Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Aigona Kunge Akafarirwa naMwari

Aigona Kunge Akafarirwa naMwari

TINOSHUMIRA Jehovha uye tinoda kufarirwa naye. Asi Mwari anofarira uye anokomborera vanhu vakaita sei? Munguva dzeBhaibheri, vamwe vakafarirwa naMwari kunyange zvazvo vakamboita zvivi zvakakura. Asi pane vamwe vaiva nezvakanaka zvavaiita vasina kufarirwa naMwari. Saka tingabvunza kuti, “Chii chinonyanya kutariswa naJehovha patiri semunhu mumwe nemumwe?” Zvakaitwa naRehobhoamu, mambo waJudha, zvinogona kutibatsira kuwana mhinduro yacho.

MAVAMBO AKAIPA

Baba vaRehobhoamu vaiva Soromoni, uyo akatonga vaIsraeri kwemakore 40. (1 Madz. 11:42) Soromoni akafa mugore ra997 B.C.E. Rehobhoamu akabva aenda kuShekemu, kuchamhembe kweJerusarema, kuti azodzwe samambo. (2 Mak. 10:1) Unofunga kuti aitya here kuva mambo? Soromoni aizivikanwa kuti aiva neuchenjeri hwakakura. Pasina nguva, Rehobhoamu aizofanira kuratidza kuti aiva here neuchenjeri hwekugadzirisa dambudziko rakakura.

Rehobhoamu paakatanga kutonga, zvinhu zvinofanira kunge zvainge zvisina kumira zvakanaka muIsraeri. Vamiririri vevanhu vakauya kwaari ndokumuudza zvavaida kuti aite vachiti: “Baba venyu, vakaita kuti joko redu rireme; zvino imi rerutsai basa rakaoma rababa venyu nejoko rinorema ravakaisa patiri, uye tichakushandirai.”​—2 Mak. 10:3, 4.

Rehobhoamu anofanira kunge akaomerwa chaizvo. Kuita zvaidiwa nevanhu kwaizoreva kuti iye, mhuri yake uye vaya vemumuzinda make vaizofanira kusiya zvimwe zvinhu zvemutambarakede, vorega kunyanya kuomesera vanhu. Ukuwo, kuramba kwaigona kuita kuti vanhu vapanduke. Aizoita sei? Mambo uyu mutsva akatanga atsvaga mazano kuvarume vakuru vaimbova vanachipangamazano vaSoromoni. Zvisinei, Rehobhoamu akatsvagawo mazano kuvarume vechidiki vezera rake. Rehobhoamu akateerera mazano evezera rake ndokusarudza kudzvinyirira vanhu. Akapindura achiti: “Ndichaita kuti joko renyu rireme kwazvo, uye ini ndichariwedzera. Baba vangu vaikurovai netyava, asi ini ndichakurovai netyava dzine zvinobaya.”​—2 Mak. 10:6-14.

Uri kuona here chidzidzo chatinowana? Zviri pachena kuti kazhinji kuteerera vanhu vakuru, vakasimba pakunamata, kunobatsira. Nemhaka yekuti vane ruzivo rwakawanda, vanogona kuona zvingaitika kana tikasarudza kuita chimwe chinhu votipa mazano akanaka.​—Job. 12:12.

“VAKATEERERA SHOKO RAJEHOVHA”

Rehobhoamu akaunganidza mauto ake kuti arwise madzinza ainge apanduka. Asi Jehovha akapindira achishandisa muprofita Shemaya ndokuti: “Musaenda kunorwisa hama dzenyu vanakomana vaIsraeri. Mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chaitika zvichibva kwandiri.”​—1 Madz. 12:21-24. *

Zvaiva nyore here kuti Rehobhoamu ateerere Jehovha? Unogona kufungidzira kuti Rehobhoamu akanetseka zvakadini. Vanhu vaizofungei nezvamambo ainge ambovatyisidzira kuti aizovarova “netyava dzine zvinobaya” asi ozongosiya vanhu vachipanduka zvakadaro? (Enzanisa na2 Makoronike 13:7.) Pasinei naizvozvo, mambo nemauto ake “vakateerera shoko raJehovha, vakadzokera kumba maererano neshoko raJehovha.”

Tinodzidzei panyaya iyi? Kuteerera Mwari kunoratidza uchenjeri kunyange zvazvo kuchigona kuita kuti vamwe vatinyombe. Kuteerera Mwari kunoita kuti atifarire uye atikomborere.​—Dheut. 28:2.

Chii chakazoitika kuna Rehobhoamu? Akateerera ndokurega kurwisana neumambo hwekuchamhembe hwainge huchangoumbwa. Akabva atanga kuvaka maguta aiva munharaunda dzaJudha naBhenjamini maainge achiri kutonga. Akasimbisa “kwazvo” mamwe maguta acho. (2 Mak. 11:5-12) Chinonyanya kukosha ndechekuti akateerera mitemo yaJehovha kwekanguva. Vanhu vaiva muumambo hwemadzinza gumi evaIsraeri hwaitungamirirwa naJerobhoamu vakatanga kunamata zvidhori. Izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda vemuumambo uhwu ‘vatsigire Rehobhoamu’ kuburikidza nekuenda kuJerusarema kunotsigira kunamata kwechokwadi. (2 Mak. 11:16, 17) Saka kuteerera kwakaita Rehobhoamu kwakasimbisa umambo hwake.

KUTADZA KWAREHOBHOAMU UYE KUPFIDZA KWAKE

Umambo hwake pahwakanga hwasimba, Rehobhoamu akaita chimwe chinhu chaisatarisirwa. Akasiya mutemo waJehovha ndokutanga kunamata zvidhori. Akazviitirei? Aifurirwa here naamai vake avo vaiva muAmoni? (1 Madz. 14:21) Pasinei nekuti akazviitirei, vanhu vakamutevera. Saka Jehovha akabvumira Mambo Shishaki weIjipiti kuti atore mamwe maguta emunharaunda yaJudha pasinei nekuti Rehobhoamu ainge aasimbisa.​—1 Madz. 14:22-24; 2 Mak. 12:1-4.

Zvinhu zvakawedzera kuipa Shishaki paakasvika muJerusarema umo Rehobhoamu aitonga ari. Panguva iyoyo muprofita Shemaya akazivisa Rehobhoamu nemachinda ake mashoko aMwari ekuti: “Imi makandisiya, uye ini ndakusiyaiwo kuti muve muruoko rwaShishaki.” Rehobhoamu akaita sei nechirango chaakapiwa? Zvinofadza kuti Bhaibheri rinoti: “Machinda evaIsraeri namambo wacho vakabva vazvininipisa, vakati: ‘Jehovha akarurama.’” Saka Jehovha akanunura Rehobhoamu uye akaita kuti Jerusarema risaparadzwe.​—2 Mak. 12:5-7, 12.

Pashure peizvi, Rehobhoamu akaramba ari mambo weumambo hwekumaodzanyemba. Asati afa, akapa vanakomana vake vese zvipo zvakawanda kuitira kuti vasapandukire mwanakomana wake Abhija, uyo aizosara ari mambo. (2 Mak. 11:21-23) Paakaita izvi, Rehobhoamu akaratidza uchenjeri hwaasina kuratidza paaiva mudiki.

AIVA MUNHU AKANAKA HERE KANA KUTI AKAIPA?

Pasinei nezvakanaka zvaakaita, Rehobhoamu haana kufarirwa naMwari. Bhaibheri rinotaura nezvekutonga kwake richiti: “Akaita zvakaipa.” Nei richidaro? Nekuti “akanga asina kugadzirira mwoyo wake kuti atsvake Jehovha.”​—2 Mak. 12:14.

Kusiyana naMambo Dhavhidhi, Rehobhoamu akakundikana kuva neushamwari hwepedyo naJehovha

Tinodzidzei paupenyu hwaRehobhoamu? Aiteerera Mwari pane dzimwe nguva. Uye ane zvakanaka zvaakaitira vanhu vaJehovha. Asi akakundikana kuva neushamwari hwepedyo naJehovha uye aisava nechido chakasimba chekumufadza. Izvi zvakaita kuti aite zvakaipa uye anamate vanamwari venhema. Ungashamisika kuti: ‘Rehobhoamu paakateerera Mwari, ainge apfidza zvinobva pamwoyo uye achida kufadza Mwari here kana kuti aingozviita nekuti ndizvo zvaainge audzwa nevamwe?’ (2 Mak. 11:3, 4; 12:6) Pava paya akatangazve kuita zvakaipa. Ainge akasiyana chaizvo nasekuru vake, Mambo Dhavhidhi. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akambokanganisa, aida Jehovha, ainge akazvipira pakunamata kwechokwadi uye aipfidza zvechokwadi paaikanganisa.​—1 Madz. 14:8; Pis. 51:1, 17; 63:1.

Tine chidzidzo chatinowana kubva kuna Rehobhoamu. Zvakanaka kuti vanhu vashande nesimba pakuriritira mhuri dzavo uye pakuita mamwe mabasa akanaka. Asi kuti tifarirwe naMwari, tinofanira kutanga kutsigira kunamata kwechokwadi toramba tichidaro.

Tichakwanisa kuita izvi kana tikaedza kuramba tichida Jehovha zvakadzama. Sekukuchidzira kwatinoita moto kuti urambe uchibvira, tinofanira kuita kuti kuda kwatinoita Mwari kurambe kuchibvira nekugara tichidzidza Shoko rake, kufungisisa zvatinoverenga uye kuramba tichinyengetera. (Pis. 1:2; VaR. 12:12) Kuda kwatinoita Jehovha kuchaita kuti tive nechido chekumufadza pazvese zvatinoita. Kuchatiita kuti tipfidze zvechokwadi pazvinenge zvichidiwa. Kusiyana naRehobhoamu, ticharamba takatsiga pakunamata kwechokwadi.​—Jud. 20, 21.

^ ndima 9 Nemhaka yekusatendeka kwaSoromoni, Mwari ainge ataura kuti umambo hwacho hwaizopatsanuka.​—1 Madz. 11:31.