Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 29

RWIYO 121 Tinofanira Kuzvidzora

Ramba Uchingwarira Muedzo

Ramba Uchingwarira Muedzo

“Rambai makarinda uye rambai muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”MAT. 26:41.

ZVATICHADZIDZA

Nyaya ino ichatiyeuchidza kuti tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tisaita chivi. Ichatibatsirawo kungwarira zvinhu zvinogona kuita kuti tipedzisire taita chivi chakakura.

1-2. (a) Jesu akapa vadzidzi vake yambiro ipi? (b) Nei vadzidzi vaJesu vakamusiya? (Onawo mifananidzo.)

 “MWEYA unoda zvawo, asi nyama haina simba.” a (Mat. 26:41b) Nemashoko iwayo Jesu akaratidza kuti ainzwisisa kuti tine chivi uye tinotadza. Asi mashoko ake anotiyambirawo kuti tisanyanya kuzvivimba. Maawa mashomanana Jesu asati ataura mashoko aya, vadzidzi vake vakanga vavimbisa kuti vaisazombomusiya. (Mat. 26:35) Vaida kuita zvakanaka. Asi havana kuziva kuti panguva iyoyo yakaoma, zvaizova nyore chaizvo kuti vashaye simba rekuita zvakanaka vobva vaita zvakaipa. Ndosaka Jesu akavayambira kuti: “Rambai makarinda uye rambai muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”—Mat. 26:41a.

2 Zvinosuwisa kuti vadzidzi vakatadza kuramba vakarinda. Jesu paakasungwa, vakaramba vainaye here kana kuti vakatya ndokutiza? Sezvo vasina kuramba vakarinda, vadzidzi vakaita chaizvo zvavakanga vataura kuti vaisazomboita. Vakasiya Jesu.—Mat. 26:56.

Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti varambe vakarinda uye vangwarire muedzo, asi vakamusiya (Ona ndima 1-2)


3. (a) Kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha, nei tisingafaniri kufunga kuti nguva dzese ticharamba tiine simba rekuita zvakarurama? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Hatifaniri kufunga kuti nguva dzese ticharamba tiine simba rekuita zvakarurama. Ichokwadi kuti takatsunga kusaita chero chii zvacho chisingafadzi Jehovha. Asi tinoziva kuti tine chivi uye zviri nyore kuti tiedzwe kuita zvinhu zvakaipa. (VaR. 5:12; 7:​21-23) Tisingazvifungiri, tinogona kuva pamuedzo wakakura wekuita chinhu chakaipa. Kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha neMwanakomana wake, tinofanira kuteerera zano raJesu rekuti tirambe takangwarira kuti tisava pamuedzo wekuita chivi. Nyaya ino ichatibatsira kuita izvozvo. Tichatanga nekukurukura kuti tinofanira kunyanya kungwarira pazvinhu zvakaita sei. Tichabva tazokurukura kuti zvii zvatingaita kuti tisava pamuedzo. Tichapedzisa nekukurukura kuti tingaitei kuti tirambe takangwarira.

TINOFANIRA KUNGWARIRA PAZVINHU ZVAKAITA SEI?

4-5. Nei tichifanira kungwarira kunyange zvivi zvidiki?

4 Kunyange zvivi zvidiki zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Uyewo zvinogona kuita kuti tiite zvivi zvakakura.

5 Tese tinotarisana nemuedzo wekuita chivi. Asi mumwe nemumwe wedu ane paasina kusimba, pangava pakuita zvivi zvakakura, kuita zvinhu zvisina kuchena, kana kuva nemafungiro enyika. Semuenzaniso, mumwe munhu anogona kunge achirwisa muedzo wekuita upombwe. Mumwe angava pamuedzo wakasimba wekuita zvinhu zvisina kuchena zvakadai sebonhora kana kuti kuona zvinonyadzisira. Uye mumwe munhu angave achirwisa kuti asakurumidza kutsamwa, asazvikudza kana kuti asarega kutya zvinofungwa nevamwe kuchimutadzisa kuita zvakarurama. Sezvakataurwa naJakobho, “mumwe nemumwe anoedzwa paanotorwa mwoyo, oputirwa neruchiva rwake.”Jak. 1:14.

6. Ndezvipi zvatinofanira kubvuma?

6 Unoziva here zvinhu zvinonyanya kukuedza? Zvine ngozi kuzvinyepera kuti hatina patisina kusimba kana kufunga kuti takanyanya kusimba zvekuti hatiiti zvakaipa. (1 Joh. 1:8) Yeuka kuti Pauro akaratidza kuti kunyange vaya “vakasimba pamweya” vanogona kukundwa nemuedzo kana vakasangwarira. (VaG. 6:1) Tinofanira kuzviudza chokwadi tobvuma kuti pane patisina kusimba.—2 VaK. 13:5.

7. Chii chatinofanira kunyanya kungwarira kuti tizvidzivirire? Taura muenzaniso.

7 Kana tangoziva zvinhu zvinonyanya kutiedza, tinofanira kuitei? Tinofanira kushanda nesimba kuti tikwanise kurwisa miedzo yacho! Semuenzaniso, panguva dzakanyorwa Bhaibheri, chikamu chainge chisina kunyanya kusimba parusvingo rweguta aiva magedhi aro. Ndosaka magedhi ari iwo ainyanya kurindwa. Saizvozvowo, tinofanira kunyanya kungwarira chero chii zvacho chatinoziva kuti hatina kusimba pachiri.—1 VaK. 9:27.

ZVATINGAITA KUTI TIZVIDZIVIRIRE

8-9. Jaya rinotsanangurwa muna Zvirevo chitsauko 7 ringadai rakaitei kuti risaita chivi chakakura? (Zvirevo 7:​8, 9, 13, 14, 21)

8 Tingaitei kuti tizvidzivirire? Funga zvatinodzidza nezverimwe jaya rinotaurwa muna Zvirevo chitsauko 7. Rakaita upombwe nemukadzi aiva nzenza. Vhesi 22 inotiudza kuti jaya racho ‘rakabva’ rangomutevera. Asi mavhesi ari mumashure macho anoratidza kuti izvi zvisati zvaitika, rakanga ratora matanho anoverengeka akazoita kuti riite chivi.

9 Chii chakaita kuti riite chivi? Chekutanga, panguva dzemanheru, “rakapfuura nemugwagwa uri pedyo nepakona [yemukadzi aiva nzenza].” Rakabva rafamba rakananga kumba kwake. (Verenga Zvirevo 7:​8, 9.) Uye parakaona mukadzi wacho, harina kuchinja nzira. Asi rakabvuma kutsvodwa naye uye rakateerera paaitaura nezvezvibayiro zverugare zvaakanga apa, zvimwe achiedza kuita kuti rifunge kuti akanga asiri munhu akaipa. (Verenga Zvirevo 7:​13, 14, 21.) Kudai jaya iri risina kuita zvinhu zvakazotungamirira kuchivi, ringadai rakazvidzivirira kuti risava pamuedzo uye risaita chivi.

10. Munhu angasvika sei pakuita chikanganiso sechakaitwa nejaya rinotaurwa muna Zvirevo?

10 Nyaya yakataurwa naSoromoni inoratidza zvinogona kuitika kumunamati waJehovha chero upi zvake. Anogona kuita chivi chakakura ozonzwa sekunge kuti zvinhu zvese zvangoerekana zvaitika. Kana kuti angataura kuti, “Zvakangoitika.” Asi kana akafunga zvakanyatsoitika zvacho achaona kuti ane zvisarudzo zvisina uchenjeri zvakamutungamirira kuchivi. Zvisarudzo izvozvo zvingasanganisira ushamwari hwakaipa, kuvaraidzwa nezvinhu zvisina kunaka kana kuti kupota achienda panzvimbo dzinomutsa mubvunzo, dzingava nzvimbo chaidzo kana kuti dzepaIndaneti. Zvimwe anogonawo kunge akarega kunyengetera, kuverenga Bhaibheri, kupinda misangano kana kuita ushumiri. Kufanana nejaya rinotaurwa muna Zvirevo, anogona kunge asina kungoerekana aita chivi.

11. Kuti tisaita chivi, ndezvipi zvatinofanira kutambira kure nazvo?

11 Chii chatinodzidza? Hatifaniri kungogumira pakudzivisa chivi asiwo zvinhu zvinogona kuita kuti tipedzisire taita chivi. Izvi ndizvo chaizvo zvakataurwa naSoromoni pashure pekutsanangura zvakaitika kujaya nemukadzi aiva nzenza. Achitaura nezvemukadzi wacho anoti: “Usarasikira mumakwara ake.” (Zvir. 7:25) Anotaurawo nezvemukadzi iyeye asingazvibati achiti: “Tambira kure naye; Usaswedera pedyo nemusuo wemba yake.” (Zvir. 5:​3, 8) Tinozvidzivirira kuti tisaita chivi kana tikatambira kure nemamiriro ezvinhu anotungamirira kuchivi. b Izvi zvingasanganisira kutambira kure nezvinhu zvisina hazvo kuipa kuvaKristu asi zvatinoziva kuti zvinotiisa pamuedzo.—Mat. 5:​29, 30.

12. Jobho akasarudza kuitei uye zvaizomubatsira sei kuti asava pamuedzo? (Jobho 31:1)

12 Kuti tisava mumamiriro ezvinhu anoita kuti tipedzisire taita chivi, tinofanira kuita chisarudzo chakasimba chekuti tirambe takangwarira. Izvi ndizvo zvakaitwa naJobho. ‘Akaita sungano nemaziso ake’ kuti asambotarisa vamwe vakadzi achivachiva. (Verenga Jobho 31:1.) Kuita zvinoenderana nechisarudzo ichocho kwaizoita kuti atambire kure nekuita upombwe. Isuwo tinogona kusarudza kuti tisatomboita chero chii zvacho chinogona kutiisa pamuedzo.

13. Nei tichifanira kungwarira zvatinofunga? (Onawo mifananidzo.)

13 Tinofanirawo kungwarira zvatinofunga. (Eks. 20:17) Vamwe vanofunga kuti hapana chakaipa kuti vafungidzire vachiita chimwe chinhu chakaipa chero bedzi vasiri kunyatsoita chinhu chacho. Asi mafungiro akadaro haana kunaka. Munhu anoramba achifunga chimwe chinhu chakaipa achatowedzera kuda kuita zvaari kufunga. Nemamwe mashoko anenge atozviisa pamuedzo waanofanira kuzorwisa. Ichokwadi kuti tinogona kungoerekana tafunga zvinhu zvakaipa. Kana izvi zvikaitika, zvinokosha kuti tikurumidze kubvisa mafungiro akadaro toatsiva neakanaka. Patinoita izvozvo, mafungiro akaipa haazokuri kuva chido chakasimba icho chingatiomera kurwisa uye chingatoita kuti tizopedzisira taita chivi chakakura.—VaF. 4:8; VaK. 3:2; Jak. 1:​13-15.

Tinofanira kutambira kure nechero chii zvacho chingangoita kuti tive pamuedzo (Ona ndima 13)


14. Chii chimwe chingatibatsira kuti tisapinda mumuedzo?

14 Chii chimwe chatingaita kuti tisapinda mumuedzo? Tinofanira kuva nechokwadi chekuti kuteerera mitemo yaJehovha kunotibatsira chaizvo nguva dzese. Dzimwe nguva zvingatiomera kuti tiite kuti mafungiro edu uye zvido zvedu zvienderane nezvinofarirwa naMwari. Asi patinoita izvozvo tinowana mufaro wechokwadi.

15. Patinova mumamiriro ezvinhu atanga tisingatarisiri kana kuti atanga tisingakwanisi kunzvenga, kuva nechido chakasimba chekuita zvakarurama kuchatibatsira sei kuti tisapinda mumuedzo?

15 Tinofanira kuva nechido chekuita zvakarurama. Kana tikadzidza ‘kuvenga zvakaipa toda zvakanaka,’ tichawedzera kuva nechido chekuita zvakarurama torega kupinda mumamiriro ezvinhu anoita kuti tiite chivi. (Amo. 5:15) Patinova nezvido zvakarurama tinowedzerawo kuva nesimba rekurwisa muedzo watinoerekana tasangana nawo.

16. Zvinhu zvatinoita pakunamata zvinotibatsira sei kuti tirambe tichingwarira kuti tisapinda mumuedzo? (Onawo mifananidzo.)

16 Tingaitei kuti tive nechido chekuita zvakarurama? Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tiite zvinhu zvinosimbisa ushamwari hwedu naJehovha. Patinenge tiri pamisangano yechiKristu kana kuti muushumiri, kashoma kuti tive pamuedzo wekuita zvakaipa. Asi tinowedzera kuva nechido chekufadza Jehovha. (Mat. 28:​19, 20; VaH. 10:​24, 25) Kuverenga Shoko raMwari, kuridzidza uye kurifungisisa kunoita kuti tiwedzere kuda zvakanaka uye kuvenga zvakaipa. (Josh. 1:8; Pis. 1:​2, 3; 119:​97, 101) Yeuka kuti Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Rambai muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.” (Mat. 26:41) Patinonyengetera kuna Baba vedu vari kudenga, tinovapa mukana wekutibatsira uye tinosimbisa chido chedu chekuvafadza.—Jak. 4:8.

Kugara tichiita zvinhu zvinotiswededza pedyo naJehovha kunotibatsira kuti tisava pamiedzo (Ona ndima 16) c


RAMBA WAKANGWARIRA

17. Idambudziko ripi raigara richinetsa Petro?

17 Ungangodaro wakarega zvachose zvimwe zvinhu zvisina kunaka zvawaiita. Asi pamwe pacho ungatofanira kuramba uchirwisa kweupenyu hwese kuti usaita zvimwe zvinhu zvakaipa. Funga zvakaitika kumuapostora Petro. Akatya vanhu paakaramba Jesu katatu. (Mat. 26:​69-75) Zvinoita sekuti Petro akanga akunda kutya paakaparidza neushingi pamberi peSanihedrini. (Mab. 5:​27-29) Asi papera makore, “achitya vaya vakachecheudzwa,” akamborega kudya nevaKristu Vemamwe Marudzi. (VaG. 2:​11, 12) Kutya kwaPetro kwakanga kwadzoka. Zvimwe hakuna kumbobvira kwapera zvachose.

18. Nei tichifanira kungwarira kana tiine maitiro atinenge tichifunga kuti takunda?

18 Kufanana naPetro, dzimwe nguva tingatofanira kurwisa maitiro akaipa ataifunga kuti takunda. Semuenzaniso, imwe hama inoti: “Ndakarega kuona zvinonyadzisira kwemakore 10 uye ndaiva nechokwadi chekuti dambudziko rangu rakanga rapera. Asi paiva nemamwe mamiriro ezvinhu aiita kuti ndive pamuedzo wekuda kuzviona zvekare.” Zvinofadza kuti hama yedu yakaramba ichirwisa dambudziko rayo. Yakaona kuti inofanira kurwisa zuva rega rega kuti ikurire dambudziko iri uye kuti inogona kutoramba ichidaro kweupenyu hwayo hwese munyika ino yakaipa. Ichibatsirwa nemudzimai wayo uye vakuru vemuungano, yakatora matanho akasimba kuti isava pamuedzo wekuona zvinonyadzisira.

19. Tingaitei kuti tirwise chido chekuita zvakaipa chinongoramba chichidzoka?

19 Tingaitei kuti tisakurirwa nechido chekuita zvakaipa icho chinongoramba chichidzoka? Tinofanira kuita zvatakaudzwa naJesu panyaya yemuedzo kuti: “Rambai makarinda.” Kunyange paunonzwa sekunge kuti wakasimba, ramba uchitambira kure nemamiriro ezvinhu anokuisa pamuedzo. (1 VaK. 10:12) Ramba uchiita zvinhu zvakatombokubatsira padambudziko iroro. Zvirevo 28:14 inoti: “Anofara munhu anogara akangwarira.”—2 Pet. 3:14.

MIBAYIRO INOBVA PAKURAMBA TAKANGWARIRA

20-21. (a) Tinowana mibayiro ipi kana tikaramba takangwarira miedzo? (b) Kana tikaita pedu, Jehovha achatiitirei? (2 VaKorinde 4:7)

20 Tinogona kuva nechokwadi chekuti kuramba takangwarira miedzo kushandira zviripo. Chivi chinogona ‘kufadza kwenguva diki,’ asi kurarama maererano nezvinodiwa naJehovha kunoita kuti tiwane mufaro wakatokura chaizvo. (VaH. 11:25; Pis. 19:8) Izvi zvakadaro nekuti takasikwa kuti tirarame maererano nezvinodiwa naJehovha. (Gen. 1:27) Saka tichava nehana yakachena uye tichararama nekusingaperi.—1 Tim. 6:12; 2 Tim. 1:3; Jud. 20, 21.

21 Ichokwadi kuti “nyama haina simba.” Asi izvi hazvirevi kuti hatikwanisi kurwisa zvinodiwa nenyama. Jehovha akagadzirira kutipa simba ratinoda. (Verenga 2 VaKorinde 4:7.) Asi cherechedza kuti Mwari anotipa simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro. Saka tinofanira kutanga taita zvese zvatinogona kuti tirwise muedzo. Kana tikaita pedu tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achapindura minyengetero yedu yekutipa simba rakawedzerwa patinenge tichirida. (1 VaK. 10:13) Tichibatsirwa naJehovha tinogona kuramba takangwarira miedzo.

RWIYO 47 Nyengetera Kuna Jehovha Zuva Nezuva

a KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: “Mweya” unotaurwa pana Mateu 26:41 isimba riri matiri rinoita kuti tive nemanzwiro atinoita kana kuti tiite zvinhu nenzira yatinoita nayo. “Nyama” inoreva kuva kwedu nechivi. Saka tinogona kunge tiine chido chekuita zvakarurama, asi kana tikasangwarira tinogona kukundwa nemuedzo wekuita zvinonzi neBhaibheri zvakaipa.

b Munhu anenge aita chivi chakakura anogona kuwana rubatsiro mubhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!, chidzidzo 57 pfungwa 1-3, uye munyaya inoti “‘Nyatsotarisa Mberi’ Uchiona Ramangwana,” iri muNharireyomurindi yaNovember 2020, mapeji 27-29, ndima 12-17.

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kuverenga rugwaro rwezuva mangwanani, iri kuverenga Bhaibheri painozorora kubasa masikati uye iri pamusangano wepakati pevhiki manheru.