Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 30

RWIYO 36 Tinorinda Mwoyo Yedu

Zvidzidzo Zvinokosha Zvatinowana Pamadzimambo eIsraeri

Zvidzidzo Zvinokosha Zvatinowana Pamadzimambo eIsraeri

“Muchaonazve kusiyana kwemunhu akarurama nemunhu akaipa, kwemunhu anoshumira Mwari neasingamushumiri.”MAR. 3:18.

ZVATICHADZIDZA

Kudzidza nezvemadzimambo eIsraeri kunogona kutibatsira kuti tizive zvatinofanira kuita kuti tifadze Jehovha.

1-2. Bhaibheri rinotiudzei nezvemamwe madzimambo eIsraeri?

 BHAIBHERI rinotaura nezvevarume vanopfuura 40 vakatonga semadzimambo eIsraeri. a Rinonyatsotaura zvimwe zvinhu zvakaitwa nevamwe vavo. Semuenzaniso, kunyange madzimambo akanaka akaita zvimwe zvinhu zvakaipa. Funga nezvamambo akanaka Dhavhidhi. Jehovha akati: “Muranda wangu Dhavhidhi . . . akanditevera nemwoyo wake wese, achiita zvakarurama chete pamberi pangu.” (1 Madz. 14:8) Asi murume iyeye akaita upombwe nemukadzi akaroorwa, uye akaronga kuti murume wake aurayiwe kuhondo.—2 Sam. 11:​4, 14, 15.

2 Asi paivawo nemadzimambo akawanda asina kutendeka akaita zvimwe zvinhu zvakanaka. Funga nezvaRehobhoamu. Mukuona kwaJehovha, “akaita zvakaipa.” (2 Mak. 12:14) Asi Rehobhoamu akateerera zvaakaudzwa naMwari kuti asarwisa madzinza gumi eIsraeri uye aasiye achitsvaga mumwe mambo. Akasimbisawo maguta aiva muumambo hwake, kuitira kuti adzivirire vanhu vaMwari pavavengi vavo.—1 Madz. 12:​21-24; 2 Mak. 11:​5-12.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Sezvo madzimambo eIsraeri aiita zvinhu zvakanaka nezvakaipa, Jehovha aitarisa chii kuti azoti mambo ainge akatendeka mukuona kwake kana kuti kwete? Mhinduro yemubvunzo iwoyo ichatibatsira kunzwisisa zvinotariswa naJehovha patiri. Tichakurukura zvinhu zvitatu zvaitariswa naJehovha paaiongorora madzimambo eIsraeri zvinoti: mwoyo wavo, kupfidza kwavo, uye kuramba vachinamata Jehovha nenzira yakarurama.

MWOYO WAVO WAINGE WAKAPERERA KUNA JEHOVHA

4. Ndeupi musiyano waiva pakati pemadzimambo akatendeka nemadzimambo asina kutendeka?

4 Madzimambo akafadza Jehovha ndeaya akamunamata nemwoyo wakaperera. b Mambo akanaka Jehoshafati “akatsvaga Jehovha nemwoyo wake wese.” (2 Mak. 22:9) Bhaibheri rinotaura nezvaJosiya richiti: “Hapana mambo akamutangira akanga akafanana naye, akadzoka kuna Jehovha nemwoyo wake wese.” (2 Madz. 23:25) Zvakadii naSoromoni, uyo akazoita zvakaipa paakanga akura? “Mwoyo wake wakanga usina kuperera.” (1 Madz. 11:4) Uye richitaura nezvaAbhijamu, mumwe mambo ainge asina kutendeka, Bhaibheri rinoti: “Mwoyo wake wakanga usina kuperera kuna Jehovha.”—1 Madz. 15:3.

5. Tsanangura zvazvinoreva kushumira Jehovha nemwoyo wakaperera.

5 Saka zvinorevei kushumira Jehovha nemwoyo wakaperera? Munhu ane mwoyo wakaperera haangonamati Mwari nekungoti chete anoziva kuti ndizvo zvaanofanira kuita. Asi anomushumira zvichibva pakuti anomuda uye anomuremekedza. Uyewo anoramba achimuda uye achimuremekedza kweupenyu hwake hwese.

6. Tingaitei kuti tirambe tiine mwoyo wakaperera kuna Jehovha? (Zvirevo 4:23; Mateu 5:​29, 30)

6 Tingatevedzera sei madzimambo akatendeka toramba tiine mwoyo wakaperera kuna Jehovha? Tinofanira kutambira kure nechero chii zvacho chingaita kuti tipedzisire tisisina kuvimbika kuna Jehovha. Semuenzaniso, tinofanira kungwarira zvinhu zvatinoona kana kuita patinenge tichitandara. Tinofanirawo kungwarira tosarudza shamwari dzakanaka kuitira kuti tisatanga kufunga kuti kupfuma ndiko kunonyanya kukosha muupenyu. Kana tikaona kuti chimwe chinhu chiri kuita kuti kuda kwatinoita Jehovha kudzikire, ngatikurumidzei kutora matanho kuitira kuti chinhu chacho chisaita kuti tipedzisire tisisadi Jehovha.—Verenga Zvirevo 4:23; Mateu 5:​29, 30.

7. Nei zvichikosha kuti titambire kure nechero chii zvacho chinogona kukanganisa kuda kwatinoita Jehovha?

7 Hatifaniri kurega chero chii zvacho chichikanganisa kuda kwatinoita Jehovha. Kana tikasangwarira, tinogona kufunga kuti sezvo tiri kuita zvakawanda pakushumira Jehovha, zvinhu zvakaipa hazvizotikuvadzi. Semuenzaniso, ngatitii wachenesa mumba mako wobva wasiya mahwindo akavhurika achipinza mhepo ine guruva. Tingati unenge washandira zviripo here? Tinogona kuenzanisa izvi neushamwari hwedu naJehovha. Hatifaniri kungogumira pakuita zvinhu zvakanaka zvinotiswededza pedyo naJehovha. Sezvo tisingadi kuti guruva ripinde mumba medu, tinofanira kuva nechokwadi chekuti chero chii zvacho chinogona kukanganisa kuda kwatinoita Jehovha chinoramba chiri kunze kwemwoyo wedu.—VaEf. 2:2.

VAKAPFIDZA ZVIVI ZVAVO

8-9. Mambo Dhavhidhi naMambo Hezekiya vakaita sei pavakatsiurwa? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

8 Sezvatamboona, Mambo Dhavhidhi akaita chikanganiso chakakura. Asi muprofita Natani paakataura naye nezvechivi chake, Dhavhidhi akazvininipisa ndokupfidza. (2 Sam. 12:13) Kubva mumashoko ake akanyorwa muPisarema 51, tinoona kuti Dhavhidhi akanyatsozvidemba pane zvaakaita. Dhavhidhi haana kunyepedzera kupfidza kuitira kuti anyengedze Natani kana kuti asarangwa.—Pis. 51:​3, 4, 17, mashoko ekusuma.

9 Mambo Hezekiya akatadzirawo Jehovha. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo wake wakazvikudza, zvikaita kuti iye neJudha neJerusarema vatsamwirwe.” (2 Mak. 32:25) Nei Hezekiya akazvikudza? Zvimwe inyaya yeupfumi hwake, kukunda kwaainge aita vaAsiriya, kana kuti kuporeswa pachirwere chinouraya. Kuzvikudza ndiko kungangodaro kwakaita kuti aratidze vaBhabhironi pfuma yake, zvikaita kuti atsiurwe nemuprofita Isaya. (2 Madz. 20:​12-18) Asi kufanana naDhavhidhi, Hezekiya akazvininipisa ndokupfidza. (2 Mak. 32:26) Saka izvi zvakaita kuti Jehovha aone Hezekiya samambo akatendeka uyo “akaramba achiita zvakarurama.”—2 Madz. 18:3.

Mambo Dhavhidhi naMambo Hezekiya vakazvininipisa ndokupfidza pashure pekunge vataurwa navo nezvezvivi zvavo (Ona ndima 8-⁠9)


10. Mambo Amaziya akaita sei paakatsiurwa?

10 Kusiyana naDhavhidhi naHezekiya, Mambo Amaziya weJudha akaita zvakarurama “asi mwoyo wake wakanga usina kunyatsozvipira.” (2 Mak. 25:2) Chii chaakatadza? Pashure pekunge Jehovha amubatsira kukunda vaEdhomu, Amaziya akakotamira vanamwari vavo. c Muprofita waJehovha paakataura naye, mambo haana kuda kuteerera uye akamuti anyarare.—2 Mak. 25:​14-16.

11. Maererano na2 VaKorinde 7:​9, 11, tinofanira kuitei kuti tiregererwe? (Onawo mifananidzo.)

11 Tinodzidzei pamienzaniso iyi? Tinofanira kupfidza zvivi zvedu uye kuita zvese zvatinogona kuti tisazvidzokorora. Ko kana tikatsiurwa nevakuru vemuungano kunyange panyaya inoita sediki? Hatifaniri kuona sekuti Jehovha haatidi kana kuti vakuru havatifariri. Kunyange madzimambo akanaka eIsraeri aitofanira kutsiurwa. (VaH. 12:6) Patinotsiurwa, tinofanira (1) kuzvininipisa tobvuma kutsiurwa, (2) kuchinja zvatinofanira kuchinja, uye (3) kuramba tichishumira Jehovha nemwoyo wese. Kana tikapfidza zvivi zvedu, Jehovha achatiregerera.—Verenga 2 VaKorinde 7:​9, 11.

Patinotsiurwa, tinofanira (1) kuzvininipisa, (2) kuchinja zvatinofanira kuchinja, uye (3) kuramba tichishumira Jehovha nemwoyo wese (Ona ndima 11) f


VAKATSIGIRA KUNAMATA KWECHOKWADI

12. Chii chainyanya kusiyanisa madzimambo akatendeka neasina?

12 Madzimambo akanzi naJehovha akatendeka akatsigira kunamata kwechokwadi. Akakurudzira vanhu vaJehovha kuti vaitewo izvozvo. Kunyange zvakadaro, aiva nezvaaikanganisa, sezvataona. Asi ainge akazvipira kuna Jehovha chete uye akatorwisa zvakasimba kuti achenese nyika yacho pakunamata zvidhori. d

13. Nei Jehovha akati Mambo Ahabhi ainge asina kutendeka?

13 Zvakadii nemadzimambo akanzi naJehovha akanga asina kutendeka? Hazvisi zvese zvaakaita zvainge zvakaipa. Kunyange mambo akaipa Ahabhi akamboratidzawo kakuzvininipisa uye kakuzvidemba pakuurayisa kwaakaita Nabhoti. (1 Madz. 21:​27-29) Akavakawo maguta uye akatungamirira Israeri pakukunda mune dzimwe hondo. (1 Madz. 20:​21, 29; 22:39) Asi Ahabhi aiita chimwe chinhu chakaipa chaizvo. Aikurudzira kunamata kwenhema achifurirwa nemudzimai wake. Haana kumbobvira apfidza pakuita izvi.—1 Madz. 21:​25, 26.

14. (a) Nei Jehovha akati Mambo Rehobhoamu ainge asina kutendeka? (b) Madzimambo akawanda ayo ainge asina kutendeka ainge akafanana pachii?

14 Funga nezvemumwe muenzaniso wamambo asina kutendeka ainzi Rehobhoamu. Sezvatamboona, ane zvinhu zvakanaka zvakawanda zvaakaita paaitonga. Asi umambo hwake pahwakangosimbiswa, akasiya Mutemo waJehovha ndokutanga kunamata vanamwari venhema. (2 Mak. 12:1) Pashure paizvozvo, aiti akambotsigira kunamata kwechokwadi, otsigira kunamata kwenhema. (1 Madz. 14:​21-24) Rehobhoamu naAhabhi havasi ivo vega madzimambo akatsauka pakunamata kwechokwadi. Madzimambo akawanda ayo ainge asina kutendeka akanamata vanamwari venhema uye akakurudzira vamwe kuti vaitewo izvozvo. Zviri pachena kuti mukuona kwaJehovha, kutsigira kunamata kwechokwadi ndicho chinhu chikuru chaiita kuti mambo anzi akanaka kana kuti akaipa.

15. Nei zvichikosha kuna Jehovha kuti tirambe tichitsigira kunamata kwechokwadi?

15 Nei nyaya yekunamata yaikosha chaizvo kuna Jehovha? Chimwe chikonzero ndechekuti madzimambo aiva nebasa rekutungamirira vanhu vaMwari pakunamata kwechokwadi. Uyewo kunamata kwenhema kwaiita kuti vanhu vaite zvivi zvakakura uye vabate vamwe zvisina kunaka. (Hos. 4:​1, 2) Uyewo madzimambo nevanhu vavaitonga vainge vakatsaurirwa kuna Jehovha. Saka pavainge vasina kutendeka kuna Jehovha vachinamata vanamwari venhema, Bhaibheri rinoti zvaiita sekuti vaiita upombwe. (Jer. 3:​8, 9) Munhu anoita upombwe anorwadzisa zvakanyanya waakaroorana naye. Saizvozvowo, mushumiri waJehovha akazvitsaurira anobatanidzwa mukunamata kwenhema anomurwadzisa zvakanyanya. eDheut. 4:​23, 24.

16. Mukuona kwaJehovha, chii chinonyanya kusiyanisa munhu akarurama nemunhu akaipa?

16 Zvidzidzo zvipi zvatinowana? Tinofanira kuva nechido chakasimba chekutambira kure nechero chii zvacho chine chekuita nekunamata kwenhema. Asi tinofanirawo kugara tichinamata Jehovha nenzira yaanoda uye kuramba tichiita basa rake. Muprofita Maraki akataura zvakajeka chinosiyanisa munhu akanaka nemunhu akaipa. Akanyora kuti: “Muchaonazve kusiyana kwemunhu akarurama nemunhu akaipa, kwemunhu anoshumira Mwari neasingamushumiri.” (Mar. 3:18) Saka hatifaniri kurega chero chii zvacho chichitiodza mwoyo, kunyange kukanganisa kwatinoita, zvekuti tinosvika pakurega kushumira Mwari. Kurega kushumira Jehovha kunotova chivi chakakura.

17. Nei tichifanira kungwarira munhu watinosarudza kuroorana naye?

17 Kana usiri muwanano uye uchifunga zvekuzopinda muwanano, mashoko aMika ane chekuita nekushumira Jehovha angakubatsira sei pakusarudza wekuroorana naye? Mumwe munhu angava neunhu hwakanaka, asi kana munhu iyeye asiri kushumira Mwari wechokwadi, Jehovha anomuona semunhu akarurama here? (2 VaK. 6:14) Kana ukaroorana nemunhu iyeye, achakubatsira kuti urambe wakatendeka kuna Jehovha here? Funga izvi: Madzimai aMambo Soromoni echihedheni anogona kunge aiva nehumwe unhu hwakanaka. Asi aisava vanamati vaJehovha, uye zvishoma nezvishoma akaita kuti mwoyo waSoromoni ude kunamata vanamwari venhema.—1 Madz. 11:​1, 4.

18. Vabereki vanofanira kudzidzisei vana vavo?

18 Vabereki, munogona kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri nezvemadzimambo kuti mubatsire vana venyu kuti vave nechido chekushumira Jehovha. Vabatsirei kunzwisisa kuti Jehovha aiona mambo seakanaka kana kuti akaipa zvichibva pakuti mambo wacho aitsigira kunamata kwechokwadi here kana kuti kwete. Dzidzisai vana venyu nezvamunotaura uye nezvamunoita kuti zvinhu zvekunamata zvakadai sekudzidza Bhaibheri, kupinda misangano, uye kuita basa rekuparidza, ndizvo zvinokosha kupfuura zvimwe zvinhu zvese muupenyu. (Mat. 6:33) Mukasadaro, vana venyu vangafunga kuti kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha kwakangofanana nekuva muchitendero chemhuri. Izvi zvingaita kuti vana venyu vasakoshesa kunamata Jehovha kana kuti vangarega zvachose kumushumira.

19. Itariro ipi iripo kumunhu chero upi zvake akarega kushumira Jehovha? (Onawo bhokisi rakanzi “ Unogona Kudzoka Kuna Jehovha!”)

19 Kana mumwe munhu akarega kushumira Jehovha zvinoreva here kuti hapasisina tariro nezvake? Aiwa. Anogona kupfidza otangazve kunamata Jehovha. Kuti aite izvozvo angatofanira kuzvininipisa obvuma kubatsirwa nevakuru vemuungano. (Jak. 5:14) Paanoshanda nesimba kuti avezve shamwari yaJehovha, anenge ashandira zviripo.

20. Kana tikatevedzera madzimambo akatendeka, Jehovha achationa sei?

20 Zvidzidzo zvipi zvatawana kubva pamadzimambo eIsraeri? Tinogona kuva semadzimambo akatendeka kana tikaramba tiine mwoyo wakaperera kuna Jehovha. Ngatidzidzei kubva pakukanganisa kwatinoita, topfidza zvivi zvedu, uye togadzirisa zvatinofanira kugadzirisa. Uye ngatiyeukei kukosha kwazvakaita kuti tirambe tichinamata Mwari mumwe chete wechokwadi. Kana ukaramba wakatendeka kuna Jehovha, achakuona semunhu anoita zvakarurama.

RWIYO 45 Kufungisisa Kwemwoyo Wangu

a Munyaya ino, mashoko ekuti “madzimambo eIsraeri” anoreva madzimambo ese akatonga vanhu vaJehovha, vangave vakatonga umambo hweJudha hwemadzinza maviri, kana kuti umambo hweIsraeri hwemadzinza gumi, kana kuti madzinza ese ari 12.

b KUTSANANGURWA KWESHOKO: Bhaibheri rinowanzoshandisa shoko rekuti “mwoyo” richireva zvese zvakaita munhu nechemukati, kusanganisira zvaanoda, zvaanofunga, zvaanokwanisa kuita, vavariro dzake uye zvinangwa zvake.

c Madzimambo echihedheni aiwanzonamata vanamwari venyika yaanenge akunda.

d Mambo Asa akaita zvivi zvakakura. (2 Mak. 16:​7, 10) Asi Bhaibheri rinoti Asa akaita zvakarurama mukuona kwaJehovha. Kunyange zvazvo pakutanga akamboramba kutsiurwa, zvinoita sekuti pave paya akapfidza. Jehovha achitarisa zvese zvakanga zvaitwa naAsa akamuona semunhu akarurama. Asa ainamata Jehovha chete uye akaita zvese zvaaigona kuti aparadze zvidhori zvaiva munyika yaaitonga.—1 Madz. 15:​11-13; 2 Mak. 14:​2-5.

e Tinogona kuona kuti nyaya yekunamata inokosha chaizvo kuna Jehovha nekuti mirayiro miviri yekutanga muMutemo waMozisi yairambidza kunamata chero ani zvake kana chii zvacho kunze kwaJehovha.—Eks. 20:​1-6.

f KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mukuru wechidiki ari kutaura nehama yechikuru nezvemanwiro ayo. Hama yacho inobvuma kutsiurwa ichizvininipisa, inochinja zvainofanira kuchinja, uye inoramba ichishumira Jehovha yakatendeka.