Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 29

Wagadzirira Kutambudzika Kukuru Here?

Wagadzirira Kutambudzika Kukuru Here?

“Ivai vakagadzirira.”—MAT. 24:44.

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

ZVICHADZIDZWA a

1. Nei kuri kuchenjera kugadzirira njodzi?

 KUGADZIRIRA kunoponesa upenyu. Semuenzaniso, panoitika njodzi, vaya vanenge vakagadzirira vanowanzopona, uye vanokwanisa kubatsira vamwe. Rimwe sangano rekuEurope rinobatsira vanhu rakazvitaura richiti: “Kunyatsogadzirira kunoponesa.”

2. Nei tichifanira kugadzirira kutambudzika kukuru? (Mateu 24:44)

2 “Kutambudzika kukuru” kuchangoerekana kwatanga. (Mat. 24:21) Asi kusiyana nedzimwe njodzi, kutambudzika kukuru hakusi kuzouya munhu wese akavarairwa. Anenge makore 2 000 apfuura, Jesu akayambira vateveri vake kuti vagadzirire zuva iroro. (Verenga Mateu 24:44.) Kana takagadzirira, zvichava nyore kuti titsungirire nguva iyoyo yakaoma uye kuti tibatsire vamwe kuti vatsungirirewo.—Ruka 21:36.

3. Kutsungirira, tsitsi uye rudo zvichatibatsira sei kuti tigadzirire kutambudzika kukuru?

3 Funga nezvezvinhu zvitatu zvichatibatsira kugadzirira kutambudzika kukuru. Tichaita sei kana tikakumbirwa kuti tiparidze mashoko anorwadza emutongo asi topikiswa nevanhu vasingatendi? (Zvak. 16:21) Tichada kutsungirira kuti titeerere Jehovha, tichivimba kuti achatidzivirira. Tichaita sei kana hama dzedu dzikarasikirwa nezvimwe zvinhu zvadzo kana kuti zvese zvadziinazvo? (Hab. 3:17, 18) Tichada kuva netsitsi kuti tivape zvinhu zvekuvayamura. Tichaita sei kana tichifanira kugara pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu kwenguva yakati, nemhaka yekuti tinenge tichirwiswa nenyika dzinenge dzabatana? (Ezek. 38:10-12) Tichafanira kuvada zvakanyanya kuti tivabatsire panguva iyoyo yakaoma.

4. Bhaibheri rinoratidza sei kuti tinofanira kuramba tichitsungirira, tichiva netsitsi uye rudo?

4 Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tirambe tichitsungirira, tive netsitsi uye tive nerudo. Ruka 21:19 inoti: “Kana mukatsungirira, muchachengetedza upenyu hwenyu.” VaKorose 3:12 inoti: “Pfekai . . . tsitsi.” Uye 1 VaTesaronika 4:9, 10 inoti: “Imi munodzidziswa naMwari kuti mudanane. . . . Asi tinokukurudzirai hama, kuti murambe muchiwedzera pane zvamuri kuita.” Mavhesi ese aya akanyorerwa vadzidzi vakanga vachitotsungirira, vachiratidza tsitsi uye rudo. Asi vaifanira kuramba vachiita izvozvo. Tinofanirawo kuita izvozvo. Kuti tikwanise kudaro, tichakurukura kuti vaKristu vekutanga vakaratidza sei chimwe nechimwe chezvinhu izvozvo. Tichabva tazoona kuti tingatevedzera sei vadzidzi ivavo, toratidza kuti takagadzirira kutambudzika kukuru.

WEDZERA KUTSUNGIRIRA

5. VaKristu vekutanga vakaitei kuti vatsungirire matambudziko avaisangana nawo?

5 VaKristu vekutanga vaifanira kutsungirira. (VaH. 10:36) Vaisangana nematambudziko anosangana nevanhu vese, uyewo vaiva nematambudziko aikonzerwa nekuti vaiva vaKristu. Vakawanda vavo vaitambudzwa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha, nehurumende yeRoma, uyewo nemhuri dzavo. (Mat. 10:21) Uye muungano, dzimwe nguva vaifanira kurwisa kuti vasakanganiswa nedzidziso dzevakatsauka pakutenda idzo dzaigona kuita kuti muungano muve nemapoka. (Mab. 20:29, 30) Asi vaKristu ivavo vakatsungirira. (Zvak. 2:3) Vakakwanisa sei kutsungirira? Vakafungisisa mienzaniso yevanhu vakatsungirira vanotaurwa muBhaibheri vakadai saJobho. (Jak. 5:10, 11) Vainyengetera kuti vawane simba. (Mab. 4:29-31) Uye vakaramba vachiisa pfungwa dzavo pakukomborerwa kwavaizoitwa naJehovha kana vakatsungirira.—Mab. 5:41.

6. Unodzidzei pana Merita nezvekutsungirira paunopikiswa?

6 Isuwo tinogona kutsungirira kana tikagara tichidzidza uye tichifungisisa nezvevanhu vakatsungirira vanotaurwa muShoko raMwari uye mumabhuku edu. Merita, imwe hanzvadzi yekuAlbania, akaita izvozvo, uye akakwanisa kutsungirira kurohwa kwaaiitwa nevemumhuri make. Anoti: “Ndakabayiwa mwoyo chaizvo pandakadzidza nyaya iri muBhaibheri yaJobho. Akatambura zvakanyanya, uye kunyange zvazvo aisaziva kuti ndiani aikonzera matambudziko ake, akati: ‘Kusvikira ndafa, handizosiyi kuperera kwangu kuna Mwari!’ (Job. 27:5) Ndakaona kuti matambudziko andaisangana nawo pakanga pasina zviripo kana achienzaniswa neakasangana naJobho. Uye kusiyana naJobho, ini ndaiziva kuti ndiani aikonzera matambudziko angu.”

7. Kunyange tisiri kusangana nematambudziko akakura iye zvino, tinofanira kudzidza kuitei?

7 Tinogonawo kuwedzera kutsungirira kana tikagara tichinyengetera kuna Jehovha tichimuudza zviri kutinetsa. (VaF. 4:6; 1 VaT. 5:17) Zvimwe hausi kusangana nematambudziko akakura pari zvino. Kunyange zvakadaro, unotsvaga kutungamirirwa naJehovha here paunenge wakaora mwoyo, wakavhiringidzika kana kuti usingachazivi zvekuita? Kana ukagara uchinyengetera kuna Mwari wedu uchikumbira kubatsirwa pamatambudziko aunosangana nawo zuva rimwe nerimwe iye zvino, hazvizokuomeri kuita izvozvo paunosangana nematambudziko akakura mune ramangwana. Uchava nechokwadi chekuti anonyatsoziva nguva yakanaka yekukubatsira uye kuti anokubatsira sei.—Pis. 27:1, 3.

KUTSUNGIRIRA

Kutsungirira kwatinoita dambudziko rimwe nerimwe kunoita kuti tigone kugadzirira kuzotsungirira rinotevera (Ona ndima 8)

8. Zvakaitwa naMira zvinoratidza sei kuti kutsungirira matambudziko iye zvino kunogona kutibatsira kuti tizotsungirira mune ramangwana? (Jakobho 1:2-4) (Onawo mufananidzo.)

8 Tinogona kuzotsungirira pakutambudzika kukuru kana tichitsungirira matambudziko iye zvino. (VaR. 5:3) Nei tichigona kudaro? Hama dzakawanda dzakaona kuti muedzo mumwe nemumwe wekutenda wadzinotsungirira unodzibatsira kuti dzitsungirire muedzo unotevera. Pavanotsungirira dambudziko vachibatsirwa naJehovha, vanowedzera kuva nekutenda kwekuti anoda kuvabatsira. Kutenda kunobva kwavabatsira kuti vatsungirire dambudziko rinotevera. (Verenga Jakobho 1:2-4.) Mumwe piyona wekuAlbania anonzi Mira, akaona kuti kutsungirira kwaakamboita kunomubatsira kuti arambe achitsungirira. Anoti dzimwe nguva anonzwa sekuti ndiye ega ane matambudziko akawanda chaizvo. Asi anobva ayeuka kutsigirwa kwaakaitwa naJehovha mumakore 20 adarika, uye anobva azviudza kuti: ‘Ramba wakatendeka. Usarega kushumira Jehovha iye zvino pashure pekunge akubatsira kutsungirira matambudziko kwemakore akawanda.’ Iwewo unogona kufunga kuti Jehovha akambokubatsira sei kuti utsungirire. Iva nechivimbo chekuti pese paunotsungirira anozviona uye achakupa mubayiro. (Mat. 5:10-12) Pachatanga kutambudzika kukuru, uchange wadzidza kuti ungatsungirira sei uye uchava nechido chekuramba uchitsungirira.

RATIDZA KUTI UNONZWIRA VAMWE TSITSI

9. Ungano yaiva muAndiyoki yekuSiriya yakaratidza sei kuti yainzwira vamwe tsitsi?

9 Ona kuti chii chakaitika vaKristu vemuJudhiya pavakapinda munzara huru. Pashure pekunge vaKristu vemungano yaiva muAndiyoki yekuSiriya vanzwa nezvenzara iyoyo, zviri pachena kuti vakanzwira tsitsi hama dzavo dzekuJudhiya. Asi vakabva vaita chimwe chinhu kuti vabatsire hama nehanzvadzi dzavo. “Vakasarudza kutumira zvinhu zvekuyamura hama dzaigara muJudhiya, mumwe nemumwe achibvisa zvaaikwanisa.” (Mab. 11:27-30) Kunyange zvazvo hama dzakanga dzapinda munzara dzaigara kure, vaKristu vekuAndiyoki vaida chaizvo kudzibatsira.—1 Joh. 3:17, 18.

TSITSI

Njodzi dzinongoitika dzega dzinotipa mikana yekuratidza tsitsi (Ona ndima 10)

10. Tingaratidza sei kuti tinonzwira tsitsi hama nehanzvadzi dzedu dzinenge dzawirwa nenjodzi? (Onawo mufananidzo.)

10 Isuwo mazuva ano tinogona kuratidza kuti tinonzwira vamwe tsitsi patinoziva kuti hama nehanzvadzi dzedu dzawirwa nenjodzi. Tinokurumidza kukumbira kubatsira zvimwe nekubvunza vakuru kana tichigona kubatsira pane rimwe basa rinenge richida kuitwa, nekupa mupiro kubasa remunyika yese, kana kunyengeterera vaya vanenge vawirwa nenjodzi. b (Zvir. 17:17) Semuenzaniso, muna 2020, pakaumbwa Makomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi anopfuura 950 pasi rese kuti abatsire vaya vaida rubatsiro panguva yeCOVID-19. Tinoonga chaizvo vaya vanoshumira mumakomiti aya. Kunzwira tsitsi hama nehanzvadzi dzavo kwakaita kuti vaendese zvinhu zvadzaida, vadzibatsire kuti dzirambe dzichishumira Jehovha, uye pamwe pacho vagadzirise kana kuti kuvakazve misha uye nzvimbo dzekunamatira.—Enzanisa na2 VaKorinde 8:1-4.

11. Kubatsira kwatinoita vamwe kunokudza sei Baba vedu vekudenga?

11 Patinobatsira vanenge vawirwa nenjodzi, vamwe vanoona kuzvipira kwatinenge taita. Semuenzaniso, muna 2019, dutu rinonzi Hurricane Dorian rakaparadza Imba yeUmambo yekuBahamas. Hama dzedu padzaivakazve imba iyoyo yeUmambo dzakabvunza mumwe munhu asiri Chapupu kuti aizochaja mari yakawanda sei kuti aite rimwe basa raida kuitwa. Murume wacho akavaudza kuti: “Ndinodawo kupa chipo changu . . . Saka ndichaita basa racho ndichishandisa michina yangu uye ndichatenga zvinhu zvinoda kushandiswa pabasa racho. . . . Ndiri kuda kuitira izvi sangano renyu. Ndinobayiwa mwoyo nerudo rwamunoratidza vamwe venyu.” Ruzhinji rwevanhu vari munyika haruzivi Jehovha. Asi vakawanda vavo vanoona zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha pakubatsira vamwe. Tinofara chaizvo patinobatsira vamwe. Izvi zvinogona kuita kuti vamwe vade kuziva zvakawanda nezvaJehovha uyo ane ‘ngoni huru’!—VaEf. 2:4.

12. Kunzwira vamwe tsitsi iye zvino kunotibatsira sei kuti tigadzirire kutambudzika kukuru? (Zvakazarurwa 13:16, 17)

12 Nei tichizofanira kubatsira vamwe panguva yekutambudzika kukuru? Bhaibheri rinoratidza kuti vaya vasiri kuzotsigira zvematongerwo enyika vachasangana nematambudziko iye zvino uye pakutambudzika kukuru. (Verenga Zvakazarurwa 13:16, 17.) Hama nehanzvadzi dzedu dzingazoda kubatsirwa kuti dziwane zvadzinoda kuti dzirarame. Mambo wedu Kristu Jesu paachauya kuzotonga vanhu, dai akatiwana tichibatsira vamwe otikoka kuti ‘tizogara nhaka yeUmambo.’—Mat. 25:34-40.

WEDZERA KUDA KWAUNOITA HAMA NEHANZVADZI DZAKO

13. Sezvinoratidzwa pana VaRoma 15:7, vaKristu vekutanga vakawedzera sei kudanana kwavaiita?

13 VaKristu vekutanga vaizivikanwa nekudanana. Asi zvaiva nyore here kwavari kuti vadanane? Funga nezvekusiyana-siyana kwainge kwakaita vanhu vaiva muungano yemuRoma. Pakati pavo paisangova nevaJudha chete, avo vainge vakarerwa vachiteerera Mutemo waMozisi, asi paivawo nevanhu Vemamwe Marudzi avo vaiva netsika dzainge dzakatosiyana nedzavo. Vamwe vaKristu vangangodaro vaiva varanda, nepo vamwe vaiva vanhu vakasununguka. Zvichida vamwe vaitova nevaranda. VaKristu ava vaizokunda sei kusiyana-siyana kwavainge vakaita, vowedzera kudanana? Muapostora Pauro akavakurudzira kuti ‘vagamuchirane.’ (Verenga VaRoma 15:7.) Airevei? Shoko rinoshandurwa kuti ‘gamuchirai’ rinoreva kubata muenzi zvakanaka kana kuva neushamwari naye. Semuenzaniso, Pauro akaudza Firimoni kuti agamuchire Onisimo, muranda akanga atiza, achiti: “Mugamuchire zvakanaka.” (Fir. 17) Uye Prisira naAkwira vakagamuchira Aporo, uyo aiva nezvishoma zvaaiziva nezvechiKristu kuburikidza ‘nekumutora’ kuti vagare naye. (Mab. 18:26) Pane kuti vaKristu ivavo vaparadzaniswe nekusiyana-siyana kwavainge vakaita, havana kurega kusiyana ikoko kuchikonzera matambudziko pakati pavo, uye vakagamuchirana zvakanaka.

RUDO

Tinofanira kuda hama nehanzvadzi dzedu dzese (Ona ndima 15)

14. Anna nemurume wake vakaratidza sei kuti vaida hama nehanzvadzi dzavo?

14 Isuwo tinogona kuratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nekushamwaridzana nadzo. Kakawanda kacho zvichaita kuti vatidewo. (2 VaK. 6:11-13) Funga zvakaitika kuna Anna nemurume wake. Vachangotamira kuWest Africa semamishinari, chirwere cheCOVID-19 chakabva chatanga. Sezvo vainge vachangosvika, vaisakwanisa kuonana nevamwe vemuungano yavo. Vaizokwanisa sei kuratidza kuti vaida hama nehanzvadzi dzavo? Vaikurukura nadzo vachionana pamavhidhiyo uye vaidziudza kuti vaida chaizvo kuzivana nadzo. Hama idzi dzakabayiwa mwoyo nezvakaitwa nemamishinari aya, uye zvakaita kuti dzifonerewo mamishinari acho nekuatumira mameseji. Nei mamishinari aya akaedza kuziva hama nehanzvadzi dzemuungano yavo itsva? Anna anoti, “Rudo rwandakaratidzwa nemhuri yangu panguva dzakanaka uye panguva dzakaoma rwakadzika midzi mumwoyo mangu nemupfungwa dzangu uye runoita kuti ndiratidzewo vamwe rudo.”

15. Unodzidzei pamuenzaniso waVanessa nezvekuda hama nehanzvadzi dzedu dzese? (Onawo mufananidzo.)

15 Vakawanda vedu tiri muungano dzine hama nehanzvadzi dzinobva kwakasiyana-siyana uye dzine unhu hwakasiyana-siyana. Tinogona kuwedzera kuda kwatinovaita vese nekuisa pfungwa dzedu paunhu hwavo hwakanaka. Vanessa, uyo anoshumira kuNew Zealand, aiona zvakaoma kuti awirirane nevamwe vemuungano make. Asi akabva asarudza kuti pane kuti atambire kure nevaya vaiva neunhu hwaimusvota, akawedzera nguva yekuva navo. Kuita izvozvo kwakamubatsira kuona zvinodiwa naJehovha pavari. Anoti: “Kubva murume wangu paakava mutariri wedunhu, tinosangana nehama nehanzvadzi dzakawanda dzine unhu hwakasiyana-siyana, uye zvinondiitira nyore kuti ndiwirirane nadzo. Iye zvino ndava kufarira kusiyana-siyana kwavakaita. Zviri pachena kuti Jehovha anodawo izvozvo nekuti akaita kuti tive pakati pevanhu vakasiyana-siyana vanomunamata.” Patinodzidza kuona vamwe semaonerwo avanoitwa naJehovha, tinoratidza kuti tinovada.—2 VaK. 8:24.

Pakutambudzika kukuru, Jehovha anovimbisa kuti achatidzivirira kana tikaramba tichimushumira pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu (Ona ndima 16)

16. Nei tichizofanira kuda hama nehanzvadzi dzedu pakutambudzika kukuru? (Onawo mufananidzo.)

16 Tichafanira kuda hama nehanzvadzi dzedu pakutambudzika kukuru. Kana kutambudzika ikoko kwatanga Jehovha achatidzivirira sei? Funga zvaakaudza vanhu vake kuti vaite pakarwiswa Bhabhironi. Akati: “Endai vanhu vangu, mupinde mudzimba dzenyu dzemukati, muvhare masuo. Hwandai kwenguva pfupi kusvikira kutsamwa kwapfuura.” (Isa. 26:20) Zvinoita sekuti mashoko iwayo achashandawo kwatiri pakutambudzika kukuru. ‘Dzimba dzemukati’ dzingangoreva ungano dzedu. Pakutambudzika kukuru, Jehovha anovimbisa kuti achatidzivirira kana tikaramba tichimushumira pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu. Saka tinofanira kushanda nesimba iye zvino kuti tinyatsoda hama nehanzvadzi dzedu. Izvozvo zvinogona kuita kuti tipone!

GADZIRIRA IYE ZVINO

17. Kana tikagadzirira iye zvino, tichakwanisa kuitei pakutambudzika kukuru?

17 “Zuva guru raJehovha” ichange iri nguva yakaoma chaizvo kuvanhu vese. (Zef. 1:14, 15) Vanhu vaJehovha vachatamburawo. Asi kana tikagadzirira iye zvino, tichakwanisa kuramba takadzikama uye tichibatsira vamwe. Tichatsungirira chero dambudziko ratingasangana naro. Hama nehanzvadzi dzedu padzichatambura, tichaita zvese zvatinogona kuti tidzibatsire kuburikidza nekudzinzwira tsitsi uye kudzipa zvadzinoda pakurarama. Uye kana tikadzidzira kuda hama nehanzvadzi dzedu iye zvino, zvichatiitira nyore kuzodzida mune ramangwana. Jehovha achabva atipa mubayiro weupenyu husingaperi munyika inenge isisina zvachose njodzi nematambudziko.—Isa. 65:17.

RWIYO 144 Ramba Wakatarisa Mubayiro!

a Kutambudzika kukuru kuchatanga munguva pfupi iri kuuya. Kuti tigadzirire nguva iyoyo yakaoma zvikuru kupfuura dzese munhoroondo yevanhu, tinofanira kuva vanhu vano- tsungirira, vanonzwira vamwe tsitsi uye vane rudo. Ngationei kuti vaKristu vekutanga vakadzidza sei kuratidza unhu uhwu, uye kuti tingavatevedzera sei mazuva ano, uyewo kuti unhu uhwu hungatibatsira sei kugadzirira kutambudzika kukuru kuri kuuya.

b Vaya vanoda kubatsira panenge paitika njodzi vanofanira kutanga vazadza fomu reLocal Design/Construction Volunteer Application (DC-50) kana kuti reApplication for Volunteer Program (A-19) vomirira kuti vakokwe kuzobatsira.