Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 26

“Dzokai Kwandiri”

“Dzokai Kwandiri”

“Dzokai kwandiri, uye ini ndichadzoka kwamuri.”—MAR. 3:7.

RWIYO 102 ‘Batsirai Vaya Vasina Simba’

ZVICHADZIDZWA *

1. Jehovha anonzwa sei panodzoka gwai rake rinenge rarasika?

SEZVATAKAKURUKURA munyaya yakapfuura, Jehovha anozvifananidza nemufudzi akanaka ane hanya negwai rimwe nerimwe. Uye anotsvaga munhu wese anenge arasika. Jehovha akaudza vaIsraeri vakanga vamusiya kuti: “Dzokai kwandiri, uye ini ndichadzoka kwamuri.” Tinoziva kuti achiri kunzwa saizvozvo nekuti anoti: “Handichinji.” (Mar. 3:6, 7) Jesu akati Jehovha nengirozi vanofara chaizvo panodzoka kunyange mushumiri wake mumwe chete anenge arasika.—Ruka 15:10, 32.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Ngationgororei mifananidzo mitatu yaJesu ine zvidzidzo zvinokosha zvatingashandisa pakubatsira vaya vakasiya Jehovha. Tichakurukura zvatinofanira kuita kuti tibatsire makwai akarasika kuti adzoke kuna Jehovha. Uye tichaona kuti patinoshanda nesimba tichibatsira vaya vasingachaiti basa tichafara chaizvo.

KUTSVAGA MARI YAKARASIKA

3-4. Nei mukadzi anotaurwa pana Ruka 15:8-10, akanyatsotsvaga drakema rake rakanga rarasika?

3 Tinofanira kushanda nesimba kuti tiwane vaya vanoda kudzoka kuna Jehovha. Mumufananidzo uri muEvhangeri yaRuka, Jesu anotaura nezvemukadzi anotsvaga mari inokosha inonzi drakema yainge yarasika. Mufananidzo wacho unoita kuti tinyanye kufunga nezvematsvagiro aanoita.—Verenga Ruka 15:8-10.

4 Jesu anotaura nezvemanzwiro anoita mukadzi anowana drakema rake rakanga rarasika. Mumazuva aJesu, dzimwe nguva amai vechiJudha vaipa mwanasikana wavo madrakema 10 musi waaichata. Zvichida mari iyi yakanga yarasika yaiva imwe yemari yaakapiwa naamai vake. Mukadzi uyu anofunga kuti mari yacho yakadonhera pasi mumba imomo. Saka anobatidza rambi oitsvaga, asi hapana chaanowana. Chiedza cherambi rake chinogona kunge chisina kujeka zvekuti aone mari yacho. Anozoita zvekutsvaira imba yacho yese, owana drakema rake richipenya riri mumarara aatsvaira. Anotura befu paanoriwana. Anoshevedza shamwari dzake nevavakidzani vake kuti avaudze nezvekuwana kwaaita mari yake.

5. Nei zvingaoma kuwana vaya vakasiya ungano?

5 Mumufananidzo waJesu tinoona kuti zvinoda kushanda nesimba kuti tiwane chimwe chinhu chinenge charasika. Saka dzimwe nguva tinotofanira kushanda nesimba kuti tiwane vaya vasingachaiti basa. Vanogona kunge vava nemakore akawanda vasingachawadzani nesu. Vanogona kunge vasingazivikanwi nehama dzinogara munzvimbo yavakatamira. Asi panguva iyi, vamwe vanhu ava vasingachaiti basa vanogona kunge vachida chaizvo kudzoka kuna Jehovha. Vanoda kushumira Jehovha pamwe chete nehama nehanzvadzi dzavo, asi havagoni kuzviita kana vasina kubatsirwa.

6. Vese vari muungano vangabatsira sei pakutsvaga vaya vasingachaiti basa?

6 Ndivanaani vangabatsira pakutsvaga vaya vasingachaiti basa? Tese zvedu tinogona kubatsira, tingava vakuru, mapiyona, vemumhuri uye vaparidzi vemuungano. Une shamwari kana hama yako isingachaiti basa here? Wakambosangana nemunhu asingachaiti basa here pawaiita ushumiri hwepaimba neimba kana kuti pawaiparidza munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda? Unogona kutsanangurira munhu wacho kuti kana achida kushanyirwa, iwe uchapa vakuru kero yake, kana kuti nhamba yake yefoni.

7. Unodzidzei pane zvakataurwa nemumwe mukuru anonzi Thomas?

7 Zvii zvinogona kuitwa nevakuru kuti vawane vaya vanoda kudzoka kuna Jehovha? Ona zvakataurwa nemumwe mukuru wekuSpain anonzi Thomas. * Akabatsira hama nehanzvadzi dzinopfuura 40 kuti dzidzoke muungano. Thomas anoti: “Ndinotanga nekubvunza hama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana kana dzichiziva kwava kugara vanhu vasingachaiti basa. Kana kuti ndinobvunza vaparidzi kuti vane vamwe vanhu vavanoziva here vasingachapindi misangano. Vakawanda vari muungano vanopindura vachifara nekuti vanonzwa kuti vari kubatsirawo pakutsvaga kwacho. Pandinozoshanyira vasingachaiti basa, ndinovabvunza nezvevana vavo kana kuti vamwe veukama. Vamwe vasingachaiti basa vaimbouya nevana vavo kumisangano, uye vana ava vanogona kunge vakambova vaparidzi. Naivowo vanogona kubatsirwa kuti vadzoke kuna Jehovha.”

BATSIRA VANAKOMANA NEVANASIKANA VAJEHOVHA VAKARASIKA

8. Mumufananidzo wemwanakomana akarasika, uri pana Ruka 15:17-24, baba vakabata sei mwanakomana wavo akanga apfidza?

8 Zvii zvatinofanira kuita kuti tibatsire vaya vanoda kudzoka kuna Jehovha? Ona zvatinodzidza pamufananidzo waJesu wemwanakomana akabva pamba. (Verenga Ruka 15:17-24.) Jesu anoti mwanakomana wacho anozopengenuka osarudza kudzokera kumba. Baba vacho vanomhanya kunomuchingura vobva vamumbundira, vachiratidza kuti vanomuda. Mwanakomana wacho ainetseka muhana zvekuti ainzwa asina kukodzera kunzi mwanakomana. Baba vacho vakamunzwira tsitsi paakavaudza manzwiro aaiita. Vakabva vaita zvinhu zvakaratidza mwanakomana wavo kuti vaimutambira nemaoko maviri semwana wavo kwete semunhu wemaricho. Kuti varatidze izvozvo, baba vacho vakaronga mutambo uye vakaita kuti mwanakomana wavo ainge apfidza apiwe mbatya dzakanaka.

9. Zvii zvatinofanira kuita kuti tibatsire vaya vasingachaiti basa kuti vadzoke kuna Jehovha? (Ona bhokisi rakanzi “ Zvatingaita Kuti Tibatsire Vanoda Kudzoka.”)

9 Jehovha akaita sababa vanotaurwa mumufananidzo iwoyo. Anoda hama nehanzvadzi dzedu dzisingachaiti basa uye anoda kuti dzidzoke kwaari. Kana tikatevedzera Jehovha tinogona kuvabatsira kuti vadzoke. Izvi zvinoda kuti tiratidze mwoyo murefu, tsitsi uye rudo. Nei tichifanira kudaro, uye tingazviita sei?

10. Kuva nemwoyo murefu kunobatsira sei kuti munhu adzoke kuna Jehovha?

10 Tinofanira kuva nemwoyo murefu nekuti zvinotora nguva kuti munhu adzoke kuna Jehovha. Vakawanda vainge vambomira kuita basa vanoti vakazodzoka kuna Jehovha pashure pekushanyirwa kakawanda nevakuru uye nevamwe vemuungano. Hanzvadzi yekuAsia inonzi Nancy inoti, “Shamwari yangu yepedyo yemuungano yakandibatsira chaizvo. Aindida semunin’ina wake chaiye. Aindiyeuchidza nezvenguva dzataimbofara pamwe chete. Ainditeerera nemwoyo murefu pandaitaura manzwiro angu uye aisazeza kundipa mazano. Akaratidza kuti aiva shamwari yechokwadi, yakagadzirira kubatsira chero nguva.”

11. Nei tichifanira kuva netsitsi kuti tibatsire munhu anenge arwadziswa?

11 Tsitsi dzakaita semushonga une simba. Dzinogona kuporesa munhu anenge arwadziswa. Vamwe vasingachaiti basa vava nemakore akawanda vaine chigumbu nemunhu wemuungano. Izvi zvinoita kuti vasada kudzoka kuna Jehovha. Vamwe vangafunga kuti vakabatwa zvisina kunaka. Vangada mumwe munhu anovateerera uye anovanzwisisa. (Jak. 1:19) María, uyo akambomira kuita basa anoti, “Ndaida munhu anonditeerera, anondinyaradza, anondipa mazano akanaka uye anondibatsira.”

12. Taura muenzaniso unoratidza kuti rudo rwaJehovha runodzosa sei vanhu vasingachaiti basa kwaari.

12 Bhaibheri rinoti rudo rwaJehovha rwaanoratidza vanhu vake rwakaita setambo. Rwakaita setambo pakudii? Funga nezvemuenzaniso uyu: Ngatitii wadonhera mugomba rakadzika zvekuti haukwanisi kubudamo wega. Kuti ukwanise kubuda, zvinotoda kuti mumwe munhu akukandire tambo, okudhonza. Achitaura nezvevaIsraeri vakanga varasika Jehovha akati: “Ndakaramba ndichivakweva . . . netambo dzerudo.” (Hos. 11:4) Mwari anonzwawo saizvozvo nezvevaya vakarega kumushumira vari kunetseka nematambudziko uye vari kuzvidya mwoyo. Anoda kuti vazive kuti anovada, uye anoda kuvabatsira kuti vadzoke kwaari. Uye Jehovha anogona kuratidza kuti anovada achishandisa iwe.

13. Taura muenzaniso unoratidza kuti rudo rwedu runogona kubatsira vamwe kuti vadzoke kuna Jehovha.

13 Zvinokosha kuti tirambe tichiudza vasingachaiti basa kuti Jehovha anovada uye tovaratidza kuti tinovadawo. Pablo, uyo akataurwa nezvake munyaya yakapfuura, akanga ava nemakore anodarika 30 asingaiti basa. Anoti: “Mumwe musi ari mangwanani ndakasangana neimwe hanzvadzi yechikuru ndichibva pamba pangu uye yakataura neni ichiratidza kuti yaiva nehanya. Ndakatanga kuchema semwana mudiki. Ndakaudza hanzvadzi yacho kuti zvaiita sekuti Jehovha akanga aituma kuti itaure neni. Ndipo pandakabva ndasarudza kudzoka kuna Jehovha.”

TSIGIRA VASINA SIMBA

14. Maererano nemufananidzo uri pana Ruka 15:4, 5, mufudzi anoitei paanenge awana gwai rakarasika?

14 Vaya vasingachaiti basa vanoda kuramba vachibatsirwa nesu. Kufanana nemwanakomana akarasika wemumufananidzo waJesu, vanogona kunge vaine marwadzo emupfungwa anononoka kupora. Uye vanogona kunge vasina kusimba pakunamata nemhaka yezvavakasangana nazvo munyika yaSatani. Tinofanira kuvabatsira kuti vasimbise kutenda kwavo muna Jehovha. Mumufananidzo wegwai rakarasika, Jesu anotiudza kuti mufudzi anoritakura pamapfudzi, odzokera naro kune mamwe. Mufudzi wacho atoshandisa nguva yakawanda nesimba achitsvaga gwai ranga rarasika. Asi anoona kuti achafanira kuritakura achidzokera kune mamwe nekuti harina simba rekudzokera rega.—Verenga Ruka 15:4, 5.

15. Tingatsigira sei vaya vasina simba vanoda kudzoka kuna Jehovha? (Ona bhokisi rakanzi “ Turusi Rinobatsira Chaizvo.”)

15 Tingatofanira kushandisa nguva nesimba rakawanda kuti tibatsire vamwe vasingachaiti basa kuti vakurire matambudziko ari kuvatadzisa kushumira Jehovha. Asi tichibatsirwa nemweya mutsvene waJehovha, Shoko rake, uye mabhuku atinopiwa nesangano, tinogona kuvabatsira kuti vasimbise ushamwari hwavo naJehovha. (VaR. 15:1) Izvi tingazviita sei? Mumwe mukuru agara nebasa anoti, “Vakawanda vasingachaiti basa vanofanira kudzidziswa Bhaibheri kana vasarudza kuti vanoda kudzoka kuna Jehovha.” * Saka unofanira kufara kana ukanzi udzidze nemunhu asingachaiti basa. Mukuru wacho akatiwo, “Muparidzi anoitisa chidzidzo chacho anofanira kuva shamwari yakanaka, inogona kuvimbwa nayo nemunhu asingachaiti basa, uye yakasununguka kutaura nayo.”

MUFARO KUDENGA UYE MUFARO PANYIKA

16. Tinoziva sei kuti ngirozi dzichatibatsira?

16 Pane zvinoitika zvakawanda zvinoratidza kuti ngirozi dziri kushanda nesu pakutsvaga vaya vasingachaiti basa vanoda kudzoka kuna Jehovha. (Zvak. 14:6) Semuenzaniso, Silvio uyo anogara kuEcuador akanyengetera nemwoyo wese achikumbira kubatsirwa kuti adzoke muungano. Paakanga achiri kunyengetera, dhoo repamba pake rakagogodzwa. Paiva nevakuru vaviri. Musi iwoyo vakatanga kumubatsira.

17. Tinowana mubayiro upi patinobatsira vasingachaiti basa?

17 Tinowana mufaro wakakura patinobatsira vaya vasingachaiti basa kuti vadzoke kuna Jehovha. Ona zvakataurwa nemumwe piyona anonzi Salvador, uyo anoda chaizvo kubatsira vasingachaiti basa. Anoti: “Dzimwe nguva ndinobuda misodzi yekufara. Zvinondifadza chaizvo pandinofunga kuti Jehovha anunura rimwe remakwai ake anokosha kubva munyika yaSatani uye kuti ndashanda naye mubasa iri.”—Mab. 20:35.

18. Kana usingachaiti basa unofanira kuzivei?

18 Kana wakambomira kuwadzana nevanhu vaJehovha ziva kuti achiri kukuda. Anoda kuti udzoke kwaari. Unofanira kutora matanho kuti udzoke kwaari. Kufanana nababa vemumufananidzo waJesu, Jehovha ari kutarisira kudzoka kwako uye achafara kukugamuchira.

RWIYO 103 Vafudzi—Zvipo Zviri Varume

^ ndima 5 Jehovha anoda kuti vaya vakarega kuwadzana neungano vadzoke kwaari. Tine zvakawanda zvatinogona kuita kuti tikurudzire vasingachaiti basa kuti vateerere mashoko aJehovha ekuti: “Dzokai kwandiri.” Munyaya ino tichaona kuti tingavabatsira sei kuti vadzoke.

^ ndima 7 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 15 Vamwe vasingachaiti basa vanogona kubatsirwa nekudzidza zvikamu zvebhuku rinonzi Ramba Uri Murudo rwaMwari, asi vamwe vangabatsirwa nekudzokorora zvitsauko zviri mubhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha. Dare Rebasa Reungano ndiro richasarudza anokwanisa kuitisa chidzidzo chacho.

^ ndima 68 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hama nhatu dzinobatsira imwe hama inoda kudzoka. Vanoita izvozvo nekugara vachikurukura naye, vachiita kuti azive kuti achiri kudiwa, uye vachinyatsomuteerera.