Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Chiedza Chenyu Ngachivheneke” Kuti Jehovha Akudzwe

“Chiedza Chenyu Ngachivheneke” Kuti Jehovha Akudzwe

“Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti . . . vakudze Baba venyu.”​—MAT. 5:16.

NZIYO: 77, 59

1. Ndechipi chikonzero chinoita kuti tifare?

ZVINOFADZA chaizvo kunzwa nezvekuwedzera kuri kuita vanhu vaJehovha. Gore rakapera takaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinopfuura 10 000 000. Izvi zvinonyatsoratidza kuti vashumiri vaMwari vari kuita kuti chiedza chavo chivheneke. Uye funga nezvemamiriyoni evanhu vanofarira chokwadi vakauya kuChirangaridzo. Vakadzidza nezverudo rwakaratidzwa naJehovha paakapa rudzikinuro.​—1 Joh. 4:9.

2, 3. (a) Chii chisingatitadzisi kuti tive “zvinhu zvinovheneka”? (b) Tichifunga mashoko aJesu ari pana Mateu 5:14-16, tichakurukurei munyaya ino?

2 Pasi rese, vanhu vaJehovha vanotaura mitauro yakasiyana-siyana. Zvisinei, izvi hazvititadzisi kubatana pakurumbidza Baba vedu, Jehovha. (Zvak. 7:9) Pasinei nekuti tinotaura mutauro upi kana kuti tinogara kupi, tinogona kuramba tichivheneka “sezvinhu zvinovheneka munyika.”​—VaF. 2:15.

3 Kuwedzera kwatiri kuita, kubatana kwatakaita uye kuramba kwedu takarinda zvinoita kuti Jehovha akudzwe, zvoita kuti vanhu vade kudzidza chokwadi. Munyaya ino tichakurukura kuti tingazviita sei.​—Verenga Mateu 5:14-16.

BATSIRA VAMWE KUTI VANAMATE JEHOVHA

4, 5. (a) Kunze kwekuparidza, tingaita sei kuti chiedza chedu chivheneke? (b) Kuratidza vamwe mutsa kungaguma nei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 “Hapana munhu anogona kuramba akatendeka kuna Ishe mumazuva asara aya . . . kunze kwekunge ashandisa mukana wekuita kuti chiedza chake chivheneke.” Ndiwo mashoko aiva munyaya yaiti “Chiedza Murima,” yakabudiswa muNharireyomurindi yeChirungu yaJune 1, 1925. Nyaya yacho yakabva yatsanangura kuti: “Kuti aite izvi anofanira kuudza vanhu mashoko akanaka, uye kurarama maererano nechiedza.” Zviri pachena kuti imwe nzira yatinoita nayo kuti chiedza chedu chivheneke ndeyekuparidza mashoko akanaka uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Tinogonawo kukudza Jehovha nekurarama sevaKristu. Vanhu vanocherechedza unhu hwedu. Kunyemwerera uye kukwazisa kwatinoita vanhu neushamwari zvinoratidza kuti tiri vanhu vakaita sei uye tinonamata Mwari akaita sei.

5 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti, “Pamunenge muchipinda mumba, kwazisai imba yacho.” (Mat. 10:12) Munharaunda yaiwanzoparidzirwa naJesu nevadzidzi vake, vanhu vaipinza vanhu vavaisaziva mudzimba dzavo. Izvi handizvo zvinoitwa munzvimbo dzakawanda mazuva ano. Kunyange zvakadaro, kuratidza ushamwari uye kuva nemutsa paunenge uchitsanangura kuti wavingei zvinowanzoita kuti saimba asanyanya kunetseka kana kuti asaramba akakugumbukira. Kunyemwerera kunowanzova sumo yakanaka chaizvo. Izvi zvinoonekawo hama nehanzvadzi padzinoparidza dzichishandisa chingoro munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda. Paunoita ushumiri uhwu, unogona kuona kuti vanhu vanowanzoratidza kufarira kana ukanyemwerera uye kuvakwazisa zvine ushamwari. Zvinogona kuita kuti vauye kuzotora rimwe remabhuku edu. Kuratidza mutsa kunogonawo kukubatsira kutanga kukurukura nevanhu.

6. Mumwe murume nemudzimai vechikuru vakawedzera sei ushumiri hwavo?

6 Mumwe murume nemudzimai vechikuru vekuEngland vanonetseka neutano zvekuti havanyatsokwanisi kuita ushumiri hwepaimba neimba. Vakasarudza kuita kuti chiedza chavo chivheneke vari pedyo nepamba pavo. Vanoisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri patafura panguva inouya vabereki kuzotora vana pachikoro chiri pedyo. Vachida kuziva, vakawanda vakatora mabhuku aMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1 ne2, uyewo mabhurocha. Imwe hanzvadzi inopayona yakabatana navo pakuparidza vari pamba pavo. Vabereki vakaona kuti hanzvadzi iyi yaiva neushamwari uye kuti murume nemudzimai ava vaida chaizvo kubatsira vamwe. Mumwe wevabereki vacho akatotanga kudzidza Bhaibheri.

7. Ungabatsira sei vanhu vanenge vatamira munharaunda yako?

7 Munguva ichangopfuura, vanhu vakawanda vakatamira kune dzimwe nyika vachinogara sevapoteri. Ungabatsira sei vakadaro kuti vasvike pakuziva Jehovha uye chinangwa chake? Kutanga, dzidza makwazisiro anoitwa mumitauro inonyanya kushandiswa nevapoteri munharaunda yako. JW Language inogona kukubatsira kuita izvozvo. Uyewo, wadii kudzidza mashoko mashoma angaita kuti vafarire? Unogona kubva waenda navo pajw.org wovaratidza mavhidhiyo akasiyana-siyana nemabhuku zvinowanika mumutauro wavo.​—Dheut. 10:19.

8, 9. (a) Misangano yedu yepakati pevhiki inotibatsira sei? (b) Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vapindurewo pamisangano?

8 Jehovha akatipa Musangano weUshumiri Uye Kurarama kwechiKristu kuitira kuti tivandudze ushumiri hwedu. Mirayiridzo yatinowana pamusangano uyu inobatsira vakawanda vedu kuti tiwedzere kuva nechivimbo chekudzokera kunoona vanhu vanofarira uye chekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri.

9 Vatsva vakawanda vakaona kuti vana vedu vane zvavanoitawo pamisangano. Vabereki batsirai vana venyu kuti vaite kuti chiedza chavo chivheneke nekuvadzidzisa kuti vapindure nemashoko avo. Mhinduro dzavo dzakajeka uye dzinobva pamwoyo dzinogona kuita kuti vatsva vaone chokwadi.​—1 VaK. 14:25.

ITA KUTI PAVE NEKUBATANA

10. Kunamata kwemhuri kunobatsira sei kuti pave nekubatana?

10 Imwe nzira yekuita nayo kuti chiedza chako chivheneke ndeyekuita kuti pave nekubatana mumhuri uye muungano mako. Imwe nzira yekuita izvozvo ndeyekuti vabereki varonge kuti vagare vachiita Kunamata Kwemhuri. Vakawanda vanoona JW Broadcasting semhuri. Pashure pekuona purogiramu yacho, madii kuwana nguva yekukurukura kuti mungashandisa sei pfungwa dzirimo. Paanenge achiitisa kunamata kwemhuri, mubereki anofanira kuyeuka kuti mwana mudiki angada kubatsirwa zvakasiyana nekubatsirwa kungaitwa mwana ava kuyaruka. Itai zvese zvamunogona kuti mumwe nemumwe mumhuri menyu abatsirwe nekunamata kwemhuri.​—Pis. 148:12, 13.

Zvakanaka chaizvo kuti tiwane nguva yekuwadzana nevechikuru (Ona ndima 11)

11-13. Tese tingaitei kuti muungano muve nekubatana uye kuti tibatsire vamwe kuti vaite kuti chiedza chavo chivheneke?

11 Vechidiki vangaitei kuti muungano muve nekubatana zvokurudzira vamwe kuti vaite kuti chiedza chavo chivheneke? Kana uri muKristu wechidiki, wadii kushamwaridzana nehama nehanzvadzi dzechikuru. Unogona kuvabvunza kuti chii chakavabatsira kuti varambe vachishumira Jehovha kwemakore akawanda. Uchaona kuti izvi zvichakuvaka, uye mese muchakurudzirwa kuti muite kuti chiedza chechokwadi chivheneke. Uye tese zvedu tinogona kuva nechinangwa chekugamuchira vanouya kumisangano paImba yeUmambo. Kuita izvozvo kuchaita kuti pave nekubatana uye kuchaita kuti vaeni vadewo kuita kuti chiedza chavo chivheneke. Unogona kukwazisa vaeni uchinyemwerera zvine ushamwari, zvichida kunyange kuvabatsira kuwana pekugara uye ita kuti vazivane nevamwe. Ita kuti vanzwe vakasununguka.

12 Kana ukanzi uitise musangano webasa remumunda unogona kuita zvakawanda pakubatsira vakura kuti vaite ushumiri. Vane ndima yakakodzera here? Pamwe pacho unogona kuita kuti vashande nevechidiki vanogona kuvabatsira. Unogonawo kuratidza kunzwisisa vaya vane matambudziko eutano uye vane zvimwe zvinovatadzisa kuita zvakawanda. Kunzwisisa kwako uye kuratidza kune hanya kunogona kubatsira vakuru nevadiki, vagara nebasa nevatsva, kuti vashingaire pakuparidza mashoko akanaka.​—Revh. 19:32.

13 Munyori wemapisarema akati: “Zvakanaka sei uye zvinofadza sei kuti hama dzigare pamwe chete dzakabatana!” (Verenga Pisarema 133:1, 2.) VaIsraeri vaikurudzirana pavaiungana pamwe chete sevanamati vaJehovha. Izvi zvainge zvakaita semafuta ekuzodza nawo, ayo ainhuwirira uye achiita kuti ganda rinyevenuke. Wadii kuva nechinangwa chekuita kuti pave nekubatana pakati pehama nehanzvadzi? Kana uri kutoita izvozvo, uri kuita zvakanaka. Unogona here ‘kuwedzera,’ kureva kunyatsoshamwaridzana nevamwe vaKristu uye kugara uchidaro?​—2 VaK. 6:11-13.

14. Ungaitei kuti chiedza chako chivheneke munharaunda yako?

14 Zvakadini nekuwedzera kushanda nesimba kuti chiedza chechokwadi cheBhaibheri chivheneke munharaunda yako? Kuratidza mutsa nematauriro nezviito zvako kunogona kuita kuti muvakidzani afarire chokwadi. Zvibvunze kuti: ‘Vavakidzani vangu vanondiona sei? Pamba pangu panogara pakachena here, zvichiita kuti nharaunda iratidzike zvakanaka? Ndinobatsira vavakidzani vangu here?’ Paunenge uchitaura nezvimwe Zvapupu, wadii kuedza kuona kuti mutsa wavo uye unhu hwavo hwakanaka zvakabatsira sei hama dzavo, vavakidzani, vavanoshanda navo, kana kuti vekuchikoro? Unogona kunzwa zvakanaka zvakaitika.​—VaEf. 5:9.

RAMBAI MAKARINDA

15. Nei zvichikosha kuti tirambe takarinda?

15 Maonero edu anobatanidzwawo panyaya yekuwedzera kuita kuti chiedza chedu chivheneke. Jesu akakurudzira vadzidzi vake kanoverenga achiti: “Rambai makarinda.” (Mat. 24:42; 25:13; 26:41) Zviri pachena kuti kana tichifunga kuti “kutambudzika kukuru” kuchiri kure, tichifunga kuti hakuzotangi tichiri vapenyu, hatizovi nepfungwa yekuti basa rekuparidza rinofanira kuitwa nekukurumidza. (Mat. 24:21) Pane kuti chiedza chedu chivheneke munharaunda yedu, chinotanga kudzikira zvishoma nezvishoma, kunyange kutosvika pakudzima.

16, 17. Ungaitei kuti urambe wakarinda?

16 Zvinhu pazviri kuwedzera kuipa, tese zvedu tinofanira kuramba takarinda. Jehovha achaunza mugumo panguva chaiyo yakasarudza. Izvozvo hazvina mubvunzo. (Mat. 24:42-44) Pari zvino, iva nemwoyo murefu, uchiramba wakarinda. Verenga Shoko raMwari zuva rega rega, uye iva akasvinurira kunyengetera. (1 Pet. 4:7) Dzidza kubva pamienzaniso yevashumiri vaJehovha vane upenyu hunoratidza kuti vane mufaro unobva pakuramba vakarinda uye pakuita kuti chiedza chavo chivheneke. Mumwe muenzaniso wakanaka unotaurwa munyaya ine musoro unoti, “Makore 70 Ndakabata Kumupendero Wenguo yomuJudha,” yakabudiswa muNharireyomurindi yaApril 15, 2012, mapeji 18-21.

17 Gara uine zvakawanda zvekuita pakushumira Jehovha. Itira vamwe zvakanaka uye wana nguva yekuva nehama nehanzvadzi dzako. Izvozvo zvichaita kuti uve nemufaro wakakura, uye uchaona sekuti nguva iri kumhanya. (VaEf. 5:16) Makore 100 akapfuura, hama dzedu dzine zvakawanda zvadzakaita. Asi mazuva ano, tichibatsirwa naJehovha, tiri kuita zvakawanda kupfuura ipapo. Tiri kuita kuti chiedza chedu chivheneke kusvika paisambofungidzirwa kare.

Kushanya kwekufudza kunotipa mukana wekutsvaga uchenjeri mushoko raMwari (Ona ndima 18, 19)

18, 19. Vakuru vangatibatsira sei kushingaira pakushumira Jehovha? Taura muenzaniso.

18 Zvinosimbisa kutenda kuziva kuti kuva nechivi hakutitadzisi kushumira Jehovha nenzira yaanogamuchira. Saka koshesa “zvipo zviri varume” zvatakapiwa naJehovha, kureva vakuru vari muungano. (Verenga VaEfeso 4:8, 11, 12.) Nguva inotevera mukuru paachakushanyira, shandisa mukana wacho kuti udzidze kubva pauchenjeri hwake uye mazano ake.

19 Vakuru vaviri kuEngland vakakumbirwa rubatsiro nemurume nemudzimai vaiva nematambudziko. Mudzimai wacho ainzwa sekuti akasungwa pajoko zvisina kukodzera panyaya dzekunamata. Murume wacho akabvuma kuti aisagona kunyatsodzidzisa uye kuti aisaronga kuti vagare vachiita kunamata kwemhuri. Vakuru vakaita kuti vaviri ava vafunge muenzaniso waJesu. Aiva nehanya nevadzidzi vake uye aifunga zvavaida. Vakuru vakakurudzira murume wacho kuti atevedzere Jesu. Vakakurudzira mudzimai wacho kuti ave nemwoyo murefu saJesu. Vakuru vacho vakapawo mazano ekuti vangashanda sei pamwe chete kuti vave nekunamata kwemhuri nevana vavo vaviri. (VaEf. 5:21-29) Vakuru vakazorumbidza murume wacho nezvaaiedza kuita. Vakamukurudzira kuti atsungirire uye avimbe nemweya mutsvene kuti umubatsire kutungamirira mhuri yake zvakanaka pakunamata. Rudo rwavo uye mutsa wavo zvakabatsira chaizvo mhuri yacho kuti iite kuti chiedza chayo chivheneke.

20. Chii chaungatarisira paunoita kuti chiedza chako chivheneke?

20 Munyori wemapisarema akaimba kuti: “Anofara munhu wose anotya Jehovha, anofamba munzira dzake.” (Pis. 128:1) Paunoita kuti chiedza chako chivheneke nekudzidzisa vamwe kuti vashumire Jehovha, nekuita zvinhu zvinoita kuti pave nekubatana uye nekuramba wakarinda, mufaro wako unowedzera. Vamwe vachaona mabasa ako akanaka, uye vakawanda vachakurudzirwa kuti vakudze Baba vedu vekudenga.​—Mat. 5:16.