Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinoteerera Here Kurira Kwemabhosvo Mazuva Ano?

Tinoteerera Here Kurira Kwemabhosvo Mazuva Ano?

TESE tine chokwadi chekuti Jehovha ari kutungamirira vanhu vake, uye ari kuvapa zvavanoda kuti vave pedyo naye ‘mazuva ano ekupedzisira.’ (2 Tim. 3:1) Asi zviri kune mumwe nemumwe wedu kuti anoda here kuteerera. Tinogona kufananidza zviri kuitika kwatiri nezvaiitika kuvaIsraeri pavaiva murenje. Vane zvavaifanira kuita pavainzwa kurira kwebhosvo.

Jehovha akaudza Mozisi kuti agadzire mabhosvo maviri esirivha achishandisa sando kuti azoshandiswa “pakuunganidza ungano nepakuputsa misasa.” (Num. 10:2) Vapristi vaifanira kuridza mabhosvo acho nenzira dzakasiyana kuti vanhu vazive zvavaifanira kuita. (Num. 10:3-8) Mazuva ano vanhu vaMwari vari kuwana mirayiridzo nenzira dzakawanda. Funga nezvenhatu dzacho idzo dzinotiyeuchidza nezvekuridzwa kwaiitwa mabhosvo kare. Mazuva ano vanhu vaMwari vanokokwa kumagungano. Vakuru vanodzidziswa muzvikoro zvesangano, uyewo maitirwo ezvinhu musangano anogadziridzwa kana kutochinjwa.

PATINOKOKWA KUMAGUNGANO

Jehovha paaida kuti “ungano yese” iungane pasuo retende rekumabvazuva kwetebhenekeri, vapristi vairidza mabhosvo acho ese ari maviri. (Num. 10:3) Madzinza ese ayo ainge akatenderedza mativi mana etebhenekeri ainzwa kurira kwacho. Vaya vaiva nemisasa yaiva pedyo nesuo retende vanofanira kunge vaikurumidza kusvika. Vamwe vaibva kure uye vanofanira kunge vaida nguva yakawanda nesimba kuti vasvike. Pasinei nekwavaibva, Jehovha aida kuti vese vaungane uye vanzwe mirayiro yake.

Mazuva ano hatichaungani patebhenekeri asi tinokokwa kuzoungana nevanhu vaMwari. Tinoungana patinoita magungano emunharaunda uye pazvimwe zviitiko zvinokosha, patinopiwa mirayiridzo inotibatsira. Pasi rese, vanhu vaJehovha vanofara kudzidziswa zvinhu zvakafanana. Saka vaya vanenge vakokwa pavanouya kumisangano iyi vanonakidzwa nekuva pamwe chete nevanhu vanofara. Vamwe vanobva kure chaizvo asi pasinei nekwavanenge vabva, pavanopinda magungano aya vanonzwa kuti vanenge vashandira zviripo.

Vaya vari mumapoka asati ava ungano ari kure nekunoitirwa misangano mikuru vanobatsirwawo sei? Ruzivo rwekugadzirwa kwezvinhu ruriko mazuva ano ruri kuita kuti vakawanda vabatsirwe nepurogiramu idzi uye vanzwe vari pakati peboka guru revanhu vaMwari. Semuenzaniso, pakashanya mumiririri wemahofisi makuru kubazi reBenin, purogiramu yacho yakaitwa kuti tinzwiwe kuArlit, Niger, guta rinocherwa zvicherwa muSahara Desert. Paiva nevanhu 21 vakanzwa purogiramu yacho avo vaisanganisira hama, hanzvadzi uye vanhu vanofarira. Kunyange zvazvo vaiva kure, vakanzwa vari pamwe chete neboka rakakura revanhu 44 131. Imwe hama yakanyora kuti: “Tinokutendai nemwoyo wese nekutepfenyura kwamakaita chiitiko ichi. Izvi zvakatiratidza kuti munotida.”

VAKURU PAVANOKOKWA KUZVIKORO

Vapristi vechiIsraeri pavairidza bhosvo rimwe chete, “machinda, kureva vakuru vezviuru zvevaIsraeri, ndiwo chete” aifanira kuuya kutende rekusanganira. (Num. 10:4) Ikoko ndiko kwavaidzidziswa uye kwavaiwana mirayiridzo yaibva kuna Mozisi. Izvi zvaivabatsira kuti vakwanise kuita mabasa avo pavaidzokera kumadzinza avo. Kudai waiva mumwe wemachinda aya, waisazoita zvese zvaunogona here kuti uvepo uye ubatsirwe?

Mazuva ano vakuru muungano havasi “machinda.” Uye havazviiti “madzishe” eboka raMwari riri mumaoko avo. (1 Pet. 5:1-3) Asi vanoita zvese zvavanokwanisa kuti vafudze boka. Saka vanobvuma nemwoyo wese pavanokokwa kuzodzidziswa muzvikoro zvakadai seChikoro Cheushumiri hweUmambo. Muzvikoro izvi, vakuru vanodzidziswa kuti vangaita sei mabasa avo muungano nenzira inobudirira. Izvi zvinoita kuti muungano muve nevanhu vakasimba pakunamata. Kunyange zvazvo usina kupinda chimwe chezvikoro izvi, unogona kunge uri kutodzidza kubva kune vakazvipinda.

PATINONZI TICHINJE ZVATAGARA TICHIITA

Pane imwe nguva, vapristi vechiIsraeri vairidza mabhosvo vachikwidza nekuderedza. Izvi zviita kuti vanhu vazive kuti Jehovha ava kuda kuti vese vasimuke. (Num. 10:5, 6) Pavaisimuka pane imwe nzvimbo vachienda pane imwe, vaizviita nenzira yakarongeka asi zvaidawo kuti vashande nesimba. Vamwe vanogona kunge vaisada kusimuka. Nei vainzwa saizvozvo?

Vanogona kunge vainzwa sekuti kutama kwacho kwanyanya uye kuti kuri kuitika panguva yavasingatarisiri. “Dzimwe nguva gore racho raingomira kubvira manheru kusvikira mangwanani.” Pamwe pacho raimira ‘kwemazuva, mwedzi, kana kupfuura,’ vasati vatama. (Num. 9:21, 22) VaIsraeri vakatamisa misasa yavo kangani pavaiva murenje? Chitsauko 33 chebhuku raNumeri chinotaura nezvenzvimbo 40 dzakagarwa nevaIsraeri pavaitamisa misasa yavo.

Dzimwe nguva vamwe vaigona kuwana nzvimbo ine mumvuri wakanaka wekuisa musasa wavo. Izvozvo zvaizovazorodza ‘murenje guru rinotyisa.’ (Dheut. 1:19) Saka izvi zvaigona kuita kuti vaone sekuti kutama kwaizoita kuti vaende pane imwe nzvimbo isina kunaka.

Mamwe madzinza paaitanga kusimuka, vamwe vaifanira kumirira kusvikira nguva yavo yekuti vasimuke yakwana. Vese vainzwa kurira kwemabhosvo, asi vaisasimuka vese panguva imwe chete. Pairidzwa mabhosvo achikwidzwa nekuderedzwa, chaiva chiratidzo chekuti madzinza aiva kumabvazuva anoti raJudha, Isakari, uye Zebhuroni asimuke. (Num. 2:3-7; 10:5, 6) Pashure pekunge vasimuka, vapristi vairidza mabhosvo vachikwidza nekudzikisa kechipiri sechiratidzo chekuti madzinza matatu aiva kumaodzanyemba asimuke. Vapristi vairamba vachiridza saizvozvo kusvikira madzinza ese asimuka.

Unogona kunge wakamboomerwa nekugamuchira zvimwe zvinhu zvakanga zvachinja musangano. Zvimwe unogona kunge wakanzwa sekuti zvinhu zvacho zvachinja zvakawandisa, kana kuti unogona kunge waifarira maitirwo aiitwa zvinhu kare, uye waisada kuti achinje. Zvinogona kunge zvakakuomera kuti uratidze mwoyo murefu pawaiedza kujairirana nekuchinja kwacho uye zvakakutorera nguva yakareba kuti uzvijaire. Kunyange zvakadaro, kana tikaedza kuita zvinhu maererano nezvinenge zvavapo, tichaona kuti Jehovha ari kutikomborera.

Mumazuva aMozisi Jehovha akatungamirira mamiriyoni evarume, vakadzi, nevana murenje. Dai akanga asina kuvatungamirira uye kuvachengeta vangadai vakafira murenje. Jehovha anotitungamirira mumazuva ano ekupedzisira akaipa. Anotibatsira kuti tive pedyo naye kuti tirambe tiine kutenda kwakasimba. Saka tinoda kuita zvese zvatinogona kuti titeerere sezvaiita vaIsraeri vakatendeka pavainzwa mabhosvo achirira.