Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 31

“Ivai Vakasimba, Vasingazununguki”

“Ivai Vakasimba, Vasingazununguki”

“Hama dzangu dzinodiwa, ivai vakasimba, vasingazununguki.”—1 VAK. 15:58.

RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!

ZVICHADZIDZWA a

1-2. MuKristu angafananidzwa nechivakwa chirefu refu pakudii? (1 VaKorinde 15:58)

 MAKORE ekuma1970 ava kupera, muTokyo, Japan makavakwa chivakwa chirefu refu chine nhurikidzwa 60. Vanhu vaichiona vainetseka kuti chivakwa ichi chingaramba chakamira here muguta iroro rinowanzoitika kudengenyeka kwenyika. Chii chaizoita kuti chivakwa ichi chirambe chakamira paiitika kudengenyeka kwenyika? Mainjiniya akaita kuti chivakwa chacho chive chakasimba asi panguva imwe chete chichikwanisa kubhenda chisingatsemuki kana kudonha panoitika kudengenyeka kwenyika. VaKristu vakaita sechivakwa chirefu ichocho. Nei tichidaro?

2 MuKristu anofanira kuva munhu akasimba asiwo ari munhu anonzwisisa. Anofanira kunge akasimba uye asingazununguki panyaya yekutsigira mitemo yaJehovha. (Verenga 1 VaKorinde 15:58.) MuKristu anofanira kuva munhu ‘anoda kuteerera’ uye asingabvumirani nezvinhu zvisina kunaka. Asi anofanirawo kuva munhu ‘anonzwisisa’ pazvinenge zvakakodzera kana kuti pazvinenge zvichitodiwa kuti adaro. (Jak. 3:17) MuKristu anenge aine maonero aya haazonyanyi kuomesa zvinhu kana kubvumira zvese zvese. Munyaya ino tichakurukura kuti tingaitei kuti tisazununguka. Tichaonawo nzira shanu dzinoshandiswa naSatani achiedza kuita kuti tisateerera Jehovha, uye tichadzidza kuti tingamurwisa sei.

TINGAITEI KUTI TIVE VAKASIMBA?

3. Mitemo ipi yatinopiwa naMwari inowanika pana Mabasa 15:28, 29?

3 Sezvo ari iye Anotipa Mutemo, Jehovha anoramba achipa vanhu vake mitemo yakajeka. (Isa. 33:22) Semuenzaniso, dare rinotungamirira repanguva yevaKristu vekutanga rakataura kuti vaKristu vanofanira kuramba vakasimba munzira nhatu dzinoti: (1) kuramba kunamata zvidhori, vachinamata Jehovha chete, (2) kuremekedza utsvene hweropa uye (3) kuteerera murayiro weBhaibheri wekusaita upombwe. (Verenga Mabasa 15:28, 29.) Mazuva ano vaKristu vanoteerera sei Jehovha munzira nhatu idzi?

4. Tinoratidza sei kuti takazvipira zvakazara kuna Jehovha? (Zvakazarurwa 4:11)

4 Tinoramba kunamata zvidhori tichinamata Jehovha chete. Mwari akarayira vaIsraeri kuti vanamate iye chete. (Dheut. 5:6-10) Uye Jesu paakaedzwa naDhiyabhorosi, akajekesa kuti tinofanira kunamata Jehovha chete. (Mat. 4:8-10) Saka hatinamati zvidhori zvinoshandiswa muzvitendero. Uyewo hatinamati vanhu, vangava vatungamiriri vezvitendero, vakuru vakuru vezvematongerwo enyika, kana kuti vanhu vakakurumbira munyika vanoita zvemitambo uye zvekuvaraidza vanhu. Tinotsigira Jehovha uye tinonamata iye chete “akasika zvinhu zvese.”—Verenga Zvakazarurwa 4:11.

5. Nei tichitsigira mutemo waJehovha une chekuita neutsvene hweupenyu uye hweropa?

5 Tinotsigira mutemo waJehovha une chekuita neutsvene hweupenyu uye hweropa. Nei tichidaro? Nekuti Jehovha anoti ropa rinomiririra upenyu, chipo chinokosha chinobva kwaari. (Revh. 17:14) Jehovha paakatanga kubvumira vanhu kuti vadye nyama yemhuka, akavarayira kuti vasadya ropa racho. (Gen. 9:4) Akadzokorora murayiro uyu paakapa vaIsraeri Mutemo waMozisi. (Revh. 17:10) Uye akarayira dare rinotungamirira panguva yevaKristu vekutanga kuti vaKristu vese ‘varambe vachirega ropa.’ (Mab. 15:28, 29) Tinonyatsoteerera murayiro uyu patinoita zvisarudzo zvine chekuita nekurapwa. b

6. Zvii zvatinoita kuti tikwanise kuteerera mutemo waJehovha wekuti tisaita upombwe?

6 Tinonyatsoteerera mutemo waJehovha wekusaita upombwe. (VaH. 13:4) Achishandisa mutauro wekufananidzira, muapostora Pauro anotirayira kuti ‘tiuraye’ nhengo dzemuviri wedu kureva kuti, kutora matanho akasimba kuitira kuti tibvise zvido zvenyama. Hatitarisi kana kuita chero chii zvacho chingaita kuti tipedzisire taita upombwe. (VaK. 3:5; Job. 31:1) Patinova mumuedzo tinokurumidza kuramba chero pfungwa yekuita chinhu chinogona kukanganisa ushamwari hwedu naMwari.

7. Tinofanira kuva nechido chekuitei, uye nei tichifanira kudaro?

7 Jehovha anotarisira kuti ‘titeerere zvichibva pamwoyo.’ (VaR. 6:17) Zvaanotirayira zvakatinakira nguva dzese uye hatikwanisi kuchinja mitemo yake. (Isa. 48:17, 18; 1 VaK. 6:9, 10) Tinoedza zvese zvatinogona kuti tifadze Jehovha uye tinova nemafungiro akafanana neaiva nemunyori wepisarema uyo akati: “Ndakazvipira kuteerera mirau yenyu nguva dzese, kusvikira pakupedzisira.” (Pis. 119:112) Asi Satani anoedza kukanganisa chido chedu chekuteerera Mwari. Anoshandisa nzira dzipi?

SATANI ANOEDZA SEI KUKANGANISA CHIDO CHEDU CHEKUTEERERA JEHOVHA?

8. Satani anotitambudza sei achiedza kuita kuti tisateerera Jehovha?

8 Kutambudzwa. Dhiyabhorosi anogona kuita kuti vanhu vatirwise kana kuti vatimanikidze kuti tisateerera Jehovha. Chinangwa chake ‘ndechekutidya’ kureva kuparadza ushamwari hwedu naJehovha. (1 Pet. 5:8) VaKristu vekutanga vaityisidzirwa, vairohwa, uye vaiurayiwa nemhaka yechido chavo chekuramba vachiteerera Jehovha. (Mab. 5:27, 28, 40; 7:54-60) Mazuva ano Satani ari kuenderera mberi nekutitambudza. Izvi zviri pachena kana tikatarisa utsinye huri kuitirwa hama nehanzvadzi dzedu kuRussia nedzimwe nyika uye kupikiswa kwadziri kuitwa.

9. Taura muenzaniso unoratidza kuti nei tichifanira kungwarira kumanikidzwa kusiri pachena.

9 Kumanikidzwa kusiri pachena. Kuwedzera pakutirwisa zvakananga Satani anoshandisa “manomano.” (VaEf. 6:11) Funga zvakaitika kuhama inonzi Bob, iyo yakapinda muchipatara kuti iitwe oparesheni yakakura. Akatsanangurira vanachiremba kuti aisazobvuma kuisirwa ropa zvachose. Chiremba aizomuopareta akabvuma kuti aizoremekedza chisarudzo chake. Asi manheru ekuti aizooparetwa mangwana acho, chiremba anobaya chiveve akashanyira Bob pashure pekunge vemumhuri make vaenda kumba. Akaudza Bob kuti aisazowedzerwa hake ropa asi vaizoita kuti rive pedyo kuitira kana rikazodiwa. Zvichida chiremba wacho akafunga kuti Bob aizochinja mafungiro ake kana vemumhuri make vasipo. Asi Bob akaramba akashinga achitaura kuti aisazobvuma kuisirwa ropa pasinei nezvingaitika.

10. Nei kufunga kwevanhu kuine ngozi? (1 VaKorinde 3:19, 20)

10 Kufunga kwevanhu. Kana tikatarisa zvinhu nemaonero evanhu tinogona kupedzisira tisisafungi nezvaJehovha uye mitemo yake. (Verenga 1 VaKorinde 3:19, 20.) “Uchenjeri hwenyika ino” hunowanzoita kuti vanhu vasateerera Mwari. VaKristu vashomanana vaiva muPegamo nemuTiyatira vakapedzisira vava nemafungiro ekunamata zvidhori uye ekuita upombwe aiva nevanhu vemumaguta iwayo. Jesu akatumira zano rakasimba kuungano dzacho dziri mbiri nekuti dzairega vanhu vachiita upombwe. (Zvak. 2:14, 20) Mazuva ano, tiri pamuedzo wekuva nemaonero asina kunaka. Vemumhuri nevaya vatinozivana navo vangaedza kuita kuti tifunge kuti tiri kuzviomesera uye kutikurudzira kuti tityore mitemo yaJehovha. Semuenzaniso, vangati hazvina kuipa kuti munhu aite zvinodiwa nenyama yake uye kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuzvibata ndezvechinyakare.

11. Pakuteerera kwatinoita mitemo yaJehovha, chii chatisingafaniri kuita?

11 Dzimwe nguva tingafunga kuti mirayiridzo yatinopiwa naJehovha haina kunyatsojeka. Tingatova pamuedzo ‘wekupfuura zvakanyorwa.’ (1 VaK. 4:6) Vatungamiriri vezvitendero vepanguva yaJesu vaiva nemhosva yechivi ichi. Kuwedzera kwavaiita mirayiro yavo kuMutemo waMozisi kwaiita kuti vaomesere vamwe. (Mat. 23:4) Jehovha anotipa mirayiridzo yakajeka achishandisa Shoko rake uye sangano rake. Hapana chikonzero chekuti tiwedzere zvimwe pamirayiridzo yaanotipa. (Zvir. 3:5-7) Saka hatipfuuri zvakanyorwa muBhaibheri kana kuisa mitemo panyaya dzekuti munhu anofanira kuzvisarudzira ega.

12. Satani anoshandisa sei “unyengeri husina zvahunobatsira”?

12 Unyengeri. Satani anoshandisa “unyengeri husina zvahunobatsira” uye “zvinhu zvekutanga zvenyika” kuti atsause vanhu uye avaparadzanise. (VaK. 2:8) Panguva yevaKristu vekutanga, zvinhu izvi zvaisanganisira uchenjeri hunobva pamafungiro evanhu, dzidziso dzechiJudha dzaipesana neMagwaro, uye dzidziso yekuti vaKristu vanofanira kuchengeta Mutemo waMozisi. Uhwu hwaiva unyengeri nekuti hwaiita kuti vanhu vasateerera Jehovha, Tsime reuchenjeri hwechokwadi. Mazuva ano Satani anoshandisa zvinhu zvinobudisa nhau uye Indaneti kuti aparadzire mashoko asina paakavakirwa uye nhau dzenhema dzinokurudzirwa nevatungamiriri vezvematongerwo enyika. Izvi takazviona paipararira chirwere cheCOVID-19. c Zvapupu zvaJehovha izvo zvaiteerera mirayiridzo yaipiwa nesangano redu hazvina kuzvidya mwoyo sezvakaita vaya vakateerera mashoko anotsausa.—Mat. 24:45.

13. Nei tichifanira kungwarira zvinhu zvinotsausa?

13 Zvinhu zvinotsausa. Tinofanira kuramba tichifunga ‘nezvezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.’ (VaF. 1:9, 10) Zvinhu zvinotsausa zvinogona kutitorera nguva yakawanda uye kubvisa pfungwa dzedu pazvinhu zvinonyanya kubatsira. Zvinhu zvinowanzoitwa muupenyu zvakadai sekudya, kunwa, kuvaraidzwa uye mabasa edu zvinogona kutitsausa kana tikazvirega zvichiva zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu hwedu. (Ruka 21:34, 35) Kuwedzera pane izvozvo, zuva rega rega tinonzwa nhau dzine chekuita nekuratidzira uye kupikisana kunoitwa nevezvematongerwo enyika. Tinofanira kuva nechokwadi chekuti hatitsauswi nekupikisana kwavanenge vachiita. Kana tikasangwarira tinogona kuva nedivi ratinotsigira mupfungwa dzedu uye mumwoyo medu. Satani anoshandisa zvinhu zvese izvi zvichangobva kutaurwa nechinangwa chekukanganisa chido chedu chekuita zvakarurama. Ngatikurukurei kuti tingarwisa sei zvaanoita toramba tichiteerera Jehovha.

TINGAITEI KUTI TIRAMBE TICHITEERERA JEHOVHA?

Kuti uteerere Jehovha, funga nezvekuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kwawakaitwa, dzidza Shoko raMwari wofungisisa nezvaro, iva nemwoyo wakadzikama uye vimba naJehovha (Ona ndima 14-18)

14. Chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tichitsigira Jehovha?

14 Funga nezvechikonzero chakaita kuti uzvitsaurire kuna Jehovha uye ubhabhatidzwe. Wakatora matanho iwayo nekuti waida kutsigira Jehovha. Yeuka kuti chii chakakubatsira kuti ugutsikane kuti wakanga wawana chokwadi. Wakawana ruzivo pamusoro paJehovha uye wakasvika pakumuremekedza uye kumuda saBaba vako vekudenga. Wakatanga kuva nekutenda uye izvozvo zvakaita kuti upfidze. Wakarega kuita zvinhu zvinovengwa naJehovha ukatanga kuita zvinomufadza. Zvakakuzorodza chaizvo pawakaziva kuti Jehovha akanga akuregerera. (Pis. 32:1, 2) Wakatanga kupinda misangano yechiKristu uye kuudza vamwe zvinhu zvinoshamisa zvawakanga wadzidza. Sezvo wava muKristu akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa, wava kufamba munzira inoenda kuupenyu uye unoita zvese zvaunogona kuti urambe uchifamba mairi.—Mat. 7:13, 14.

15. Nei kudzidza uye kufungisisa kuchibatsira?

15 Dzidza Shoko raMwari uye fungisisa nezvaro. Sezvo muti uchikwanisa kumira zvakasimba kana uine midzi yakadzika tinogona kuramba takasimba kana kutenda kwedu kwakadzika midzi muShoko raMwari. Muti zvaunokura, midzi yawo inowedzera kuenda pasi uye kupararira ichienda kwakasiyana-siyana. Patinodzidza tofungisisa, tinosimbisa kutenda kwedu uye tinowedzera kugutsikana kuti nzira dzaMwari ndidzo dzakanaka kupfuura dzese. (VaK. 2:6, 7) Funga nezvekuti kare Jehovha airayiridza, aitungamirira uye aidzivirira sei vashumiri vake. Semuenzaniso, Ezekieri akanyatsotarisa ngirozi ichiyera temberi yaakaratidzwa. Chiratidzo ichi chakamusimbisa uye chinotipa zvidzidzo zvinobatsira panyaya yekutsigira zvinodiwa naJehovha pakunamata kwakachena. d (Ezek. 40:1-4; 43:10-12) Isuwo tinobatsirwa kana tikawana nguva yekudzidza uye kufungisisa nezvezvinhu zvakadzama zviri muShoko raMwari.

16. Kuva nemwoyo wakadzikama kwakadzivirira sei Bob? (Pisarema 112:7)

16 Simbisa mwoyo wako. Mambo Dhavhidhi akaratidza kuti aizoramba achida Jehovha paakaimba kuti: “Mwoyo wangu wakasimba, haiwa Mwari.” (Pis. 57:7) Isuwo tinogona kuva nemwoyo wakadzikama tichinyatsovimba naJehovha. (Verenga Pisarema 112:7.) Funga kuti izvi zvakabatsira sei Bob ambotaurwa nezvake. Paakaudzwa kuti ropa raizochengetwa kuitira kuti rizoshandiswa kana zvinhu zvikaenda nepamwe, akabva angopindura kuti kana aizonzi awedzerwe ropa aizobva pachipatara chacho ipapo ipapo. Pava paya, Bob akati, “Ndaiva nechokwadi chezvandaizoita uye ndaisatyira zvaizoitika.”

Kana tikava nekutenda kwakasimba tinogona kuramba takatsiga pasinei nematambudziko atingatarisana nawo (Ona ndima 17)

17. Chii chatinogona kudzidza kubva pane zvakaitika kuna Bob? (Onawo mufananidzo.)

17 Bob ainge akadzikama nekuti pachine nguva refu asati apinda muchipatara akanga aita chisarudzo chekuti aizoramba achiteerera Jehovha. Chekutanga, aiva nechido chekufadza Jehovha. Chechipiri, akanyatsodzidza zvinotaurwa neBhaibheri uye mabhuku edu anotsanangura Bhaibheri nezveutsvene hweupenyu neropa. Chechitatu, aiva nechokwadi chekuti kuteerera zvinorayirwa naJehovha kwaizoita kuti akomborerwe. Isuwo tinogona kuva nemwoyo wakadzikama pasinei nematambudziko atingatarisana nawo.

Bheraki nevarume vaaiva navo vachidzingirira uto raSisera (Ona ndima 18)

18. Muenzaniso waBheraki unotidzidzisa sei kuti tivimbe naJehovha? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

18 Vimba naJehovha. Funga nezvekubudirira kwakaita Bheraki nekuti aivimba nezvainge zvarayirwa naJehovha. Kunyange zvazvo munyika macho makanga musina nhoo kana pfumo, Jehovha akamurayira kuti aende kuhondo kuti anorwa neuto rainge riine zvombo zvakakwana raitungamirirwa naSisera mukuru mukuru weuto revaKenani. (Vat. 5:8) Muprofitakadzi Dhibhora akaudza Bheraki kuti adzike mumakomo achienda panzvimbo yakati sandara kuti anorwa naSisera nengoro dzake dzehondo 900. Kunyange zvazvo zvaizoomera vaIsraeri kuti varwe nengoro dzehondo panzvimbo yakati sandara, Bheraki akateerera. Masoja acho paaidzika Gomo reTabhori, Jehovha akaita kuti mvura itsvotsvome. Ngoro dzehondo dzaSisera dzakanyura mumatope uye Jehovha akaita kuti Bheraki akunde. (Vat. 4:1-7, 10, 13-16) Saizvozvowo Jehovha achaita kuti tikunde kana tikavimba naye uye nemirayiridzo yaanotipa achishandisa sangano rake.—Dheut. 31:6.

RAMBA UINE CHIDO CHEKUVA MUNHU AKASIMBA

19. Nei uchida kuramba wakasimba?

19 Hondo yedu yekuti tirambe takasimba icharamba iripo chero bedzi tichiri kurarama munyika ino. (1 Tim. 6:11, 12; 2 Pet. 3:17) Dai tikashinga kuti tisazununguswa nekutambudzwa, kumanikidzwa kusiri pachena, kufunga kwevanhu, unyengeri, uye zvinhu zvinotsausa. (VaEf. 4:14) Asi ngatimirei takasimba, toramba tichizvipira kuna Jehovha uye tichiteerera mirayiro yake. Panguva imwe chete tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa. Munyaya inotevera tichakurukura kuti sei Jehovha naJesu vari ivo vanopfuura vamwe vese pakunzwisisa.

RWIYO 129 Ticharamba Tichitsungirira

a Kubva mumazuva aAdhamu naEvha, Satani ari kuita kuti vanhu vafunge kuti vanofanira kusarudza vega kuti zvakarurama ndezvipi uye kuti zvakaipa ndezvipi. Anoda kuti tive nemafungiro akadaro nezvemitemo yaMwari uye nezvemirayiridzo yatinoudzwa nesangano rake. Nyaya ino ichatibatsira kuti tingwarire mafungiro enyika yaSatani ekusada kutungamirirwa uye ichasimbisa chido chedu chekuteerera Jehovha.

b Kuti uwane mamwe mashoko anotaura kuti muKristu anotsigira sei maonero aMwari panyaya yeropa, ona chidzidzo 39 chebhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!

c Ona nyaya iri pajw.org inoti “Ngwarira Mashoko Enhema.”