Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

“Zvibereko zvemweya” zvinotaurwa pana VaGaratiya 5:22, 23 ndizvo zvega zviripo here?

Mavhesi aya anotaura nezvezvinhu 9 zvinotarisirwa pamuKristu. Anoti: “Zvibereko zvemweya rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kuva akanaka, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” Asi hatifaniri kuona izvozvo sekunge kuti ndizvo zvega zvinhu zvakanaka zvatinobatsirwa nemweya waMwari kuti tive nazvo.

Asati ataura nezvezvibereko zvemweya muapostora Pauro akanyora kuti: “Mabasa enyama . . . ndeaya: upombwe, kusachena, tsika dzakafumuka, kunamata zvidhori, kuita zvemidzimu, kuvengana, kupopotedzana, godo, kuviruka nehasha, kunetsana, kupesana, kuita tumapoka, ruchiva, udhakwa, mitambo yekufara zvakapfurikidza, nezvinhu zvakaita seizvi.” (VaG. 5:19-21) Kugumisa kwakaita Pauro nemashoko ekuti “nezvinhu zvakaita seizvi” kunoratidza kuti haana kutaura zvinhu zvese zvinobatanidzwa pamabasa enyama zvakadai sezviri pana VaKorose 3:5. Ndizvo zvaakaitawo paakataura nezvezvinhu 9 zvakanaka. Muvhesi 23 akati: “Hapana mutemo unorambidza zvinhu zvakadai.” Saka Pauro akanga asiri kuedza kunyora zvinhu zvese zvakanaka zvatinobatsirwa nemweya mutsvene kuti tive nazvo.

Izvi tinozvinzwisisa patinoenzanisa zvibereko zvemweya nezvibereko zvechiedza zvakanyorwa naPauro kuungano yeEfeso kuti: “Chiedza chinobereka zvinhu zvakanaka zvemarudzi ese nekururama nechokwadi.” (VaEf. 5:8, 9) Saka “zvinhu zvakanaka” kana kuti “kuva akanaka,” pamwe chete nekururama nechokwadi zviri kunzi ‘zvibereko zvechiedza,’ uye zvinonziwo “zvibereko zvemweya.”

Pauro akakurudzirawo Timoti kushanda nesimba kuti ave nezvinhu 6 zvakanaka zvinoti, “kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, uye unyoro.” (1 Tim. 6:11) Pazvinhu 6 izvozvo, zvitatu zvacho izvo zvinoti, kutenda, rudo, uye unyoro, ndizvo chete zvinotaurwa ‘sezvibereko zvemweya.’ Asi Timoti aizodawo kubatsirwa nemweya mutsvene kuti ave nezvimwe zvacho zvinoti: kururama, kuzvipira kuna Mwari, uye kutsungirira.—Enzanisa naVaKorose 3:12; 2 Petro 1:5-7.

Saka VaGaratiya 5:22, 23 haitauri zvinhu zvese zvinonzi ndizvo zvinofanira kuva nemuKristu. Mweya mutsvene waMwari unogona kutibatsira kuti tive nezvinhu 9 zvinonzi “zvibereko zvemweya.” Asi tine zvimwewo zvatinofanira kuva nazvo kuti tive vaKristu vakasimba pakunamata uye kuti tipfeke “unhu hutsva hwakasikwa maererano nekuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nekuvimbika.”—VaEf. 4:24.