NYAYA YEUPENYU
Ndinoisa Jehovha Pekutanga Pane Zvese Zvandinosarudza
RIMWE zuva muna 1984, ndakaenda kubasa ndichibva pamba pandaigara munharaunda yaiva nevanhu vakapfuma muCaracas, kuVenezuela. Ndiri munzira ndaifunga nezveimwe nyaya yandakanga ndichangobva kuverenga mune imwe Nharireyomurindi. Yaitaura nezvemaonerwo atinoitwa nevavakidzani vedu. Pandaitarisa dzimba dzaiva pedyo ndakatanga kufunga kuti: ‘Vavakidzani vangu vanongondiziva here semunhu anoshanda kubhengi ane upenyu hwakanaka, kana kuti vanondiziva semushumiri waMwari uyo anoshanda kubhengi kuti ariritire mhuri yake?’ Pandakafunga nezvemaonero avangangodaro vaindiita, handina kufara nazvo, saka ndakasarudza kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwangu.
Ndakaberekwa musi wa19 May 1940, muguta reAmioûn, kuLebanon. Pashure pemakore mashoma, mhuri yedu yakatamira kuguta reTripoli. Ndakarerwa mumhuri ine vanhu vanofara, vane rudo, vanoziva Jehovha Mwari uye vanomuda. Ndini ndaiva gotwe pavana 5, vasikana vatatu nevakomana vaviri. Vabereki vangu vakanga vasinganyanyi kukoshesa kuva nemari. Tainyanya kukoshesa kudzidza Bhaibheri, kupinda misangano yechiKristu, uye kubatsira vamwe kuti vazive Mwari.
Muungano medu maiva nevaKristu vakazodzwa vakawanda. Mumwe wacho aiva Michel Aboud, uyo aiitisa chataiti Chidzidzo Chebhuku Cheungano. Akadzidza chokwadi muNew York, uye ndiye akatanga kuparidza muLebanon muna 1921. Ndichiri kuyeuka kuremekedza uye kubatsira kwaaiita Anne naGwen Beavor, hanzvadzi mbiri dzechidiki dzakanga dzagirajuweta kuChikoro cheGiriyedhi. Vakava shamwari dzedu dzepedyo. Papera makore akawanda, ndakafara chaizvo pandakasangana naAnne kuUnited States. Papera nguva ndakazoonawo Gwen, uyo akanga aroorwa naWilfred Gooch uye vakanga vachishumira paBheteri rekuLondon, kuEngland.
KUPARIDZA MULEBANON
Pandaiva mudiki muLebanon maiva neZvapupu zvishoma. Asi taishingaira kudzidzisa vamwe Bhaibheri. Taiita basa iri pasinei nekupikiswa kwataiitwa nevamwe vatungamiriri vezvitendero. Ndichiri kunyatsoyeuka zvimwe zvinhu zvakaitika kwatiri.
Mumwe musi, ini nehanzvadzi yangu Sana taiparidza pane rimwe furati. Mumwe mupristi akabva asvika patakanga tiri tichikurukura nevamwe vanhu vanogara ipapo. Anofanira kunge akashevedzwa nemumwe munhu. Mupristi uya akabva atanga kutuka hanzvadzi yangu. Akasundidzira Sana kumasitepisi, achibva akuvara. Mumwe munhu akabva afonera mapurisa ayo akauya akabatsira Sana. Vakaenda nemupristi wacho kukamba yemapurisa, uye vakaona kuti akanga aine pfuti. Mukuru wemapurisa akamubvunza kuti: “Unoita nezveiko iwewe? Unodzidzisa vanhu zvaMwari here kana kuti unovadzidzisa zvemhirizhonga?”
Ndichiri kuyeukawo ungano yedu payakahaya bhazi tikaenda kunoparidza mashoko akanaka kune imwe nzvimbo iri kure chaizvo neguta. Tainakidzwa chaizvo asi takazovhiringwa nemumwe mupristi akaziva zvataiita ndokubva aunganidza mhomho yevanhu kuti itirwise. Vakatanga kutivhiringa, vachitotitema nematombo, uye baba vangu vakakuvara. Ndichiri kuyeuka ndichiona chiso chavo chakazara ropa. Vakabva vadzokera kubhazi naamai, uye vamwe vese takatevera takasuruvara. Asi handimbofi ndakakanganwa zvakataurwa naamai pavaipukuta baba. Vakati: “Jehovha, varegererei. Havazivi zvavari kuita.”
Ndinoyeukazve patakashanyira hama dzedu kumusha. Takaona mumwe bhishopu ari pamba pasekuru vangu. Aiziva kuti vabereki vangu vaiva Zvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo ndaingova nemakore 6, akasarudza ini pane vamwe vese ndokundibvunza kuti, “Iwe, sei usina kubhabhatidzwa?” Ndakamupindura kuti ndakanga ndichiri mwana uye kuti ndibhabhatidzwe ndaifanira kuziva zvakawanda nezveBhaibheri ndova nekutenda kwakasimba. Haana kufarira mhinduro yangu, saka akabva audza sekuru vangu kuti ndakanga ndisina kumuremekedza.
Asi zvinhu zvakaipa kudaro zvaisanyanya kuitika. Kakawanda, vanhu vekuLebanon vane ushamwari uye vanogamuchira vamwe zvakanaka. Saka takakwanisa kukurukura nevanhu vakawanda nezveBhaibheri uye takadzidza nevakawanda vavo.
KUSARUDZA KUTAMIRA KUNE IMWE NYIKA
Pandakanga ndichiri kuenda kuchikoro, imwe hama yechidiki yekuVenezuela yakashanya kuLebanon. Akapinda misangano neungano yedu uye akazodanana nehanzvadzi yangu inonzi Wafa. Vakazochata uye vakanogara kuVenezuela. Mutsamba dzaainyora, Wafa airamba achinyengetedza baba kuti vatamire nemhuri yese kuVenezuela. Aidaro nekuti aitisuwa chaizvo. Akazobudirira uye takabva tatama!
Takasvika muVenezuela muna 1953 uye taigara muCaracas, pedyo nemuzinda wapurezidhendi. Sezvo ndaiva kakomana, ndainakidzwa nekuona purezidhendi achipfuura, dzimwe nguva ari mumota yake yeumbozha. Asi zvakanga zvisiri nyore kuti vabereki vangu vajaire zvinhu zvemunyika yacho zvinoti mutauro, tsika, zvekudya, uye mamiriro ekunze. Pavakanga vava kujaira kugara munyika iyoyo, chimwe chinhu chinorwadza chakabva chaitika.
KUSANGANA NEDAMBUDZIKO RINORWADZA CHAIZVO
Baba vakatanga kurwara. Izvi zvakatishamisa, nekuti vaiva munhu akasimba ane utano hwakanaka. Hatiyeuki vachimborwara. Vakabatwa kenza, uye vakaoparetwa. Asi vakabva vashaya pashure pevhiki rimwe chete.
Zvakaoma kutsanangura manzwiro atakaita. Ndaingova nemakore 13 chete. Hatina kumbofungira kuti baba vangafa uye taiona sekuti taisazombofara. Kwenguva yakati rebei, zvainge zvakaomera amai kuti vabvume kuti murume wavo akanga asisipo. Asi takasvika pakuona kuti taifanira kuenderera mberi neupenyu, uye Jehovha akatibatsira kutsungirira. Pandakanga ndava nemakore 16, ndakapedza chikoro chesekondari muCaracas, uye ndaida chaizvo kubatsira pakuriritira mhuri yedu.
Hanzvadzi yangu Sana yakanga yaroorwa naRubén Araujo, uyo akanga agirajuweta kuChikoro cheGiriyedhi uye adzokera kuVenezuela. Vakatamira kuNew York. Mhuri yedu yakasarudza kuti ndiende kunodzidza kuyunivhesiti. Saka ndakaenda kunodzidza kuNew York ndichigara navo. Vakandibatsira kuti ndiswedere pedyo naJehovha pandaigara navo. Muungano yedu yeBrooklyn Spanish maiva nehama dzakasimba pakunamata dzakawanda. Ndakafara kuzivana nevaviri vavo vanoti Milton Henschel naFrederick Franz, avo vaishumira paBheteri rekuBrooklyn.
Pandakanga ndava kuda kupedza gore ndiri payunivhesiti, ndakatanga kufunga kuti ndakanga ndichiitei neupenyu hwangu. Ndakanga ndaverenga uye ndafungisisa nezvenyaya dzaiva muNharireyomurindi dzaitaura nezvevaKristu vaiva nezvinangwa pakushumira Jehovha. Ndakaona kufara kwaiita mapiyona uye hama dzaishanda paBheteri dzaiva muungano yedu uye ndaida kuita saivo. Asi ndakanga ndisati ndabhabhatidzwa. Ndaiziva kuti ndaifanira kuzvitsaurira kuna Jehovha. Ndakazvitsaurira uye ndakatora danho rinokosha chaizvo rekubhabhatidzwa musi wa30 March 1957.
ZVISARUDZO ZVINOKOSHA
Pandakatora danho iroro rinokosha, ndakafunga nezvekutora rimwezve randaida, rekupinda mubasa renguva yakazara. Ndaida chaizvo kupinda mubasa renguva yakazara, asi ndaiona kuti kuita izvozvo kwaizondiomera. Ndaizokwanisa here kupayona uku ndichienda kuyunivhesiti? Ini nemhuri yedu tainyorerana tsamba dzakawanda ndichitsanangura nezvechisarudzo chandakanga ndava kuda kuita chekumira kudzidza payunivhesiti, ndodzokera kuVenezuela, kuti nditange kupayona.
Ndakadzokera kuCaracas muna June 1957. Asi ndaiona kuti zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka kumba. Vaida mumwe munhu anovabatsira kuti vawane zvekurarama nazvo. Saka ndakavabatsira sei? Ndakawana basa kubhengi, asi ndaidawo chaizvo kuva piyona. Kuda kupayona ndiko kwakanga kwaita kuti ndidzoke. Ndakatsunga kuita mabasa acho ese. Kwemakore akawanda, ndaishanda mubhengi, uku ndichipayona. Ndaiva nezvakawanda zvekuita asi ndaifara!
Kuonana uye kuchata kwandakaita naSylvia, imwe hanzvadzi yekuGerman yakanaka chaizvo uye inoda Jehovha kwakaitawo kuti ndifare. Akanga atamira kuVenezuela nevabereki vake. Takazova nevana vaviri, mukomana anonzi Michel (Mike), uye musikana anonzi Samira. Ndakatangawo kuchengeta amai. Vakanga vava kugara nesu. Kunyange zvazvo ndakarega kupayona kuti ndichengete mhuri, ndakaramba ndichishingaira mubasa rekuparidza. Ini naSylvia taitora upiyona hwebetsero pese pazvaiita mazuva andaisaenda kubasa.
CHIMWE CHISARUDZO CHINOKOSHA
Vana vedu vakanga vachiri kuenda kuchikoro pakaitika zvandambotaura patangira nyaya ino. Upenyu hwangu hwaiyemurwa nevanhu vakawanda, uye vanhu vaishanda mumabhengi vaindiremekedza. Asi ndaida chaizvo kuzivikanwa semushumiri waJehovha. Ndakaramba ndichifunga zvandingaita kuti vanhu vandione saizvozvo. Saka ini nemudzimai wangu takagara pasi tikakurukura nezvemari yataida pakurarama. Kana ndaizosiya basa rangu remubhengi, ndaizopiwa mari yakawanda. Sezvo takanga tisina zvikwereti, takaona kuti kana tikararama upenyu husina twakawanda wanda, tinogona kuva nemari inotikwanira kuriritira mhuri kwenguva yakareba.
Zvakanga zvisiri nyore kuita chisarudzo ichocho, asi mudzimai wangu naamai vangu vakanyatsonditsigira. Saka ndakanga ndava kuzokwanisazve kutanga kupayona. Ndakafara chaizvo! Ndakanga ndava kutoda kupayona, asi takabva tagamuchira mashoko anoshamisa atakanga tisingatarisiri.
CHISHAMISO CHATAKAVA NACHO!
Rimwe zuva chiremba wedu akatiudza kuti Sylvia akanga ava nepamuviri. Takashamiswa chaizvo! Izvozvo zvakaita kuti tifare, asi ndakafunga nezvechisarudzo chandakanga ndaita chekuva piyona. Ndaizokwanisa here kupayona?
Takatanga kugadzirira kuzova nemumwe mwana mumhuri. Asi ndakazoita sei nezvandakanga ndaronga?Pashure pekukurukura zvinangwa zvedu, takasarudza kuita zvatakanga taronga pakutanga. Mwanakomana wedu Gabriel akaberekwa muna April 1985. Kunyange zvakadaro, ndakasiya basa kubhengi uye ndakatangazve kushumira sapiyona wenguva dzese muna June 1985. Nekufamba kwenguva ndakava neropafadzo yekushumira senhengo yeDare reBazi. Asi bazi rakanga risiri muCaracas, saka ndaifanira kuendako mazuva maviri kana matatu pavhiki, uye rwaiva rwendo rwemakiromita anenge 80.
KUTAMIRAZVE KUNE IMWE NZVIMBO
Hofisi yebazi yaiva muguta reLa Victoria, saka takasarudza kutamira ikoko semhuri kuti tive pedyo neBheteri. Ikoko kwaiva kuchinja kwakakura kwatiri. Ndinoyemura zvakaitwa nemhuri yangu uye ndinovatenda nemwoyo wese. Zvavakaita zvakandibatsira chaizvo. Hanzvadzi yangu Baha akati aizochengeta amai. Mike akanga aroora, asi Samira naGabriel takanga tichiri navo pamba. Saka kutamira kuLa Victoria kwaireva kuti vaizoparadzana neshamwari dzavo dzekuCaracas. Uyewo mudzimai wangu Sylvia uyo akanga ajaira kugara muguta guru akanga ava kufanira kujaira kugara mukaguta kadiki. Uye tese zvedu takanga tava kufanira kujaira kugara muimba diki. Zviri pachena kuti pane zvakawanda zvataifanira kuchinja kuti titame tichibva muCaracas tichienda kuLa Victoria.
Asi zvinhu zvakachinja zvakare. Gabriel akaroora uye Samira akanga atama ava kugara ega. Ini naSylvia takanzi tiuye kuzoshumira paBheteri muna 2007, uye nanhasi ndipo patichiri. Mike, dangwe redu, ari kushumira semukuru uye ari kupayona nemudzimai wake, Monica. Gabriel ari kushumirawo semukuru, uye anogara kuItaly nemudzimai wake, Ambra. Samira, anopayona, uye anomboitawo basa repaBheteri ari kumba.
NDINOFARA NEZVISARUDZO ZVANDAKAITA
Ndaifanira kuita zvisarudzo zvakakura muupenyu hwangu. Asi handizvidembi. Ndinofara nezvisarudzo zvandakaita. Ndinoonga chaizvo kuti ndine ropafadzo dzandakawana pakushumira Jehovha. Mumakore ese aya, ndakaona kukosha kwazvakaita kuti ndirambe ndiine ushamwari hwakasimba naJehovha. Pasinei nekuti tinoda kuita zvisarudzo zvidiki kana zvikuru, anotipa rugare “runopfuura kunzwisisa kwese.” (VaF. 4:6, 7) Ini naSylvia tinonakidzwa nebasa dzvene ratinoita paBheteri uye tinoona sekuti zvisarudzo zvatakaita muupenyu zvakakomborerwa, nekuti takazviita tichifunga nezvaJehovha.