NYAYA YEKUDZIDZA 28
RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika
Unokwanisa Kusiyanisa Chokwadi Nenhema Here?
“Mirai makasimba, makasunga muchiuno menyu nebhandi rechokwadi.”—VAEF. 6:14.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kusiyanisa chokwadi chatakadzidziswa naJehovha nenhema dzinoparadzirwa naSatani nevanhu vanotipikisa.
1. Unonzwa sei nezvechokwadi?
VANHU vaJehovha vanoda chokwadi chinowanika muShoko raMwari. Kutenda kwedu kunobva pachiri. (VaR. 10:17) Takasvika pakutenda kuti Jehovha akaita kuti ungano yechiKristu ive “mbiru nefaundesheni inotsigira chokwadi.” (1 Tim. 3:15) Uye tinofara kuzviisa pasi ‘pevaya vari kutungamirira’ pakati pedu avo vanotsanangura chokwadi chemuBhaibheri uye vanopa mirayiridzo inotibatsira kuita kuda kwaMwari.—VaH. 13:17.
2. Maererano naJakobho 5:19, chii chinogona kuitika kwatiri pashure pekunge tadzidza chokwadi?
2 Asi kunyange pashure pekunge tagamuchira chokwadi uye tabvuma kuti sangano raMwari ndiro riri kutitungamirira, tinogona kutsauswa. (Verenga Jakobho 5:19.) Satani anoda chaizvo kuita kuti tirege kuvimba neBhaibheri kana kuti nemirayiridzo yatinowana kubva kusangano raMwari.—VaEf. 4:14.
3. Nei tichifanira kubatisisa chokwadi? (VaEfeso 6:13, 14)
3 Verenga VaEfeso 6:13, 14. Munguva pfupi iri kuuya, Dhiyabhorosi achashandisa nhema dzine simba kuti aite kuti nyika dzipikise Jehovha. (Zvak. 16:13, 14) Tinogona kutarisira kuti Satani achawedzera pane zvaari kuita kuti atsause vanhu vaJehovha. (Zvak. 12:9) Saka zvinokosha kuti tizvidzidzise kuona musiyano wechokwadi nenhema tobva tateerera chokwadi. (VaR. 6:17; 1 Pet. 1:22) Kuita izvozvo kuchatibatsira kuti tipone pakutambudzika kukuru.
4. Tichakurukurei munyaya ino?
4 Munyaya ino tichaona zvinhu zviviri zvichatibatsira kuziva chokwadi cheBhaibheri, uye kuti tigamuchire mirayiridzo inobva kusangano raMwari. Tichabva tazoona zvinhu zvitatu zvatinofanira kuita kuti tirambe takabatisisa chokwadi.
ZVATINOFANIRA KUITA KUTI TISIYANISE CHOKWADI NENHEMA
5. Kutya Jehovha kunotibatsira sei kuziva chokwadi?
5 Kutya Jehovha. Kana tichitya Jehovha tinomuda chaizvo, zvekuti hatitombodi kuita chero chii zvacho chinomugumbura. Tinova nechido chekudzidza musiyano uri pakati pezvakanaka nezvakaipa, uye uri pakati pechokwadi nenhema, kuitira kuti tifarirwe naJehovha. (Zvir. 2:3-6; VaH. 5:14) Kutya kwatingaita vanhu hakutombofaniri kunge kwakasimba kupfuura kuda kwatinoita Jehovha, nekuti zvinhu zvinofadza vanhu zvinowanzogumbura Jehovha.
6. Kutya vanhu kwakakanganisa sei machinda gumi eIsraeri?
6 Kana tikatya vanhu kupfuura kutya kwatinoita Mwari, tinogona kusiya chokwadi. Funga zvakaitwa nemachinda 12 akatumwa kunoongorora nyika iyo Jehovha akanga avimbisa kupa vaIsraeri. Kana vari vasori gumi pavasori ivavo, kutya kwavaiita vaKenani kwainge kwakasimba kupfuura kuda kwavaiita Jehovha. Vakaudza vaIsraeri kuti: “Hatikwanisi kunorwisana nevanhu ava, nekuti vakasimba kutipfuura.” (Num. 13:27-31) Ichokwadi kuti mukuona kwevanhu, vaKenani vainge vakasimba kupfuura vaIsraeri. Asi kana paiva nemunhu chero upi zvake akataura kuti vaIsraeri vaisakwanisa kukunda vavengi vavo, akanga asingafungi nezvaJehovha. Vasori gumi ivavo vaifanira kunge vakaisa pfungwa pane zvaidiwa naJehovha kuti vaIsraeri vaite. Vaifanirawo kunge vakafungisisa zvaakanga avaitira munguva yainge ichangobva kupfuura. Izvozvo zvaizoita kuti vaone kuti simba revaKenani painge pasina zviripo kana richienzaniswa neraJehovha, Mwari Wemasimbaose. Kusiyana nevasori ivavo vainge vasina kutenda, Joshua naKarebhi vaida kufarirwa naJehovha. Vakaudza vanhu kuti: “Kana Jehovha akatifarira, achatiendesa kunyika iyi, otipa nyika” yacho.—Num. 14:6-9.
7. Tingaitei kuti tiwedzere kutya kwatinoita Jehovha? (Onawo mufananidzo.)
7 Kuti tiwedzere kutya Jehovha, tinofanira kufunga kuti ndezvipi zvichamufadza pazvisarudzo zvese zvatinoita. (Pis. 16:8) Paunoverenga nyaya dzemuBhaibheri, zvibvunze kuti, ‘Kudai ndaiva mumamiriro ezvinhu iwayo, ndaizosarudza kuitei?’ Fungidzira uchiteerera machinda 10 eIsraeri achipa mushumo wakaipa. Waizotenda here mushumo wacho wotanga kutya vanhu? Kana kuti kuda kwaunoita Jehovha uye chido chekumufadza zvaizodzikira here? Chizvarwa chese chevaIsraeri chakatadza kuona chokwadi chakataurwa naJoshua naKarebhi. Izvi zvakaita kuti varasikirwe nemukana wekupinda muNyika Yakavimbiswa.—Num. 14:10, 22, 23.
8. Tinofanira kushanda nesimba kuti tive vanhu vakaita sei uye nei zvakakosha kuti tidaro?
8 Kuzvininipisa. Jehovha anojekesa chokwadi kune vaya vanozvininipisa. (Mat. 11:25) Kuzvininipisa kwakaita kuti tibvume kubatsirwa kudzidza chokwadi. (Mab. 8:30, 31) Kunyange zvakadaro, tinofanira kungwarira kuti tisazvikudza. Kuzvikudza kunogona kuita kuti tione sekuti mafungiro edu anokosha sezvakangoita mazano eBhaibheri uye mirayiridzo inobva kusangano raJehovha.
9. Tingaitei kuti tirambe tichizvininipisa?
9 Kuti tirambe tichizvininipisa, tinofanira kuyeuka kuti tiri vadiki zvakadii kana tichienzaniswa neukuru hwaJehovha. (Pis. 8:3, 4) Tinogonawo kunyengetera kuti tive vanhu vanozvininipisa uye vanodzidzisika. Jehovha achatibatsira kuti tikoshese mafungiro ake aanotiudza achishandisa Shoko rake Bhaibheri uye sangano rake, kupfuura mafungiro edu. Paunoverenga Bhaibheri, tsvaga pfungwa dzinoratidza kuti Jehovha anoda kuzvininipisa, uye kuti anovenga kuzvikudza nekudada. Uye ngwarira kuti urambe uchizvininipisa kana ukapiwa ropafadzo inoita kuti uzivikanwe nevanhu vakawanda.
ZVATINGAITA KUTI TIBATISISE CHOKWADI
10. Ndivanaani vakashandiswa naJehovha kuti ape vanhu vake mirayiridzo?
10 Ramba uchivimba nemirayiridzo inobva kusangano raJehovha. Panguva yevaIsraeri, Jehovha akashandisa Mozisi uye pava paya akashandisa Joshua kuti ape vanhu vake mirayiridzo. (Josh. 1:16, 17) VaIsraeri vaikomborerwa pavaiona varume ava sevamiririri vaJehovha Mwari. Ungano yechiKristu payakazoumbwa papera mazana emakore, vaapostora 12 ndivo vaipa mirayiridzo. (Mab. 8:14, 15) Boka iroro rakazovawo nevamwe vakuru vaiva muJerusarema. Kuteerera mirayiridzo yaipiwa nevarume ivavo vakatendeka, kwakaita kuti ‘ungano dzirambe dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera zuva nezuva.’ (Mab. 16:4, 5) Mazuva ano, isuwo tinokomborerwa patinoteerera mirayiridzo inobva kusangano raJehovha. Asi Jehovha aizonzwa sei kudai taizoramba kuteerera vaya vaakagadza? Tinogona kupindura mubvunzo iwoyo nekufunga zvakaitika vaIsraeri pavaitungamirirwa kuenda kuNyika Yakavimbiswa.
11. Panguva yevaIsraeri chii chakaitika kune vaya vakapikisa Mozisi uyo ainge asarudzwa naMwari kuti atungamirire vanhu vake? (Onawo mufananidzo.)
11 Pane imwe nguva vaIsraeri pavaienda kuNyika Yakavimbiswa, varume vakakurumbira vakapikisa Mozisi pamwe chete nebasa raakapiwa naJehovha. Vakati: “Ungano yese [kwete Mozisi chete] itsvene, yese zvayo, uye Jehovha ari pakati payo.” (Num. 16:1-3) Kunyange zvazvo chaiva chokwadi kuti mukuona kwaJehovha “ungano yese” yaiva tsvene, Jehovha akanga asarudza Mozisi kuti atungamirire vanhu vake. (Num. 16:28) Pavaipikisa Mozisi, vapanduki vacho vaitopikisa Jehovha. Havana kuisa pfungwa pane zvaidiwa naJehovha, asi vaifunga zvavaida ivo pachavo. Vaida kuwedzera kuva nesimba uye mukurumbira. Mwari akauraya vanhu vaitungamirira pakupanduka kwacho pamwe chete nezvimwe zviuru zvevanhu zvaivatsigira. (Num. 16:30-35, 41, 49) Mazuva ano tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha haafariri vaya vasingaremekedzi mirayiridzo inobva kusangano rake.
12. Nei tichigona kuramba tichivimba nesangano raJehovha?
12 Tinogona kuramba tichivimba nesangano raJehovha. Pazvinova pachena kuti pane zvinofanira kugadziriswa pamanzwisisiro atinoita chimwe chokwadi cheBhaibheri kana kuti marongerwo akaitwa basa reUmambo, vaya vari kutungamirira havazezi kuchinja kuti vaite zviri kudiwa. (Zvir. 4:18) Vanoita izvozvo nekuti kufadza Jehovha kunokosha kwavari kupfuura chero chii zvacho. Vanoitawo zvese zvavanogona kuti zvisarudzo zvavo zvienderane neShoko raMwari, unova muenzaniso unofanira kutevedzerwa nevanhu vaJehovha vese.
13. Chii chinonzi “muenzaniso wemashoko anobatsira,” uye tinofanira kuramba tichiitei?
13 “Ramba uchitevedzera muenzaniso wemashoko anobatsira.” (2 Tim. 1:13) “Muenzaniso wemashoko anobatsira” unoreva dzidziso dzechiKristu dzinowanika muBhaibheri. (Joh. 17:17) Zvese zvatinotenda zvinobva padzidziso dzakadaro. Sangano raJehovha rakatidzidzisa kuti tirambe tichitevedzera muenzaniso iwoyo. Patinoita izvozvo tinokomborerwa.
14. Nei vamwe vaKristu vakatadza kuramba vachitevedzera “muenzaniso wemashoko anobatsira”?
14 Chii chinogona kuitika kana tikatsauka tichibva ‘pamuenzaniso wemashoko anobatsira’? Funga nezvemuenzaniso unotevera. Zvinoita sekuti panguva yevaKristu vekutanga pakafamba runyerekupe rwekuti vamwe vaKristu vaifambisa mashoko ekuti zuva raJehovha rakanga rasvika. Panogona kunge paiva netsamba yaifungidzirwa kuti yakanyorwa nemuapostora Pauro ichitaura izvozvo. Vasingazvipi nguva yekuongorora nyaya yacho, vamwe vaKristu vemuTesaronika vakatenda mashoko acho uye vaitoaudzawo vamwe. Vangadai vasina kunyengerwa kudai vakayeuka zvinhu zvavakanga vadzidziswa naPauro paakanga achiri navo. (2 VaT. 2:1-5) Pauro akapa hama dzake zano rekuti dzisangotenda zvinhu zvese zvadzainzwa. Uye kuti avabatsire mune ramangwana, Pauro akapedzisa tsamba yake yechipiri kuvaTesaronika nemashoko ekuti: “Iyi ndiyo kwaziso yangu ini Pauro, yandanyora neruoko rwangu, chiratidzo chetsamba dzangu dzese; aya ndiwo manyorero andinoita.”—2 VaT. 3:17.
15. Tingazvidzivirira sei panhema dzinoita kunge chokwadi? Taura muenzaniso. (Onawo mifananidzo.)
15 Tinodzidzei pane zvakanyorerwa vaTesaronika naPauro? Patinonzwa chimwe chinhu chisingaenderani nezvatakadzidza muBhaibheri kana kuti patinonzwa mashoko anovhundutsa, tinofanira kushandisa uchenjeri. Munyika yainzi Soviet Union, vavengi vedu vakambofambisa tsamba yaiita seyaibva kumahofisi makuru. Tsamba yacho yakaita kuti dzimwe hama dziumbe sangano rakazvimiririra. Tsamba yacho yaiita seyechokwadi. Asi hama dzakatendeka hadzina kunyengerwa. Dzakaona kuti mashoko etsamba yacho aisaenderana nezvadzakanga dzadzidziswa. Mazuva ano, vavengi vechokwadi vanogona kushandisa Indaneti uye social media, kuti vativhiringidze uye vatiparadzanise. Pane kuti ‘titsauswe nyore nyore pakufunga kwedu,’ tinogona kuzvidzivirira nekuongorora kana zvatinonzwa kana kuverenga zvichienderana nechokwadi chatakadzidza.—2 VaT. 2:2;1 Joh. 4:1.
16. Maererano naVaRoma 16:17, 18, tinofanira kuitei kana vamwe vakatsauka vachibva pachokwadi?
16 Ramba wakabatana nevaya vakavimbika kuna Jehovha. Mwari anoda kuti tibatane pakunamata kwedu. Ticharamba takabatana kana tikaramba takabatisisa chokwadi. Vaya vanotsauka vachibva pachokwadi vanoita kuti muungano muve nemapoka, saka Mwari anotiyambira kuti ‘tisiyane navo.’ Kana tikasadaro, tinogona kutsauka tichibva pachokwadi.—Verenga VaRoma 16:17, 18.
17. Tinobatsirwa sei patinoziva kuti chokwadi ndechipi tochibatisisa?
17 Patinoziva kuti chokwadi ndechipi tochibatisisa, tinoramba tiri pedyo naJehovha uye kutenda kwedu kunoramba kwakasimba. (VaEf. 4:15, 16) Tichadzivirirwa panhema dzinodzidziswa naSatani, uye ticharamba takachengeteka mumaoko aJehovha pakutambudzika kukuru. Ramba wakabatisisa zvinhu zvechokwadi, ‘uye Mwari werugare achava newe.’—VaF. 4:8, 9.
RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!
a KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kuenzanisira zvakaitika makumi emakore adarika, hama dzaiva mune yainzi Soviet Union padzakagamuchira tsamba yaiita seyaibva kumahofisi makuru asi iyo ichibva kuvavengi vedu. Mazuva ano, vavengi vedu vanogona kushandisa Indaneti kuti vaparadzire mashoko anotsausa nezvesangano raJehovha.