Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Zvinhu zvipi zvina zvatingaita kuti tivandudze maimbiro edu?

Tinogona kumira zvakanaka takabata bhuku redu renziyo takariisa nechepamusoro. Tinofanira kufema zvakanaka. Patinonyatsoshama muromo wedu tichiimba, tinokwanisa kuimba neinzwi riri pamusoro.—w17.11, peji 5.

Chii chinotifadza panyaya yekwaiva nemaguta ekupotera uye zvainge zvakaita migwagwa yaiendako?

Paiva nemaguta 6 ekupotera aiva munyika yacho uye migwagwa yaiendako yainge yakanaka. Saka zvaiva nyore kuti munhu akurumidze kuwana kwekupotera.—w17.11, peji 14.

Nei chipo cherudzikinuro chaJesu chatakapiwa naMwari chiri chipo chikuru kupfuura zvese zvatingawana?

Chinozadzisa chido chatiinacho chekurarama nekusingaperi, uye chinotisunungura kubva muchivi nerufu. Nemhaka yekuti Jehovha aida vana vaizoberekwa naAdhamu, akatipa Jesu tichiri vatadzi.—wp17.6, mapeji 6-7.

Pisarema 118:22 yakataura sei nezvekumutswa kwaJesu?

Vanhu vakaramba kuti Jesu ndiMesiya ndokumuuraya. Kuti akwanise kuzova “musoro wekona,” aitofanira kumutswa.—w17.12, mapeji 9-10.

Mutsara wedzinza raizouya naMesiya waitevera kodzero yeudangwe here?

Pamwe pacho mutsara wedzinza raJesu waipfuura nepamwanakomana wedangwe, asi hapasi pese pazvaidaro. Dhavhidhi aisava mwanakomana wedangwe waJese asi mutsara wedzinza raMesiya wakapfuura nepana Dhavhidhi.—w17.12, mapeji 14-15.

Ndezvipi zvimwe zvinhu zvine chekuita neutano zvinotaurwa muBhaibheri?

Maererano neMutemo waMosesi, vainge vaine zvimwe zvirwere vaifanira kugara kwavo vega. Vanhu vaifanira kugeza kana vakabata chitunha. Mutemo waitaura kuti vanhu vaifanira kurasa tsvina zvakakodzera. Mwana aifanira kuchecheudzwa pazuva rechi8 kubva paanenge aberekwa. Izvi zvainge zvakanaka nekuti ropa rake rainge rava kukwanisa kugwamba zvakanaka.—wp18.1, peji 7.

Nei zvisina kuipa kuti muKristu azvide zvakakodzera?

Tinofanira kuda muvakidzani wedu sezvatinozviita. (Mako 12:31) Varume vanofanira “kuda madzimai avo semiviri yavo.” (VaEf. 5:28) Asi kuzvida kunogona kunyanyisa.—w18.01, peji 23.

Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tifambire mberi pakunamata?

Tinofanira kudzidza Shoko raMwari uye kufungisisa zvatinoverenga toshandisa zvatinodzidza. Tinofanirawo kubvuma kutungamirirwa nemweya mutsvene uye kubvuma kubatsirwa nevamwe.—w18.02, peji 26.

Nei kuongorora nyeredzi uye kufembera zvisingabatsiri pakuziva ramangwana?

Pane zvikonzero zvakawanda, asi chikuru ndechekuti Bhaibheri rinoti zvese zviri zviviri zvakaipa.—wp18.2, mapeji 4-5.

Tinofanira kuona sei kubvuma kukokwa kuti tizodya?

Kana tikabvuma kukokwa, tinofanira kuedza kuita zvatinenge tataura. (Pis. 15:4) Hatifaniri kungokanzura pasina chikonzero chakanaka. Anenge atikoka anogona kunge ashanda nesimba achitigadzirira zvekudya.—w18.03, peji 18.

Varume vakagadzwa vangadzidzei kubva kuna Timoti?

Timoti aiva nehanya nevanhu zvechokwadi uye aiisa zvekunamata pekutanga. Aishanda nesimba mubasa dzvene uye aishandisa zvaaidzidza. Airamba achizvidzidzisa uye aivimba nemweya waJehovha. Vakuru nevamwewo vanogona kutevedzera muenzaniso wake.—w18.04, mapeji 13-14.