Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngativei Vamwe Sezvakaita Jehovha naJesu

Ngativei Vamwe Sezvakaita Jehovha naJesu

‘Ndinokumbira kuti vose vave vamwe, semi Baba, muri pamwe neni.’​—JOH. 17:20, 21.

NZIYO: 24, 99

1, 2. (a) Mumunyengetero wake wekupedzisira aine vaapostora vake, Jesu akakumbirei? (b) Nei Jesu angangodaro ainetseka nezvenyaya yekubatana?

JESU ainyanya kufunga nezvekubatana paaidya kekupedzisira nevaapostora vake. Achinyengetera navo, akataura nezvechido chake chekuti vadzidzi vake vave vamwe, sezvakaita iye naBaba vake. (Verenga Johani 17:20, 21.) Kubatana kwavo kwaizopa uchapupu hwakasimba, zvichiratidza kuti Jehovha akanga atuma Jesu kuti auye panyika kuzoita kuda kwaMwari. Rudo rwaizova chiratidzo chekuti vaiva vadzidzi vaJesu vechokwadi uye rwaizoita kuti vabatane.​—Joh. 13:34, 35.

2 Jesu akasimbisa nyaya yekubatana nekuti vaapostora vake vakanga vasina kunyatsobatana sezvaakaona paaidya navo kekupedzisira. Sezvakamboitika pane imwe nguva, pakava nenharo pamusoro penyaya yekuti “ndiani wavo aiita somukuru pane vose.” (Ruka 22:24-27; Mako 9:33, 34) Pane imwe nguva, Jakobho naJohani vakakumbira Jesu kuti avape zvinzvimbo zvepamusoro muUmambo hwake.​—Mako 10:35-40.

3. Zvii zvingangodaro zvakaita kuti pasava nekubatana pakati pevadzidzi vaKristu, uye mibvunzo ipi yatichakurukura?

3 Zvisinei, kuda mukurumbira handiko kwega kwaigona kukonzera kusabatana pakati pevadzidzi vaKristu. Vanhu vepanguva yaJesu vaipesaniswa neruvengo uye rusarura. Vadzidzi vaJesu vaizofanira kukurira mafungiro iwayo. Munyaya ino tichakurukura mibvunzo inotevera: Jesu akaitei nenyaya yerusarura? Akadzidzisa sei vateveri vake kuti vasava nerusarura vova vanhu vakanyatsobatana? Uye zvaaidzidzisa zvinotibatsira sei kuti tirambe takabatana?

KUSARURWA KWAIITWA JESU UYE VATEVERI VAKE

4. Taura mienzaniso yekusarurwa kwaiitwa Jesu.

4 Jesu pachake aitombosarurwawo. Firipi paakaudza Natanaeri kuti akanga awana Mesiya, Natanaeri akapindura kuti: “Pane chinhu chakanaka chingabva muNazareta here?” (Joh. 1:46) Natanaeri anofanira kunge aiziva uprofita huri pana Mika 5:2 uye anogona kunge aifunga kuti Nazareta yainge yakanyanya kuderera zvekusagona kuva taundi rinobva Mesiya. Saizvozvowo, vaJudha vakakurumbira vaitarisira Jesu pasi nekuti aiva wekuGarireya. (Joh. 7:52) VaJudha vakawanda vaitarisira pasi vanhu vekuGarireya. Vamwe vaJudha vainyomba Jesu kuburikidza nekumudana kuti muSamariya. (Joh. 8:48) VaSamariya nevaJudha vaiva vemarudzi akasiyana uyewo vainge vaine zvitendero zvakasiyana. VaJudha nevaGarireya vaitarisira pasi vaSamariya uye vaisada kuwadzana navo.​—Joh. 4:9.

5. Vateveri vaJesu vaisarurwa sei?

5 Vatungamiriri vechiJudha vaishorawo vateveri vaJesu. VaFarisi vaivati “vanhu vakatukwa.” (Joh. 7:47-49) Vaiona munhu wese ainge asina kudzidza kuzvikoro zvavanarabhi uye aisatevera tsika dzavo semunhu asina chiremerera uye wenhando. (Mab. 4:13) Kusarurwa kwaiitwa Jesu uye vadzidzi vake kwaikonzerwa nekusiyana kwainge kwakaita vanhu panyaya dzechitendero, upfumi uye madzinza avo. Vadzidzi vaivawo nerusarura. Kuti vabatane, vaifanira kuchinja mafungiro avo.

6. Taura mienzaniso inoratidza kuti rusarura rungatikanganisa sei.

6 Mazuva ano, munyika makazara nerusarura. Tinogona kusarurwa kana kuti tinogona kusarura vamwe. “Kuvenga kwandaiita vanhu vechichena kwaiwedzera pandairamba ndakaisa pfungwa pakudzvinyirirwa kwevanhu vechiAborigine,” inodaro imwe hanzvadzi yekuAustralia yava kupayona. “Ruvengo urwu rwaikonzerwawo nekusabatwa zvakanaka kwandakamboitwa.” Imwe hama yekuCanada yakataura nezverusarura rwayakambova narwo panyaya yemitauro. “Ndaifunga kuti vanhu vanotaura chiFrench vari nani pane vamwe vese,” inodaro hama yacho. “Uye ndakatanga kuvenga vanhu vanotaura Chirungu.”

7. Jesu akaitei nenyaya yerusarura?

7 Mazuva ano, rusarura rwunogona kudzika midzi mumwoyo medu sezvaingoitikawo mumazuva aJesu. Jesu akaitei narwo? Chekutanga, akaramba mafungiro iwayo uye aisava kana nerusarura. Aiparidzira vapfumi nevarombo, vaFarisi nevaSamariya, kunyange vateresi nevatadzi. Chechipiri, nekudzidzisa kwake uye muenzaniso wake, Jesu akaratidza vadzidzi vake kuti vaisafanira kufungira vamwe zvisiri izvo kana kuvasarura.

TINOKURIRA RUSARURA KANA TIINE RUDO UYE TICHIZVININIPISA

8. Ichokwadi chipi chisingachinji chinoita kuti tibatane? Tsanangura.

8 Jesu akadzidzisa vateveri vake chokwadi chisingachinji chinoita kuti tibatane. Akati: “Imi mose muri hama.” (Verenga Mateu 23:8, 9.) Chimwe chinoita kuti tive “hama” ndechekuti tese takabva kuna Adhamu. (Mab. 17:26) Asi pane zvimwe zvinoita kuti tive hama. Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaiva hama nehanzvadzi nekuti vaiona Jehovha sababa vavo vekudenga. (Mat. 12:50) Uyewo vakanga vava nhengo dzemhuri yakakura yevanamati, yakabatanidzwa nerudo uye kutenda. Saka mutsamba dzavo, vaapostora vaiwanzotaura nezvevamwe vadzidzi vachivati “hama.”​—VaR. 1:13; 1 Pet. 2:17; 1 Joh. 3:13. *

9, 10. (a) Nei vaJudha vakanga vasina chikonzero chekudada nerudzi rwavo? (b) Jesu akadzidzisa sei chidzidzo panyaya yekusarura vanhu verumwe rudzi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

9 Pashure pekubudisa pachena kuti tinofanira kuonana sehama nehanzvadzi, Jesu akasimbisa kukosha kwekuzvininipisa. (Verenga Mateu 23:11, 12.) Sezvatamboona, kuzvikudza kwaimboita kuti vaapostora vasabatana. Uye vanhu vaivawo nedambudziko rekudada nerudzi rwavo. VaJudha vaiva here nechikonzero chekuti vadade nekuti vaiva vedzinza raAbrahamu? Vakawanda vavo ndizvo zvavaiita. Asi Johani Mubhabhatidzi akavaudza kuti: “Mwari ane simba rokumutsira Abrahamu vana pamatombo aya.”​—Ruka 3:8.

10 Jesu akaratidza kuti kudada nerudzi kwakaipa. Akaratidza izvozvo mumwe munyori paakabvunza kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?” Achipindura, Jesu akataura mufananidzo wemuSamariya akabatsira mumwe murume wechiJudha ainge arohwa nematsotsi ari parwendo. VaJudha vaipfuura vachingosiya murume uyu akadaro, asi muSamariya akamunzwira tsitsi. Jesu akapedzisa nyaya yake nekuudza munyori wacho kuti atevedzere muSamariya iyeye. (Ruka 10:25-37) Jesu akaratidza kuti muSamariya aigona kudzidzisa vaJudha zvinorehwa nekuda muvakidzani zvechokwadi.

11. Nei vadzidzi vaKristu vaisafanira kusarura vanhu vemamwe marudzi, uye Jesu akavabatsira sei kuti vazvinzwisise?

11 Kuti vaite basa ravakapiwa, vadzidzi vaJesu vaifanira kukurira dambudziko rekuzvikudza uye rusarura. Asati aenda kudenga, Jesu akavapa basa rekupupurira “muJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Jesu aimbotaura nezveunhu hwakanaka hwaiva nevanhu vemamwe marudzi kuti abatsire vadzidzi vake kugadzirira kuzoita basa iroro guru. Akarumbidza musoja werumwe rudzi nemhaka yekutenda kwake kwakasimba. (Mat. 8:5-10) Mutaundi raakakurira reNazareta, Jesu akataura nezvekubatsirwa kwakaitwa vanhu vemamwe marudzi naJehovha. Jehovha akabatsira vanhu vakadai sechirikadzi yeZarefati naNaamani wekuSiriya. (Ruka 4:25-27) Uye Jesu haana kungoparidzira mukadzi muSamariya chete, asi akaitawo mazuva maviri ari mutaundi revaSamariya nekuti vanhu vemo vaifarira mashoko ake.​—Joh. 4:21-24, 40.

KURWISA RUSARURA MUNGUVA YAJESU

12, 13. (a) Vaapostora vakaita sei pavakaona Jesu achidzidzisa mukadzi muSamariya? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Chii chinoratidza kuti Jakobho naJohani havana kunyatsonzwisisa zvavaidzidziswa naJesu?

12 Zvisinei, zvaisava nyore kuti vaapostora vakurire rusarura. Vakashamisika pavakaona kuti Jesu aiva nechido chekudzidzisa mukadzi muSamariya. (Joh. 4:9, 27) Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaisataura nemunhukadzi pane vanhu saka kwavari zvaisaita kuti vataure nemukadzi wechiSamariya aizivikanwa nekusazvibata. Vaapostora vakakurudzira Jesu kuti adye. Asi mhinduro yaJesu yakaratidza kuti ainge akaisa pfungwa dzake pakukurukura nemukadzi uyu zvekuti aigona kumboisa nyaya yekudya padivi. Kuparidzira kunyange mukadzi muSamariya kwaiva kuda kwaBaba vake uye kwainge kwakaita sezvekudya kwaari.​—Joh. 4:31-34.

13 Jakobho naJohani havana kunzwisisa chidzidzo ichi. Pavaifamba naJesu vachipfuura nemuSamariya, vadzidzi vakatsvaga pekurara mune mumwe musha. VaSamariya vakaramba kuvagamuchira, saka Jakobho naJohani vakatsamwa ndokubvunza kana zvaiita kuti vaudze moto ubve kudenga uparadze musha wacho wese. Jesu akavatsiura zvakasimba. (Ruka 9:51-56) Jakobho naJohani vangadai vakataura izvozvo here kudai vanhu vakaramba kuvagamuchira vaiva vemunharaunda yavo yeGarireya? Kunenge kuti rusarura ndirwo rwakanga rwamutsa ruvengo irworwo. Muapostora Johani paakazoparidzira vaSamariya achiona kuti vakawanda vaimuteerera anofanira kunge akanyara nemashoko iwayo aakataura asina kufunga.​—Mab. 8:14, 25.

14. Nyaya ingangodaro yaiva nechekuita nemitauro yakagadziriswa sei?

14 Pendekosti ya33 C.E. ichangopera, pakamuka nyaya yekusarurana muungano. Paipiwa zvekudya kuchirikadzi dzaida rubatsiro, chirikadzi dzaitaura chiGiriki dzaisiiwa. (Mab. 6:1) Zvichida kusiyana kwemitauro ndiko kwaikonzera kusarurana ikoko. Vaapostora vakakurumidza kugadzirisa zvinhu kuburikidza nekugadza varume vaikodzera kuti vaone nezvenyaya yekupa zvekudya. Varume vese ivavo vainge vakasimba pakunamata vaiva nemazita echiGiriki. Izvi zvinofanira kunge zvakanyaradza chirikadzi dzainge dzatadzirwa.

15. Petro akadzidza sei kusava nerusarura? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

15 Muna 36 C.E., vadzidzi vaJesu vakatanga kuparidzira vanhu vemarudzi ese. Muapostora Petro aiva netsika yekuwadzana nevaJudha chete. Asi pashure pekunge Mwari ajekesa kuti vaKristu havafaniri kuva nerusarura, Petro akaparidzira Koneriyasi, musoja weRoma. (Verenga Mabasa 10:28, 34, 35.) Pashure pacho, Petro akanga ava kudya nekuwadzana nevaKristu vaisava vaJudha. Asi pashure pemakore, Petro akarega kudya nevaKristu vaisava vaJudha vaigara muguta reAndiyoki. (VaG. 2:11-14) Panyaya iyi, Pauro akatsiura Petro uye zviri pachena kuti Petro akabvuma kutsiurwa. Petro paakanyora tsamba yake yekutanga kuvaKristu vechiJudha nevemamwe marudzi vaiva muAsia Minor, akataura nezvekukosha kwekuda sangano rese rehama.​—1 Pet. 1:1; 2:17.

16. VaKristu vepakutanga vaizivikanwa nechii?

16 Zviri pachena kuti vaapostora vakadzidza kubva pamuenzaniso waJesu wekuda “vanhu vemarudzi ose.” (Joh. 12:32; 1 Tim. 4:10) Kunyange zvazvo zvakatora nguva, vakagadzirisa mafungiro avo. VaKristu vepakutanga vaizivikanwa sevanhu vanodanana. Munenge mugore ra200, mumwe munyori ainzi Tertullian akanyora zvakataurwa nevamwe vanhu nezvevaKristu kuti: “Vanodanana . . . Vakagadzirira kunyange kufirana.” Nemhaka yekuti vakanga vapfeka “unhu hutsva,” vaKristu vepakutanga vakasvika pakuona vanhu vese sevakafanana kuna Mwari.​—VaK. 3:10, 11.

17. Tingadzura sei rusarura mumwoyo medu? Taura mienzaniso.

17 Mazuva ano, zvingatora nguva kuti tidzure rusarura mumwoyo medu. Imwe hanzvadzi yekuFrance inotaura kurwisa kwainoita ichiti: “Jehovha akandidzidzisa chinonzi rudo, kuva nerupo, uye kuti kuda vanhu vemarudzi ese kunorevei. Asi ndichiri kudzidza kukurira rusarura, uye hazvisi nyore nguva dzese. Ndosaka ndichiramba ndichinyengetera nezvazvo.” Imwe hanzvadzi yekuSpain inonetseka nedambudziko rakadaro. Inoti: “Dzimwe nguva ndinorwisana nekuvenga kwandinoita rumwe rudzi, uye kakawanda kacho ndinokunda. Asi ndinoziva kuti ndinofanira kuramba ndichirwisa. Ndichibatsirwa naJehovha, ndiri kufara kuti ndiri mumhuri yakabatana.” Mumwe nemumwe wedu anogona kunyatsozviongorora. Tinofanirawo here kurwisa rusarura sezvinoita hanzvadzi mbiri idzi?

RUSARURA RUNOSVAVA RUDO ZVARUNOKURA

18, 19. (a) Zvikonzero zvipi zvinoita kuti tigamuchire munhu wese? (b) Tingazviita sei?

18 Zvakanaka kuyeuka kuti pane imwe nguva tese taiva ‘vanhu vasingazivikanwi’ kana kuti vatorwa, tisiri pedyo naMwari. (VaEf. 2:12) Asi Jehovha akatikwevera kwaari “netambo dzorudo.” (Hos. 11:4; Joh. 6:44) Uye Kristu akatigamuchira. Akaita kuti tikwanise kuva mumhuri yaMwari. (Verenga VaRoma 15:7.) Sezvo Jesu akatigamuchira pasinei nekuti tine chivi,hatifaniri kumbofunga nezvekusarura chero munhu upi zvake.

Vashumiri vaJehovha vanotsvaga uchenjeri kwaMwari uye vakabatana murudo (Ona ndima 19)

19 Hapana mubvunzo kuti kupesana, kusarurana uye kuvengana zvichawedzera mugumo wenyika ino zvaunoswedera. (VaG. 5:19-21; 2 Tim. 3:13) Asi sevashumiri vaJehovha tinoda kuva neuchenjeri hunobva kumusoro, uhwo husingasaruri uye hunoita kuti pave nerugare. (Jak. 3:17, 18) Tinofara patinoumba ushamwari nevanhu vekune dzimwe nyika, tichinzwisisa maitiro avo, uye zvichida tichitodzidza mitauro yavo. Patinoita izvi, rugare rwedu runobva rwayerera sezvinoita rwizi, uye kururama kwedu semafungu egungwa.​—Isa. 48:17, 18.

20. Chii chinoitika rudo parunochinja pfungwa nemwoyo yedu?

20 Hanzvadzi iya yekuAustralia inotaura kubatsirwa kwayakaitwa nekudzidza Bhaibheri ichiti: “Ndakabatsirwa kuti ndive nemwoyo mutsva nepfungwa itsva. Saka rusarura rwese neruvengo zvakapera zvishoma nezvishoma.” Uye hama iya yekuCanada inoti yava kuona kuti “kusaziva ndiko kunoita kuti vanhu vasarurane uye kuti unhu hwevanhu haunei nekuti vakaberekerwa kupi.” Hama yacho yakaroora hanzvadzi inotaura Chirungu. Kuchinja kwakadaro kunoratidza chokwadi chekuti rudo rwechiKristu runokunda rusarura. Runotibatanidza nechisungo chisingadambuki.​—VaK. 3:14.

^ ndima 8 Shoko rekuti “hama” rinogona kubatanidzawo vanhukadzi vari muungano. Pauro akanyora tsamba ‘kuhama’ dzake dzaiva muRoma. Zviri pachena kuti aibatanidzawo hanzvadzi, uye dzimwe dzacho akadzitaura nemazita. (VaR. 16:3, 6, 12) Nharireyomurindi yakabvira kare ichitaura nezvevaKristu ‘sehama nehanzvadzi.’