Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 27

RWIYO 73 Tipeiwo Ushingi

Iva Neushingi saZadhoki

Iva Neushingi saZadhoki

“Zadhoki [aiva] jaya raiva nesimba uye rakashinga.”1 MAK. 12:28.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti muenzaniso waZadhoki unotibatsira sei kuti tive neushingi.

1-2. Zadhoki aiva ani? (1 Makoronike 12:​22, 26-28)

 FUNGIDZIRA zvinotevera zvichiitika. Varume vanopfuura 340 000 vakanga vakaungana kuti vagadze Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri yese. Kwemazuva matatu, varume ava vakanga vari mumakomo ari pedyo neHebroni. Vaikurukura vachifara uye vachiimba nziyo dzekurumbidza Jehovha. (1 Mak. 12:39) Pakati pavo paiva nerimwe jaya rainzi Zadhoki. Vanhu vakawanda vanogona kunge vasina kumbofunga nezvake. Asi Jehovha akava nechokwadi chekuti taizoziva kuti Zadhoki aivapo. (Verenga 1 Makoronike 12:​22, 26-28.) Zadhoki aiva ani?

2 Zadhoki aiva mupristi aishanda pamwe chete neMupristi Mukuru Abhiyatari. Zadhoki aivawo muoni uyo aikwanisa kunzwisisa zvaidiwa naMwari uyewo akapiwa uchenjeri hunoshamisa. (2 Sam. 15:27) Vanhu vaienda kuna Zadhoki pavaida mazano uye aivabatsira. Aivawo murume ane ushingi. Munyaya ino tichanyanya kutaura nezveushingi hwaaiva nahwo.

3. (a) Nei vanamati vaJehovha vachifanira kuva neushingi? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Mumazuva ano ekupedzisira, Satani ari kuwedzera kurwisa vanhu vaMwari. (1 Pet. 5:8) Saka tinofanira kuva neushingi takamirira kuti Jehovha aparadze Satani nenyika yake yakaipa. (Pis. 31:24) Ngatikurukurei nzira nhatu dzatinogona kutevedzera ushingi hwaZadhoki.

TSIGIRA UMAMBO HWAMWARI

4. Nei vanhu vaJehovha vachida ushingi hwekutsigira Umambo hwaMwari? (Onawo mufananidzo.)

4 Sezvo tiri vanhu vaJehovha, tinotsigira nemwoyo wese Umambo hwaMwari, asi zvinoda ushingi kuti tidaro. (Mat. 6:33) Semuenzaniso, munyika ino yakaipa tinoda ushingi hwekurarama tichiteerera mitemo yaJehovha uye hwekuparidza mashoko akanaka eUmambo. (1 VaT. 2:2) Uye zvinoda ushingi kuti tirambe tisingapindiri mune zvematongerwo enyika munyika ino iri kuwedzera kusabatana. (Joh. 18:36) Vanhu vaJehovha vakawanda vakarasikirwa nemari, vakarohwa kana kuti kuiswa mumajeri nekuti havaiti zvematongerwo enyika kana kuita mabasa echiuto.

Vamwe pavanopindira mune zvematongerwo enyika, uchaita sei? (Ona ndima 4)


5. Nei Zadhoki aida ushingi kuti atsigire Dhavhidhi?

5 Zadhoki haana kuenda kuHebroni kuti angopemberera kugadzwa kwaDhavhidhi samambo. Akaenda aine zvombo uye akagadzirira kurwa. (1 Mak. 12:38) Aida kuenda naDhavhidhi muhondo uye kudzivirira Israeri pavavengi vayo. Zadhoki anogona kunge asina kurwa hondo dzakawanda, asi aiva neushingi.

6. Dhavhidhi akaratidza muenzaniso upi wakanaka wekuti Zadhoki atevedzere? (Pisarema 138:3)

6 Zadhoki uyo aiva mupristi, akadzidzepi kuva neushingi? Ainge ari pakati pevarume vakasimba uye vakashinga. Zviri pachena kuti akadzidza kwavari. Semuenzaniso, ushingi hwaDhavhidhi ‘pakutungamirira vaIsraeri pavaienda kunorwa,’ hwakaita kuti vaIsraeri vese vamutsigire nemwoyo wese. (1 Mak. 11:​1, 2) Dhavhidhi aigara achivimba naJehovha kuti amubatsire kurwisa vavengi vake. (Pis. 28:7; verenga Pisarema 138:3.) Zadhoki akadzidzawo pane vamwe varume vakashinga vakadai saJehoyadha nemwanakomana wake Bhenaya, uyo aiva murwi pamwe chete nevamwe vakuru 22 vemadzinza vaitsigira Dhavhidhi. (1 Mak. 11:​22-25; 12:​26-28) Varume vese ava vaida kuti Dhavhidhi ave mambo wavo uye vaida kumudzivirira.

7. (a) Mienzaniso ipi yevanhu vemazuva ano yatinogona kudzidza pairi? (b) Unodzidzei pane zvakaitwa naHama Nsilu sezvinoratidzwa muvhidhiyo?

7 Tinowana simba neushingi patinofunga nezvemienzaniso yevaya vakatsigira utongi hwaJehovha neushingi. Mambo wedu Kristu Jesu akaramba zvakasimba muedzo wekupinda mune zvematongerwo enyika. (Mat. 4:​8-11; Joh. 6:​14, 15) Aigara achivimba nesimba raJehovha. Tinewo mienzaniso yakawanda yevarume vechidiki vemazuva ano vakaramba kupinda muchiuto kana kubatanidzwa mune zvematongerwo enyika. Unogona kutsvaga nyaya dzavo pajw.org. a

BATSIRA HAMA DZAKO

8. Ndepapi pangada kuti vakuru vave neushingi kuitira kuti vabatsire hama dzavo?

8 Vanhu vaJehovha vanoda kubatsirana. (2 VaK. 8:4) Asi dzimwe nguva zvinoda ushingi kuti vadaro. Semuenzaniso, panoitika hondo, vakuru vanoona kuti hama nehanzvadzi dzavo dzinoda kukurudzirwa kana kutsigirwa, uye pamwe pacho kupiwa zvekudya zvekunamata kana kuti zvinhu zvekurarama nazvo. Vakuru vanoda hama dzavo uye izvi zvinoita kuti vaise upenyu hwavo pangozi kuitira kuti vadzipe zvadzinoda. (Joh. 15:​12, 13) Pavanoita izvi vanenge vachitevedzera ushingi hwaZadhoki.

9. Sezvakanyorwa pana 2 Samueri 15:​27-29, Dhavhidhi akaudza Zadhoki kuti aitei? (Onawo mufananidzo.)

9 Upenyu hwaDhavhidhi hwaiva mungozi. Mwanakomana wake Absaromu aida kumubvutira umambo. (2 Sam. 15:​12, 13) Dhavhidhi aifanira kubuda muJerusarema nekukurumidza! Akaudza varanda vake kuti: “Simukai titize, nekuti tese tingaurayiwa naAbsaromu!” (2 Sam. 15:14) Varanda vacho pavaitiza, Dhavhidhi akaona kuti paifanira kuva nemumwe munhu anosara muJerusarema kuitira kuti arambe achimuudza zvairongwa naAbsaromu. Saka akaudza Zadhoki nevamwe vapristi kuti vadzokere muguta kuitira kuti vapote vachimuudza zvaiitika. (Verenga 2 Samueri 15:​27-29.) Vaifanira kunyatsongwarira. Zvakaudzwa vapristi ivavo naDhavhidhi zvaiva nengozi uye zvaigona kutovaurayisa. Fungidzira kuti Absaromu, murume aizvikudza, aida zvekutsiva uye aiva neunyengeri, aizoita sei kuna Zadhoki nevamwe vapristi kana akaziva kuti vaiudza Dhavhidhi zvaaironga kumuitira.

Dhavhidhi akatuma Zadhoki kuti aite basa raigona kumuurayisa (Ona ndima 9)


10. Zadhoki nevarume vaaiva navo vakachengetedza sei Dhavhidhi?

10 Dhavhidhi aiva neimwe shamwari yakavimbika yainzi Hushai, uye akaikumbira pamwe chete naZadhoki kuti vamubatsire pane zvaaironga. (2 Sam. 15:​32-37) Achiteerera zano iroro, Hushai akanyepedzera kutsigira Absaromu akamupa zano rekuti angarwisa sei Dhavhidhi. Izvi zvakapa Dhavhidhi nguva yekuti agadzirire kurwiswa kwaaizoitwa. Hushai akabva audza Zadhoki naAbhiyatari nezvezano racho. (2 Sam. 17:​8-16) Varume vaviri ava vakabva vatumira shoko kuna Dhavhidhi. (2 Sam. 17:17) Vachibatsirwa naJehovha, Zadhoki nevamwe vapristi vakaita basa rinokosha pakuchengetedza upenyu hwaDhavhidhi.—2 Sam. 17:​21, 22.

11. Tingatevedzera sei ushingi hwaZadhoki patinenge tichibatsira hama dzedu?

11 Kana tikakumbirwa kuti tibatsire hama dzedu padzinenge dziri pangozi, tingaratidza sei ushingi sehwaiva naZadhoki? (1) Tevedzera mirayiridzo. Kana tiri mumamiriro ezvinhu ane ngozi, zvinokosha kuti tirambe takabatana. Tevedzera mirayiridzo yatinopiwa nehofisi yebazi. (VaH. 13:17) Vakuru vanofanira kugara vachidzokorora mirayiridzo ine chekuita nekugadzirira njodzi uye kuziva zvekuita panoitika njodzi. (1 VaK. 14:​33, 40) (2) Iva neushingi asi ramba wakangwarira. (Zvir. 22:3) Shandisa pfungwa. Ita zvese zvaunogona kuti usava pangozi. (3) Vimba naJehovha. Yeuka kuti Jehovha anoda kuti iwe nehama dzako munge makachengeteka. Anogona kukubatsira kuti uyamure hama dzako nenzira isina ngozi.

12-13. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Viktor naVitalii? (Onawo mufananidzo.)

12 Funga zvakaitwa naViktor naVitalii, hama mbiri dzaiendesera hama nehanzvadzi chikafu nemvura muUkraine. Viktor anoti: “Taitsvaga zvekudya kwese kwese. Kakawanda kacho tainzwa pfuti dzichirira. Imwe hama yakapa sechipo chikafu chayainge yakachengeta. Chikafu ichi chakaita kuti vaparidzi vakawanda vawane zvekudya kwekanguva. Pataiisa zvinhu zvacho mumota yedu, pane bhomba rakawira anenge mamita 20 kubva pataiva. Zuva racho rese ndaikumbira Jehovha kuti andipe ushingi hwekuti ndirambe ndichibatsira vaparidzi.”

13 “Zvaida ushingi hwakakura chaizvo,” anodaro Vitalii. “Ndakaita maawa 12 kuti ndisvike pandaizotanga kusiya zvinhu zvekuyamura. Ndainyengetera kuna Jehovha munzira mese.” Vitalii aiva neushingi asi aingwarirawo zvaaiita. Anowedzera kuti: “Ndakaramba ndichikumbira Jehovha kuti ndive neuchenjeri uye ndisaite zvinhu zvinondipinza pangozi pasina chikonzero chakanaka. Ndaingofambira munzira dzaibvumirwa. Ndakabatsirwa nekuzvionera ndega kushanda kwaiita hama nehanzvadzi pamwe chete. Dzaibvisa zvinhu zvainge zvakavhara mugwagwa, dzaiunganidza zvinhu zvekuyamura dzichizviisa mumota, uye dzaitipa zvekudya nepekurara pataiva parwendo.”

Zvinhu pazvinenge zvisina kumira zvakanaka, iva neushingi asi ramba wakangwarira paunenge uchibatsira hama dzako (Ona ndima 12-13)


RAMBA WAKAVIMBIKA KUNA JEHOVHA

14. Chii chinogona kuitika kwatiri kana mumwe munhu watinoda akasiya Jehovha?

14 Rimwe rematambudziko akanyanya kuoma ratingasangana naro nderekuti hama yedu yepedyo kana kuti shamwari inosiya Jehovha. (Pis. 78:40; Zvir. 24:10) Kana munhu iyeye tichimuda zvikuru, zvinenge zvakaoma chaizvo kuti tigamuchire zvinenge zvavapo. Kana zvinhu zvinorwadza zvakadaro zvakamboitika kwauri, kuvimbika kwaZadhoki kunogona kukusimbisa.

15. Nei Zadhoki aida ushingi kuti arambe akavimbika kuna Jehovha? (1 Madzimambo 1:​5-8)

15 Zadhoki akaramba akavimbika kuna Jehovha shamwari yake yepedyo Abhiyatari paakasarudza kupanduka. Izvi zvakaitika mumakore ekupedzisira ekutonga kwaDhavhidhi. Dhavhidhi paakanga akwegura ava pedyo nekufa, mwanakomana wake Adhonija akaedza kutora chigaro cheumambo chakanga chavimbiswa Soromoni naJehovha. (1 Mak. 22:​9, 10) Abhiyatari akasarudza kutsigira Adhonija. (Verenga 1 Madzimambo 1:​5-8.) Paakaita izvozvo, Abhiyatari aipandukira vese vari vaviri Dhavhidhi naJehovha. Fungidzira kurwadziwa uye kuora mwoyo kwakaita Zadhoki. Kwemakore anopfuura 40 iye naAbhiyatari vakanga vashanda pamwe chete sevapristi. (2 Sam. 8:17) Vakanga vashanda vese pamabasa ane chekuita ‘neAreka yaMwari wechokwadi.’ (2 Sam. 15:29) Pakutanga, varume vaviri ava vakanga vatsigira Dhavhidhi samambo wavo uye vakaita zvimwe zvinhu zvakawanda mubasa raJehovha.—2 Sam. 19:​11-14.

16. Chii chingangodaro chakabatsira Zadhoki kuti arambe akavimbika?

16 Zadhoki akaramba akavimbika kuna Jehovha pasinei nekupanduka kwaAbhiyatari. Dhavhidhi aiziva kuti aigona kuvimba naZadhoki nguva dzese. Zvainge zvarongwa naAdhonija pazvakafumurwa, Dhavhidhi akasarudza Zadhoki, Natani, naBhenaya kuti vazodze Soromoni samambo. (1 Madz. 1:​32-34) Kuva nevamwe vanamati vaJehovha vakavimbika vakadai saNatani nevamwe vaitsigira Mambo Dhavhidhi, kunofanira kunge kwakasimbisa uye kwakakurudzira Zadhoki. (1 Madz. 1:​38, 39) Soromoni paakava mambo, “akagadza mupristi Zadhoki panzvimbo yaAbhiyatari.”—1 Madz. 2:35.

17. Ungatevedzera sei Zadhoki kana mumwe munhu wepedyo akasarudza kusiya Jehovha?

17 Ungatevedzera sei Zadhoki? Kana mumwe munhu wepedyo akasarudza kusiya Jehovha, ratidza Jehovha kuti unoda kuramba wakavimbika kwaari. (Josh. 24:15) Jehovha achakupa simba neushingi zvaunoda kuti uite zvakarurama. Nyengetera kwaari uye ramba uri pedyo nevamwe vanamati vake vakavimbika. Jehovha anokoshesa kuvimbika kwako uye achakupa mubayiro wekuita izvozvo.—2 Sam. 22:26.

18. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Marco naSidse?

18 Funga zvakaitika kuna Marco nemudzimai wake Sidse, avo vane vanasikana vaviri vakasiya chokwadi. Marco anoti: “Kubva pazuva rinoberekwa vana vako, unovada chaizvo. Unoita chero chii zvacho kuti uvadzivirire kuti vasakuvadzwa. Saka pavanosarudza kusiya Jehovha, zvinorwadza chaizvo.” Anoenderera mberi achiti: “Asi Jehovha ari kutibatsira kuti titsungirire. Ari kuva nechokwadi chekuti pandinenge ndisina simba, mudzimai wangu anenge akasimba uye paanenge asina simba, ini ndinenge ndakasimba.” Sidse anowedzera kuti: “Tingadai tisina kukwanisa kutsungirira kudai Jehovha asina kutipa simba rataida. Ndainzwa sekuti zvakaitwa nevanasikana vedu yaiva mhosva yangu. Saka ndakaudza Jehovha manzwiro andaiita. Pashure pekanguva, imwe hanzvadzi yandakanga ndava nemakore ndisati ndaona yakauya kwandiri ikandibata pamapfudzi ndokunditarisa mumaziso ikati: ‘Sidse, yeuka kuti haisi mhosva yako.’ Ndichibatsirwa naJehovha, ndakakwanisa kuramba ndichifara pakumushumira.”

19. Chii chaunoda kuramba uchiita?

19 Jehovha anoda kuti vanamati vake vese vave neushingi sezvainge zvakaita Zadhoki. (2 Tim. 1:7) Asi haadi kuti tivimbe nesimba redu. Anoda kuti tivimbe naye. Saka paunenge uri mumamiriro ezvinhu ekuti unoda ushingi, nyengetera kuna Jehovha. Unogona kuva nechokwadi chekuti achaita kuti uve neushingi saZadhoki!—1 Pet. 5:10.

RWIYO 126 Rambai Makamuka Uye Mirai Makasimba