Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 23

Jehovha Anewe, Hausi Wega

Jehovha Anewe, Hausi Wega

“Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari.”—PIS. 145:18.

RWIYO 28 Kuva Shamwari yaJehovha

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei dzimwe nguva vashumiri vaJehovha vachinzwa kusurukirwa?

VAKAWANDA vedu vanombonzwa sekuti vari vega. Vamwe vanova nemanzwiro akadaro kwenguva pfupi. Asi vamwe zvinovatorera nguva yakareba. Tinogona kunzwa sekunge kuti tiri tega kunyange tiri pane vanhu vakawanda. Vamwe zvakavaomera kuti vawane shamwari muungano yavanenge vatamira. Vamwe vanobva mumhuri dzinoita zvinhu pamwe chete, asi pavanotama vachienda kure nehama dzavo vanosurukirwa. Vamwewo vanosuwa chaizvo hama dzavo dzakafa. Uye vamwe vaKristu, kunyanya vaya vachangobva kudzidza chokwadi, vanonzwa sekuti vari vega pavanotambudzwa kana kuti pavanorambwa nehama dzavo dzisiri Zvapupu uye nevanhu vavaimboshamwaridzana navo.

2. Tichapindura mibvunzo ipi?

2 Jehovha anonyatsotiziva uye anonyatsotinzwisisa. Patinenge takasurukirwa, anozviziva, uye anoda kutibatsira kuti tikurire manzwiro iwayo. Jehovha anotibatsira sei? Tingaitei kuti tisasurukirwa? Uye tingabatsira sei vamwe vari muungano medu vanenge vachinzwa kusurukirwa? Ngationei mhinduro dzacho.

JEHOVHA ANE HANYA NESU

Jehovha akatuma ngirozi kuti ibatsire Eriya kuona kuti akanga asiri ega (Ona ndima 3)

3. Jehovha akaratidza sei kuti aiva nehanya naEriya?

3 Jehovha anoda kuti vashumiri vake vese vafare. Ari pedyo nemumwe nemumwe wedu, uye anozviona patinenge takasurukirwa kana kuti takaora mwoyo. (Pis. 145:18, 19) Funga nezvekuti Jehovha aiva nehanya zvakadini nemanzwiro emuprofita wake Eriya uye kuti akamubatsira sei. Murume iyeye akatendeka, akararama panguva yainge yakaoma zvinhu muIsraeri. Vanamati vaJehovha vaitambudzwa zvakanyanya, uye vanhu vane simba avo vakanga vasingadi Mwari vaida kuuraya Eriya. (1 Madz. 19:1, 2) Chimwe chingangodaro chakaita kuti Eriya aore mwoyo ndechekuti aifunga kuti ndiye ega muprofita akanga asara achishumira Jehovha. (1 Madz. 19:10) Mwari ane zvaakabva aita kuti abatsire Eriya. Jehovha akatuma ngirozi kuti ibatsire muprofita wake kuona kuti akanga asiri ega. Pakanga pachiri nevaIsraeri vakawanda vaitya Mwari!—1 Madz. 19:5, 18.

4. Mako 10:29, 30 inoratidza sei kuti Jehovha ane hanya nevashumiri vake vanenge vasisatsigirwi nehama neshamwari dzavo?

4 Jehovha anoziva kuti patinosarudza kumushumira, vamwe vedu tinotofanira kurasikirwa nezvinhu zvakawanda. Chimwe chinhu chatinorasikirwa nacho kutsigirwa nehama neshamwari dzedu dzisingashumiri Jehovha. Zvimwe achinetseka, muapostora Petro akambobvunza Jesu kuti: “Ko isu takasiya zvinhu zvese tikakuteverai, tichawanei?” (Mat. 19:27) Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti vaizowana mhuri yakakura chaizvo yevanamati vaJehovha. (Verenga Mako 10:29, 30.) Uye Jehovha, Baba vedu vekudenga, vanovimbisa kuti vachabatsira vaya vanoda kuvashumira. (Pis. 9:10) Funga zvimwe zvinhu zvaunogona kuita kuti ubatsirwe naJehovha paunenge wakasurukirwa.

ZVAUNGAITA KANA UCHINZWA SEKUTI URI WEGA

5. Kufunga nezvekutsigirwa kwauri kuitwa naJehovha kunokubatsira sei?

5 Funga nezvekutsigirwa kwauri kuitwa naJehovha. (Pis. 55:22) Izvi zvichakubatsira kuona kuti hausi wega. Imwe hanzvadzi isina kuroorwa inonzi Carol, * iyo isina kana munhu weukama ari muchokwadi, inoti: “Pandinofunga nezvekutsigirwa kwandakaitwa naJehovha pandakanga ndiri mumatambudziko zvinondibatsira kuona kuti handisi ndega. Uye zvinoita kuti ndive nechokwadi chekuti Jehovha acharamba aineni.”

6. Mashoko ari pana 1 Petro 5:9, 10 angakurudzira sei vaya vakasurukirwa?

6 Funga nezvekuti Jehovha ari kubatsira sei hama nehanzvadzi dzedu dziri kusurukirwa. (Verenga 1 Petro 5:9, 10.) Imwe hama inonzi Hiroshi, iyo ine makore akawanda ingori yega Chapupu mumhuri mayo inoti: “Muungano, zviri nyore kuona kuti munhu wese ane matambudziko. Kuziva kuti tese tiri kuita zvatinogona pakushumira Jehovha kunogona kutikurudzira isu tisina veukama vari muchokwadi.”

7. Kunyengetera kunokubatsira sei?

7 Gara uchiita zvinhu zvinosimbisa ushamwari hwako naMwari. Izvi zvinosanganisira kuudza Jehovha manzwiro aunenge uchiita. (1 Pet. 5:7) Imwe hanzvadzi yechidiki inonzi Massiel inoti: “Chimwe chinhu chinonyanya kukosha chakandibatsira kuti nditsungirire kusurukirwa kwaiva kunyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha.” Massiel paakasarudza kushumira Jehovha akanzwa kusurukirwa nekuti vemumhuri make vakanga vasingashumiri Jehovha. Anoenderera mberi achiti, “Jehovha aiva Baba chaivo kwandiri, uye ndainyengetera kwaari kakawanda zuva rega rega, ndichimuudza manzwiro andaiita.”

Kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa uye mabhuku akarekodhwa kunogona kubatsira vaya vanenge vari vega kuti vasanyanya kusurukirwa (Ona ndima 8) *

8. Kuverenga Shoko raMwari uye kudzamisa pfungwa pane zvaunenge waverenga kunokubatsira sei?

8 Gara uchiverenga Shoko raMwari, uchidzamisa pfungwa panyaya dzinoratidza kuti Jehovha anokuda. Imwe hanzvadzi inonzi Bianca, iyo yakatsungirira mashoko anoodza mwoyo aitaurwa nevemumhuri mayo inoti: “Kuverenga uye kudzamisa pfungwa panyaya dzemuBhaibheri uye nyaya dzeupenyu dzevashumiri vaJehovha avo vakasangana nematambudziko akafanana neangu kunondibatsira chaizvo.” Vamwe vaKristu vanobata nemusoro mavhesi anonyaradza, akadai saPisarema 27:10 uye Isaya 41:10. Vamwe vakaona kuti kuteerera mashoko akarekodhwa pavanenge vachigadzirira misangano kana kuti pavanenge vachiverenga Bhaibheri kunovabatsira kuti vasanyanya kusurukirwa.

9. Kupinda misangano kunokubatsira sei?

9 Ita zvese zvaunogona kuti ugare uchipinda misangano. Misangano yacho ichakukurudzira, uyewo uchasvika pakuziva hama nehanzvadzi dzako. (VaH. 10:24, 25) Massiel, ambotaurwa nezvake anoti: “Kunyange zvazvo ndaiva munhu anonyara chaizvo, ndakasarudza kupinda misangano yese uye kupindurawo. Izvi zvakaita kuti ndinzwe ndiri pakati pehama nehanzvadzi dzemuungano.”

10. Nei zvichikosha kuti tishamwaridzane nevaKristu vakatendeka?

10 Shamwaridzana nevaKristu vakatendeka. Tsvaga shamwari muungano dzaunogona kudzidza kwadziri. Vanhu ava vanogona kunge vari vakuru kana kuti vadiki kwauri uye vachibva kwakasiyana nekwaunobva. Bhaibheri rinotiudza kuti ‘uchenjeri huri pakati pevakwegura.’ (Job. 12:12) Vechikuru vanogona kudzidzawo zvakawanda kune vechidiki vari muungano. Dhavhidhi akanga ari mudiki chaizvo pana Jonatani, asi izvozvo hazvina kuvatadzisa kuva shamwari dzepedyo. (1 Sam. 18:1) Dhavhidhi naJonatani vaibatsirana kushumira Jehovha pasinei nematambudziko avaisangana nawo. (1 Sam. 23:16-18) Irina, uyo ari ega Chapupu mumhuri mavo anoti: “Hama nehanzvadzi dzedu dzinogona kutoita sevabereki vedu kana kuti vana vemumba medu chaimo. Jehovha anogona kuvashandisa kuti vatibatsire.”

11. Unofanira kuitei kuti uve neushamwari hwakasimba nevamwe?

11 Kuwana shamwari hakusi nyore, kunyanya kana uri munhu anonyara. Imwe hanzvadzi inonzi Ratna, iyo inonyara, yakadzidza chokwadi pasinei nekuti yaipikiswa. Inoti, “Ndaifanira kubvuma kuti ndaida kubatsirwa uye kutsigirwa nehama nehanzvadzi dzemuungano.” Zvingasava nyore kuudza mumwe munhu manzwiro aunenge uchiita, asi paunomuudza munogona kuva shamwari dzepedyo. Shamwari dzako dzinoda kukukurudzira uye kukutsigira, asi unofanira kuita kuti dzizive kuti izvozvo dzingazviita sei.

12. Ungaitei kuti uwane shamwari dzakanaka?

12 Imwe nzira yakazonaka chaizvo yekuwana shamwari ndeyekuita ushumiri nevamwe vaKristu. Carol, ambotaurwa nezvake anoti: “Ndakawana shamwari dzakanaka dzakawanda pandaishanda nedzimwe hanzvadzi muushumiri uye pataiita mamwe mabasa echiKristu. Jehovha anditsigira kwemakore ese aya achishandisa shamwari idzi.” Kushamwaridzana nevaKristu vakatendeka kunobatsira chaizvo. Jehovha anoshandisa shamwari dzakadaro kuti akubatsire paunenge wakaora mwoyo zvimwe nemhaka yekushungurudzika.—Zvir. 17:17.

BATSIRA VAMWE KUTI VAONE KUTI UNGANO INOVADA

13. Munhu wese ari muungano anofanira kuitei?

13 Munhu wese ari muungano anofanira kuita kuti muungano muve nerudo nerugare kuitira kuti pasava neanosurukirwa. (Joh. 13:35) Zvatinoita uye zvatinotaura zvinogona kukurudzira vamwe chaizvo! Imwe hanzvadzi yakati: “Pandakadzidza chokwadi, ungano yakabva yava mhuri yangu. Ndaisakwanisa kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha dai vasina kunditsigira.” Tingaitei kuti tibatsire vaya vasina hama dziri muchokwadi kuti vaone kuti hama nehanzvadzi dzemuungano dzinovada?

14. Ungaitei kuti uve neushamwari nevatsva?

14 Tanga iwe kushamwaridzana nevamwe. Tinogona kutanga nekugamuchira vatsva muungano. (VaR. 15:7) Asi hatidi kungogumira pakuvakwazisa zvine ushamwari. Tinoda kuti ushamwari hwacho huzosvika pakusimba. Saka nyatsoratidza kuti une hanya nevatsva. Edza kunzwisisa matambudziko avari kusangana nawo, asi usavabvunza mibvunzo ingaita kuti vanyare. Vamwe zvinovaomera kuti vataure manzwiro avanenge vachiita, saka usavamanikidza kutaura. Asi ita kuti vataure zviri mumwoyo mavo nekuvabvunza mibvunzo isingaiti kuti vanyare kana kuti vagumbuke uye nyatsoteerera mhinduro dzavo. Semuenzaniso, unogona kuvabvunza kuti vakawana sei chokwadi.

15. VaKristu vane kutenda kwakasimba vangabatsira sei vamwe muungano?

15 Vese vari muungano vachava neushamwari hwepedyo naJehovha kana vaKristu vakasimba pakunamata, kunyanya vakuru, vakaratidza kuti vane hanya navo. Melissa, uyo akarerwa muchokwadi namai vake anoti: “Ndinoshaya kuti ndotenda sei hama dzaiita savanababa kwandiri, dzaindiwanira nguva uye dzairatidza kuti dzine hanya neni kwemakore ese aya. Pese pandinenge ndichida kudurura zviri mumwoyo, ndinowana munhu anondipa nzeve.” Imwe hama yechidiki inonzi Mauricio, yakaona seyasiiwa yega hama yakamudzidzisa Bhaibheri payakasiya chokwadi. Mauricio anoti: “Vakuru vakaratidza kuti vaiva nehanya neni uye izvi zvakandibatsira chaizvo. Vaigara vachitaura neni. Vaishanda neni muushumiri, vaindiudzawo pfungwa dzinokosha dzavaiwana pakudzidza kwavo Bhaibheri, uye vaitamba mitambo neni.” Melissa uye Mauricio vari mubasa renguva yakazara.

Muungano menyu mune munhu angabatsirika chaizvo here kana ukatandara naye? (Ona ndima 16-19) *

16-17. Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tibatsire vamwe?

16 Batsira vamwe. (VaG. 6:10) Leo, uyo anoshumira semumishinari mune imwe nyika kure nehama dzake anoti: “Kakawanda kacho chaunenge uchifanira kuita, kubatsira vamwe pavanenge vachida rubatsiro. Ndinoyeuka mumwe musi pandakaita tsaona nemota. Pandakazosvika kumba ndakanga ndavhiringidzika chaizvo. Asi imwe mhuri yakabva yandikoka kumba kwayo. Handichayeuki zvatakadya asi ndinoyeuka kuti vainyatsonditeerera. Izvi zvakaita kuti ndinzwe zviri nani!”

17 Tese tinonakidzwa nemapurogiramu ekunamata akadai semagungano nekuti tinombowana nguva yekukurukura purogiramu yacho nevamwe vaKristu. Asi Carol ambotaurwa nezvake anoti, “Pamagungano ndinosurukirwa chaizvo.” Nei achinzwa saizvozvo? Anoti: “Kunyange zvazvo pagungano paine hama nehanzvadzi dzakawanda, kakawanda kacho vanowanzogara semhuri. Pandinoona vamwe vaine mhuri dzavo ndinobva ndanyanya kusurukirwa.” Vamwe zvinovaomera kupinda magungano kekutanga pashure pekunge vafirwa nemurume kana kuti nemudzimai wavo. Pane waunoziva ari kusangana nematambudziko akadai here? Munogona kumukoka kuti apinde gungano pamwe chete nemhuri yenyu.

18. Tingashandisa sei mashoko ari pana 2 VaKorinde 6:11-13 pakuitira vamwe vanhu zvinhu zvakanaka?

18 Wana nguva yekutandara nevamwe. Paunoronga kutandara nehama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana, fungawo nezvekukoka vaya vangangodaro vakasurukirwa. Tinoda ‘kuzarura mwoyo yedu,’ kunyanya kune vanhu vakadaro. (Verenga 2 VaKorinde 6:11-13.) Melissa ambotaurwa anoti: “Zvaifadza chaizvo hama nehanzvadzi padzaitikoka kumba kuti titandare kana kuti padzaitikoka kuti tiite nzendo tese.” Muungano menyu mune munhu waunogona kuitira zvinhu izvi here?

19. Ndepapi pazvinganyanya kubatsira kuti titandare nevamwe vaKristu?

19 Vamwe vaKristu vane nguva dzavangafara chaizvo kana tikatandara navo. Vamwe vanogona kuomerwa chaizvo kuva pamwe chete neveukama vasingatendi panguva dzemazororo. Vamwewo vanogona kurwadziwa chaizvo pane mamwe mazuva akadai sezuva rakafa mumwe wavo. Kana tikaronga kutandara nehama nehanzvadzi dzine matambudziko akadaro, tinenge tichidziratidza kuti tine ‘hanya nadzo.’—VaF. 2:20.

20. Mashoko aJesu ari pana Mateu 12:48-50 anotibatsira sei patinenge tichisurukirwa?

20 Pane zvikonzero zvakawanda zvinogona kuita kuti muKristu asurukirwe. Asi hatifaniri kukanganwa kuti Jehovha anonyatsoziva manzwiro aanenge achiita. Anowanzoshandisa hama nehanzvadzi dzedu kuti atipe zvatinoda. (Verenga Mateu 12:48-50.) Patinoita zvese zvatinogona kuti tibatsire hama nehanzvadzi dzedu, tinenge tichiratidza kuti tinotenda Jehovha nekutipa kwaakaita sangano rese rehama. Pasinei nemanzwiro atinomboita, tinoziva kuti hatisi tega nekuti Jehovha anesu!

RWIYO 46 Tinokutendai, Jehovha

^ ndima 5 Unombonzwa sekuti uri wega here? Kana uchimbonzwa saizvozvo, iva nechokwadi chekuti Jehovha anozviziva uye anoda kukubatsira. Munyaya ino tichakurukura zvaungaita kana uchisurukirwa. Tichadzidzawo kuti tingakurudzira sei vamwe vaKristu vanenge vachinzwa saizvozvo.

^ ndima 5 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yakafirwa nemudzimai inobatsirwa nekuteerera Bhaibheri rakarekodhwa uye mabhuku akarekodhwa.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama nemwanasikana wayo vashanyira imwe hama yechikuru yemuungano uye vaiunzira zvekudyira-dyira.