Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 30

Ramba Uchiwedzera Kuda Jehovha Uye Vamwe

Ramba Uchiwedzera Kuda Jehovha Uye Vamwe

‘Rudo ngaruite kuti tikure muzvinhu zvese.’—VAEF. 4:15.

RWIYO 2 Jehovha Ndiro Zita Renyu

ZVICHADZIDZWA a

1. Ichokwadi chipi chawakadzidza pawakatanga kudzidza Bhaibheri?

 UNOYEUKA here pawakatanga kudzidza Bhaibheri? Zvimwe wakashamiswa kuziva kuti Mwari ane zita. Pamwe wakanzwa kuzorodzwa pawakaziva kuti Mwari haatambudzi vanhu achivapisa mumoto. Uye unogona kunge wakafara chaizvo pawakadzidza nezvetariro yekuzoona zvakare hama neshamwari dzako dzakafa uye uchirarama nadzo munyika inenge yava paradhiso.

2. Ndezvipi zvimwe zvawakaita kuwedzera pakudzidza chokwadi chiri muBhaibheri? (VaEfeso 5:1, 2)

2 Pawakaramba uchidzidza Shoko raMwari, kuda kwawaiita Jehovha kwakawedzera. Rudo irworwo rwakakubatsira kuti ushandise zvawainge wadzidza. Wakaita zvisarudzo zvakanaka zvichibva pane zvinotaurwa neBhaibheri. Wakavandudza mafungiro ako nemaitiro ako nekuti waida kufadza Mwari. Sezvinongoitwa nemwana anotevedzera zvinoitwa nemubereki wake ane rudo, waitevedzerawo Baba vako vekudenga.—Verenga VaEfeso 5:1, 2.

3. Mibvunzo ipi yatingazvibvunza?

3 Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Kuda kwandinoita Jehovha kwawedzera kusimba here iye zvino kupfuura zvakwaiva pandakatanga kuva muKristu? Kubvira pandakabhabhatidzwa, mafungiro angu uye maitiro angu ari kuwedzera kuita seaJehovha here, kunyanya pakuratidza rudo kuhama nehanzvadzi dzangu?’ Kana “rudo rwawaiva narwo pakutanga” rwati tonhorei, usaora mwoyo. Zvinhu zvakada kudaro zvakamboitikawo kune vamwe vaKristu vekutanga. Jesu haana kubva angovarasa, uye haasi kuzotirasawo. (Zvak. 2:4, 7) Anoziva kuti tinogona kuvazve nerudo rwataiva narwo patakatanga kudzidza chokwadi.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Munyaya ino tichakurukura zvatingaita kuti tirambe tichida Jehovha uye vamwe. Tichabva tadzidza nezvezvimwe zvinhu zvakanaka zvinoitika patinowedzera kuda Jehovha uye hama nehanzvadzi dzedu.

WEDZERA KUDA KWAUNOITA JEHOVHA

5-6. Muapostora Pauro akasangana nematambudziko akaita sei paaiita ushumiri hwake, asi chii chakamubatsira kuti arambe achishumira Jehovha?

5 Muapostora Pauro ainakidzwa nekushumira Jehovha muupenyu hwake, asi aiva nematambudziko akawanda aaifanira kukunda. Pauro aiwanzoita nzendo dzakareba, uye kufamba mumazuva iwayo kwakanga kusiri nyore. Panzendo dzaakaita, dzimwe nguva Pauro aisangana ‘nenjodzi dzemunzizi’ uye “njodzi dzemakororo.” Dzimwe nguva airohwa nevavengi vake. (2 VaK. 11:23-27) Uye pamwe pacho, hama dzechiKristu dzaisaonga zvinhu zvaiitwa naPauro nemwoyo wese achida kuvabatsira.—2 VaK. 10:10; VaF. 4:15.

6 Chii chakabatsira Pauro kuti arambe achiita basa raJehovha? Akadzidza zvakawanda nezvaJehovha kubva muMagwaro uye pane zvakaitika muupenyu hwake. Pauro akasvika pakuva nechokwadi chekuti Jehovha Mwari aimuda. (VaR. 8:38, 39; VaEf. 2:4, 5) Uye izvozvo zvakaita kuti ade Jehovha chaizvo. Pauro akaratidza kuda kwaaiita Jehovha ‘nekushumira vatsvene uye kuramba achivashumira.’—VaH. 6:10.

7. Ndeipi imwe nzira ingatibatsira kuti tiwedzere kuda Jehovha?

7 Tinogona kuwedzera kuda kwatinoita Mwari kana tikashingaira kudzidza Shoko rake. Paunenge uchiverenga Bhaibheri, edza kunzwisisa kuti chikamu chimwe nechimwe chaunenge uchiverenga chinoratidzei nezvaJehovha. Zvibvunze kuti: ‘Nyaya iyi inoratidza sei kuti Jehovha anondida? Zvikonzero zvipi zvandawana munyaya iyi zvinoita kuti ndide Jehovha?’

8. Munyengetero ungatibatsira sei kuti tiwedzere kuda kwatinoita Mwari?

8 Imwe nzira yatingawedzera nayo kuda Jehovha ndeyekugara tichinyengetera kwaari tichimuudza zviri pasi pemwoyo. (Pis. 25:4, 5) Patinoita izvozvo, Jehovha anopindura minyengetero yedu. (1 Joh. 3:21, 22) Imwe hanzvadzi yekuAsia inonzi Khanh inoti: “Pakutanga ndaida Jehovha nekuti ndakanga ndadzidza nezvake, asi kuda kwandaimuita kwakawedzera pandaiona kupindura kwaaiita minyengetero yangu. Izvi zvakaita kuti ndide kuita zvinhu zvinomufadza.” b

WEDZERA KUDA KWAUNOITA VAMWE

9. Timoti akaratidza sei kuti aiwedzera kuda vamwe?

9 Pashure pemakore akati Pauro ava muKristu, akaona rimwe jaya rainzi Timoti. Timoti aida Jehovha uye aida vanhu. Pauro akaudza vaFiripi kuti: “Handina mumwezve ane mwoyo wakaita [sewaTimoti] ane hanya nemi panyaya dzinokunetsai.” (VaF. 2:20) Pauro akanga asiri kutaura nezvekukwanisa kwaiita Timoti kuronga zvinhu kana kuti kukurukura paruzhinji, asi anofanira kunge aibayiwa mwoyo nekuda kwaiita Timoti hama nehanzvadzi dzake. Zviri pachena kuti vanhu vemuungano dzaishumirwa naTimoti vaitarisira nemwoyo wese kushanya kwake.—1 VaK. 4:17.

10. Anna nemurume wake vakaratidza sei kuti vanoda hama nehanzvadzi dzavo?

10 Isuwo tinotsvaga nzira dzekubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. (VaH. 13:16) Funga nezvaAnna, akataurwa munyaya yakapfuura. Pashure pekunge kwaitika dutu rine simba, iye nemurume wake vakashanyira imwe mhuri yeZvapupu, uye vakaona kuti dutu rakanga rakanganisa denga reimba yemhuri yacho. Izvi zvakaita kuti mhuri iyi isare isina zvipfeko zvakachena. Anna anoti: “Takatora hembe dzavo tikadziwacha, uye takadzidzorera dzakaainwa uye dzakanyatsopetwa zvakanaka. Takanzwa sekuti hatina zvakawanda zvatakanga taita, asi zvatakaita izvozvo zvakaita kuti tive neushamwari hwakasimba navo kusvikira iye zvino.” Kuda kunoita Anna nemurume wake hama nehanzvadzi, kwakaita kuti vadzibatsire.—1 Joh. 3:17, 18.

11. (a) Vamwe vanhu vanowanzonzwa sei patinoita zvinhu zvinoratidza kuti tinovada? (b) Maererano naZvirevo 19:17, Jehovha anoita sei patinoratidza vamwe rudo?

11 Pese patinobata vamwe zvakanaka uye patinovaratidza rudo, vanogona kuona kuti tiri kuedza kutevedzera Jehovha. Uye vanogona kuonga kuvabata zvakanaka kwatinenge taita kupfuura zvatingafunga. Khanh ambotaurwa, anonyatsoyeuka vaya vakamubatsira. Anoti: “Ndinotenda chaizvo hanzvadzi dzese dzaibuda neni muushumiri. Vaiuya kuzonditora toenda kunodyira-dyira, uye vaizondiperekedza kumba. Iye zvino ndava kuona kuti vaizvipira chaizvo. Uye rudo ndirwo rwaiita kuti vaite izvozvo.” Haasi munhu wese achatitenda pane zvatinenge taita. Khanh anotaura nezvevaya vakamubatsira achiti: “Ndinoshuva kuti dai ndaikwanisa kubhadhara zvese zvakanaka zvavakandiitira, asi handizivi kuti vese vava kugara kupi iye zvino. Asi Jehovha anoziva kwavari, uye ndinoti dai akavapa mubayiro wezvavakandiitira.” Khanh ari kutaura chokwadi. Jehovha anoona kunyange kanhu kadiki katinoita tichiitira vamwe. Anoona izvozvo sechibayiro chinokosha uye sechikwereti chaacharipa.—Verenga Zvirevo 19:17.

Munhu paanofambira mberi pakunamata, anotsvaga nzira dzekubatsira vamwe (Ona ndima 12)

12. Hama dzingaratidza sei kuti dzinoda vamwe vemuungano? (Onawo mifananidzo.)

12 Kana uri hama, ungaitei kuti uratidze kuti unoda vamwe uye kuti unoda kuita zvinhu zvinovabatsira? Imwe hama yechidiki inonzi Jordan yakabvunza mumwe mukuru kuti zvii zvimwe zvaingaita kuti ibatsire ungano. Mukuru wacho akarumbidza Jordan nekufambira mberi kwaainge aita, uye akamupa mazano ezvaangaita kuti awedzere pane zvaaitoita. Zvimwe zvaakaita ndezvekuti akakurudzira Jordan kuti akurumidze kusvika paImba yeUmambo okwazisa vamwe, apindure pamisangano, agare achiparidza nevamwe vemuboka rake, uye atsvage dzimwe nzira dzekubatsira vamwe. Jordan paakashandisa mazano aya, akanga asiri kungodzidza zvinhu zvitsva, asi aiwedzerawo kuda hama nehanzvadzi dzake. Jordan akadzidza kuti hama painova mushumiri weungano, hapasi ipo painotanga kubatsira vamwe asi kuti inenge ichiramba ichivabatsira.—1 Tim. 3:8-10, 13.

13. Rudo rwakabatsira sei imwe hama inonzi Christian kuti ikodzere kushumirazve semukuru?

13 Ko kana wakamboshumira semushumiri weungano kana kuti semukuru? Jehovha anoyeuka basa rawakamboita uye anoyeuka rudo rwakaita kuti uriite. (1 VaK. 15:58) Anoonawo rudo rwaunoramba uchiratidza. Imwe hama inonzi Christian yakaora mwoyo payakabviswa pakushumira semukuru. Asi yakati: “Ndakasarudza kuita zvese zvandaikwanisa pakushumira Jehovha nekuti ndinomuda, pasinei nekuti ndine ropafadzo dzandiinadzo kana kuti handina.” Nekufamba kwenguva, Christian akazogadzwa zvakare kuva mukuru. Anoti: “Ndaitya kushumirazve semukuru. Asi ndakasarudza kuti kana Jehovha abvumira kuti ndishumirezve semukuru, ndichazviita nekuti ndinomuda uye ndinoda hama nehanzvadzi dzangu.”

14. Unodzidzei pane zvakataurwa neimwe hanzvadzi yekuGeorgia?

14 Vashumiri vaJehovha vanoratidzawo kuti vanoda vavakidzani vavo. (Mat. 22:37-39) Imwe hanzvadzi yekuGeorgia inonzi Elena, inoti: “Pakutanga, chinhu chimwe chete chaiita kuti ndide kuparidza, kwaiva kuda Jehovha. Asi kuda kwandaiita Baba vangu vekudenga pakwaiwedzera, ndaiwedzerawo kuda vanhu. Ndaiedza kufungidzira matambudziko avari kusangana nawo, ndoedza kufunga kuti inyaya ipi ingavabaya mwoyo. Pandairamba ndichivafunga saizvozvo, ndaiwedzerawo kuda kuvabatsira.”—VaR. 10:13-15.

MAKOMBORERO ATINOWANA PATINORATIDZA VAMWE RUDO

Chinhu chimwe chete chatinoita tichiratidza kuti tinoda vamwe, chinogona kubatsira vanhu vakawanda (Ona ndima 15-16)

15-16. Sezviri kuratidzwa mumifananidzo, makomborero api atinowana anobva pakuratidza vamwe rudo?

15 Patinoratidza rudo hama dzedu, handidzo dzega dzinobatsirwa. Pakatanga COVID-19, imwe hama inonzi Paolo nemudzimai wayo vakadzidzisa hanzvadzi dzechikuru dzakawanda kushandisa mafoni adzo pakuparidza. Imwe hanzvadzi iyo yaimboomerwa nekushandisa foni yayo yakapedzisira yava kugona. Yakakwanisa kushandisa foni yacho pakukoka hama dzayo kuChirangaridzo. Pavanhu vayakakoka, 60 vavo vakapinda Chirangaridzo vachishandisa Indaneti. Hanzvadzi iyi pamwe chete nehama dzayo vakabatsirwa vese nezvakaitwa naPaolo nemudzimai wake. Hanzvadzi yacho yakazonyorera Paolo ichiti: “Ndinotenda nekutidzidzisa kwamakatiita isu vechikuru. Handimbokanganwi rudo rwatinoratidzwa naJehovha uye kushanda nesimba kwamakaita kuti mutibatsire.”

16 Zvakaitika zvakadai zvakadzidzisa Paolo chimwe chidzidzo chinokosha. Akadzidza kuti rudo runokosha chaizvo kupfuura ruzivo kana unyanzvi hwatingava nahwo. Anoti: “Ndaimboshumira semutariri wedunhu. Iye zvino ndava kuziva kuti vaparidzi vanogona kukanganwa hurukuro dzandakapa, asi vanogona kuramba vachiyeuka zvimwe zvinhu zvandakaita ndichivabatsira.”

17. Kuratidza vamwe rudo kuchabatsirawo ani?

17 Patinoratidza vamwe rudo, tinobatsirwa nenzira dzatinenge tisingambotarisiri. Jonathan uyo anogara kuNew Zealand, akaona kubatsira kwazvinoita. Rimwe zuva uri musi weMugovera masikati kuchipisa, akaona mumwe piyona achiparidza ega mumugwagwa. Jonathan akabva asarudza kubatana napiyona iyeye misi yeMugovera masikati. Panguva iyi haana kuziva kuti zvaainge asarudza kuita izvi zvaizomubatsira sei. Jonathan anoti: “Panguva iyoyo ndaisanakidzwa nebasa rekuparidza. Asi pandaiteerera piyona uyu achidzidzisa uye ndichiona kubudirira kwaaiita muushumiri, zvakaita kuti nditange kunakidzwa nekuparidza. Hama iyi yaipayona yakavawo shamwari yangu yepedyo, uye yakandibatsira kuti ndinakidzwe neushumiri uye ndiswedere pedyo naJehovha.”

18. Jehovha anoda kuti tiitei?

18 Jehovha anoda kuti tese tiwedzere kumuda uye kuda vamwe. Sezvatadzidza, tinogona kuwedzera kuda Jehovha nekuverenga Shoko rake, torifungisisa uye togara tichitaura naye mumunyengetero. Tinogona kuwedzera kuda hama nehanzvadzi dzedu patinodzibatsira pane zvadzinenge dzichida. Rudo rwedu parwunowedzera, ticharamba tichiswedera pedyo naJehovha uye nehama nehanzvadzi dzedu. Uye tichava neushamwari ihwohwo nekusingaperi!

RWIYO 109 Ida Zvakadzama, Zvinobva Pamwoyo

a Tingava tiri vatsva muchokwadi kana kuti tava nemakore akawanda tichishumira Jehovha, tese tinogona kuramba tichiwedzera pane zvatinoita. Nyaya ino ichataura imwe nzira inokosha yatingaita nayo izvi. Nzira yacho ndeyekuwedzera kuda kwatinoita Jehovha uye vamwe. Paunofungisisa nezvenyaya iyi, ona zvimwe zvawakatoita kusvika pari zvino uye kuti zvii zvimwe zvaungaita kuti urambe uchifambira mberi.

b Mamwe mazita akachinjwa.