Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 31

Koshesa Ropafadzo Yauinayo Yekunyengetera

Koshesa Ropafadzo Yauinayo Yekunyengetera

“Munyengetero wangu ngauite serusenzi yakagadzirwa pamberi penyu.”—PIS. 141:2.

RWIYO 47 Nyengetera Kuna Jehovha Zuva Nezuva

ZVICHADZIDZWA *

1. Tinofanira kuona sei ropafadzo yekunyengetera kuna Jehovha?

 TAKAPIWA ropafadzo yakazonaka yekunyengetera kuMusiki wedenga nenyika. Pafunge: Tinogona kudurura mwoyo yedu kuna Jehovha chero nguva tichishandisa chero mutauro tisingaiti zvekutanga tarangana naye. Tinogona kunyengetera kwaari tiri muchipatara kana mujeri, tiine chivimbo chekuti Baba vedu vane rudo vachatinzwa. Tinotenda chaizvo kuti tine ropafadzo iyi.

2. Mambo Dhavhidhi akaratidza sei kuti aikoshesa ropafadzo yekunyengetera?

2 Mambo Dhavhidhi aikoshesa ropafadzo yekunyengetera. Akaimbira Jehovha achiti: “Munyengetero wangu ngauite serusenzi yakagadzirwa pamberi penyu.” (Pis. 141:1, 2) Mumazuva aDhavhidhi, rusenzi tsvene iyo yaishandiswa nevapristi pakunamata kwechokwadi, yaigadzirwa zvine unyanzvi. (Eks. 30:34, 35) Kutaura kwakaita Dhavhidhi nezverusenzi kunoratidza kuti aida kunyatsofunga zvaaizotaura kuna Baba vake vekudenga. Izvozvo ndizvo zvatinodawo kuita. Tinoda kuti minyengetero yedu ifadze Jehovha.

3. Patinonyengetera kuna Jehovha tinofanira kuitei, uye nei tichifanira kudaro?

3 Patinonyengetera kuna Jehovha tinofanira kuratidza kuti tinomuremekedza chaizvo. Funga zvinhu zvinoshamisa zvakaratidzwa Isaya, Ezekieri, Dhanieri, uye Johani. Zvavakaratidzwa zvainge zvakasiyana-siyana, asi pane chimwe chinhu chakafanana pazviri. Zvese zvinoratidza kuti Jehovha ndiMambo mukuru. Isaya “akaona Jehovha akagara pachigaro cheumambo chaiva pamusoro uye pakakwirira.” (Isa. 6:1-3) Ezekieri akaona Jehovha akagara mungoro yake yekudenga, ‘akapoteredzwa nekupenya kwaiita sekwemuraraungu.’ (Ezek. 1:26-28) Dhanieri akaona “Wemazuva Mazhinji” akapfeka zvipfeko zvichena uye pachigaro chake cheumambo paibuda marimi emoto. (Dhan. 7:9, 10) Uye Johani akaona Jehovha akagara pachigaro cheumambo chakakomberedzwa nechimwe chinhu chakaita semuraraungu wakanaka waiva neruvara rwakaita serwedombo reemaradhi. (Zvak. 4:2-4) Patinofunga nezvekubwinya kwaJehovha uko kusingaenzaniswi nechero chii zvacho, tinobva taona kuti tine ropafadzo yakakura chaizvo yekunyengetera kwaari, uye kuti zvinokosha kuti tinyengetere tichiratidza kuti tinomuremekedza. Asi tinofanira kunyengetera nezvei?

“SAKA MUNOFANIRA KUNYENGETERA SEIZVI”

4. Tinodzidzei pamashoko ekutanga pamunyengetero wemuenzaniso uri pana Mateu 6:9, 10?

4 Verenga Mateu 6:9, 10. MuMharidzo Yepagomo, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera nenzira inofadza Mwari. Pashure pekutaura kuti “saka munofanira kunyengetera seizvi,” Jesu akatanga kutaura zvinhu zvinokosha zvine chekuita nechinangwa chaJehovha zvinoti: kutsveneswa kwezita raMwari; kuuya kweUmambo uhwo huchaparadza vanhu vese vanopikisa Mwari; uye zvinhu zvakanaka zvaachaitira nyika uye zvaachaitira vanhu. Patinotaura zvinhu zvakadaro muminyengetero yedu, tinenge tichiratidza kuti kuda kwaMwari kunokosha kwatiri.

5. Zvakakodzera here kuti tinyengeterere zvinhu zvatinenge tichida isu pachedu?

5 Muchikamu chinotevera chemunyengetero wacho, Jesu akaratidza kuti zvakakodzera kuti munhu anyengeterere zvaanoda iye pachake. Tinogona kukumbira Jehovha kuti atipe zvekudya zvedu zvanhasi, atiregerere zvivi zvedu, atibatsire patinoedzwa, uye atinunure pane akaipa. (Mat. 6:11-13) Patinokumbira Jehovha zvinhu izvi, tinenge tichiratidza kuti tinovimba naye uye tinoda kuita zvinhu zvinomufadza.

Murume anganyengetera nezvei paanenge aine mudzimai wake? (Ona ndima 6) *

6. Zvinhu zvatinonyengetera nezvazvo ndezviya chete here zvinotaurwa mumunyengetero wemuenzaniso? Tsanangura.

6 Jesu aisada kuti vateveri vake vanyengetere vachidzokorora mashoko ari mumunyengetero wemuenzaniso sezvaari. Mune mimwe minyengetero yaaipa, Jesu aitaura zvinhu zvakasiyana-siyana zvaikosha kwaari panguva yacho. (Mat. 26:39, 42; Joh. 17:1-26) Tinogonawo kunyengetera nezvechinhu chero chipi zvacho chinenge chichitinetsa. Kana tiine chisarudzo chatinoda kuita, tinogona kunyengeterera uchenjeri uye kunzwisisa. (Pis. 119:33, 34) Kana tava kuda kutanga basa rakaoma ratinenge tapiwa, tinogona kunyengetera kuti tinzwisise kuti rinoitwa sei. (Zvir. 2:6) Vabereki vanogona kunyengeterera vana vavo, vana vanogona kunyengeterera vabereki vavo, uye tese tinofanira kunyengeterera vadzidzi vedu veBhaibheri uye vanhu vatinoparidzira. Asi minyengetero yedu haifaniri kungova yekukumbira.

Zvinhu zvipi zvatakaitirwa naJehovha zvingaita kuti timurumbidze uye timutende muminyengetero yedu? (Ona ndima 7-9) *

7. Nei tichifanira kurumbidza Jehovha patinonyengetera?

7 Tinofanira kuyeuka kurumbidza Jehovha muminyengetero yedu. Mwari wedu ndiye watinofanira kurumbidza kupfuura chero ani zvake. ‘Akanaka uye akagadzirira kukanganwira.’ Anewo “ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa, azere nerudo rusingachinji uye nekutendeka.” (Pis. 86:5, 15) Zvechokwadi tine chikonzero chakanaka chekurumbidza Jehovha nekuda kwezvaari uye zvaanoita.   

8. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinopiwa naJehovha zvinoita kuti timutende? (Pisarema 104:12-15, 24)

8 Kuwedzera pakurumbidza Jehovha muminyengetero yedu, tinonzwa tichida kumutenda nekuda kwezvinhu zvinoshamisa zvaanotipa. Semuenzaniso, tinogona kumutenda nekutipa kwaakaita mavara anoyevedza emaruva, zvekudya zvakasiyana-siyana zvinonaka, uye mufaro watinowana patinova neshamwari dzedu. Baba vedu vane rudo vakatipa zvinhu izvi nezvimwewo zvakawanda vachingoitira kuti tifare. (Verenga Pisarema 104:12-15, 24.) Uye chinonyanya kukosha ndechekuti tinotenda Jehovha nekutipa kwaanoita zvekudya zvekunamata zvakawanda uye tariro yakazonaka yatiinayo yeramangwana.

9. Chii chingatibatsira kuti tiyeuke kutenda Jehovha? (1 VaTesaronika 5:17, 18)

9 Zviri nyore chaizvo kuti tikanganwe kutenda Jehovha nekuda kwezvinhu zvese zvaanotiitira. Saka chii chingakubatsira kuti uyeuke kumutenda? Unogona kunyora pasi zvinhu zvawakamukumbira, wopota uchitarisa kuti Jehovha ari kupindura sei minyengetero yako. Chibva wanyengetera uchimutenda nekukubatsira kwaakaita. (Verenga 1 VaTesaronika 5:17, 18.) Funga izvi: Tinofara chaizvo uye tinonzwa tichidiwa kana vamwe vanhu vakatitenda. Saizvozvowo patinoyeuka kutenda Jehovha nekupindura kwaanoita minyengetero yedu, naiyewo anofara. (VaK. 3:15) Asi ndechipi chimwe chikonzero chinokosha chekuti titende Mwari wedu?

TENDA JEHOVHA NEKUDA KWEMWANAKOMANA WAKE ANODIWA

10. Maererano na1 Petro 2:21, nei tichifanira kutenda Jehovha nekutuma kwaakaita Jesu panyika?

10 Verenga 1 Petro 2:21. Tinofanira kutenda Jehovha nekutuma kwaakaita Mwanakomana wake anodiwa kuti atidzidzise. Tinodzidza zvakawanda nezvaJehovha uye kuti tingaitei kuti timufadze patinodzidza nezveupenyu hwaJesu. Kana tikaratidza kuti tinotenda muchibayiro chaKristu, tinogona kuva neushamwari hwepedyo naJehovha Mwari uye tinova nerugare naye.—VaR. 5:1.

11. Nei tichinyengetera muzita raJesu?

11 Tinotenda Jehovha nekuti tinogona kunyengetera kwaari tichienda nekuMwanakomana wake. Jehovha anoshandisa Jesu kuti atipe zvatinenge tamukumbira. Jehovha anoteerera uye anopindura minyengetero inopiwa muzita raJesu. Jesu akati: “Zvese zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita, kuti Mwanakomana aite kuti Baba vakudzwe.”—Joh. 14:13, 14.

12. Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti titende Jehovha nekuda kweMwanakomana wake?

12 Jehovha anotiregerera zvivi zvedu nekuda kwechibayiro cherudzikinuro chaJesu. Bhaibheri rinotaura nezvaJesu richiti ndiye ‘mupristi wedu mukuru akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheumambo chaChangamire kumatenga.’ (VaH. 8:1) Jesu ndiye ‘mubatsiri wedu ari kuna Baba.’ (1 Joh. 2:1) Tinotenda Jehovha kuti akatipa Mupristi Mukuru anotinzwira tsitsi uyo anonzwisisa kusava nesimba kwedu uye “anoteterera achitimiririra”! (VaR. 8:34; VaH. 4:15) Tiri vanhu vane chivi, saka kudai pasina chibayiro chaJesu taisazokwanisa kunyengetera kuna Jehovha. Zviri pachena kuti hatikwanisi kunyatsotenda Jehovha zvakakwana nekuda kwechipo chinokosha chaakatipa cheMwanakomana wake anodiwa!

NYENGETERERA HAMA NEHANZVADZI DZAKO

13. Usiku hwekupedzisira asati aurayiwa, Jesu akaratidza sei kuti aida vadzidzi vake?

13 Usiku hwekupedzisira Jesu asati aurayiwa, akanyengeterera vadzidzi vake kwenguva yakareba, achikumbira Baba vake kuti ‘vavachengetedze pane akaipa.’ (Joh. 17:15) Izvi zvakaratidza kuti Jesu aivada chaizvo! Kunyange zvazvo aiziva kuti akanga ava kuzosangana nemuedzo wakakura chaizvo, ainetseka nezvevaapostora vake.

Zvinhu zvipi zvatingataura patinenge tichinyengeterera hama nehanzvadzi dzedu? (Ona ndima 14-16) *

14. Tingaratidza sei kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu?

14 Tinotevedzera Jesu pakuti hatingofungi zvatinoda isu chete. Tinogara tichinyengeterera hama nehanzvadzi dzedu. Patinoita izvozvo tinenge tichiteerera murayiro waJesu wekudanana uye tinenge tichiratidza Jehovha kuda kwatinoita vatinonamata navo. (Joh. 13:34) Kunyengeterera hama nehanzvadzi dzedu hakusi kutambisa nguva. Shoko raMwari rinotiudza kuti “kuteterera kwemunhu akarurama kune simba.”—Jak. 5:16.

15. Nei tichifanira kunyengeterera vatinonamata navo?

15 VaKristu vatinonamata navo vanoda kuti tivanyengeterere nekuti vanosangana nematambudziko akawanda. Tinogona kukumbira Jehovha kuti avabatsire kutsungirira kurwara, njodzi dzinongoitika dzega, hondo, kutambudzwa, kana mamwewo matambudziko. Tinogonawo kunyengeterera hama nehanzvadzi dzedu dzinoshanda nesimba kuti dzibatsire vaya vanenge vawirwa nenjodzi. Zvimwe une vaunotoziva vari kusangana nematambudziko akadaro. Unogona kutaura nezvavo nemazita paunenge uchinyengetera uri wega. Tinoratidza kuti tinonyatsoda hama dzedu patinokumbira Jehovha kuti adzibatsire kutsungirira matambudziko.

16. Nei tichifanira kunyengeterera vaya vanotungamirira vari pakati pedu?

16 Vaya vanotungamirira muungano vanoonga chaizvo kuti tinovanyengeterera uye minyengetero iyoyo inovabatsira. Muapostora Pauro aiziva kuti zvaikosha kuti vamwe vamunyengeterere. Akanyora kuti: “Neniwo ndinyengetererei kuti ndipiwe mashoko pandinoshama muromo wangu, kuti ndikwanise kutaura neushingi ndichizivisa chakavanzika chitsvene chemashoko akanaka.” (VaEf. 6:19) Mazuva ano tinewo hama dzakawanda dzinoshanda nesimba dzinotungamirira dziri pakati pedu. Tinoratidza kuti tinodzida patinokumbira Jehovha kuti akomborere basa radzinoita.

PATINONZI TINYENGETERE TICHIMIRIRIRA VAMWE

17-18. Ndepapi patingakumbirwa kuti tinyengetere tichimiririra vamwe, uye chii chatinofanira kuramba tichiyeuka?

17 Dzimwe nguva tinokumbirwa kuti tinyengetere tichimiririra vamwe. Semuenzaniso, hanzvadzi inenge ichiitisa chidzidzo cheBhaibheri inogona kukumbira imwe hanzvadzi yainenge yabuda nayo kuti inyengetere. Hanzvadzi iyi inenge yakumbirwa kuti inyengetere inogona kunge isinganyatsozivi mudzidzi wacho, saka ingaona zviri nani kuti izonyengetera panopera chidzidzo chacho. Izvi zvichaita kuti izive zvainogona kutaura mumunyengetero wacho zvine chekuita nemudzidzi.

18 Hama inogona kukumbirwa kuti inyengetere pamusangano webasa remumunda kana kuti pamusangano weungano. Hama dzinenge dzapiwa ropafadzo iyi dzinofanira kuyeuka chinangwa chemusangano wacho. Munyengetero hausi wekutsiura kana kuti kudzidzisa ungano, uyewo hausi wekupa zviziviso. Kakawanda pamisangano yeungano, kuimba uye kunyengetera zvinokwana mumaminitsi 5. Saka hama inenge yanzi inyengetere haifaniri kutaura “mashoko akawanda” kunyanya kana uri munyengetero wekutanga musangano.—Mat. 6:7.

ITA KUTI KUNYENGETERA KUVE CHINHU CHINOKOSHA MUUPENYU HWAKO

19. Chii chichatibatsira kuti tive vakagadzirira kusvika kwezuva raJehovha rekutonga?

19 Tinoda kuti kunyengetera kuve chinhu chinokosha chaizvo muupenyu hwedu nekuti zuva raJehovha rekutonga rava pedyo. Achitaura nezvazvo, Jesu akati: “Saka rambai makamuka, muchigara muchinyengetera muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvese izvi zvinofanira kuitika.” (Ruka 21:36) Kugara tichinyengetera kuchatibatsira kuti tirambe takamuka pakunamata kuitira kuti zuva raMwari risatisvikira tisina kugadzirira.

20. Tingaitei kuti minyengetero yedu ive serusenzi inonhuhwirira zvakanaka?

20 Takurukurei munyaya ino? Tinokoshesa chaizvo ropafadzo yatiinayo yekunyengetera. Zvinhu zvine chekuita nechinangwa chaJehovha ndizvo zvinonyanya kukosha zvatinofanira kunyengetera nezvazvo. Tinotendawo Jehovha nekuda kweMwanakomana wake neUmambo hwake uye tinonyengeterera hama nehanzvadzi dzedu. Tinogonawo kunyengetera tichikumbira zvatinoda pakurarama uye kuti atibatsire kuramba tiine kutenda kwakasimba. Patinonyatsofunga zvatichataura muminyengetero yedu, tinoratidza kuti tinokoshesa chipo ichi chakazonaka. Mashoko edu ‘achafadza’ Jehovha uye achaita serusenzi inonhuhwirira zvakanaka kwaari.—Zvir. 15:8.

RWIYO 45 Kufungisisa Kwemwoyo Wangu

^ Tinokoshesa chaizvo ropafadzo yekunyengetera kuna Jehovha. Tinoda kuti minyengetero yedu iite serusenzi inonhuhwirira, inomufadza. Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvatinogona kutaura nezvazvo muminyengetero yedu. Tichaonawo zvimwe zvatinofanira kuyeuka patinokumbirwa kuti tinyengetere tichimiririra vamwe.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume ari kunyengetera nemudzimai wake nezvekuchengeteka kwemwana wavo ari kuchikoro, nezvemubereki ari kurwara, uye nezvekufambira mberi kwemudzidzi weBhaibheri.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yechidiki iri kutenda Jehovha nekuda kwechibayiro cherudzikinuro chaJesu, nyika, musha wedu wakanaka, uye zvekudya zvine utano.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi iri kunyengetera kuti Jehovha akomborere Dare Rinotungamirira nemweya wake uye kuti abatsire vaya vari kutambura nemhaka yenjodzi dzinoitika uye kutambudzwa.