Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 32

Tevedzera Jehovha—Iva Munhu Anonzwisisa

Tevedzera Jehovha—Iva Munhu Anonzwisisa

“Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vese.”—VAF. 4:5.

RWIYO 89 Teerera, Uzviite, Ukomborerwe

ZVICHADZIDZWA a

Unoda kuva muti upi? (Ona ndima 1)

1. VaKristu vanofananidzwa nemuti pakuti kudii? (Onawo mufananidzo.)

 “MHEPO haityori muti unobhenda.” Chirevo ichi chinoratidza kuti miti inofanira kubhenda kuitira kuti isatyoke pakunenge kuchivhuvhuta mhepo ine simba. Kuti muKristu arambe achishumira Jehovha achifara, anofanira kunge achikwanisa kubhenda. Izvozvo zvinoitika sei? Tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa nekuita zvinhu maererano nezvinenge zvavapo uye nekuremekedza maonero evamwe uye zvisarudzo zvavo.

2. Unhu hupi huchatibatsira kuti tiite zvinhu zvinoenderana nezvinenge zvavapo, uye tichakurukurei munyaya ino?

2 Sezvo tiri vashumiri vaJehovha tinoda kuva vanhu vanonzwisisa. Tinodawo kuva vanhu vanozvininipisa uye vanonzwira vamwe tsitsi. Munyaya ino tichaona kuti unhu uhwu hwakabatsira sei vamwe vaKristu kuti varambe vachishumira Jehovha pakachinja mamiriro avo ezvinhu. Tichaonawo kuti unhu uhwu hungatibatsirawo sei. Asi tichatanga nekudzidza pana Jehovha naJesu, mienzaniso yakakwana panyaya yekunzwisisa.

JEHOVHA NAJESU VANONZWISISA

3. Tinoziva sei kuti Jehovha ndiMwari anonzwisisa?

3 Jehovha anonzi “iDombo” nekuti akatsiga uye haazununguki. (Dheut. 32:4) Asiwo ndiMwari anonzwisisa. Zvinhu pazvinenge zvichichinja munyika, Mwari anoramba achiita maererano nezvinenge zviripo kuitira kuti azadzise chinangwa chake. Jehovha akasika vanhu nemufananidzo wake vachikwanisa kuchinja maererano nekuchinja kunenge kuchiita zvinhu. Akatipa mazano akajeka muBhaibheri ayo anotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvekuchenjera pasinei nematambudziko atingatarisana nawo. Muenzaniso waJehovha pachake uye mazano aakatipa, uchapupu hwekuti kunyange zvazvo ari “Dombo,” Jehovha anonzwisisa.

4. Taura muenzaniso unoratidza kunzwisisa kwaJehovha. (Revhitiko 5:7, 11)

4 Nzira dzaJehovha dzakwana uye dzinoratidza kunzwisisa. Haaomeseri vanhu. Ona kuti Jehovha akaratidza sei kuti ndiMwari anonzwisisa kuvaIsraeri. Aisatarisira kuti munhu wese ape chibayiro chakafanana, angava mupfumi kana kuti murombo. Dzimwe nguva aibvumira munhu kuti ape zvibayiro maererano nemamiriro ake ezvinhu.—Verenga Revhitiko 5:7, 11.

5. Taura muenzaniso wekuzvininipisa kwaJehovha uye tsitsi dzake.

5 Kuzvininipisa kwaJehovha uye tsitsi dzake zvinoita kuti ave munhu anonzwisisa. Semuenzaniso, kuzvininipisa kwaJehovha kwakaoneka paakanga ava kuda kuparadza vanhu vakaipa vemuSodhomu. Achishandisa ngirozi dzake, Jehovha akarayira Roti uyo ainge akarurama kuti atizire kunharaunda ine makomo. Roti aitya kuenda ikoko. Saka akateterera kuti iye nemhuri yake vabvumirwe kutizira kuZoari, guta diki iro raifanira kuparadzwa. Jehovha aigona kunge akaomerera pakuti Roti atevedzere mirayiridzo yake nemo-nemo. Pane kuti aite izvozvo, akaita zvainge zvakumbirwa naRoti kunyange zvazvo zvaizoreva kuti Zoari raizosiyiwa. (Gen. 19:18-22) Papera mazana emakore, Jehovha akanzwira tsitsi vagari vemuNinivhi. Akatuma muprofita Jona kuti azivise nezvekuparadzwa kwaizoitwa guta racho nevagari varo vainge vakaipa. Asi vaNinivhi pavakapfidza, Jehovha akavanzwira tsitsi uye haana kuparadza guta racho.—Jona 3:1, 10; 4:10, 11.

6. Taura muenzaniso unoratidza kuti Jesu aitevedzera sei kunzwisisa kunoita Jehovha.

6 Jesu aitevedzera kunzwisisa kunoita Jehovha. Akatumwa panyika kuti aparidze “kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.” Asi akaratidza kuti ainzwisisa paiita basa iroro. Semuenzaniso, mumwe mukadzi aisava muIsraeri akakumbira kuti Jesu aporese mwanasikana wake uyo ‘aiva nedhimoni raimutambudza.’ Jesu akanzwira tsitsi mukadzi uyu achibva aporesa mwanasikana wake. (Mat. 15:21-28) Funga nezvemumwe muenzaniso. Pane imwe nguva paiita ushumiri hwake, Jesu akati: “Munhu wese anondiramba . . . , iniwo ndichamuramba.” (Mat. 10:33) Asi akaramba Petro here, uyo ainge amuramba katatu? Aiwa. Jesu akaziva kuti Petro akarwadziwa chaizvo nezvaakaita uye kuti aiva munhu akatendeka. Jesu paakanga amutswa, akazviratidza kuna Petro uye anogona kunge akamuratidza kuti ainge amuregerera uye kuti aimuda.—Ruka 24:33, 34.

7. Maererano naVaFiripi 4:5, tinoda kuzivikanwa sevanhu vakaita sei?

7 Taona kuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vanonzwisisa. Ko isu? Jehovha anoda kuti tive vanhu vanonzwisisa. (Verenga VaFiripi 4:5.) Mune imwe shanduro yeBhaibheri, vhesi iyi inoti: “Zivikanwai sevanhu vanonzwisisa.” Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Vanhu vanondiona semunhu anonzwisisa uye anobvumawo zvinodiwa nevamwe here, kana kuti vanondiona semunhu akaoma musoro? Ndinosimbirira pakuita kuti vamwe vaite zvinhu nenzira yandinofunga kuti ndiyo yazvinofanira kuitwa nayo here, kana kuti ndinoteererawo vamwe ndichibvuma zvavanoda pazvinenge zvakakodzera?’ Kunzwisisa kwatinoita kunoratidza kuti tiri papi pakutevedzera Jehovha naJesu. Ngatikurukurei mamiriro ezvinhu maviri angada kuti tive vanhu vanonzwisisa anoti: panochinja zvinhu muupenyu hwedu uye maonero edu nezvisarudzo zvedu pazvinosiyana nezvevamwe.

IVA MUNHU ANONZWISISA PANOCHINJA ZVINHU

8. Chii chingatibatsira kuti tive vanhu vanonzwisisa panochinja zvinhu? (Onawo mashoko emuzasi.)

8 Tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa panochinja zvinhu muupenyu hwedu. Kuchinja ikoko kunogona kuita kuti tisangane nematambudziko ataisambofungira. Tinogona kungoerekana tarwara zvakaipisisa. Kana kuti kuchinja kunoita zveupfumi munyika kana kuti zvematongerwo enyika kunogona kuita kuti upenyu hwedu huome chaizvo. (Mup. 9:11; 1 VaK. 7:31) Kunyange kuchinjwa kwatinoitwa kwekushandira musangano raJehovha kunogona kuva muedzo kwatiri. Pasinei nekuchinja kunenge kwaitika, tinogona kujairana nemamiriro ezvinhu matsva anenge avapo kana tikatevedzera matanho mana anoti: (1) bvuma zvinenge zvavapo, (2) ramba uchifunga nezveramangwana, (3) isa pfungwa pazvinhu zvakanaka, uye (4) batsira vamwe. b Ngationei zvakaitika kune vamwe vanhu kuti tione kuti kutora matanho aya kungatibatsira sei.

9. Mamwe mamishinari akakunda sei matambudziko aakaerekana asangana nawo?

9 Bvuma zvinenge zvavapo. Emanuele naFrancesca vakanzi vanoshumira kune imwe nyika semamishinari. Vachangotanga kudzidzira mutauro weko uye kuzivana nehama nehanzvadzi dzemuungano macho, COVID-19 yakabva yatanga uye vakanga vava kufanira kugara kwavo vega. Amai vaFrancesca vakabva vashaya. Francesca aida chaizvo kuva pamwe chete nevemumhuri make, asi COVID-19 yakamutadzisa kuendako. Akakwanisa sei kutsungirira dambudziko iri? Chekutanga, Emanuele naFrancesca vainyengetera pamwe chete kuna Jehovha vachikumbira uchenjeri hwekuti vakwanise kutsungirira zuva rimwe nerimwe. Jehovha aipindura minyengetero yavo panguva chaiyo achishandisa sangano rake. Semuenzaniso, vakakurudzirwa neimwe hama iyo yakataura mune imwe vhidhiyo kuti: “Tikakurumidza kubvuma zvinenge zvavapo, mufaro wedu unokurumidzawo kudzoka pamwe chete nemukana wekunyatsoshandisa mamiriro ezvinhu anenge avapo.” c Chechipiri, vakasarudza kuwedzera unyanzvi hwekuparidza nefoni uye vakatotanga kudzidza Bhaibheri nemumwe munhu. Chechitatu, vakabvuma kukurudzirwa uye kutsigirwa kwavaiitwa nehama dzemuungano. Imwe hanzvadzi yaivatumira meseji inenge iine vhesi yeBhaibheri zuva rimwe nerimwe kwegore rese. Isuwo patinogamuchira mamiriro ezvinhu anenge avapo, tichagutsikana nezvatinenge tichikwanisa kuita.

10. Imwe hanzvadzi yakakwanisa sei kuita maererano nezvakanga zvavapo pakachinja zvinhu zvakakura muupenyu hwayo?

10 Iva netariro nezveramangwana uye isa pfungwa pane zvinhu zvinovaka. Christina, imwe hanzvadzi yekuRomania iyo inogara kuJapan, akaora mwoyo ungano yeChirungu yaaipinda nayo payakavharwa. Asi haana kuramba achifunga zvakanga zvaitika. Pane kudaro, akasarudza kuita zvese zvaanogona muungano yemutauro wechiJapanese kuti aparidze mundima yemutauro iwoyo. Akakumbira mumwe waaimboshanda naye kuti amudzidzise kutaura chiJapanese zviri nani. Mukadzi wacho akabvuma kudzidzisa Christina chiJapanese achishandisa Bhaibheri nebhurocha rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Saka Christina akadzidza kutaura chiJapanese uye mukadzi wacho akatanga kufarira chokwadi. Patinobvisa pfungwa dzedu pane zvakaitika kare tova nemafungiro akanaka, kuchinja kunoerekana kwaitika muupenyu kunogona kuita kuti patozova nezvinhu zvakanaka zvataisambofungidzira.

11. Chii chakabatsira mumwe murume nemudzimai vaiva nematambudziko emari?

11 Batsira vamwe. Mumwe murume nemudzimai vanogara munyika yakarambidzwa basa redu vakatanga kuva nematambudziko emari upfumi hwemunyika yacho pahwakadzikira chaizvo. Vakakwanisa sei kujairana nezvakanga zvavapo? Chekutanga, vakatora matanho ekuti vararame nezvinhu zvishoma. Chechipiri, pane kuti vaise pfungwa pamatambudziko avo, vakatanga kufunga nezvekubatsira vamwe kuburikidza nekushandisa nguva yakawanda mubasa rekuparidza. (Mab. 20:35) Murume wacho akati, “Kuita zvakawanda muushumiri kwakaita kuti tisanyanye kufunga nezvematambudziko edu uye tive nenguva yakawanda yekufunga nezvekuita kuda kwaMwari.” Mamiriro ezvinhu paanochinja, tinofanira kuyeuka kukosha kwazvinoita kuti tirambe tichibatsira vamwe, kunyanya kuburikidza neushumiri hwedu hwechiKristu.

12. Muenzaniso wemuapostora Pauro ungatibatsira sei kuti tichinje maererano nekuchinja kunenge kuchiita zvinhu muushumiri hwedu?

12 Muushumiri hwedu tinofanira kuva vanhu vanokwanisa kuchinja maererano nezvinenge zviripo. Patinoparidza, tinosangana nevanhu vakasiyana pane zvavanotenda, tsika dzavo uye kwavanobva. Muapostora Pauro aikwanisa kuchinja, uye tinogona kudzidza kubva pamuenzaniso wake. Jesu akagadza Pauro kuti ave “muapostora kune mamwe marudzi.” (VaR. 11:13) Izvozvo zvakaita kuti Pauro aparidzire vaJudha, vaGiriki, vanhu vakadzidza, vanhu vekumaruwa, vanhu vanokudzwa uye madzimambo. Kuitira kuti abaye mwoyo yevanhu vakasiyana-siyana kudaro, Pauro akava “zvinhu zvese kuvanhu vakasiyana-siyana.” (1 VaK. 9:19-23) Ainyanya kufunga nezvetsika dzavo, makuriro avakaita nezvavaitenda, uye aichinja matauriro ake kuti aenderane nevanhu vaaikurukura navo. Isuwo tinogona kuwedzera kubudirira muushumiri hwedu kana tikashandisa nzira dzakasiyana-siyana uye tikachinja matauriro atinoita kuti aenderane nevateereri vedu.

REMEKEDZA MAONERO EVAMWE

Kana tiri vanhu vanonzwisisa, ticharemekedza maonero anoita vamwe (Ona ndima 13)

13. Ingozi ipi inotsanangurwa pana 1 VaKorinde 8:9 yatinogona kunzvenga kana tikaremekedza maonero evamwe?

13 Kunzwisisa kuchatibatsirawo kuti tiremekedze maonero evamwe. Semuenzaniso, dzimwe hanzvadzi dzedu dzinofarira kupoda-poda, asi dzimwe dzinosarudza kusadaro. Vamwe vaKristu vanonwa doro zvine mwero, asi vamwe vanosarudza kusarinwa. VaKristu vese vanoda kuva neutano hwakanaka, asi vanosarudza nzira dzakasiyana-siyana dzekuchengetedza utano hwavo. Kana tichiona sekuti zvatinoita ndizvo zvakanaka nguva dzese zvekuti tinoedza kuita kuti vanhu vari muungano vaitewo izvozvo, tinogona kugumbura vamwe uye kukonzera mapoka. Hatingambodi kuita zvakadaro! (Verenga 1 VaKorinde 8:9; 10:23, 24) Ngationei mienzaniso miviri inoratidza kuti kushandisa mazano eBhaibheri kunogona kutibatsira sei kuti tive vanhu vane maonero akanaka uye kuti tichengetedze rugare.

Kana tiri vanhu vanonzwisisa, ticharemekedza maonero anoita vamwe (Ona ndima 14)

14. Mazano api eBhaibheri atinofanira kufunga nezvawo panyaya yekupfeka uye kuratidzika?

14 Kupfeka nekuratidzika. Jehovha haatiudzi zvatinotofanira kupfeka, asi anotipa mazano atinofanira kushandisa panyaya yacho. Tinofanira kupfeka nenzira yakakodzera vashumiri vaMwari, tichiratidza kunzwisisa, kuva nemwero, uye “pfungwa dzakanaka.” (1 Tim. 2:9, 10; 1 Pet. 3:3) Saka hatidi kuti mapfekero edu aite kuti vanhu vanyanye kufunga nezvedu. Mazano eBhaibheri achabatsirawo vakuru kuti varege kuisa mitemo yavo panyaya dzekupfeka uye dzekugadzira bvudzi. Semuenzaniso, vakuru vemune imwe ungano vaida kubatsira hama dzechidiki dzakanga dzava kugerwa nenzira yaifarirwa chaizvo nevakawanda yekuva nebvudzi diki asi rakati nyangarara. Vakuru vacho vaizovabatsira sei asi vasingadziki mutemo? Mutariri wedunhu akavapa zano rekuti vaudze hama dzacho kuti, “Kana uri pachikuva uye vateereri vachinyanya kufunga nezvekuratidzika kwako kupfuura zvauri kutaura, pane dambudziko pamapfekero ako uye kuratidzika kwako.” Tsanangudzo iyi iri nyore yakagadzirisa nyaya yacho pasina mutemo wakadzikwa. d

Kana tiri vanhu vanonzwisisa, ticharemekedza maonero anoita vamwe (Ona ndima 15)

15. MuBhaibheri mune mitemo ipi nemazano zvinogona kutibatsira pakuita zvisarudzo zvine chekuita neutano hwedu? (VaRoma 14:5)

15 Kuchengetedza utano. MuKristu mumwe nemumwe anofanira kusarudza kuti ochengetedza sei utano hwake. (VaG. 6:5) VaKristu pavanenge vachisarudza marapirwo avanoda kuitwa, vanofanira kuteerera mitemo iri muBhaibheri yakadai seiya inotaura kuti varege ropa uye vasaita zvemidzimu. (Mab. 15:20; VaG. 5:19, 20) Asi kana ari mamwe marapirwo vanogona kuzvisarudzira havo vega. Vamwe vanogutsikana nekuenda kuchipatara asi vamwe vanosarudza mamwe marapirwo. Tinogona kunge tiine manzwiro akasimba ekuti kurapwa neimwe nzira kunobatsira kana kuti hakuna kunaka, asi tinofanira kuremekedza kodzero dzehama nehanzvadzi dzedu dzekusarudza dzega marapirwo adzinoda kuitwa. Panyaya iyi tinofanira kuramba tichifunga zvinhu 4 zvinotevera zvinoti: (1) Umambo hwaMwari chete ndihwo huchabvisa zvachose zvirwere zvese. (Isa. 33:24) (2) MuKristu mumwe nemumwe anofanira ‘kuva nechokwadi’ chekuti zvakanyatsomunakira ndezvipi panyaya dzeutano. (Verenga VaRoma 14:5.) (3) Hatitongi vamwe kana kuita chimwe chinhu chingavagumbura. (VaR. 14:13) (4) VaKristu vanoratidza rudo uye vanonzwisisa kuti kubatana muungano kunokosha chaizvo kupfuura maonero avanoita zvimwe zvinhu. (VaR. 14:15, 19, 20) Kana tikaramba tichifunga zvinhu izvi, ticharamba tiri pedyo nehama nehanzvadzi dzedu uye tichaita kuti muungano muve nerugare.

Kana tiri vanhu vanonzwisisa, ticharemekedza maonero anoita vamwe (Ona ndima 16)

16. Mukuru angaratidza sei kuti anonzwisisa paanenge aine vamwe vakuru? (Onawo mifananidzo.)

16 Vakuru vanofanira kuratidza muenzaniso wakanaka panyaya yekunzwisisa. (1 Tim. 3:2, 3) Semuenzaniso, mukuru haafaniri kutarisira kuti zvaanotaura ndizvo zvicharamba zvichigamuchirwa nekungoti chete iye ihama yakura muzera pane vamwe vakuru vese vanenge varipo. Anoziva kuti mweya waJehovha unogona kuita kuti chero imwe hama iri mudare revakuru itaure chimwe chinhu chinogona kuvabatsira kuita chisarudzo chakanaka. Uye kana vamwe vakuru vachibvumirana nechisarudzo chinenge chisingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri, mukuru anonzwisisa achatsigira chisarudzo ichocho, kunyange zvazvo achinzwa sekuti paigona kuitwa chimwe chisarudzo chakasiyana neichocho.

MAKOMBORERO ATINOWANA PATINOVA VANHU VANONZWISISA

17. VaKristu vanonzwisisa vanowana makomborero api?

17 Patinova vanhu vanonzwisisa, tinowana makomborero akawanda. Tinova neushamwari hwakanaka nehama nehanzvadzi dzedu, uye muungano munova nerugare. Tinonakidzwa nekuva pamwe chete nevanamati vaJehovha vakabatana avo vane unhu hwakasiyana-siyana netsika dzakasiyana-siyana. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti tinofara kuziva kuti tiri kutevedzera Mwari wedu anonzwisisa, Jehovha.

RWIYO 90 Kurudziranai

a Jehovha naJesu vanonzwisisa, uye vanodawo kuti tive vanhu vanonzwisisa. Kana tiri vanhu vanonzwisisa, zvichatiitira nyore kuti tiite zvinhu zvinoenderana nekuchinja kunenge kwaita zvinhu, sepaya patinorwara kana kuti patinenge tisisina mari. Tichaitawo kuti muungano muve nerugare uye kubatana.

b Ona nyaya inoti “Zvaungaita Upenyu Pahunochinja” iri muMukai! Nhamba 4 2016.

c Ona vhidhiyo inonzi Kukurukura naHama Dmitriy Mikhaylov, iri munyaya yakanzi “Jehovha Akaita Kuti Kutambudzwa Kugume Nekupa Uchapupu” iri muUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa March-April 2021.

d Kuti uwane mamwe mashoko panyaya yekupfeka uye kuratidzika, ona chidzidzo 52 mubhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!