Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukwazisa Vamwe Kune Simba

Kukwazisa Vamwe Kune Simba

“HEVOI! Makadii henyu?”

Hapana mubvunzo kuti wakatombokwazisa vamwe nemashoko akaita seiwayo. Unogona kunge wakatovakwazisa uchitambanudza ruoko kana kuti uchivambundira. Tsika nemashoko anoshandiswa pakukwazisa vanhu zvinosiyana-siyana zvichienderana nenzvimbo, asi chinangwa chekukwazisa chakangofanana. Kusakwazisa vamwe kana kusadaira paunokwaziswa kunogona kutoonekwa sekusava nerudo kana kuti kungaratidza kusava netsika.

Asi havasi vanhu vese vane chido chekukwazisa vamwe. Vamwe vanozeza kukwazisa vamwe nekuti vanonyara kana kuti vanozvitarisira pasi. Vamwe vanoomerwa nekukwazisa vanhu vavakasiyana navo, verumwe rudzi, kana kuti vane tsika dzakasiyana nedzavo. Zvisinei, kunyange kwaziso pfupi inogona kubatsira chaizvo.

Zvibvunze kuti: ‘Kukwazisa vamwe kungabatsirei? Uye Shoko raMwari ringandidzidzisei nezvekukwazisa vamwe?’

KWAZISA “VANHU VEMARUDZI OSE”

Paakagamuchira Koneriyasi, uyo aiva muKristu wekutanga pavanhu vemamwe marudzi, muapostora Petro akati: “Mwari haasaruri.” (Mab. 10:34) Pava paya, Petro akanyora kuti Mwari “anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Pet. 3:9) Pakutanga, tinogona kufunga kuti mashoko iwayo anoshanda kumunhu ari kudzidza chokwadi. Asi Petro akakurudzirawo vaKristu achiti: “Kudzai vanhu vemarudzi ose, idai sangano rose rehama.” (1 Pet. 2:17) Saka hazvingavi zvakanaka here kuti tikwazise vamwe pasinei nerudzi rwavo, tsika dzavo, kana kuti zvavari? Tikadaro tinenge tichiratidza kuti tinovakudza uye tinovada.

Muapostora Pauro akakurudzira vaya vaiva muungano achiti: “Gamuchiranai, sokugamuchirwawo [kwamakaitwa] naKristu.” (VaR. 15:7) Pauro akanyanya kutaura nezvehama ‘dzakamusimbisa.’ Hama nehanzvadzi mazuva ano dzinotoda kunyanya kusimbiswa sezvatinotarisana nekurwiswa zvakaipisisa kuchaitwa vanhu vaMwari naSatani.​—VaK. 4:11; Zvak. 12:12, 17.

Mienzaniso yemuMagwaro inoratidza kuti kukwazisa vamwe kune zvimwe zvakunobatsira kunze kwekungovaita kuti vaone kuti vari kugamuchirwa.

KUSIMBISA, KUKURUDZIRA, KURATIDZA RUDO

Pakasvika nguva yekuti upenyu hweMwanakomana waMwari hutamisirwe mudumbu raMariya, Jehovha akatuma ngirozi kuti itaure naye. Ngirozi yacho yakatanga nekuti: “Kwaziwa, iwe akanzwirwa nyasha kwazvo, Jehovha anewe.” Mariya “akanetseka kwazvo,” achitadza kuziva kuti nei ngirozi yaitaura naye. Ichiona izvi, ngirozi yakati: “Usatya, Mariya, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari.” Yakatsanangura kuti chaiva chinangwa chaMwari kuti Mariya abereke Mesiya. Pane kuti arambe achinetseka, Mariya akapindura achiti: “Tarirai! Murandasikana waJehovha! Ngazviitike kwandiri maererano nezvamazivisa.”​—Ruka 1:26-38.

Yaiva ropafadzo kuti ngirozi iyi itumwe nemashoko aJehovha, asi haina kuzviona seyakakwirira zvekuti yaisafanira kutaura nemunhu ane chivi. Yakatanga nekumukwazisa. Tingadzidzei pamuenzaniso iwoyo? Tinofanira kugara takagadzirira kukwazisa vamwe uye kuvakurudzira. Kunyange nemashoko mashoma, tinogona kubatsira vamwe uye kuita kuti vave nechivimbo chekuti ivo vamwe vevanhu vaJehovha.

Pauro akasvika pakuziva vanhu vakawanda muungano dzaiva muAsia Minor nemuEurope. Ane vakawanda vaakakwazisa nemazita mutsamba dzake. Izvi tinozviona muchitsauko 16 chaVaRoma. Pauro akatumira kwaziso kuvaKristu vakawanda. Akataura nezvaFebhi, “hanzvadzi yedu,” uye akakurudzira hama kuti ‘dzimugamuchire munaShe nenzira yakakodzera vatsvene, uye kuti dzimubatsire pazvinhu zvose zvaaizoda.’ Pauro akakwazisa Priska naAkwira avo ‘vaisaongwa naye chete asiwo neungano dzose dzemamwe marudzi.’ Akakwazisa vamwe vasinganyanyi kuzivikanwa mazuva ano vakadai ‘saEpeneto anodiwa wake,’ pamwe chete ‘naTrifena naTrifosa, vakadzi vaishanda zvakaoma munaShe.’ Pauro akakwazisa hama nehanzvadzi dzake nechido.​—VaR. 16:1-16.

Fungidzira kuti vakafara sei pavakaziva kuti vaiyeukwa. Vanofanira kunge vakawedzera kuda Pauro uye kudanana pachavo. Uye vamwe vaKristu pavakanzwa kwaziso idzodzo vanofanira kunge vakakurudzirwa chaizvo, zvichivabatsira kuramba vakatsiga pakutenda. Kukwazisa vamwe uchiratidza kuti unovafarira zvechokwadi uye uchivarumbidza kunosimbisa ushamwari uye kunoita kuti vashumiri vaJehovha vakavimbika vabatane.

Pauro paakasvika pachiteshi chengarava muPuteori achienda kuRoma, vaKristu vemunzvimbo imomo vakauya kuzosangana naye. Paakavaona vachiuya, Pauro “akaonga Mwari, akashinga.” (Mab. 28:13-15) Dzimwe nguva tinogona kungokwazisa vamwe nekunyemwerera kana kuvasimudzira ruoko. Asi kunyange izvozvo zvinogona kuita kuti munhu anenge akaora mwoyo kana kuti akasuwa anyevenuke.

MATANGIRO AKANAKA

Mudzidzi Jakobho aifanira kupa hama dzake zano rakasimba. Vamwe vaKristu vainge vava mhombwe panyaya dzekunamata nekuti vaishamwaridzana nenyika. (Jak. 4:4) Asi cherechedza kuti Jakobho akatanga sei tsamba yake:

“Jakobho, muranda waMwari nowaShe Jesu Kristu, kumadzinza ane gumi nemaviri akapararira kwose kwose: Kwaziwai!” (Jak. 1:1) Hapana mubvunzo kuti zvakava nyore kuti vaverengi vake vagamuchire zano rake pavakaona kubva pakukwazisa kwaakavaita kuti vese vainge vakafanana pamberi paMwari. Kukwazisa vamwe uchizvininipisa kunogona kuita kuti pave nemukana wekukurukura kunyange nyaya hombe.

Kuti vamwe vabatsirwe nekukwazisa kwatinovaita kunyange nemashoko mashomanana, kukwazisa kwacho kunofanira kubva pamwoyo uye kunofanira kuratidza kuti tinovada zvechokwadi. Tinoita izvozvo kunyange zvazvo zvingaita sekuti munhu watinenge tichikwazisa haasi kuzviona. (Mat. 22:39) Pane imwe nguva, imwe hanzvadzi yekuIreland yakasvika paImba yeUmambo misangano yava kutotanga. Payaifambisa ichipinda, imwe hama yakacheuka ndokunyemwerera ichiti: “Hevoi. Ndafara chaizvo kukuonai.” Hanzvadzi yacho yakangoenda kunogara pasi isina kumbopindura.

Papera mavhiki akati kuti, hanzvadzi yacho yakaenda kuhama iya ndokutaura kuti yainge yava nechinguva ichishungurudzika nezvaiitika kumba kwayo. Yakati: “Ndakanga ndakagumbuka chaizvo manheru iwayo zvekuti ndakapotsa ndarega kuuya kuImba yeUmambo. Handina zvakawanda zvandinoyeuka pamusangano iwoyo kunze kwekundikwazisa kwamakaita. Kwakaita kuti ndinzwe kuti ndinodiwa. Makaita henyu.”

Hama yacho yakanga isingazivi kuti kukwazisa kwayakaita hanzvadzi iyi nemashoko mashomanana kwakabatsira chaizvo. Hama yacho inoti: “Payakandiudza kuti mashoko iwayo akaibatsira sei, ndakafara chaizvo kuti ndakaedza kuikwazisa. Izvozvo zvakanyevenutsawo mwoyo wangu.”

Soromoni akanyora kuti: “Kanda zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti kwapera mazuva mazhinji uchazviwanazve.” (Mup. 11:1) Kana tikaziva kukosha kwekukwazisa vamwe, kunyanya vaKristu vatinonamata navo, tinovakurudzira uye zvinotikurudzirawo. Kukwazisa vamwe kune simba, saka ngatisambokurerutsa.