Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Pakudzidza

Zvaungaita Pakudzidza

Ndezvipi Zvaunofanira Kutanga Kudzidza?

Tese zvedu tine nguva shoma yekudzidza tiri tega. Tingashandisa sei nguva iyoyo zvakanyatsonaka? Chekutanga, chese chaunoverenga chipe nguva yakakwana. Uchanyatsobatsirwa kana ukadzidza zvakadzama zvinhu zvishoma pane kuti uverenge zvakawanda uchimhanya.

Chibva waronga zvaunoda kudzidza. (VaEf. 5:15, 16) Ona mazano anotevera:

  • Verenga Bhaibheri mazuva ese. (Pis. 1:2) Vhiki rega rega, zvinogona kukubatsira kana ukatanga nekuverenga zvitsauko zveBhaibheri zvatinodzidza pamusangano wepakati pevhiki.

  • Gadzirira Chidzidzo cheNharireyomurindi uye misangano yepakati pevhiki. Nyatsogadzirira kuti uzopindura.—Pis. 22:22.

  • Wanawo nguva yekufambirana nezvimwe zvekudya zvekunamata, zvakadai semagazini edu everuzhinji, mavhidhiyo, uye zvimwe zvinobuda pajw.org.

  • Dzidza imwe nyaya inokunakidza. Unogona kutsvakurudza nyaya ine chekuita nedambudziko rauri kusangana naro, mubvunzo wauinawo, kana kuti imwe nyaya yemuBhaibheri yaunoda kunyatsonzwisisa. Kuti uwane dzimwe nyaya, enda pachikamu chakanzi “Nyaya dzomuBhaibheri Dzokudzidza” chiri pajw.org.