Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 25

“Ndichatsvaga Makwai Angu Ndega”

“Ndichatsvaga Makwai Angu Ndega”

“Ndichatsvaga makwai angu ndega uye ndichaachengeta.”—EZEK. 34:11.

RWIYO 105 “Mwari Rudo”

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei Jehovha akazvifananidza naamai vanoyamwisa?

“MUDZIMAI angakanganwa mwana wake anoyamwa here?” Uyu mubvunzo wakabvunzwa naJehovha mumazuva emuprofita Isaya. Mwari akaudza vanhu vake kuti: “Kunyange kana vakadzi ava vakakanganwa, ini handizokukanganwi.” (Isa. 49:15) Jehovha haawanzozvienzanisa naamai. Asi pavhesi iyi akazvienzanisa navo. Jehovha akashandisa kuda kunoita amai mwana wavo kuti aratidze kuti anoda chaizvo vashumiri vake. Vanaamai vakawanda vanogona kunzwisisa mashoko akataurwa neimwe hanzvadzi inonzi Jasmin iyo yakati, “Paunoyamwisa mwana wako, kudanana kwamunoita kunoramba kuripo kweupenyu hwese.”

2. Jehovha anonzwa sei kana mumwe wevana vake akarega kumushumira?

2 Jehovha anozviona kunyange munhu mumwe chete pavana vake akarega kuwadzana neungano yechiKristu uye kuita basa rekuparidza. Chibva wafunga kuti anorwadziwa sei gore negore paanoona zviuru zvevashumiri vake zvichiva vaparidzi vasingachaiti basa. *

3. Chii chinodiwa naJehovha?

3 Vakawanda vehama nehanzvadzi idzi dzisingachaiti basa vari kudzoka muungano uye tinovagamuchira nemaoko maviri. Jehovha anoda kuti vadzoke uye ndizvo zvatinodawo. (1 Pet. 2:25) Tingavabatsira sei kuti vadzoke? Tisati tapindura mubvunzo iwoyo, tinofanira kutanga taziva kuti nei vamwe vachirega kupinda misangano uye kuita basa rekuparidza.

NEI VAMWE VACHIREGA KUSHUMIRA JEHOVHA?

4. Mabasa ekuzviriritira anokanganisa sei vamwe?

4 Vamwe vakarega basa ravanoita richiva chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwavo. “Ndaipedza nguva yakawanda ndichiita basa rangu,” anodaro Hung, * hama inogara kuAsia. “Ndaizvinyengera ndichizviudza kuti kana ndikava nemari yakawanda ndaizokwanisa kunyatsoshumira Jehovha. Saka ndakawedzera nguva yandaishanda. Kurovha kwandaiita misangano kwakawedzera kusvika ndarega zvachose. Satani anoshandisa nyika kutsausa vanhu kuti vabve pana Mwari zvishoma nezvishoma.”

5. Imwe hanzvadzi yakaita sei payakasangana nematambudziko aitevedzana?

5 Dzimwe hama nehanzvadzi dzinosangana nematambudziko akawanda panguva imwe chete. Anne anogara kuBritain uyo ane vana vashanu anoti, “Mumwe mwana wangu akazvarwa akaremara zvisingaiti. Nekufamba kwenguva mumwe mwanasikana wangu akadzingwa uye mumwe mwanakomana wangu akava nechirwere chepfungwa. Ndakaora mwoyo zvekuti ndakabva ndarega kupinda misangano uye kuparidza. Ndakazopedzisira ndisingachaiti basa.” Zvinotirwadza chaizvo kana tikafunga nezvematambudziko akasangana naAnne nemhuri yake uye ari kusanganawo nevamwe.

6. Nei kurega kushandisa zano riri pana VaKorose 3:13 kuchiita kuti munhu apedzisire asiya ungano?

6 Verenga VaKorose 3:13. Vamwe vashumiri vaJehovha vakagumburwa nemunhu wemuungano. Muapostora Pauro aiziva kuti dzimwe nguva tinogona kutadzirwa nehama kana hanzvadzi. Tinotogona kunge takabatwa zvisina kunaka. Kana tikasangwarira tinogona kuva nechigumbu. Chigumbu chinogona kupedzisira chaita kuti munhu arege kuwadzana nevanhu vaJehovha. Funga zvakaitika kuna Pablo, imwe hama yekuSouth America. Akapomerwa zvenhema kuti ainge aita zvakaipa uye izvi zvakaita kuti arasikirwe neropafadzo yaaiva nayo muungano. Akaita sei nazvo? Pablo anoti, “Ndakatsamwa uye zvishoma nezvishoma ndakarega kuwadzana neungano.”

7. Munhu anogona kuita sei kana hana yake ichimupa mhosva?

7 Munhu akambotyora mutemo waMwari anogona kunetseka nehana yake uye anogona kunzwa sekuti haana kukodzera kudiwa naMwari. Anogona kunge achiri kunzwa asina kukodzera kuva pakati pevanhu vaMwari kunyange zvazvo akapfidza uye akanzwirwa tsitsi. Ndiwo manzwiro aiita imwe hama inonzi Francisco. Anoti: “Ndakatsiurwa nekuti ndakanga ndaita upombwe. Kunyange zvazvo ndakamboramba ndichipinda misangano, ndakaora mwoyo uye ndakanzwa ndisingakodzeri kuva pakati pevanhu vaJehovha. Hana yangu yakanditambudza uye ndaiona sekuti Jehovha ainge asina kundiregerera. Nekufamba kwenguva ndakarega kuwadzana neungano.” Unonzwa sei nezvehama nehanzvadzi dzinosangana nemamiriro ezvinhu akafanana neabva kutaurwa? Unodzinzwira tsitsi here? Ko Jehovha anonzwawo sei nezvadzo?

JEHOVHA ANODA MAKWAI AKE

Mufudzi wechiIsraeri aiva nehanya chaizvo negwai rinenge rarasika (Ona ndima 8-9) *

8. Jehovha anokanganwa vaya vakambomushumira here? Tsanangura.

8 Jehovha haakanganwi vashumiri vake vakambomira kuwadzana nevanhu vake, uye haakanganwi basa ravakaita pakumushumira. (VaH. 6:10) Muprofita Isaya akanyora muenzaniso wakanaka unoratidza kuti Jehovha ane hanya zvakadii nevanhu vake. Akanyora kuti: “Achachengeta makwai ake sezvinoita mufudzi. Achaunganidza makwayana neruoko rwake, uye achaatakura pachipfuva chake.” (Isa. 40:11) Jehovha, Mufudzi Mukuru, anonzwa sei kana mumwe wevashumiri vake akarega kumushumira? Jesu akaratidza manzwiro anoita Jehovha paakabvunza vadzidzi vake kuti: “Munofungei? Kana mumwe munhu aine makwai 100 rimwe rawo rorasika, haangasiyi 99 acho mumakomo oenda kunotsvaga rarasika racho here? Uye kana ariwana, chokwadi ndinokuudzai, anorifarira chaizvo kupfuura 99 asina kurasika.”—Mat. 18:12, 13.

9. Vafudzi vakanaka vepanguva dzinotaurwa muBhaibheri vaibata sei makwai avo? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

9 Nei zvakakodzera kufananidza Jehovha nemufudzi? Nekuti panguva dzinotaurwa muBhaibheri, mufudzi akanaka aiva nehanya chaizvo nemakwai ake. Semuenzaniso, Dhavhidhi akarwisa shumba nebheya kuti adzivirire makwai ake. (1 Sam. 17:34, 35) Mufudzi akanaka anozviona kunyange kana gwai rimwe chete rikarasika. (Joh. 10:3, 14) Mufudzi akadaro anosiya makwai ake 99 ari mudanga kana kuti anoasiyira vamwe vafudzi, oenda kunotsvaga rinenge rarasika. Jesu akashandisa muenzaniso iwoyo kuti atidzidzise chokwadi chinokosha chekuti: ‘Baba vangu vari kudenga havadi kuti kunyange mumwe chete wevadiki ava aparare.’—Mat. 18:14.

Mufudzi wechiIsraeri aiva nehanya chaizvo negwai rinenge rarasika (Ona ndima 9)

JEHOVHA ANOTSVAGA MAKWAI AKE

10. Maererano naEzekieri 34:11-16, Jehovha akavimbisa kuti aizoitei kuti abatsire makwai ake akarasika?

10 Jehovha anoda mumwe nemumwe wedu kusanganisira vaya vanenge varega kuwadzana nevanhu vake. Achishandisa muprofita Ezekieri, Mwari akavimbisa kuti aizotsvaga makwai ake akarasika oabatsira kuti avezve neushamwari hwakanaka naye. Uye akataura zvaaizoita kuti aanunure. Zvaaizoita zvakafanana nezvaiitwa nemufudzi wechiIsraeri kana gwai rarasika. (Verenga Ezekieri 34:11-16.) Mufudzi aitanga nekutsvaga gwai uye izvozvo zvaida nguva nesimba rakawanda. Paanenge ariwana aibva adzoka naro kune mamwe. Uye kana gwai racho rakakuvara kana kuti riine nzara, mufudzi airibatsira nekusunga maronda aro, kuritakura uye kuripa zvekudya. Vakuru vanofudza “boka raMwari,” vanofanira kutora matanho aya kuti vabatsire vaya vanenge vasiya ungano. (1 Pet. 5:2, 3) Vakuru vanovatsvaga, vanovabatsira kudzoka muungano, uye vanovabatsira kuti vavezve neushamwari naJehovha. *

11. Mufudzi akanaka ainzwisisei?

11 Mufudzi akanaka ainzwisisa kuti gwai rinogona kurasika. Uye kana gwai rikarasika mufudzi aisarirova. Chimbofunga zvakaitwa naJehovha vamwe vashumiri vake pavakamborega kuita zvaakanga avaudza kuti vaite.

12. Jehovha akabata sei Jona?

12 Muprofita Jona akatiza basa raakanga apiwa naJehovha. Kunyange zvakadaro Jehovha haana kubva angosiyana naye. Sezvinoita mufudzi akanaka, Jehovha akamununura uye akamubatsira kuti ave nesimba raidiwa kuti aite basa rake. (Jona 2:7; 3:1, 2) Mwari akazoshandisa mupudzi kuti abatsire Jona kunzwisisa kukosha kweupenyu hwemunhu mumwe nemumwe. (Jona 4:10, 11) Tinodzidzei? Vakuru havafaniri kukurumidza kukanda mapfumo pasi kana mumwe munhu akamira kuita basa. Pane kudaro, vakuru vanoedza kunzwisisa chikonzero chaita kuti gwai rirasike. Uye gwai racho parinodzoka kuna Jehovha, vakuru vanoramba vachiratidza kuti vanorida uye vane hanya naro.

13. Tinodzidzei pane zvakaitwa naJehovha kumashoko emunyori wePisarema 73?

13 Munyori wePisarema 73 akaora mwoyo paakaona vakaipa vachiita sevari kubudirira. Akanga asisina chokwadi kana zvaibatsira kuita zvinodiwa naJehovha. (Pis. 73:12, 13, 16) Jehovha akaita sei? Haana kuona sekuti murume wacho haachabatsiriki. Asi Mwari akaita kuti mashoko emunyori wepisarema iri anyorwe muBhaibheri. Munyori wepisarema iri akazoona kuti hakuna chiri nani kupfuura kuva neushamwari hwakanaka naJehovha. (Pis. 73:23, 24, 26, 28) Tinodzidzei? Vakuru havafaniri kukurumidza kufungira zvakaipa vaya vanotanga kuona sekuti kushumira Jehovha hakuna zvakunobatsira. Pane kuti vavaone sekuti havachabatsiriki, vakuru vanofanira kuedza kunzwisisa kuti nei vanhu ava vachitaura uye vachiita sezvavanoita. Kana vakuru vakaedza kuvanzwisisa, vachakwanisa kuvabatsira vachishandisa Bhaibheri.

14. Nei Eriya aida kubatsirwa uye Jehovha akamubatsira sei?

14 Muprofita Eriya akatiza Mambokadzi Jezebheri. (1 Madz. 19:1-3) Aifunga kuti ndiye ega aishumira semuprofita waJehovha, uye kuti basa rake harina zvaraibatsira. Eriya akaora mwoyo zvekuti aida hake kufa. (1 Madz. 19:4, 10) Jehovha haana kuona sekuti Eriya haachabatsiriki, asi akaita kuti azive kuti akanga asiri ega, aigona kuvimba nesimba raMwari, uye pakanga pachiri nebasa rekuti aite. Jehovha akanyatsoteerera zvichemo zvaEriya uye akamupa mamwe mabasa ekuita. (1 Madz. 19:11-16, 18) Tinodzidzei? Vakuru ndivo vanofanira kuva pamberi pakubata makwai aJehovha neunyoro. Pasinei nekuti munhu wacho akatsamwa kana kuti ari kuona sekuti Jehovha haafi akamuregerera, vakuru vanomuteerera paanenge achivaudza manzwiro ake. Vachaedza kubatsira gwai racho rinenge rarasika kuona kuti Jehovha anorida.

TINOFANIRA KUNZWA SEI NEZVEMAKWAI AMWARI AKARASIKA?

15. Maererano naJohani 6:39, Jesu aiona sei makwai aBaba vake?

15 Jehovha anoda kuti tinzwe sei nezvemakwai ake akarasika? Tinogona kudzidza pane zvakaitwa naJesu. Aiziva kuti Jehovha anokoshesa makwai ake ese, saka akaita zvese zvaaigona kuti abatsire “makwai akarasika eimba yaIsraeri” kuti adzoke kuna Jehovha. (Mat. 15:24; Ruka 19:9, 10) Semufudzi akanaka, Jesu akaitawo zvese zvaaigona kuti asarasikirwa kunyange negwai rimwe chete raJehovha.—Verenga Johani 6:39.

16-17. Vakuru vanofanira kunzwa sei nezvekubatsira vaya vanenge varasika? (Ona bhokisi rakanzi “ Manzwiro Angaita Gwai Rinenge Rarasika.”)

16 Muapostora Pauro akakurudzira vakuru vaiva muungano yeEfeso kuti vatevedzere muenzaniso waJesu. “Munofanira kubatsira vaya vasina simba uye kuyeuka mashoko aShe Jesu, paakati: ‘Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.’” (Mab. 20:17, 35) Zviri pachena kuti vakuru ndivo vane basa rekuchengeta makwai aJehovha. “Pandinofunga nezvekuti Jehovha ane hanya zvakadii nemakwai ake akarasika, ndinonzwa ndichida kuita zvese zvandinogona kuti ndiabatsire,” anodaro Salvador, mumwe mukuru ari kuSpain. “Semufudzi, ndine chokwadi chekuti Jehovha anoda kuti ndive nehanya nemakwai ake.”

17 Vanhu vese vataurwa munyaya ino avo vakamborasika vakabatsirwa kuti vadzoke kuna Jehovha. Panguva ino chaiyo, vakawanda vakarasika vanoda kudzoka. Nyaya inotevera ichataura zvakawanda zvatinogona kuita kuti tivabatsire kudzoka kuna Jehovha.

RWIYO 139 Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva

^ ndima 5 Nei vamwe vava nemakore vachishumira Jehovha vakatendeka vachizorega kuwadzana neungano? Mwari anonzwa sei nezvavo? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo. Ichataurawo zvatinodzidza pakubatsira kwakaita Jehovha vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri avo vakamborega kuita zvaakanga avaudza.

^ ndima 2 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Muparidzi asingachaiti basa ndeuya anenge asina zvaakashuma mubasa rekuparidza nekuita vadzidzi kwemwedzi 6 kana kupfuura. Kunyange zvakadaro, vaparidzi vasingachaiti basa vachiri hama nehanzvadzi dzedu uye tinovada.

^ ndima 4 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 10 Nyaya inotevera ichakurukura kuti vakuru vangaita sei zvinhu zvitatu izvi.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mufudzi wechiIsraeri aiva nehanya negwai rinenge rarasika airitsvaga oribatsira kudzoka kune mamwe. Izvi ndizvo zviri kuitwawo nevafudzi vari muungano.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi isisaiti basa pairi kumirira bhazi kuti risimuke, inoona Zvapupu zviviri zvichinakidzwa nekuparidza munzvimbo dzinopfuura nevakawanda.