Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

Kuwana Mufaro Uye Zvidzidzo Pakushumira Jehovha

Kuwana Mufaro Uye Zvidzidzo Pakushumira Jehovha

PANDAINGE ndichiri kakomana, pese pandaiona ndege ichibhururuka ndaingoti dai ndikazoikwirawo ndichienda kune imwe nyika inoyevedza. Asi ndaiona sekuti hazvimbofi zvakaitika.

Vabereki vangu vakabuda muEstonia pairwiwa Hondo Yenyika II vachibva vaenda kuGermany, uko kwandakazvarirwa. Ndichangozvarwa, vakatanga kugadzirira kutamira kuCanada. Takatanga kugara pedyo neguta reOttawa, Canada, pane imwe imba diki, yaivawo nehuku. Taiva varombo chaizvo, asi taiwana mazai ekudya mangwanani.

Rimwe zuva, Zvapupu zvaJehovha zvakaverengera amai vangu Zvakazarurwa 21:3, 4. Vakabayiwa mwoyo nezvavakanga vadzidza zvekuti vakatanga kuchema. Mbeu yechokwadi yakakura, uye baba naamai vangu vakakurumidza kufambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa.

Kunyange zvazvo vabereki vangu vakanga vasinganyatsogoni Chirungu, vaishingaira chaizvo pakushumira Jehovha. Unenge musi weMugovera wega wega, baba vaibuda neni muushumiri pamwe chete nehanzvadzi yangu Sylvia, kunyange zvazvo vainge vashanda usiku hwese mufekitari yaiita zvekunyungudutsa simbi muSudbury, Ontario. Uye vhiki rega rega, taidzidza Nharireyomurindi semhuri. Amai nababa vakandibatsira kuti ndide Mwari. Izvozvo zvakaita kuti nditsaurire upenyu hwangu kuna Jehovha muna 1956 ndiine makore 10. Pese pandinofunga nezvekuda kwavaiita Jehovha, ndinonzwa ndichida kuramba ndichimushumira.

Pandakapedza chikoro, ndakanga ndisisanyanyi kufunga nezvekushumira Jehovha. Ndakafunga kuti kana ndikava piyona handizombofi ndakaita mari inokwana kuti ndizadzise chido changu chekufamba nendege ndichiona nyika. Ndakatanga kushanda pane imwe nhepfenyuro yeredhiyo ndiri mushamarari uye basa iri ndairida chaizvo. Asi ndaishanda usiku, saka kakawanda ndaisapinda misangano uye ndaishamwaridzana nevanhu vaisada Mwari. Hana yangu yakadzidziswa neBhaibheri yakazondibatsira kuti ndichinje upenyu hwangu.

Ndakazotamira kuOshawa, Ontario. Ikoko ndakaonana naRay Norman, nehanzvadzi yake Lesli, nemamwe mapiyona. Vese vakaita kuti ndinzwe ndakasununguka. Kuona kufara kwavaiita, kwakandibatsira kuti ndifunge zvandaida kuita neupenyu hwangu. Vakandikurudzira kupayona uye ndakabva ndatanga muna September 1966. Ndaifara uye zvinhu zvaindifambira zvakanaka. Asi zvimwe zvinhu zvaizochinja upenyu hwangu zvakanga zvava kuda kuitika ndisingambofungiri.

KANA JEHOVHA AKAKUKUMBIRA KUTI UITE CHIMWE CHINHU, EDZA KUCHIITA

Pandainge ndichiri kuchikoro, ndakanyorera basa rekushumira paBheteri muToronto, Canada. Pandakanga ndava kupayona, ndakakokwa kuti ndishumire paBheteri kwemakore 4. Asi ndaida Lesli chaizvo, uye ndaitya kuti kana ndikabvuma kuenda kuBheteri ndaisazomuona zvakare. Pashure pekunyengetera zvakasimba kakawanda, ndakazobvuma kuenda kuBheteri, uye ndakaonekana naLesli ndichirwadziwa chaizvo.

Ndakashanda munowachirwa hembe paBheteri uye ndakazoshanda samabharani. Ukuwo Lesli akatanga kushumira sapiyona chaiye muGatineau, Quebec. Ndaigara ndichiedza kufungidzira zvaaiita uye ndaisava nechokwadi kana ndakanga ndaita chisarudzo chakanaka. Asi chimwe chinhu chinoshamisa chaizvo chakabva chaitika muupenyu hwangu. Ray, hanzvadzi yaLesli, akakokwa kuti ashumire paBheteri. Takagara muimba imwe chete! Izvi zvakaita kuti nditangezve kushamwaridzana naLesli. Takachata musi wa27 February, 1971, uye ndiro raiva zuva rangu rekupedzisira paBheteri, pashure pekunge ndashumira kwemakore 4.

Tichitanga basa remudunhu muna 1975

Ini naLesli takanzi tinoshumira muungano yemutauro weFrench kuQuebec. Pashure pemakore mashoma, ndakashamiswa pandakanzi ndishumire semutariri wedunhu ndiine makore 28. Ndainzwa sekuti ndichiri mudiki, uye handina ruzivo rwakawanda zvekuti ndive mutariri wedunhu, asi mashoko ari pana Jeremiya 1:7, 8 akandikurudzira. Lesli akanga amboita tsaona kaviri nemota, uyewo kurara kwaimunetsa. Saka takafunga kuti zvaizotiomera chaizvo kuita basa redunhu. Asi Lesli akati, “Kana Jehovha akatikumbira kuti tiite chinhu, tinofanira kuedza kuchiita.” Takabvuma basa racho uye takanakidzwa naro kwemakore 17.

Ndaiva nezvakawanda zvekuita pandaiva mutariri wedunhu, uye ndaisagara ndichiwanira Lesli nguva yakakwana. Ndine chimwe chinhu chandaifanira kudzidza. Rimwe zuva, musi weMuvhuro mangwanani-ngwanani, padhoo pedu pakagogodzwa. Hatina munhu watakaona, asi paingova nekabhasiketi kaiva nejira repatafura, michero, chizi, chingwa, bhodhoro rewaini, magirazi ekunwira, uye katsamba kainge kakangonyorwa kuti, “Enda umbonotandara nemudzimai wako.” Musi iwoyo zuva rainge yakanyatsoti bhaa. Asi ndakaudza Lesli kuti ndaiva nehurukuro dzandaifanira kugadzirira saka ndakanga ndisingakwanisi kuenda. Akazvinzwisisa, asi hazvina kumufadza. Pandakagara pacheya, hana yangu yakatanga kunditongesa. Ndakafunga nezvaVaEfeso 5:25, 28. Kungava here kuti mashoko aya anobva kuna Jehovha aindikurudzira kuti ndifunge nezvemanzwiro emudzimai wangu? Pashure pekunyengetera, ndakati kuna Lesli, “Handei.” Akafara chaizvo. Takatyaira tichienda pane imwe nzvimbo yakanaka pedyo nerwizi, ndokubva tawaridza jira redu, uye ndiwo mumwe wemisi yatakanakidzwa chaizvo tiri pamwe chete. Hurukuro dzangu ndakazongodzigadzirira.

Takafara kushumira mumatunhu akawanda, kubva kuBritish Columbia kusvika kuNewfoundland. Chido changu chekuenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana chakanga chava kuzadzika. Ndaimbofunga nezveChikoro cheGiriyedhi asi ndakanga ndisingadi zvekuenda kune imwe nyika. Ndaiona sekuti mamishinari aiva vanhu vanokosha chaizvo uye ndainzwa ndisina kukodzera kuva mumishinari. Ndaityawo kuendeswa munyika yemuAfrica inenge iine zvirwere uye hondo. Ndaigutsikana nekwandaiva.

KUKOKWA NDISINGAMBOFUNGIRI KUENDA KUESTONIA NEDZIMWE NYIKA DZIRI PEDYO NEBALTIC SEA

Ndichifamba munyika dziri pedyo neBaltic Sea

Muna 1992 Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvava kukwanisazve kuparidza pachena mune dzimwe nyika dzaimbova muSoviet Union. Saka takabvunzwa kana taida kutamira kuEstonia tonova mamishinari. Takashamiswa chaizvo, asi takanyengetera nezvazvo. Takafunga zvakare kuti, ‘Kana Jehovha akatikumbira kuti tiite chimwe chinhu, hatifaniri kuedza kuchiita here?’ Takabvuma, uye ndakanzwa kuzorodzwa chaizvo kuti takanga tisiri kuenda kuAfrica.

Takabva tangotanga kudzidzira chiEstonian. Pashure pemwedzi yakati kuti tiri munyika yacho, takanzi tiite basa redunhu. Taifanira kushanyira ungano nemapoka zvingasvika 46 munyika nhatu dzinoti Estonia, Latvia, uye Lithuania kusanganisira Kaliningrad, muRussia. Izvi zvaireva kuti taifanira kuedza kudzidzira mitauro inoti, Latvian, Lithuanian, uye Russian. Zvainge zvakaoma. Asi hama nehanzvadzi dzaibayiwa mwoyo nezvataiedza kuita uye dzaitibatsira. Muna 1999, Estonia yakava nehofisi yebazi uye ndakanzi ndishumire mudare rebazi pamwe chete naToomas Edur, Lembit Reile, uye Tommi Kauko.

Left: Ndichipa hurukuro pagungano muLithuania

Right: Dare reBazi remuEstonia, rakaumbwa muna 1999

Takasvika pakuziva Zvapupu zvakawanda zvakanga zvamboendeswa kuSiberia. Pasinei nekubatwa zvisina kunaka kwavaiitwa mujeri uye kuparadzaniswa nemhuri dzavo, havana kumbogumbuka. Vakaramba vachifara uye vachishingaira muushumiri. Izvi zvakandibatsira kuona kuti tinogona kutsungirira uye kuramba tichifara mumamiriro ezvinhu akaoma.

Takashanda nesimba kwemakore akawanda uye taisaita nguva yakawanda yekuzorora, saka Lesli akatanga kunzwa kuneta zvakanyanya. Hatina kukurumidza kuziva kuti aiva nechirwere chinokonzera kuneta chinonzi fibromyalgia. Takafungisisa nezvekudzokera kuCanada. Patakakokwa kunopinda chikoro chenhengo dzedare rebazi kuPatterson, New York, U.S.A., ndaisava nechokwadi chekuti taizochipinda. Asi pashure pekunge tanyengetera kwenguva yakareba, takabvuma. Jehovha akakomborera chisarudzo ichocho. Pataiva kuchikoro ichocho, Lesli ndipo paakarapwa. Izvi zvakaita kuti tikwanisezve kushanda zvakanaka.

KUENDA KUNE IMWE NYIKA TISINGAMBOFUNGIRI

Rimwe zuva ari manheru muna 2008, ndiri kuEstonia, ndakafonerwa nehama dzekumahofisi makuru dzichida kunzwa kana taikwanisa kuenda kunoshumira kuCongo. Ndakashamiswa chaizvo nekuti vaitoda mhinduro zuva raitevera. Pakutanga, handina kuudza Lesli nekuti ndaiziva kuti aisazorara usiku ihwohwo. Asi ndini ndisina kurara, nekuti ndainyengetera ndichiudza Jehovha zvandaityira kuenda kuAfrica.

Mangwana acho pandakaudza Lesli, takafunga nezvazvo tikati: “Jehovha ndiye ari kutiti tiende kuAfrica. Saka chii chiri kuita kuti titi hatizvikwanisi uye hatizonakidzwi isu tisati taendako?” Saka pashure pemakore 16 tiri kuEstonia, takakwira ndege takananga kuKinshasa, Congo. Pahofisi yebazi pacho paiva nemiti nemaruva zvakanaka chaizvo uye paizorodza. Chinhu chekutanga chakaiswa naLesli mumba medu raiva kadhi raakachengeta kubvira patakabva kuCanada. Pakadhi racho painge pakanyorwa kuti “Fara chero kwaunenge uri.” Kuzivana nehama dzedu, kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, uye kunakidzwa nebasa reumishinari kwakaita kuti mufaro wedu uwedzere. Nekufamba kwenguva, takava neropafadzo yekushanyira mapazi emuAfrica munyika dzingasvika 13. Izvi zvakaita kuti tione kusiyana-siyana kwevanhu uye kunaka kwavakaita. Kutya kwandaimboita kuva muAfrica kwakapera uye tinotenda Jehovha nekutituma kuti tishumire muAfrica.

KuCongo taipiwa zvekudya zvakasiyana-siyana zvandaifunga kuti taisazokwanisa kuzvidya. Asi pataiona hama dzedu dzichinakirwa, takaedzawo uye takazvifarira.

Taienda kumabvazuva kwenyika yacho tichikurudzira hama dzedu, uye taidziendesera zvadzaida pakurarama. Munzvimbo idzi, magandanga airwisa vanhu vemo uye aibata zvakaipa vakadzi nevana. Hama dzedu dzakawanda dzaiva nezvinhu zvishomashoma zvekurarama nazvo. Asi tariro yavo yakasimba yerumuko, kuda kwavaiita Jehovha, uye kuvimbika kwavainge vakaita kusangano rake zvakatibaya mwoyo. Zvaiitwa nehama idzi zvakaita kuti tifunge kuti nei tichishumira Jehovha uye tiwedzere kutenda kwatinoita maari. Dzimwe hama dzedu dzainge dzarasikirwa nemisha uye zvirimwa. Izvi zvakatibatsira kuona kuti pfuma inogona kungonyangarika uye kuti ushamwari hwedu naJehovha ndihwo hunokosha kupfuura zvimwe zvese. Pasinei nematambudziko aya akaoma, hama dzedu dzaisambonyunyuta. Izvi zvakatikurudzira kuti tive neushingi patinosangana nematambudziko uye patinonetseka neutano.

Left: Ndichipa hurukuro kuvapoteri

Right: Tichiendesa zvinhu zvekuyamura uye mishonga kuDungu, Congo

KUSHUMIRA KUASIA

Pakabva paitika chimwe chinhu chinoshamisa. Takanzi tiende kubazi reHong Kong. Hatina kumbobvira tafungidzira tichigara kuAsia! Asi pashure pekunge taona rudo rwaJehovha kwese kwataishumira, takabvuma kuenda. Muna 2013 tiine misodzi pamatama, takasiya shamwari dzedu dzatinoda uye zvinhu zvakanaka zvemuAfrica tisingambozivi zvaiva mberi.

Kwaiva kuchinja kwakakura chaizvo kugara muHong Kong, guta rine vanhu vakawanda vanobva pasi rese. Zvainge zvakatiomera kudzidza chiCantonese. Asi hama dzaitigamuchira nemaoko maviri uye tainakirwa nezvekudya zveko. Paiva nebasa rakawanda rekuita pahofisi yebazi asi zvivakwa zvaidhura. Saka Dare Rinotungamirira rakasarudza kutengesa zvivakwa zvakawanda zvepabazi. Pashure penguva pfupi muna 2015, takanzi tiende kuSouth Korea, uko kwatichiri kushumira tiri. Kuno tiri kudzidzazve mumwe mutauro wakaoma, asi zvinofadza kuti kunyange zvazvo tichiine zvakawanda zvekudzidza, hama nehanzvadzi dzinotikurudzira nekutiudza kuti tiri kuwedzera kugona chiKorean.

Left: Patakanga tava kuHong Kong

Right: Bazi reKorea

ZVATAKADZIDZA

Kuva neshamwari itsva kwagara hakusi nyore, asi takaona kuti kana tikatanga isu kugamuchira vamwe tinogona kukurumidza kuziva vanhu. Takaona kuti hama dzedu dzine zvakawanda zvadzakafanana kupfuura zvadzinosiyana, uye kuti Jehovha akatisika nenzira inoshamisa zvekuti tinokwanisa kuvhura mwoyo yedu toda shamwari dzakawanda chaizvo.—2 VaK. 6:11.

Takaona kuti tinofanira kuona vanhu semaonerwo avanoitwa naJehovha uye kuona uchapupu hunoratidza kuti Jehovha anotida uye anotitungamirira muupenyu hwedu. Pese patinenge takaora mwoyo kana patinenge tichinetseka kana vamwe vachitifarira, tinoverengazve zvinhu zvinotikurudzira zvakadai semakadhi kana tsamba zvakabva kushamwari. Takaona kupindurwa kwakaitwa minyengetero yedu naJehovha, uye izvozvo zvakaratidza kuti anotida uye zvakatipa simba rekuti tirambe tichimushumira.

Kwemakore, ini naLesli takadzidza kuti zvinokosha kuti tiwane nguva yekuva pamwe chete tiri vaviri pasinei nekuti tine zvakawanda zvekuita. Takaonawo kuti zvinokosha kuti tizviseke patinenge takanganisa kunyanya patinenge tichiedza kudzidzira mutauro mutsva. Uye usiku hwega hwega tinoedza kutsvaga chimwe chinhu chinenge chatinakidza chekutenda Jehovha nezvacho.

Kutaura chokwadi, ndaisambofungira kuti ndingava mumishinari kana kugara mune dzimwe nyika. Asi ndakafara kudzidza kuti zvinhu zvese zvinoita kana tichitsigirwa naJehovha. Ndinobva ndayeuka mashoko emuprofita Jeremiya ekuti: “Makandinyengedza, haiwa Jehovha.” (Jer. 20:7) Jehovha akatiitira zvinhu zvakawanda tisingambozvifungiri uye akatikomborera chaizvo kunyange kutozadzisawo chido changu chekufamba nendege. Ndichishanyira mapazi, ndakasvika kunzvimbo dzakawanda kupfuura dzandaifungidzira ndichiri kakomana kuti ndingasvika. Mumabasa ese atakapiwa, ndinotenda chaizvo kutsigirwa kwandinoitwa naLesli uye kuzvipira kwaanoita.

Tinoedza kugara tichiyeuka kuti zvese zvatinoita tinozviita nekuti tinoda Jehovha. Makomborero atiri kuwana iye zvino anotibatsira kuona kuti upenyu huchange hwakadii patichararama nekusingaperi Jehovha ‘paachavhura ruoko rwake ogutsa zvido zvezvinhu zvese zvipenyu.’—Pis. 145:16.