pasinei nemarwadzo uye kutambura kwese kwakakonzerwa naSatani, Jehovha anoramba ari “Mwari anofara.” (1 Tim. 1:11) Isuwo tinogona kuramba tichifara tichimirira nemwoyo murefu kuti Jehovha atsvenese zita rake, areverere uchangamire hwake, agumise uipi hwese, uye apedze matambudziko ese atiinawo. Ngatirambei tichitsungirira uye tichinyaradzwa nekuziva kuti Baba vedu vekudenga vari kutsungirirawo. Kana tikadaro mashoko aya achava echokwadi kune mumwe nemumwe wedu: “Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo, nekuti paanokunda achapiwa korona yeupenyu, yakavimbiswa naJehovha kune vaya vanoramba vachimuda.”—Jak. 1:12.

RWIYO 139 Zvione Uripo Zvese Zvava Zvitsva

^ ndima 5 Tese tinosangana nematambudziko. Pari zvino hatikwanisi kugadzirisa akawanda acho, saka tinotofanira kutsungirira. Asi hatisi tega tiri kutsungirira. Jehovha pachake ari kutsungirira zvinhu zvakawanda. Munyaya ino tichakurukura 9 zvacho. Tichaonawo zvinhu zvakanaka zvakaitika nemhaka yekutsungirira kwaJehovha uye tichaona kuti tinobatsirwa sei nemuenzaniso wake.