NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA June 2020

Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaAugust 3-30, 2020.

“Zita Renyu Ngaritsveneswe”

Nyaya yekudzidza 23: August 3-9, 2020. Inyaya ipi inokosha kuvanhu nengirozi? Chii chinoita kuti ikoshe chaizvo, uye isu tinobatanidzwawo sei? Kunzwisisa mhinduro dzemibvunzo iyi uye mimwewo mibvunzo ine chekuita nenyaya yacho kuchatibatsira kuti tisimbise ushamwari hwedu naJehovha.

“Batanidzai Mwoyo Wangu Kuti Utye Zita Renyu”

Nyaya yekudzidza 24: August 10-16, 2020. Munyaya ino tichakurukura chikamu chemunyengetero waMambo Dhavhidhi chiri pana Pisarema 86:11, 12. Zvinorevei kutya zita raJehovha? Nei tichifanira kuremekedza chaizvo zita guru iroro? Uye kutya Mwari kungatibatsira sei kuti tisakundwa nemiedzo?

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

“Zvibereko zvemweya” zvinotaurwa pana VaGaratiya 5:22, 23 ndizvo zvega zviripo here?

“Ndichatsvaga Makwai Angu Ndega”

Nyaya yekudzidza 25: August 17-23, 2020. Nei vamwe vava nemakore vachishumira Jehovha vakatendeka vachizorega kuwadzana neungano? Mwari anonzwa sei nezvavo? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo. Ichataurawo zvatinodzidza pakubatsira kwakaita Jehovha vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri avo vakamborega kuita zvaakanga avaudza.

“Dzokai Kwandiri”

Nyaya yekudzidza 26: August 24-30, 2020. Jehovha anoda kuti vaya vakarega kuwadzana neungano vadzoke kwaari. Tine zvakawanda zvatinogona kuita kuti tikurudzire vasingachaiti basa kuti vateerere mashoko aJehovha ekuti: “Dzokai kwandiri.” Munyaya ino tichaona kuti tingavabatsira sei kuti vadzoke.