Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 25

Musagumbura “Vadiki Ava”

Musagumbura “Vadiki Ava”

“Musazvidze mumwe wevadiki ava.”—MAT. 18:10.

RWIYO 113 Rugare Rwedu

ZVICHADZIDZWA *

1. Jehovha akaitirei mumwe nemumwe wedu?

JEHOVHA akaita kuti mumwe nemumwe wedu auye kwaari. (Joh. 6:44) Funga kuti izvozvo zvinorevei. Jehovha paainyatsoongorora mabhiriyoni evanhu vari panyika, akaona chimwe chinhu chinokosha pauri. Akaona kuti une mwoyo unokwanisa kumuda. (1 Mak. 28:9) Jehovha anokuziva, anokunzwisisa, uye anokuda. Izvozvo zvinokurudzira chaizvo!

2. Jesu akashandisa muenzaniso upi kuti atibatsire kunzwisisa madiro anoita Jehovha mumwe nemumwe wedu?

2 Jehovha ane hanya chaizvo newe, uye anewo hanya nehama nehanzvadzi dzako dzese dzechiKristu. Kuti atibatsire kunzwisisa izvi, Jesu akafananidza Jehovha nemufudzi. Kana gwai rimwe chete pamakwai 100 rikarasika, mufudzi anoitei? ‘Anosiya 99 acho mumakomo oenda kunotsvaga rarasika racho.’ Mufudzi paanowana gwai racho, haaritsamwiri. Anofara. Tinodzidzei? Gwai rimwe nerimwe rinokosha kuna Jehovha. Jesu akati: “Baba vangu vari kudenga; havadi kuti kunyange mumwe chete wevadiki ava aparare.”—Mat. 18:12-14.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Hatingambodi kuita chero chii zvacho chingaita kuti hama kana hanzvadzi yedu iore mwoyo. Tingaitei kuti tisagumbura vamwe? Uye tingaitei kana mumwe munhu akatirwadzisa? Tichapindura mibvunzo iyoyo munyaya ino. Asi ngatitangei tadzidza zvakawanda ‘nezvevadiki ava’ vanotaurwa muna Mateu chitsauko 18.

NDIVANAANI VANONZI “VADIKI AVA”?

4. “Vadiki ava” ndivanaani?

4 “Vadiki ava” vadzidzi vaJesu vemazera ese. Pasinei nezera ravo, vakaita “sevana vadiki” pakuti vanoda kudzidziswa naJesu. (Mat. 18:3) Kunyange zvazvo vachibva kunzvimbo dzakasiyana, vaine tsika dzakasiyana, vaine maonero akasiyana uye vaine unhu hwakasiyana, vese vanotenda muna Kristu. Uye Kristu anovada chaizvo.—Mat. 18:6; Joh. 1:12.

5. Jehovha anonzwa sei kana mumwe munhu akagumbura kana kuti akarwadzisa mumwe wevashumiri vake?

5 “Vadiki ava” vese vanokosha kuna Jehovha. Kuti unzwisise manzwiro aanoita, funga nezvemanzwiro atinoita nezvevana. Vanokosha kwatiri. Tinoda kuvadzivirira nekuti havana simba, ruzivo, uye uchenjeri sezvine vanhu vakuru. Hatifariri kuona mumwe munhu achitambudza mumwe, asi tinotonyanya kutsamwa, kunyange kutoshatirwa kana tikaona mumwe munhu achirwadzisa mwana. Izvi ndizvo zvinoitawo Jehovha. Anoda kutidzivirira. Anotsamwa, kunyange kutoshatirwa kana mumwe munhu akagumbura kana kuti akarwadzisa mumwe wevashumiri vake!—Isa. 63:9; Mako 9:42, mashoko emuzasi.

6. Maererano na1 VaKorinde 1:26-29, nyika inoona sei vadzidzi vaJesu?

6 Chii chimwe chinoita kuti vadzidzi vaJesu vanzi vakaita ‘sevana vadiki’? Nyika inoona vanhu vakapfuma, vane mukurumbira, uye vane simba sekuti ndivo vanokosha. Asi vadzidzi vaJesu vakaita ‘sevana vadiki’ vasingakoshi uye vanotarisirwa pasi. (Verenga 1 VaKorinde 1:26-29.) Jehovha haavaoni saizvozvo.

7. Jehovha anoda kuti tione sei hama nehanzvadzi dzedu?

7 Jehovha anoda vashumiri vake vese, pasinei nekuti vava nemakore akawanda vachimushumira kana kuti vachiri vatsva muchokwadi. Hama nehanzvadzi dzedu dzese dzinokosha kuna Jehovha, saka tinofanirawo kudzikoshesa. Tinofanira “kuda sangano rese rehama,” kwete kuda vamwe tichisiya vamwe. (1 Pet. 2:17) Tinofanira kuva nechido chekuita zvese zvatinogona kuti tivadzivirire uye tiratidze kuti tine hanya navo. Kana tikaziva kuti tarwadzisa mumwe munhu kana kuti tamugumbura, hatifaniri kuita sekuti hapana chaitika, tichiona sekuti munhu wacho anongogumbuka nezvinhu zvidiki diki uye anofanira kungozvikanganwa. Chii chinoita kuti vamwe vagumbuke? Dzimwe hama nehanzvadzi dzinozvitarisira pasi zvichida nemhaka yemakuriro adzakaita. Vamwe vachiri vatsva muchokwadi, saka havasati vava kuziva zvekuita kana vakanganisirwa. Pasinei nezvinenge zvaitika, tinofanira kuita zvatinogona kuti tivezve nerugare. Uyewo munhu anogara achigumburwa nezvinoitwa nevamwe anofanira kuziva kuti ihwohwo unhu husina kunaka hwaanofanira kugadzirisa. Kana akachinja achava nemufaro uye achawirirana nevamwe.

ONA VAMWE SEVAKURU

8. Maonero api aiva nevanhu vepanguva yaJesu ayo akakanganisa vadzidzi vake?

8 Chii chakaita kuti Jesu ataure ‘nezvevadiki ava’? Vadzidzi vake vakanga vamubvunza kuti: “Ndiani mukuru kune vamwe vese muUmambo hwekudenga?” (Mat. 18:1) VaJudha vakawanda vepanguva iyoyo vaida kuonekwa sevanhu vanokosha chaizvo. Mumwe muongorori weBhaibheri anoti: “Vanhu vainyanya kukoshesa kukudzwa nevamwe uye kuva nemukurumbira.”

9. Vadzidzi vaJesu vaifanira kuitei?

9 Jesu aiziva kuti vadzidzi vake vaifanira kushanda nesimba kuti vabvise mumwoyo mavo pfungwa yekuda kukwikwidzana nevamwe iyo yainge yakazara muvaJudha. Akavaudza kuti: “Mukuru pakati penyu anofanira kuva semudiki pane vese, uye uya ari kutungamirira anofanira kushandira vamwe.” (Ruka 22:26) Tinoita ‘sevadiki’ kana tikaona vamwe ‘sevakuru kwatiri.’ (VaF. 2:3) Patinoramba tichiva nemafungiro akadaro, kashoma kuti tigumbure vamwe.

10. Izano ripi rakapiwa naPauro ratinofanira kushandisa?

10 Hama nehanzvadzi dzedu dzese dzine padzinotipfuura. Izvi zviri nyore kuona kana tikaisa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvadzinoita. Tinofanira kugara tichiyeuka zano rakapiwa vaKorinde nemuapostora Pauro rekuti: “Ndiani anoita kuti usiyane nemumwe? Chii chaungati unacho chausina kupiwa? Zvino kana wakaita zvekupiwa, nei uchizvirumbidza sekunge kuti hauna kuchipiwa?” (1 VaK. 4:7) Tinofanira kungwarira muedzo wekuda kuti vamwe vatiyemure kana wekuzviona setiri nani pane vamwe. Kana hama ichipa hurukuro dzinonwisa mvura kana kuti hanzvadzi iine chipo chekutanga zvidzidzo zveBhaibheri, vese vanofanira kuita kuti Jehovha arumbidzwe.

KANGANWIRA “ZVICHIBVA PAMWOYO”

11. Tinodzidzei pamufananidzo wakataurwa naJesu wamambo nemuranda wake?

11 Pashure pekunge Jesu ayambira vateveri vake kuti vasagumbura vamwe, akataura mufananidzo wemumwe mambo nemuranda wake. Mambo wacho akadzimira muranda chikwereti chakakura chaaisambofa akabhadhara. Pava paya, muranda iyeye akaramba kudzima chikwereti chidiki diki chemumwe muranda. Mambo akazoita kuti muranda iyeye asina tsitsi akandwe mujeri. Tinodzidzei? Jesu akati: “Baba vangu vekudenga vachakuitiraiwo izvozvo kana mumwe nemumwe wenyu asingakanganwiri hama yake zvichibva pamwoyo.”—Mat. 18:21-35.

12. Kana tikaramba kuregerera, tinorwadzisa sei vamwe?

12 Zvakaitwa nemuranda uyu hazvina kungorwadzisa iye chete asi zvakarwadzisawo vamwe. Chekutanga, akarwadzisa mumwe muranda nekuita kuti “akandwe mujeri kusvikira akwanisa kubhadhara chikwereti chake.” Chechipiri, akarwadzisa vamwe varanda vakaona zvaakaita. “Vamwe varanda pavakaona zvakanga zvaitika, vakarwadziwa chaizvo.” Zvatinoita zvinogona kukanganisawo vamwe. Kana mumwe munhu akatikanganisira torega kumukanganwira, chii chinogona kuitika? Chekutanga, tinomurwadzisa nekuita zvinhu zvakadai sekusamuregerera, kusataura naye, uye kusamuratidza rudo. Chechipiri, tinoita kuti vamwe vari muungano vasanzwa zvakanaka pavanoona kuti hatina rugare nemunhu iyeye.

Uchachengeta chigumbu kana kuti ucharegerera zvichibva pamwoyo here? (Ona ndima 13-14) *

13. Unodzidzei pane zvakaitika kune mumwe piyona?

13 Patinoregerera hama nehanzvadzi dzedu, zvinotibatsira uye zvinobatsirawo vamwe. Ndizvo zvakaitika kune mumwe piyona watichati Crystal. Akarwadziswa neimwe hanzvadzi yemuungano. Crystal anoti: “Dzimwe nguva zvimwe zvaaitaura zvaindirwadza zvekuti ndainzwa sendabayiwa nebanga. Ndaisatomboda kugovewa naye muushumiri. Ndakatanga kusafarira ushumiri.” Crystal ainzwa sekuti ane chikonzero chine musoro chekuti agumbuke. Asi haana kuramba akagumbukira hanzvadzi yacho kana kuzvinzwira tsitsi. Akashandisa zano reBhaibheri riri munyaya ine musoro unoti, “Kanganwira Nomwoyo Wako Wose” iri muNharireyomurindi yaOctober 15, 1999. Akaregerera hanzvadzi yacho. Crystal anoti: “Ndava kuziva kuti tese tiri kuedza chaizvo kupfeka unhu hutsva uye kuti Jehovha anotiregerera nemwoyo wese zuva rega rega. Ndinonzwa sekuti ndakabvisirwa mutoro unorema chaizvo wandainge ndakatakura. Ndava kufara zvakare.”

14. Maererano naMateu 18:21, 22, muapostora Petro angangodaro aiva nedambudziko ripi, uye unodzidzei pamhinduro yaakapiwa naJesu?

14 Tinoziva kuti kuregerera vamwe ndicho chinhu chakanaka chatinofanira kuita. Asi zvinogona kunge zvakatiomera kuti tidaro. Zvinogona kunge zvaimboomera muapostora Petro kuti aregerere vamwe. (Verenga Mateu 18:21, 22.) Chii chinogona kutibatsira? Chekutanga, fungisisa nezvekuregererwa kwawakaitwa naJehovha. (Mat. 18:32, 33) Hatina kukodzera kuregererwa naye, asi anotiregerera nemwoyo wese. (Pis. 103:8-10) Panguva imwe chete “isuwo tinofanira kudanana.” Saka kuregerera hachisi chinhu chatinoita zvekusarudza. Tinotofanira kuregerera hama nehanzvadzi dzedu. (1 Joh. 4:11) Chechipiri, funga zvinogona kuitika patinoregerera mumwe munhu. Tinogona kurerutsira munhu anenge atitadzira, tinoita kuti ungano ibatane, tinochengetedza ushamwari hwedu naJehovha, uye tinobvisa mutoro unenge uchitiremera. (2 VaK. 2:7; VaK. 3:14) Chekupedzisira, nyengetera kuna Jehovha uyo anoda kuti tiregerere vamwe. Usarega Satani achikanganisa rugare rwauinarwo nehama nehanzvadzi dzako. (VaEf. 4:26, 27) Tinoda kubatsirwa naJehovha kuti tisapinda mumusungo waSatani.

USAREGA CHIMWE CHINHU CHICHIITA KUTI UGUMBURWE

15. Maererano naVaKorose 3:13, tingaitei kana hama kana kuti hanzvadzi yedu ikaita chimwe chinhu chinotirwadza?

15 Asi ungaitei kana mumwe muKristu akaita zvinhu zvinokurwadza? Ita zvese zvaunogona kuti murambe muine rugare. Nyengetera kuna Jehovha uchimuudza manzwiro ako. Mukumbire kuti akomborere munhu akakugumbura uye kuti akubatsire kuona unhu hwakanaka hune munhu wacho, unhu hunoita kuti Jehovha amude. (Ruka 6:28) Kana uchitadza kukanganwa zvakaitwa nehama yako, funga nzira yakanaka yekuti utaure nayo. Usambofa wakafungira kuti hama yacho yakaita chimwe chinhu ichida kukurwadzisa. (Mat. 5:23, 24; 1 VaK. 13:7) Paunotaura naye, muone sekuti ane vavariro dzakanaka. Ko kana asingadi kuti muve nerugare? ‘Ramba uchimunzwisisa.’ Ramba uchiitira hama yako mwoyo murefu. (Verenga VaKorose 3:13.) Chinonyanya kukosha ndechekuti usaramba wakamugumbukira nekuti izvozvo zvinogona kukanganisa ushamwari hwako naJehovha. Usambofa wakarega chimwe chinhu chichiita kuti ugumburwe. Paunoita izvozvo, unenge uchiratidza kuti Jehovha ndiye waunoda kupfuura chero chii zvacho.—Pis. 119:165.

16. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuitei?

16 Tinokoshesa ropafadzo yekushumira Jehovha ‘seboka rimwe chete’ rakabatana pasi ‘pemufudzi mumwe chete.’ (Joh. 10:16) Bhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, papeji 165, rinoti: “Sezvo uri kubatsirwa nekubatana uku, unofanira kuvawo nezvaunoita kuti kurambe kuripo.” Saka tinofanira “kudzidza kuona hama nehanzvadzi dzedu semaonerwo adzinoitwa naJehovha.” Jehovha anotiona tese ‘sevana vadiki’ vanokosha. Ndiwo maonero aunoitawo hama nehanzvadzi dzako here? Jehovha anoona uye anokoshesa zvese zvaunoita kuti udzibatsire uye uratidze kuti une hanya nadzo.—Mat. 10:42.

17. Chii chatisingatombodi kuita?

17 Tinoda hama nehanzvadzi dzedu. Saka ‘hatitombodi kuisa pamberi pehama chinhu chinoigumbura kana chinoitadzisa kufamba.’ (VaR. 14:13) Tinoona hama nehanzvadzi dzedu sedzinotipfuura pane zvimwe zvinhu uye tinoda kudziregerera zvichibva pamwoyo. Ngatisarega zvinoitwa nevamwe zvichiita kuti tigumburwe. Asi ngatisarudzei kuita “zvinhu zvinoita kuti pave nerugare uye zvinoita kuti tivakane.”—VaR. 14:19.

RWIYO 130 Kanganwira Vamwe

^ ndima 5 Chivi chatakaberekwa tiinacho, chinogona kuita kuti titaure kana kuti tiite zvinhu zvinoita kuti hama uye hanzvadzi dzedu dzirwadziwe. Tinofanira kuitei kana zvinhu zvakadai zvikaitika? Tinoedza here kuita zvese zvatinogona kuti tive nerugare nehama yedu? Tinokurumidza here kukumbira ruregerero, kana kuti tinoti kana varwadziwa, ndezvavo izvo? Tinokurumidza here kugumburwa nezvinotaurwa kana kuti nezvinoitwa nevamwe? Tisu here tinotaura kuti ndozvandiri, ndakaberekwa ndakadaro, kana kuti tinonzwisisa kuti tinofanira kuchinja unhu hwedu?

^ ndima 53 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi yakagumbukira imwe hanzvadzi yemuungano. Pashure pekunge vaviri ava vakurukura nyaya yacho vari vega, vanosiyana nayo voshumira Jehovha pamwe chete vachifara.