Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pashure pekunge Jesu azvarwa, nei Josefa naMariya vakaramba vari muBhetrehema pane kuti vadzokere kumba kwavo kuNazareta?

Bhaibheri haritauri chikonzero chacho. Asi rinoratidza zvingangodaro zvakaita kuti vasarudze kusadzokera kuNazareta panguva iyoyo.

Ngirozi yakaudza Mariya kuti aizova nepamuviri, obereka mwana. Ngirozi yacho payakasvitsa mashoko aya, Mariya naJosefa vaigara muNazareta, guta raiva muGarireya. (Ruka 1:26-31; 2:4) Pavakazodzoka vachibva kuIjipiti, vakaenda kuNazareta. Jesu akakurira ikoko uye ainzi muNazareta. (Mat. 2:19-23) Saka panotaurwa nezveNazareta, tinofunga nezvavo vese vari vatatu: Jesu, Josefa naMariya.

Mariya aiva nehama yake yainzi Erizabheti iyo yaigara munyika yeJudha. Erizabheti aiva mudzimai wemupristi Zekariya uye akava amai vaJohani Mubhabhatidzi. (Ruka 1:5, 9, 13, 36) Mariya akanga ashanyira Erizabheti uye akagara naye kwemwedzi mitatu muJudha. Mariya akazodzokera kuNazareta. (Ruka 1:39, 40, 56) Saka Mariya aiziva nharaunda yeJudha.

Nekufamba kwenguva, Josefa akateerera murayiro wekuti vanhu vese ‘vanyorese’ mazita avo. Saka akabva kuNazareta achienda kuBhetrehema, iro raiva “guta raDhavhidhi” uye rakanga raprofitwa nezvaro kuti ndiro raizoberekerwa Mesiya. (Ruka 2:3, 4; 1 Sam. 17:15; 20:6; Mika 5:2) Pashure pekunge Mariya aberekera Jesu ikoko, Josefa haana kuita kuti Mariya afambe rwendo rurefu rwekudzokera kuNazareta nemwana akanga achangobva kuzvarwa. Vakagara muguta reBhetrehema, iro raiva anenge makiromita 9 kubva kuJerusarema. Zvaizova nyore kwavari kuti vaende nemwana wavo mucheche kutemberi uye vape chibayiro chaidiwa nemutemo.—Revh. 12:2, 6-8; Ruka 2:22-24.

Ngirozi yaMwari yakanga yamboudza Mariya kuti mwanakomana wake aizopiwa ‘chigaro cheumambo chaDhavhidhi’ uye ‘aizova Mambo.’ Kungava here kuti Josefa naMariya vakanzwisisa kukosha kwazvaiita kuti Jesu aberekerwe muguta raDhavhidhi? (Ruka 1:32, 33; 2:11, 17) Vanogona kunge vakaona kuri kuchenjera kuti varambe vachigara ikoko vachimirira kuti Mwari avaudze zvaaida kuti vaite.

Hatizivi kuti vakanga vagara muBhetrehema kwenguva yakareba sei pakasvika vazivi venyeredzi. Asi panguva iyoyo, mhuri yacho yakanga yava kugara mumba uye “mwana” wavo akanga asisiri mucheche. (Mat. 2:11) Zvinoita sekuti pane kuti vadzokere kuNazareta, vakamboti garei muBhetrehema zvekuti ndiko kwakanga kwatova kumba kwavo.

Herodhi akarayira kuti “vana vakomana vese vaiva muBhetrehema . . . kubvira pazera remakore maviri zvichidzika” vaurayiwe. (Mat. 2:16) Pashure pekunge vanyeverwa naMwari nezvemurayiro iwoyo, Josefa naMariya vakatizira kuIjipiti naJesu uye vakagara ikoko kusvikira Herodhi afa. Josefa akazoenda nemhuri yake kuNazareta. Nei vasina kudzokera kuBhetrehema? Nekuti panguva iyoyo, Akerausi mwanakomana waHerodhi ndiye aitonga muJudhiya uye aiva neutsinye. Uyewo ngirozi yakanga yayambirazve Josefa kuti asaenda ikoko. Ari kuNazareta, Josefa aigona kurera Jesu semunamati wechokwadi waMwari.—Mat. 2:19-22; 13:55; Ruka 2:39, 52.

Zvinoita sekuti Josefa akafa Jesu asati avhura nzira yekuti vamwe vaende kudenga. Saka Josefa achamutsirwa pano panyika. Vakawanda vachakwanisa kumuona uye vachadzidza zvakawanda kwaari kuti nei iye naMariya vakaramba vachigara muBhetrehema pashure pekunge Jesu azvarwa.