Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 26

Ungabatsirawo Here Pabasa Rekuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi?

Ungabatsirawo Here Pabasa Rekuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi?

‘Mwari ari kukupai chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.’—VAF. 2:13.

RWIYO 64 Kuita Basa Rekukohwa Tichifara

ZVICHADZIDZWA *

1. Jehovha akakuitirei?

ZVAKAFAMBA sei kuti uve Chapupu chaJehovha? Pamwe wakatanga kunzwa mashoko akanaka kubva kuvabereki vako, waunoshanda naye kana kuti mumwe wekuchikoro kwenyu, kana kuti mumwe munhu akauya pamba penyu achiparidza. (Mako 13:10) Uye mumwe munhu akazoshanda nesimba achidzidza newe Bhaibheri kwenguva yakareba. Pamaidzidza, wakatanga kuda Jehovha uye wakadzidza kuti anokuda. Jehovha akaita kuti uuye muchokwadi uye sezvo wava mudzidzi waJesu Kristu, wava netariro yekurarama nekusingaperi. (Joh. 6:44) Zviri pachena kuti unotenda Jehovha kuti akaita kuti mumwe munhu ave nechido chekukudzidzisa chokwadi uye kuti Jehovha akakugamuchira semushumiri wake.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Sezvo tava kuziva chokwadi, tine ropafadzo yekubatsira vamwe kuti vabatane nesu mumugwagwa unoenda kuupenyu. Tinogona kunge takasununguka kuparidza paimba neimba, asi zvinogona kutiomera kuudza mumwe munhu nezvekudzidza Bhaibheri kunyange kutoitisa chidzidzo chacho. Ndiwo manzwiro aunoita here? Kana uchinzwa saizvozvo, mazano ari munyaya ino anogona kukubatsira. Tichakurukura kuti chii chingaita kuti tive nechido chekubatsira vanhu kuti vave vadzidzi. Tichakurukurawo kuti tingakunda sei zvinhu zvingaita kuti tizeze kuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Ngatitangei nekukurukura kuti nei tisingafaniri kungogumira pakuva vaparidzi vemashoko akanaka, asi kuti tivewo vadzidzisi.

JESU AKATIRAYIRA KUTI TIPARIDZE UYE TIDZIDZISE

3. Nei tichiparidza?

3 Jesu paaiva panyika, akapa vateveri vake basa rine zvikamu zviviri. Chekutanga, akavaudza kuti vaparidze mashoko akanaka eUmambo uye akavaratidza kuti basa racho vangariita sei. (Mat. 10:7; Ruka 8:1) Semuenzaniso, Jesu akaudza vadzidzi vake zvavaifanira kuita kana vanhu vakateerera mashoko eUmambo uye zvavaifanira kuita kana vakasateerera. (Ruka 9:2-5) Akataurawo kuti vateveri vake vaizoparidzira vanhu vakawanda uye munzvimbo dzakawanda paakati vaizopa “uchapupu kumarudzi ese.” (Mat. 24:14; Mab. 1:8) Pasinei nekuti vanhu vaizoteerera here kana kuti vaisazoteerera, vadzidzi vaifanira kuudza vanhu nezveUmambo hwaMwari uye zvahuchaita.

4. Maererano naMateu 28:18-20, chii chimwe chatinofanira kuita kuwedzera pakuparidza nezveUmambo?

4 Ndechipi chikamu chechipiri chebasa iro Jesu akapa vadzidzi vake? Akaudza vateveri vake kuti vadzidzise vanhu kuchengeta zvinhu zvese zvaakarayira. Asi basa iri rekuparidza nekudzidzisa raizongoitwa chete panguva yevaKristu vekutanga here sezvinotaurwa nevamwe? Aiwa, Jesu akaratidza kuti basa iri raizoramba richiitwa “kusvikira pakuguma kwenyika.” (Verenga Mateu 28:18-20.) Jesu anofanira kunge akapa murayiro uyu paakazviratidza kuvadzidzi vake vanopfuura 500. (1 VaK. 15:6) Pane zvaakazoratidza Johani, Jesu akanyatsojekesa kuti anoda kuti vadzidzi vake vese vabatsire vamwe kudzidza nezvaJehovha.—Zvak. 22:17.

5. Pauro akataura muenzaniso upi pana 1 VaKorinde 3:6-9, achiratidza kubatana kwakaita basa rekuparidza nerekudzidzisa?

5 Muapostora Pauro akafananidza basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi nekurima zvirimwa, zvichiratidza kuti hatifaniri kungogumira pakudyara mbeu. Akayeuchidza VaKorinde kuti: “Ini ndakadyara, Aporo akadiridza . . . Imi muri munda waMwari uri kurimwa.” (Verenga 1 VaKorinde 3:6-9.) Sezvo tiri vashandi vari ‘mumunda waMwari,’ hatingogumiri pakudyara mbeu asi tinodzidiridza uye tinogara tichitarisa kukura kuri kuita zvirimwa zvedu. (Joh. 4:35) Asi tinozivawo kuti Mwari ndiye anoita kuti mbeu yacho ikure.

6. Patinodzidzisa vanhu, tinofanira kuvabatsira kuitei?

6 Tiri kutsvaga vaya vane “chido chekuwana upenyu husingaperi.” (Mab. 13:48) Kuti tibatsire vanhu ava kuti vave vadzidzi, tinofanira kuita kuti (1) vanzwisise zvavanenge vadzidza muBhaibheri, (2) vazvitende, uye (3) vazvishandise muupenyu hwavo. (Joh. 17:3; VaK. 2:6, 7; 1 VaT. 2:13) Vese vari muungano vanogona kubatsira vadzidzi veBhaibheri nekuvaratidza rudo uye nekuita kuti vanzwe vakasununguka pavanopinda misangano. (Joh. 13:35) Mudzidzisi wacho angafanirawo kushandisa nguva yakawanda nesimba pakubatsira mudzidzi kuti asiyane nedzidziso kana maitiro “zvakadzika midzi” maari. (2 VaK. 10:4, 5) Zvinogona kutora mwedzi yakawanda kuti tibatsire mudzidzi kuti achinje upenyu hwake ozokodzera kubhabhatidzwa, asi tinenge tashandira zviripo.

RUDO RUNOITA KUTI TIVE NECHIDO CHEKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI

7. Chii chinoita kuti tide kuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi?

7 Nei tichiita basa rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi? Chikonzero chekutanga ndechekuti, tinoda Jehovha. Paunoita zvese zvaunogona kuti uteerere murayiro wekuparidza nekuita kuti vanhu vave vadzidzi, unenge uchiratidza kuti unoda Mwari. (1 Joh. 5:3) Semuenzaniso, kuda kwaunoita Jehovha kwakatoita kuti uparidze paimba neimba. Zvaiva nyore here kuti uteerere murayiro iwoyo? Pamwe zvaikuomera. Pawakaparidza paimba yekutanga, waitya here? Zviri pachena kuti waitya! Asi waiziva kuti Jesu anoda kuti uite basa iri, uye wakateerera murayiro iwoyo. Uye nekufamba kwaita nguva, zvinogona kunge zvava kukuitira nyore kuti uite basa rekuparidza. Asi unonzwa sei nekuitisa chidzidzo cheBhaibheri? Unotya here paunofunga nezvazvo? Zvimwe unotya. Asi kana ukakumbira Jehovha kuti akubatsire kuti ukunde kutya uye kuti uve neushingi hwekuitisa chidzidzo cheBhaibheri, anogona kuita kuti chido chauinacho chekuita kuti vanhu vave vadzidzi chiwedzere.

8. Maererano naMako 6:34, chii chimwe chinogona kuita kuti tide kudzidzisa vamwe?

8 Chechipiri, kuda kwatinoita vavakidzani vedu kunoita kuti tivadzidzise chokwadi. Pane imwe nguva Jesu nevadzidzi vake vakanga vaneta chaizvo nekuti vakanga vaswera vachiparidza. Vakaenda kwavo vega kuti vambonozorora, asi vakaonekwa nevanhu vakawanda. Jesu akasiririswa navo akatanga kuvadzidzisa “zvinhu zvakawanda.” (Verenga Mako 6:34.) Akashanda zvakaoma kunyange zvazvo akanga aneta. Chii chakaita kuti adaro? Jesu aiziva manzwiro aiita vanhu ivavo. Aida kuvabatsira nekuti akaona kuti vakanga vachitambura uye vakanga vasina tariro. Izvi ndizvo zvakaitawo vanhu mazuva ano. Vane matambudziko uye havana tariro, kunyange zvazvo vachiita sevanofara uye sevanogutsikana muupenyu. Vakaita semakwai akarasika uye asina mufudzi ari kuatungamirira. Muapostora Pauro akati vanhu vakaita seava havazivi Mwari uye havana tariro. (VaEf. 2:12) Vari ‘mumugwagwa unoenda mukuparadzwa.’ (Mat. 7:13) Kana tikafunga kuti vanhu vari mundima yedu vanoda kuziva Mwari zvakadii, rudo uye kuvanzwira tsitsi zvichaita kuti tide kuvabatsira. Uye nzira yakanaka yatinogona kuvabatsira nayo ndeyekuvaudza kuti tinoda kudzidza navo Bhaibheri.

9. Sezvinotaurwa pana VaFiripi 2:13, Jehovha anogona kukubatsira sei?

9 Zvimwe unozeza kuudza munhu kuti unoda kudzidza naye Bhaibheri nekuti unoziva kuti zvinoda nguva yakawanda yekugadzirira neyekudzidza nemunhu wacho. Kana ariwo manzwiro aunoita, udza Jehovha. Mukumbire kuti akubatsire kuva nechido chekutsvaga uye chekuitisa chidzidzo cheBhaibheri. (Verenga VaFiripi 2:13.) Muapostora Johani akatiudza kuti Mwari anopindura minyengetero inoenderana nekuda kwake. (1 Joh. 5:14, 15) Saka unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakubatsira kuti ude kudzidzisa vanhu Bhaibheri.

KUKUNDA MAMWE MATAMBUDZIKO

10-11. Chii chinogona kuita kuti tizeze kuitisa chidzidzo cheBhaibheri?

10 Tinoziva kuti zvakakosha chaizvo kuti tiite basa rekudzidzisa, asi zvinogona kutiomera kuti tiite zvese zvatinenge tichida pabasa iri. Ngatikurukurei zvimwe zvingaita kuti tiomerwe nebasa iri, toona kuti tingazvikunda sei.

11 Tinogona kutadza kuita zvese zvatinenge tichida. Semuenzaniso, vamwe vaparidzi vanogona kutadziswa kuita izvi nekukwegura kana kuti neutano husina kunaka. Ndizvo zviri kuitikawo kwauri here? Kana zviri izvo, funga chimwe chinhu chatakadzidza pachirwere cheCOVID-19. Takaona kuti tinogona kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri tichishandisa mafoni edu. Unogona kutanga kudzidza nemunhu Bhaibheri uri pamba pako, saka zvinogona kukuitira nyore. Uye pane chimwe chazvakanakira. Vamwe vanhu vanoda kudzidza Bhaibheri, asi vanenge vasingawaniki panguva inowanzoparidza hama dzedu. Vanogona kunge vachiwanika mangwanani-ngwanani kana kuti usiku. Unogona kudzidza Bhaibheri nemumwe munhu panguva idzi here? Nikodhimo akadzidziswa naJesu usiku, inova ndiyo nguva yakanga yakamunakira.—Joh. 3:1, 2.

12. Zvii zvinoita kuti tive nechivimbo chekuti tinogona kuva vadzidzisi vakanaka?

12 Tinogona kufunga kuti hatina unyanzvi hwekudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri. Zvimwe tinonzwa sekuti tinofanira kuti wedzerei ruzivo rwedu kana unyanzvi hwedu semudzidzisi tisati tatanga kudzidzisa mumwe munhu. Kana ariwo manzwiro aunoita, funga zvinhu zvitatu zvinogona kukubatsira kuti uwedzere kuva nechivimbo. Chekutanga, Jehovha anokuona wakakodzera kudzidzisa vamwe. (2 VaK. 3:5) Chechipiri, Jesu uyo akapiwa “masimba ese kudenga nepanyika,” ndiye akakurayira kuti udzidzise. (Mat. 28:18) Uye chechitatu, unogona kubatsirwa naJehovha nehama dzako. Jehovha akabatsira Jesu kuti azive zvaaifanira kutaura, uye anogona kukubatsirawo. (Joh. 8:28; 12:49) Unogonawo kukumbira mutariri weboka, piyona, kana muparidzi ane unyanzvi kuti akubatsire kutanga uye kuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Chimwe chinogona kukubatsira kuti uve neunyanzvi kuenda nemumwe wevaparidzi ava kuchidzidzo chake cheBhaibheri.

13. Nei tichifanira kuva nechido chekuchinja madzidzisiro edu?

13 Zvinogona kutiomera kushandisa nzira itsva uye maturusi matsva. Nzira yatava kuitisa nayo zvidzidzo zveBhaibheri yachinja. Bhuku ratinonyanya kushandisa pakudzidza nevanhu Bhaibheri, iro rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!, rinoda kuti pakugadzirira chidzidzo chacho uye pakuchiitisa tizviite nenzira yakasiyana neyataimboita. Ndima dzekuverenga ishoma uye nguva yakawanda tinoita zvekukurukura nemudzidzi. Patinenge tichidzidzisa, tinoshandisa mavhidhiyo akawanda uye maturusi akadai seJW Library®. Kana usingazivi kuti maturusi aya anoshandiswa sei, kumbira mumwe munhu kuti akudzidzise kuashandisa. Isu vanhu tinoomerwa nekusiya zvinhu zvatakajaira. Hazvisi nyore kuti tijairane nenzira itsva dzekuita zvinhu. Asi uchibatsirwa naJehovha uye uchibatsirwa nevamwe, zvichakuitira nyore kuti uchinje, wotowedzera kunakidzwa nekudzidza nevanhu. Sezvakataurwa nemumwe piyona, nzira iyi yekudzidza “inozorodza mudzidzi uye mudzidzisi.”

14. Chii chatinofanira kuyeuka patinenge tichishanda mundima yakaoma, uye 1 VaKorinde 3:6, 7 inotikurudzira sei?

14 Tinogona kunge tichiparidza mundima yakaoma kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Vamwe vanhu havafariri mashoko edu kana kuti vangatoapikisa. Chii chingatibatsira kuti tirambe tiine tariro mundima yakadaro? Yeuka kuti upenyu hwevanhu hunogona kuchinja nekukurumidza munyika ino isina kugadzikana, uye vaya vaisafarira vangasvika pakuziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari muupenyu hwavo. (Mat. 5:3) Vamwe vanhu avo vaigara vachiramba mabhuku edu vakazobvuma kudzidza Bhaibheri. Tinozivawo kuti Jehovha ndiye Tenzi wekukohwa. (Mat. 9:38) Anoda kuti tirambe tichidyara uye tichidiridza, asi ndiye anoita kuti zvikure. (1 VaK. 3:6, 7) Uye zvinokurudzira kuyeuka kuti kunyange zvazvo tisingakwanisi kuitisa chidzidzo cheBhaibheri panguva ino, Jehovha anotipa mubayiro zvichibva pakuti taedza zvakadii kubatsira vanhu kwete zvichibva pakuti vanhu vangani vatapa mabhuku kana kuti vatadzidza navo Bhaibheri! *

WANA MUFARO WEKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI

Ona kuti basa redu rekuparidza uye kudzidzisa rinogona kubatsira sei munhu (Ona ndima 15-17) *

15. Jehovha anonzwa sei mumwe munhu akabvuma kudzidza Bhaibheri oshandisa zvaanenge adzidza?

15 Jehovha anofara munhu paanogamuchira chokwadi cheBhaibheri oudzawo vamwe zvaanenge adzidza. (Zvir. 23:15, 16) Anofanira kunge ari kufara chaizvo paari kuona zviri kuitika mazuva ano! Semuenzaniso, pasinei nekupararira kwakaita chirwere cheCOVID-19 mugore rebasa ra2020, zvidzidzo zveBhaibheri 7 705 765 zvakaitiswa, uye izvi zvakabatsira kuti vanhu 241 994 vazvitsaurire kuna Jehovha uye vabhabhatidzwe. Vadzidzi vatsva ava vachaitisawo zvidzidzo zveBhaibheri uye vachaita kuti vakawanda vave vadzidzi. (Ruka 6:40) Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anofara patinoita basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi.

16. Ndechipi chinangwa chakanaka chatingava nacho?

16 Kuita kuti vanhu vave vadzidzi ibasa rakaoma, asi tichibatsirwa naJehovha tinogona kudzidzisa vatsva kuti vade Baba vedu vekudenga. Tinogona here kuva nechinangwa chekudzidzisa Bhaibheri kunyange munhu mumwe chete? Tinogona kushamiswa nezvinoitika kana tikashandisa mukana wese wakakodzera kuti tibvunze vanhu vatinosangana navo kana vachida kudzidza Bhaibheri nesu. Tine chokwadi chekuti Jehovha achakomborera zvatinoita.

17. Tichanzwa sei kana tikakwanisa kuitisa chidzidzo cheBhaibheri?

17 Tine ropafadzo yakakura yekuparidza chokwadi uye yekuchidzidzisa vamwe! Basa iri rinoita kuti tive nemufaro wechokwadi. Muapostora Pauro uyo akabatsira vakawanda muTesaronika kuti vave vadzidzi, akataura manzwiro ake achiti: “Hamusiri imi here tariro yedu kana mufaro kana korona yekupembera pamberi paShe wedu Jesu? Chokwadi imi ndimi kukudzwa kwedu nemufaro wedu.” (1 VaT. 2:19, 20; Mab. 17:1-4) Ndiwo manzwiro anoita vakawanda mazuva ano. Hanzvadzi inonzi Stéphanie iyo yakashanda nemurume wayo pakubatsira vanhu vakawanda kuti vasvike pakubhabhatidzwa inoti, “Hapana chinofadza kupfuura kubatsira vanhu kuti vazvitsaurire kuna Jehovha.”

RWIYO 57 Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ese

^ ndima 5 Jehovha akatipa basa rekuparidzira vamwe uyewo rekuvadzidzisa kuti vachengete zvese zvakarayirwa naJesu. Chii chinoita kuti tive nechido chekudzidzisa vamwe? Matambudziko api atinosangana nawo pabasa rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi? Tingakunda sei matambudziko iwayo? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo.

^ ndima 14 Kuti udzidze zvakawanda kuti munhu wese ari muungano anobatsira sei pakuita kuti vanhu vave vadzidzi, ona nyaya ine musoro unoti “Zvingaitwa Neungano Pakubatsira Vadzidzi veBhaibheri Kusvika Pakubhabhatidzwa,” iri muNharireyomurindi yaMarch 2021.

^ ndima 53 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Ona kuti kudzidza Bhaibheri kunogona sei kuchinja upenyu hwemunhu: Pakutanga mumwe murume anonzwa sekuti upenyu hwake hauna chinangwa uye haazivi Jehovha. Anozosangana neZvapupu pazvinenge zvichiparidza, obvuma kudzidza Bhaibheri. Zvaari kudzidziswa zvinoita kuti azvitsaurire uye abhabhatidzwe. Nekufamba kwenguva, anobatsirawo vamwe kuti vave vadzidzi. Vese vanozonakidzwa neupenyu muParadhiso.