Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Umambo Hwangu Hahusi Hwenyika Ino”

“Umambo Hwangu Hahusi Hwenyika Ino”

Ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.”​JOH. 18:37.

NZIYO: 15, 74

1, 2. (a) Pasi rese vanhu vari kuwedzera sei kusabatana? (b) Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya ino?

“KUBVIRA ndichiri mudiki, ndaingoona kusaruramisira kuchiitwa,” inodaro imwe hanzvadzi yekumaodzanyemba kweEurope, ichitaura zvakamboitika kwairi. “Saka ndakatanga kusafarira hurumende yemunyika yangu, uye ndakatanga kutsigira mafungiro evakawanda ekuti zvinhu zvichinje munyika. Ndaitodanana nerimwe gandanga kwemakore akawanda.” Imwe hama inogara nechekumaodzanyemba kweAfrica yaimboona pasina chakaipa nekuita mhirizhonga. Inoti: “Ndaiona sekuti rudzi rwangu rwaiva nani pane mamwe ese, uye ndakajoina rimwe bato rezvematongerwo enyika. Takadzidziswa kuuraya vaitipikisa tichishandisa mapfumo, kunyange verudzi rwedu vaitsigira mamwe mapato ezvematongerwo enyika.” Imwe hanzvadzi inogara munyika iri nechepakati peEurope inoti: “Ndaiva nerusarura, uye ndaivenga chero ani zvake asiri wemunyika mangu kana kuti wechitendero chakasiyana nechangu.”

2 Vanhu vakawanda munyika vane mafungiro aimbova nevatatu ava vabva kutaurwa nezvavo. Mapato akawanda ezvematongerwo enyika anoita mhirizhonga kuti atonge, kurwira zvematongerwo enyika kuri kuwedzera uye vakawanda vari kuwedzera kuvengwa nevanhu vemunyika dzavakatamira. Sezvakagara zvataurwa neBhaibheri, mumazuva ano ekupedzisira vanhu ‘havambodi kubvumirana.’ (2 Tim. 3:1, 3) Nyika pairi kuwedzera kusabatana, vaKristu vangaramba sei vakabatana? Tinogona kudzidza zvakawanda nekuongorora zvakaitwa naJesu paaiva munyika yainge isina kugadzikana mune zvematongerwo enyika. Ngatikurukurei pfungwa nhatu dzinoti: Nei Jesu akaramba kubatana neboka chero ripi zvaro rezvematongerwo enyika? Akaratidza sei kuti vashumiri vaMwari havafaniri kuva nedivi ravanotsigira munyaya dzezvematongerwo enyika? Uye Jesu akatidzidzisa sei kuti hatimbofaniri kuita zvemhirizhonga?

JESU AITSIGIRA HERE MAPOKA EVANHU AISIMUDZIRA KUZVITONGA?

3, 4. (a) Chii chaitarisirwa nevaJudha vakawanda Jesu paaiva panyika? (b) Mafungiro iwayo akakanganisa sei vadzidzi vaJesu?

3 VaJudha vakawanda vaiparidzirwa naJesu vaishuva kuwana rusununguko kubva pautongi hweRoma. Rimwe boka revaJudha vaida kuzvitonga raikurudzira vanhu kuti vave nemafungiro aya. Vakawanda veboka iroro vaitevera mumwe murume ainzi Judhasi wekuGarireya. Aiva mesiya wenhema uyo akatsausa vakawanda panguva yevaKristu vekutanga. Munyori wenhoroondo yechiJudha, Josephus, anoti Judhasi uyu “aikurudzira vanhu vechiJudha kuti vapanduke uye aivati imbwende nekuti vaibvuma kubhadhara mutero kuvaRoma.” VaRoma vakaita kuti Judhasi aurayiwe. (Mab. 5:37) Vamwe vevaJudha vaida kuzvitonga vaitoita zvemhirizhonga kuti vazadzise zvinangwa zvavo.

4 VaJudha vakawanda vaimirira kuuya kwaMesiya. Vaitarisira kuti kana Mesiya auya aizokwidziridza rudzi rwavo ovasunungura pajoko reRoma. (Ruka 2:38; 3:15) Vakawanda vaitenda kuti Mesiya aizoumba umambo munyika yeIsraeri. Izvozvo pazvaizoitika, mamiriyoni evaJudha vainge vakapararira kune dzimwe nyika vaizodzoka kunyika yavo. Yeuka kuti Johani Mubhabhatidzi akambobvunza Jesu kuti: “Ndimi Iye Anouya here, kana kuti pane mumwe watinofanira kutarisira.” (Mat. 11:2, 3) Johani anogona kunge aida kuziva kana paizova nemumwewo munhu aizoita zvese zvaitarisirwa nevaJudha. Vadzidzi vaviri vakasangana naJesu paainge amutswa pamugwagwa unoenda kuEmausi vaivawo nezvavaitarisira kuna Mesiya zvisina kuzadziswa. (Verenga Ruka 24:21.) Pashure peizvi, vaapostora vaJesu vakamubvunza kuti: “Ishe, mava kudzorera umambo kuna Israeri panguva ino here?”​—Mab. 1:6.

5. (a) Nei vanhu vemuGarireya vaida kuti Jesu ave mambo wavo? (b) Jesu akagadzirisa sei mafungiro avo?

5 Hapana mubvunzo kuti tarisiro idzodzo nezvaMesiya dzakaita kuti vanhu vemuGarireya vade kuti Jesu ave mambo wavo. Vanhu vaifunga kuti Jesu aizova mutungamiriri akakodzera nekuti ainyatsogona kutaura, aigona kurapa vanorwara uye aigona kupa vane nzara zvekudya. Pashure pekunge Jesu apa varume vanenge 5 000 zvekudya, akaziva zvavakanga vava kuda kuita. “Jesu, achiziva kuti vakanga vava kuda kuuya kuzomubata kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda mugomo ari oga.” (Joh. 6:10-15) Zuva rakatevera racho paakanga ava kune rimwe divi reGungwa reGarireya, zvichida vanhu vacho vakanga vati dzikamei. Jesu akabva atsanangurira boka racho chinangwa chebasa rake. Ainge auya kuzovadzidzisa nezveUmambo hwaMwari kwete kuvapa zvekurarama nazvo. Akavaudza kuti: “Musashandira zvokudya zvinoparara, asi zvokudya zvinoramba zviripo nokuda kwoupenyu husingaperi.”​—Joh. 6:25-27.

6. Jesu akanyatsoratidza sei kuti aisatsvaga kutonga paaiva panyika? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

6 Nguva pfupi asati afa, Jesu akaona kuti vamwe vevateveri vake vaitarisira kuti aumbe umambo panyika hwaizotonga huri muJerusarema. Akagadzirisa mafungiro iwayo nekuvaudza mufananidzo wemamaina. Mufananidzo wacho wairatidza kuti Jesu, “murume weimba huru,” aizofanira kuenda kure kwenguva refu. (Ruka 19:11-13, 15) Jesu akaudzawo Pondiyo Pirato kuti aisava nedivi raaitsigira panyaya dzezvematongerwo enyika. Pondiyo Pirato akabvunza Jesu kuti: “Ndiwe mambo wevaJudha here?” (Joh. 18:33) Zvichida gavhuna wacho aityira kuti Jesu aigona kuita kuti vanhu vapandukire hurumende yeRoma. Jesu akapindura kuti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Joh. 18:36) Aisazopinda munyaya dzezvematongerwo enyika nekuti Umambo hwake hwaizova hwekudenga. Akaudza Pirato kuti basa rake panyika raiva ‘rekupupurira chokwadi.’​—Verenga Johani 18:37.

Pfungwa dzako dziri pamatambudziko enyika here kana kuti paUmambo hwaMwari? (Ona ndima 7)

7. Nei zvingasava nyore kuti tisatsigira mapato ezvematongerwo enyika mumwoyo medu?

7 Patinonzwisisa basa redu sekunzwisisa kwaiita Jesu basa rake, tinodzivisa kutsigira chero bato ripi rezvematongerwo enyika kunyange mumwoyo medu. Izvi zvingasava nyore. Mumwe mutariri wedunhu anoti: “Munharaunda yedu, vanhu vari kuwedzera kuva nemafungiro ekuchinja zvinhu. Vanodada chaizvo nenyika yavo, uye vakawanda vanongofunga kuti vachava neupenyu hwakanaka kana vakawana kuzvitonga. Zvinofadza kuti hama dziri kuramba dzakabatana sevaKristu nekuisa pfungwa pabasa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo. Vanovimba naMwari kuti agadzirise kusaruramisira nemamwe matambudziko atinosangana nawo.”

JESU AKARAMBA SEI ASINA DIVI RAAITSIGIRA?

8. Taura muenzaniso wekuomeserwa kwaiitwa vaJudha vemunguva yaJesu.

8 Kusaruramisira kunowanzoita kuti vanhu vade kupindira mune zvematongerwo enyika. Nyaya yekubhadhara mitero yaiita kuti vanhu vepanguva yakararama Jesu vave nemativi avaitsigira mune zvematongerwo enyika. Kupanduka kwaJudhasi wekuGarireya, ambotaura nezvake, kwakakonzerwa nekunyoreswa kwakaitwa vanhu kuti vave nechokwadi chekuti vese vabhadhara mutero kuRoma. Vanhu vaitongwa neRoma, kusanganisira vaya vaiteerera Jesu, vaifanira kubhadhara mitero yakawanda, pazvinhu zvakadai seminda yavo, dzimba uye pazvinhu zvavaiva nazvo. Uye uori hwevateresi hwaiita kuti vanhu vawedzere kuomerwa. Vateresi vaigona kubhadhara vanhu vehurumende kuti vawane zvinzvimbo vobva vashandisa simba ravo kuti vawane mari yakawanda. Zakeyo, uyo aiva mukuru mukuru wevateresi muJeriko akanga apfuma nekubiridzira vanhu mari. (Ruka 19:2, 8) Vamwe vateresi vanofanira kunge vaiitawo izvozvo.

9, 10. (a) Vavengi vaJesu vakaedza sei kumuita kuti abatanidzwe munyaya yaiva nechekuita nezvematongerwo enyika? (b) Tinodzidzei kubva pamhinduro yakapiwa naJesu? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

9 Vavengi vaJesu vakaedza kumuwanira mhosva nekumuita kuti ave nedivi raanotora panyaya yekubhadhara mutero. Mutero waitaurwa nezvawo wainzi “mutero womunhu wose,” mutero wedhinari uyo waifanira kubhadharwa nemunhu wese aitongwa neumambo hweRoma. (Verenga Mateu 22:16-18.) VaJudha vaivenga chaizvo mutero uyu. Wairatidza kuti vaiva varanda veRoma. “Vateveri vebato raHerodhi,” avo vakatanga nyaya iyi, vaitarisira kuti kana Jesu akashora nyaya yekubhadhara mutero wacho aigona kubva apiwa mhosva yekupandukira hurumende. Kudai Jesu akati vanhu vaifanira kubhadhara mutero wacho, zvaigona kuita kuti vanhu varege kumutevera.

10 Jesu akaramba akangwarira kuti asava nedivi raanotsigira panyaya iyoyo yekubhadhara mutero. Akati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mat. 22:21) Jesu aiziva kuti vateresi vaiva neuori. Asi aisada kutsauswa panyaya yainyanya kukosha. Yaiva nyaya yeUmambo hwaMwari uhwo hwaizogadzirisa matambudziko evanhu. Paakaita izvi, Jesu akaratidza vateveri vake vese muenzaniso. Havafaniri kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika pasinei nekuti dzingaita sedzakarurama. VaKristu vanotsvaga Umambo hwaMwari nekururama kwake. Vanoita izvozvo panzvimbo pekutanga kuva nezvavanofunga pamusoro pekusaruramisira kunoitwa nevezvematongerwo enyika kana kutaura vachitsoropodza kumwe kusaruramisira kunenge kuchiitwa.​—Mat. 6:33.

11. Ndeipi nzira yakanakisisa yekurwisa kusaruramisira?

11 Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakakwanisa kusiya maonero azvaimboita nyaya dzezvematongerwo enyika. Imwe hanzvadzi yekuGreat Britain inoti: ‘Pashure pekudzidza nezvemagariro evanhu kuyunivhesiti, ndakava nepfungwa dzekuchinja zvinhu. Ndaida kurwira kodzero dzevanhu vatema sezvo tainyanya kudzvinyirirwa. Kunyange zvavo ndaiwanzokunda pakuitisana nharo nevamwe nezvenyaya yacho, ndaizongopedzisira ndaora mwoyo. Ndaisaziva kuti zvinokonzera kuvengana kwemarudzi zvinofanira kubviswa mumwoyo yevanhu. Asi pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ndakaona kuti ndaifanira kutanga ndabvisa zvinhu izvozvo mumwoyo mangu. Kuti ndichinje ndakabatsirwa nehanzvadzi yechichena iyo yaiva nemwoyo murefu. Iye zvino ndiri kushumira sapiyona wenguva dzose muungano yemutauro wemasaini, uye ndiri kudzidza kuparidzira vanhu vemarudzi ese.”

“DZORERA BAKATWA RAKO MUNZVIMBO YARO”

12. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vadzivise “mbiriso” ipi?

12 Panguva yaJesu, zvechitendero zvaiwanzosanganiswa nezvematongerwo enyika. Bhuku rinonzi Upenyu hwemuParestina Panguva yaKristu (riri muchirungu) rinoti “zvitendero zvaipindwa nevaJudha zvainge zvakafanana neatava kuti mapato ezvematongerwo enyika.” Saka Jesu akanyevera vadzidzi vake achiti: “Rambai makasvinura, chenjererai mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhi.” (Mako 8:15) Paakati Herodhi, angangodaro aireva vateveri vebato raHerodhi. VaFarisi vaitsigira nyaya yekuti vaJudha vawane kuzvitonga. Evhangeri yaMateu inoratidza kuti Jesu akataurawo nezvevaSadhusi paaipa yambiro iyi. VaSadhusi vaida kuti zvinhu zvirambe zviri sezvazvaiva nekuti vakawanda vavo vaiva nezvinzvimbo paitonga Roma. Jesu akayambira vateveri vake zvakasimba kuti vatambire kure nedzidziso, kana kuti mbiriso, zvaibva kune mapoka matatu aya. (Mat. 16:6, 12) Izvi akazvitaura pangopera nguva pfupi vanhu vaedza kumuita mambo.

13, 14. (a) Nyaya dzezvematongerwo enyika uye chitendero dzaikonzera sei mhirizhonga uye kusaruramisira? (b) Nei kuita mhirizhonga kusina kumbonaka, kunyange patinenge tisina kubatwa zvakanaka? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

13 Zvechitendero pazvinosanganiswa nezvematongerwo enyika, zviri nyore kuti vanhu vaite mhirizhonga. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanofanira kuramba vasina divi ravanotsigira panyaya dzakadaro. Ichi ndicho chimwe chikonzero chakaita kuti vapristi vakuru nevaFarisi varangane kuuraya Jesu. Vaimuona semunhu aigona kuvatorera zvinzvimbo zvavo mune zvematongerwo enyika nemuchitendero. Vakati: “Kana tikamurega achiita izvi, vose vachatenda maari, uye vaRoma vachauya, votora nzvimbo yedu norudzi rwedu.” (Joh. 11:48) Saka Mupristi Mukuru Kayafasi akatungamira pakuronga kuti Jesu aurayiwe.​—Joh. 11:49-53; 18:14.

14 Kayafasi akatuma masoja kuti asunge Jesu usiku. Jesu aiziva nezveurongwa hwavo hwekumuuraya, saka paaidya kekupedzisira nevaapostora vake, akavaudza kuti vatore mapakatwa. Paingodiwa maviri chete kuti avadzidzise chidzidzo chinokosha. (Ruka 22:36-38) Usiku ihwohwo, Petro akashandisa bakatwa kuti arwise mumwe aiva mumhomho yacho. Hapana mubvunzo kuti ainge ashatirwa kwazvo nekuti kusunga kwavaida kuita Jesu usiku kwainge kusina kururama. (Joh. 18:10) Asi Jesu akaudza Petro kuti: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mat. 26:52, 53) Ichi chidzidzo chine simba chaienderana nezvainge zvanyengetererwa naJesu usiku ihwohwo kuti havafaniri kuva venyika. (Verenga Johani 17:16.) Nyaya yekugadzirisa kusaruramisira yaifanira kusiyirwa Mwari.

15, 16. (a) Shoko raMwari rinobatsira sei vaKristu kuti vasaita mhirizhonga? (b) Jehovha anoona musiyano upi paanocherechedza nyika?

15 Hanzvadzi iya yekumaodzanyemba kweEurope yambotaurwa patangira nyaya ino yakadzidzawo chidzidzo ichocho. Inoti: “Ndakaona kuti mhirizhonga haiunzi kururamisira. Ndakaona kuti vaya vanoita zvemhirizhonga vanopedzisira vafa. Uye vamwe vakawanda vanopedzisira vatsamwa chaizvo. Ndakafara chaizvo kudzidza kubva muBhaibheri kuti Mwari chete ndiye anogona kuita kuti panyika pave nekururamisira kwechokwadi. Ndiwo mashoko andanga ndichiparidza kwemakore 25 adarika.” Hama iya yekumaodzanyemba kweAfrica yakatsiva pfumo rayo ‘nebakatwa remweya,’ Shoko raMwari, sezvainoparidza mashoko erugare kuvavakidzani vayo, pasinei nerudzi rwavo. (VaEf. 6:17) Uye pashure pekunge yava mumwe weZvapupu zvaJehovha, hanzvadzi iya inogara munyika iri nechepakati peEurope yakaroorwa nehama yerudzi rwayainge yakambovenga. Vese vari vatatu vakachinja saizvozvo nekuti vaida kuita saKristu.

16 Zvakakosha chaizvo kuti tichinje saizvozvo. Bhaibheri rinofananidza vanhu negungwa risina kugadzikana, gungwa risina rugare. (Isa. 17:12; 57:20, 21; Zvak. 13:1) Zvematongerwo enyika zvinoita kuti vanhu vashatirwe, vaparadzane uye vaite mhirizhonga, asi isu tinoramba tiine rugare uye takabatana. Uye Jehovha paanocherechedza nyika isina kubatana, anofara chaizvo paanoona kubatana kwakaita vanhu vake.​—Verenga Zefaniya 3:17.

17. (a) Tinogona kuita kuti pave nekubatana munzira dzipi nhatu? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Taona kuti tinogona kuita kuti pave nekubatana kwechiKristu munzira nhatu dzinoti: (1) Kuvimba neUmambo hwaMwari kuti hugadzirise kusaruramisira, (2) kuramba kuva nedivi ratinotsigira mune zvematongerwo enyika uye (3) kuramba zvemhirizhonga. Asi dzimwe nguva kubatana kwedu kunogona kukanganiswa nerusarura. Nyaya inotevera ichataura kuti tingakunda sei dambudziko iri sezvakaita vaKristu vepakutanga.