Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

Kunyaradzwa Mumatambudziko Angu Ese

Kunyaradzwa Mumatambudziko Angu Ese

Kumadokero kweRwizi rwaIndus, mune yava kunzi Pakistan, kune guta rekare rinonzi Sukkur. Ndiko kwandakaberekerwa musi wa9 November, 1929. Panguva iyoyo vabereki vangu vakawana mabhuku kumumishinari wekuEngland. Rimwe nerimwe raiva neruvara rwaro. Pandaikura mabhuku iwayo aitsanangura zviri muBhaibheri akandibatsira kudzidza chokwadi.

PANDAINGE ndava kukwanisa kuaongorora, ndakawana mifananidzo yakajeka yaindibatsira kuona zvinhu mupfungwa dzangu. Saka kubva ndichiri mudiki zvikuru ndakatanga kuva nenzara yekuda kuziva zviri muBhaibheri, sezviya zvaiva mumabhuku iwayo.

Hondo yeNyika II payainge yava kuita seichapararira muIndia yese, zvinhu zvisina kunaka zvakatanga kuitika muupenyu hwangu. Vabereki vangu vakaparadzana ndokuzodambura muchato. Ndakatadza kunzwisisa kuti nei vanhu vaviri vandaida vakarambana. Ndakanzwa sendasiyiwa. Ndaingova mwana mumwe chete, uye ndaiita sendisiri kunyaradzwa kana kuriritirwa sezvandainyatsoda.

Panguva iyoyo, ini naamai vangu taiva muKarachi, guta guru remupurovhinzi yataigara. Rimwe zuva, Fred Hardaker, chiremba wechikuru uyo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, akauya pamba pedu. Aiva muchitendero chimwe chete nemumishinari ainge apa vabereki vangu mabhuku aya. Akaudza amai kuti aigona kudzidza navo Bhaibheri. Amai vakaramba asi vakati ini ndingangozvifarira. Ndakatanga kudzidza naHama Hardaker vhiki rakatevera racho.

Pashure pemavhiki mashoma ndakatanga kupinda misangano yechiKristu pakiriniki yaHama Hardaker. Vanhu vanenge 12, vaiva Zvapupu zvainge zvati kurei, vaiungana ipapo kuti vanamate. Vaindinyaradza uye vaiva nehanya neni semwanakomana wavo. Ndinofara pandinoyeuka kugara kwavaiita neni, kuchonjomara kwavaiita kuti vaenzane neni uye kutaura kwavaiita neni seshamwari dzechokwadi. Izvi zvaikosha chaizvo kwandiri panguva yacho.

Pasina nguva Hama Hardaker vakandikoka kuti ndiende navo muushumiri. Vakandidzidzisa kushandisa giramufomu raitakurika kuitira kuti tiridze hurukuro pfupi dzeBhaibheri. Dzimwe hurukuro dzacho dzaitaura zvinhu sezvazviri, uye vamwe vanasaimba vaisafarira mashoko adzo. Asi ndainakidzwa nekuparidzira vamwe. Ndaida chaizvo chokwadi cheBhaibheri uye ndaida kuchiudzawo vamwe.

Masoja eJapan zvaaigadzirira kupinda muIndia vanhu vemuBritain vaiva nemasimba vakatanga kudzvinyirira Zvapupu zvaJehovha. Pakupedzisira, muna July 1943 zvakandiwanawo. Mukuru wechikoro, uyo aiva mufundisi weAnglican, akandidzinga chikoro achiti ndaiva munhu asina kukodzera kudzidza ipapo. Akaudza amai vangu kuti kuwadzana kwandaiita neZvapupu zvaJehovha kwaiita kuti ndive muenzaniso wakashata kune vamwe vadzidzi. Amai vakasvotwa nazvo ndokubva vandirambidza kuwadzana neZvapupu. Vakazondiendesa kwaiva nababa vangu kuPeshawar, taundi raiva makiromita anenge 1 370 kuchamhembe. Sezvo ndainge ndisisawani zvekudya zvekunamata, ushamwari hwangu naJehovha hwakatanga kuita zinyekenyeke.

KUVAZVE NEUSHAMWARI HWAKANAKA NAJEHOVHA

Muna 1947, ndakadzokera kuKarachi kunotsvaga basa. Ndiri ikoko, ndakaenda kukiriniki kwaChiremba Hardaker. Vakanditambira nemaoko maviri.

“Saka, chii chiri kukunetsa?” vakabvunza kudaro vachifunga kuti ndainge ndauya kuzopiwa mazano ane chekuita neutano.

“Chiremba, handina pari kurwadza,” ndakapindura kudaro. “Ndiri kurwara pakunamata. Ndinoda kudzidza Bhaibheri.”

Vakabvunza kuti: “Unoda kutanga riini?”

Ndakati: “Izvozvi kana zvichiita.”

Takanakidzwa nekudzidza Bhaibheri manheru iwayo. Izvi zvakandinyaradza chaizvo nekuti ndakanga ndava kukwanisa zvakare kuwadzana nevanhu vaMwari. Amai vangu vakaedza chaizvo kuita kuti ndirege kuwadzana neZvapupu, asi panguva ino ndainge ndatsunga kugamuchira chokwadi uye kurarama maererano nacho. Musi wa31 August 1947, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu nekubhabhatidzwa mumvura. Pasina nguva, ndiine makore 17, ndakatanga kushumira sapiyona wenguva dzose.

KUFARA MUBASA REKUPAYONA

Ndakatanga kupayona muQuetta, nzvimbo yaimbogara masoja eBritain. Muna 1947, India yakakamurwa, chimwe chikamu chikava Pakistan. * Izvi zvakakonzera kuti vanhu varwisane chaizvo nenyaya yezvitendero, zvikaita kuti vanhu vakawanda chaizvo vatame vachienda kune dzimwe nyika. Vapoteri vanenge mamiriyoni 14 vakasiya misha yavo. VaMuslim vaiva muIndia vakaenda kuPakistan, uye vaHindu nevaSikh vaiva muPakistan vakaenda kuIndia. Paiitika nyonganyonga iyi ndakakwira chitima muKarachi ndichienda kuQuetta. Chainge chakazarisa zvekuti ndakaita chikamu chakakura cherwendo rwacho ndakabatirira pane imwe simbi ndiri nechekunze.

Ndakapinda gungano redunhu muIndia muna 1948

MuQuetta ndakasangana naGeorge Singh, piyona chaiye aiva nemakore anenge 25. George akandipa bhasikoro randaishandisa mundima yacho ine makomo. Kakawanda kacho ndaiparidza ndiri ndega. Mumwedzi 6 ndainge ndatova nezvidzidzo zveBhaibheri 17 uye vamwe vadzidzi vacho vakauya muchokwadi. Mumwe wavo, mukuru wemasoja ainzi Sadiq Masih, akabatsira ini naGeorge pakushandura mamwe mabhuku eBhaibheri tichiisa muchiUrdu, mutauro wemuPakistan. Nekufamba kwenguva, Sadiq akava muparidzi anoshingaira wemashoko akanaka.

Ndichienda kuChikoro cheGiriyedhi nengarava inonzi Queen Elizabeth

Pava paya ndakadzokera kuKarachi ndikashanda naHenry Finch naHarry Forrest, mamishinari ainge achangobva kuChikoro cheGiriyedhi. Vakandidzidzisa zvinhu zvinokosha chaizvo zvine chekuita nekunamata. Pane imwe nguva ndakaenda naHama Finch kunoparidza kuchamhembe kwePakistan. Mumisha yaiva mujinga memakomo takawana vanhu vakawanda vakaderera vemutauro wechiUrdu vaiva nenyota yechokwadi cheBhaibheri. Papera makore maviri, iniwo ndakakwanisa kupinda Chikoro cheGiriyedhi. Pandakapedza ndakadzokera kuPakistan uye ndaimbopota ndichishanda semutariri wedunhu. Ndaigara paimba yemamishinari yaiva muLahore, pamwe chete nedzimwe hama nhatu dzaiva mamishinari.

KUNAYA PASHURE PEMARWADZO

Zvinosuruvarisa kuti muna 1954, mamishinari aiva muLahore akatadza kuwirirana. Sezvo ndaiva nedivi randaitsigira pakusawirirana kwacho, ndakapiwa zano rakasimba. Ndakanzwa kupera simba, ndichizviona semunhu ainge akundikana pakunamata. Ndakadzokera kuKarachi, ndokuzoenda kuLondon, England, ndichitarisira kutangazve kuita zvakanaka pakunamata.

Ungano yandaipinda nayo yaiva nevakawanda vemhuri yeBheteri remuLondon. Pryce Hughes, uyo aiva muranda webazi, akandidzidzisa nerudo. Rimwe zuva akandiudza nezvezano rakasimba raakambopiwa naJoseph F. Rutherford, uyo aiona nezvebasa rekuparidza pasi rese. Hama Hughes pavakaedza kupa zvikonzero, Hama Rutherford vakavatsiura zvakasimba. Ndakashamisika kuona Hama Hughes vachinyemwerera pavaizvitaura. Vakati pakutanga izvi zvakavagumbura. Asi vakazoona kuti vaida zano rakasimba uye kuti kwaiva kuratidzwa kwerudo rwaJehovha. (VaH. 12:6) Zvavakataura zvakandibaya mwoyo uye zvakandibatsira kuti ndishumire zvakare nemufaro.

Makore iwayo amai vangu vakatamira kuLondon uye vakadzidza Bhaibheri naHama John E. Barr, avo vakazoshumira muDare Rinotungamirira. Vakafambira mberi pakunamata ndokubhabhatidzwa muna 1957. Ndakazoziva kuti baba vangu vaidzidzawo neZvapupu zvaJehovha vasati vafa.

Muna 1958, ndakaroora Lene, hanzvadzi yekuDenmark yainge yatamira muLondon. Gore rakatevera racho takakomborerwa nemwanasikana anonzi Jane, dangwe pavana vedu vashanu. Ndakapiwawo mabasa ekuita muUngano yeFulham. Zvisinei, nekufamba kwenguva taifanira kutamira kunzvimbo inoti dziyei nemhaka yekurwara kwaiita Lene. Saka muna 1967, takatamira kuAdelaide, Australia.

DAMBUDZIKO RAKATIGURA KUNORIRA

Ungano yedu yemuAdelaide yaiva nevaKristu vechikuru 12 vakazodzwa. Vaishingaira zvikuru mubasa rekuparidza. Hazvina kutitorera nguva kuti tive nepurogiramu yakanaka yekushumira Jehovha.

Muna 1979, ini naLene takava nemwana wechishanu, Daniel. Aiva nechirwere cheDown syndrome * uye aisatarisirwa kurarama kwenguva refu. Kunyange nanhasi ndinotadza kutsanangura marwadzo atakava nawo. Takaita zvese zvataigona kuti timuchengete asi tisingaregeredzi vamwe vana vedu 4. Dzimwe nguva Daniel aimboita ruvara rwebhuruu nemhaka yekuti maburi maviri aiva mumwoyo make aiita kuti asava neokisijeni yakakwana, uye taifanira kumumhanyisa kuchipatara. Asi pasinei nekurwara kwake, aiva nenjere uye aida vanhu. Aidawo Jehovha zvikuru. Patainyengetera tisati tadya, aibatanidza tumaoko twake, achigutsurira musoro uye aizoti nemwoyo wese “Ameni!” Aisadya asina kuita izvozvo.

Paaiva nemakore mana, Daniel akaita gomarara remuropa. Ini naLene takanga tisisina kana nesimba zvaro. Ndakaita sendava kupenga. Asi rimwe zuva patainge takaora mwoyo zvikuru, mutariri wedu wedunhu, Neville Bromwich, akauya kumba kwedu ari manheru. Achiyangarara misodzi mumaziso, akatigumbatira. Tese takasvimha misodzi. Mashoko ake erudo netsitsi akatinyaradza zvisingatsananguriki. Akazobva pamba pedu kuma1 dzemangwanani. Daniel akashaya zuva iroro. Kurasikirwa naye kwakatishungurudza kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwedu. Kunyange zvakadaro takatsungirira kurwadziwa kwedu tiine chivimbo chekuti hapana chimwe chinhu, kunyange rufu, chinogona kuparadzanisa Daniel nerudo rwaJehovha. (VaR. 8:38, 39) Tinotarisira chaizvo kuzova naye paachamutswa munyika itsva yaMwari!—Joh. 5:28, 29.

KUWANA MUFARO PAKUBATSIRA VAMWE

Iye zvino, ndichiri kushumira semukuru kunyange zvazvo ndakamboita sitiroko kaviri. Zvandakasangana nazvo zvakaita kuti ndive munhu anonzwira vamwe tsitsi, kunyanya vaya vari kunetseka nematambudziko. Ndinoedza kusavatonga. Pane kudaro ndinozvibvunza kuti: ‘Zvavakasangana nazvo muupenyu zvakakanganisa sei manzwiro nemafungiro avo? Ndingavaratidza sei kuti ndine hanya navo? Ndingavakurudzira sei kuti vaite zvinodiwa naJehovha?’ Ndinoda chaizvo kuita basa rekufudza muungano. Pandinonyaradza vamwe nekuvazorodza pakunamata, ndinoona kuti ini pachangu ndinenge ndichitozvinyaradza nekuzvizorodzawo.

Kushanya kwekufudza kunoita kuti ndigare ndichigutsikana

Ndinonzwa sezvakaita munyori wemapisarema uyo akati: “Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu, kunyaradza [kwaJehovha] kwakarezva mweya wangu.” (Pis. 94:19) Anditsigira pamatambudziko emumhuri, pakupikiswa pane zvekunamata, pakuora mwoyo uye pakushungurudzika. Zvechokwadi, Jehovha ndiBaba chaivo kwandiri!

^ ndima 19 Pakutanga Pakistan yaiva nezvikamu zvinoti West Pakistan (yava kunzi Pakistan) neEast Pakistan (yava kunzi Bangladesh).

^ ndima 29 Ona nyaya inoti “Raising a Child With Down Syndrome—The Challenge and the Reward” iri muMukai! yeChirungu yaJune 2011.