Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 27

Nei Tichifanira Kutya Jehovha?

Nei Tichifanira Kutya Jehovha?

“Vaya vanotya Jehovha ndivo vanova shamwari dzake dzepedyo.”—PIS. 25:14.

RWIYO 8 Jehovha Inzvimbo Yedu Yekupotera

ZVICHADZIDZWA a

1-2. Sezvinotaurwa pana Pisarema 25:14, tinofanira kuitei kana tichida kuva neushamwari hwepedyo naJehovha?

 NDEZVIPI zvaunofunga kuti zvinokosha kana uchida kuramba uine ushamwari hwepedyo nemumwe munhu? Zvimwe unogona kupindura mubvunzo iwoyo uchiti shamwari dzakanaka dzinofanira kunge dzichidanana uye dzichitsigirana. Zvichida ungasafunga nezvekuti kutya kunokoshawo pakuva neushamwari hwakanaka. Asi sezvinotaurwa murugwaro ruri kutungamirira nyaya ino, vaya vanoda kuva neushamwari hwepedyo naJehovha vanofanira “kumutya.”—Verenga Pisarema 25:14.

2 Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tichishumira Jehovha, tese tinofanira kuramba tichimuremekedza zvikuru. Asi zvinorevei kutya Mwari? Tingadzidza sei kutya Jehovha? Uye tinodzidzei nezvekutya Mwari pamutariri ainzi Obhadhiya, Mupristi Mukuru Jehoyadha, uye Mambo Jehoashi?

ZVINOREVEI KUTYA MWARI?

3. Tsanangura kuti kutya kunogona kutidzivirira sei.

3 Tinogona kutya kana tikafunga kuti pane chimwe chinhu chinogona kutikuvadza. Kutya kwakadaro kwakanaka uye kunogona kutibatsira kuti tiite chisarudzo chakanaka. Kana tichitya kudonha hatizofambi pedyo nemawere. Kana tichitya kukuvadzwa tinobva pane zvinhu zvingaita kuti tikuvare. Kana tichitya kukanganisa ushamwari hwedu nemunhu watinoda hatizotauri kana kuita chimwe chinhu chisina kunaka.

4. Satani anoda kuti titye Jehovha nenzira yakaita sei?

4 Satani anoda kuti vanhu vatye Jehovha nenzira isina kunaka. Anoda kuti vanhu vafunge kuti Jehovha anogara akatsamwa uye anoda kutiranga uye kuti hatimbofi takamufadza. (Job. 4:18, 19) Satani anoda kuti titye Jehovha zvekuti tinosvika pakurega kumushumira. Kuti tisabatwa nemusungo iwoyo, tinofanira kudzidza kuremekedza Jehovha uye kutya kumurwadzisa.

5. Zvinorevei kutya Mwari?

5 Munhu anotya Mwari anomuda uye haadi kuita chero chii zvacho chingakanganisa ushamwari hwake naye. Jesu “aitya Mwari” saizvozvo. (VaH. 5:7) Kutya kwaaiita Jehovha kwaisava kuya kwekuvhunduka. (Isa. 11:2, 3) Asi aimuda zvakadzama uye aida kumuteerera. (Joh. 14:21, 31) Kungofananawo naJesu, tinonzwa tichida kuremekedza Jehovha zvikuru nekuti ndiMwari ane rudo, akachenjera, akarurama, uye ane simba guru. Tinozivawo kuti Jehovha anotida chaizvo uye zvatinoita pane zvaanotidzidzisa zvinogona kuita kuti arwadziwe kana kuti afare.—Pis. 78:41; Zvir. 27:11.

KUDZIDZA KUTYA MWARI

6. Ndeipi imwe nzira yatingadzidza nayo kutya Mwari? (Pisarema 34:11)

6 Hatiberekwi tichitya Jehovha, tinotofanira kuita zvekudzidza kumutya. (Verenga Pisarema 34:11.) Imwe nzira yatingaita nayo izvi ndeyekuongorora zvinhu zvakasikwa. Patinoramba tichiona uchenjeri hwaMwari, simba rake, uye kutida zvakadzama kwaanoita uko kunoratidzwa “pazvinhu zvakasikwa” tinobva tawedzera kumuremekedza uye kumuda. (VaR. 1:20) Imwe hanzvadzi inonzi Adrienne inoti, “Uchenjeri hwaJehovha uhwo hunoonekwa muzvinhu zvakasikwa hunondishamisa uye hunondibatsira kuona kuti anoziva zvakanyatsondinakira.” Kufungisisa kunoita Adrienne kwakaita kuti asvike pakutaura kuti, “Ndingadirei kuita chimwe chinhu chinoita kuti ndiende kure naJehovha uyo akandipa upenyu hwandinahwo?” Vhiki rino unogona here kumbova nenguva yaunenge uchifunga nezvechimwe chinhu chakasikwa naJehovha? Kuita izvozvo kuchakubatsira kuti uwedzere kuremekedza Jehovha uye kumuda.—Pis. 111:2, 3.

7. Munyengetero unotibatsira sei kuti tiremekedze Jehovha zvakadzama?

7 Imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinotya Mwari ndeyekugara tichinyengetera. Patinoramba tichinyengetera tinowedzerawo kuziva Jehovha. Pese patinomukumbira simba rekuti titsungirire dambudziko tinoyeuka simba rake guru raainaro. Patinomutenda nechipo chaakatipa cheMwanakomana wake tinenge tichizviyeuchidza nezverudo rwake rwaanotiratidza. Uye patinoteterera kuna Jehovha tichikumbira kuti atibatsire padambudziko ratinenge tasangana naro, tinoyeukawo kuti ndiMwari akachenjera. Minyengetero yakadaro inoita kuti tiwedzere kuremekedza Jehovha. Uye inoita kuti tisatomboda kuita chero chii zvacho chingakanganisa ushamwari hwedu naye.

8. Tingaitei kuti tirambe tichitya Mwari?

8 Tinogona kuramba tichitya Mwari kana tikadzidza Bhaibheri tiine chinangwa chekuwana zvidzidzo pavanhu vanotaurwamo vakaita zvakanaka uye vakaita zvakaipa. Ngatikurukurei nezvemienzaniso yevashumiri vaJehovha vaviri vakatendeka vanoti Obhadhiya, mutariri weimba yaMambo Ahabhi, uye Mupristi Mukuru Jehoyadha. Tichabva taona zvatinodzidza pana Mambo Jehoashi weJudha uyo akatanga achiita zvakanaka asi akazosiya Jehovha.

IVA NEUSHINGI SEZVAINGE ZVAKAITA OBHADHIYA, MURUME AITYA MWARI

9. Kutya Jehovha kwakabatsira sei Obhadhiya? (1 Madzimambo 18:3, 12)

9 Bhaibheri parinotanga kutaura nezvaObhadhiya b rinoti: “Obhadhiya aitya Jehovha zvikuru.” (Verenga 1 Madzimambo 18:3, 12.) Kutya uku kwakabatsira sei Obhadhiya? Kwakamuita kuti ave munhu akatendeka, uye anovimbwa naye. Ndosaka mambo akamuita kuti aone nezvemuzinda wamambo. (Enzanisa naNehemiya 7:2.) Kutya Mwari kwaiita Obhadhiya kwakaitawo kuti ave neushingi hunoshamisa uye ushingi ihwohwo ndihwo hwaainyatsoda. Akararama panguva yaitonga Mambo Ahabhi, uyo ‘akanga akaipa chaizvo pamberi paJehovha kupfuura madzimambo ese akamutangira.’ (1 Madz. 16:30) Uyewo mudzimai waAhabhi, Jezebheri, uyo ainamata Bhaari, aivenga Jehovha chaizvo zvekuti akaedza kuparadza kunamata kwechokwadi kwaiitwa muumambo hwekuchamhembe. Akatouraya vaprofita vaMwari vakawanda. (1 Madz. 18:4) Zviri pachena kuti Obhadhiya akanamata Jehovha panguva yainge yakaoma chaizvo.

10. Obhadhiya akaratidza sei kuti aiva neushingi?

10 Obhadhiya akaratidza sei kuti aiva neushingi? Jezebheri paakatanga kutsvaga vaprofita vaMwari achida kuvauraya, Obhadhiya akatora vaprofita 100 akavahwandisa ‘vari 50 mubako rimwe chete akaramba achivapa chingwa nemvura.’ (1 Madz. 18:13, 14) Kudai akazivikanwa kuti ndizvo zvaainge aita, zviri pachena kuti Obhadhiya angadai akaurayiwa. Obhadhiya aingovawo munhu sesu, uye akanga asingadi kufa. Asi aida Jehovha nevaya vaimushumira kupfuura kuda kwaaiita upenyu hwake.

Pasinei nekurambidzwa kuri kuitwa basa redu, hama iri kuva neushingi hwekuendesa zvekudya zvekunamata kune zvimwe Zvapupu (Ona ndima 11) c

11. Vashumiri vaJehovha vemazuva ano vakafanana papi naObhadhiya? (Onawo mufananidzo.)

11 Mazuva ano vashumiri vaJehovha vakawanda vanogara munyika dzinorambidzwa basa redu. Kungofanana naObhadhiya, vaKristu ava vanoramba vachinamata Jehovha kunyange zvazvo vachiremekedza vaya vane masimba. (Mat. 22:21) Vanoratidza kutya kwavanoita Mwari nekumuteerera pane kuteerera vanhu. (Mab. 5:29) Vanoita izvi nekuramba vachizivisa mashoko akanaka uye vachiungana pamwe chete zvepachivande. (Mat. 10:16, 28) Vanoedza kuva nechokwadi chekuti hama nehanzvadzi dzavo dzine zvadzinoda pakunamata kuti dzirambe dziri pedyo naJehovha. Funga nezvaHenri, uyo anogara mune imwe nyika iri muAfrica maimborambidzwa basa redu. Basa redu parairambidzwa, Henri aizvipira kuendesa zvekudya zvekunamata kune zvimwe Zvapupu. Akanyora kuti: “Ndagara ndiri munhu anonyara. Saka ndine chokwadi chekuti kuremekedza kwandinoita Jehovha zvakadzama kwakaita kuti ndive neushingi hwandaida.” Unozvionawo here uri munhu ane ushingi sehwaiva naHenri? Unogona kudaro kana ukatya Mwari.

IVA AKAVIMBIKA SEZVAINGE ZVAKAITA MUPRISTI MUKURU JEHOYADHA, UYO AITYA MWARI

12. Mupristi Mukuru Jehoyadha nemudzimai wake vakaratidza sei kuti vainge vakavimbika kuna Jehovha?

12 Mupristi Mukuru Jehoyadha aitya Jehovha, uye kutya ikoko kwakaita kuti ave munhu akavimbika uye akurudzire vamwe kuti vanamate Jehovha. Izvi zvakabuda pachena Atariya, mwanasikana waJezebheri, paakabvuta umambo munyika yeJudha. Vanhu vaiva nechikonzero chakanaka chekutya Atariya. Aiva neutsinye uye aiva nemakaro ekutonga zvekuti akaedza kuuraya dzinza rese reumambo, kureva vazukuru vake chaivo! (2 Mak. 22:10, 11) Mumwe wevana ivavo, Jehoashi akapona nekuti mudzimai waJehoyadha uyo ainzi Jehoshabheyati akamuponesa. Jehoshabheyati nemurume wake vakahwandisa mwana uyu, uye vakatanga kumuchengeta. Zvakaitwa naJehoyadha naJehoshabheyati zvakabatsira pakuchengetedza madzimambo aizouya nekudzinza raDhavhidhi. Jehoyadha akanga akavimbika kuna Jehovha uye haana kutya Atariya.—Zvir. 29:25.

13. Jehoyadha akaratidza sei zvakare kuti ainge akavimbika Jehoashi paakanga ava nemakore 7?

13 Jehoashi paakanga ava nemakore 7, Jehoyadha akaratidza zvakare kuti akanga akavimbika kuna Jehovha. Ane zano raakaronga. Kana raizobudirira, Jehoashi aizogara nhaka pachigaro cheumambo chaDhavhidhi. Asi kana zano racho raisazobudirira, Jehoyadha aigona kutorasikirwa neupenyu hwake. Achibatsirwa naJehovha, zano racho rakabudirira. Achitsigirwa nevakuru uye vaRevhi, Jehoyadha akagadza Jehoashi kuti ave mambo uye akaita kuti Atariya aurayiwe. (2 Mak. 23:1-5, 11, 12, 15; 24:1) Jehoyadha akabva aita kuti mambo nevanhu “vaite sungano naJehovha yekuti vaizoramba vari vanhu vaJehovha.” (2 Madz. 11:17) Jehoyadha “akaisawo varindi pamagedhi eimba yaJehovha kuti pasatombova nemunhu asina kuchena anopinda.”—2 Mak. 23:19.

14. Jehoyadha akakudzwa munzira dzipi nekuti akakudza Jehovha?

14 Jehovha akati: “Vaya vanondikudza ndichavakudza.” Akapa Jehoyadha mubayiro. (1 Sam. 2:30) Semuenzaniso, Jehovha akaita kuti mabasa akanaka emupristi mukuru uyu anyorwe kuitira kuti tirayiridzwe. (VaR. 15:4) Uye Jehoyadha paakafa, akapiwa rukudzo rukuru rwekuvigwa “muguta raDhavhidhi pamwe chete nemadzimambo, nekuti akanga aita zvakanaka muIsraeri pazvinhu zvine chekuita naMwari wechokwadi neimba yake.”—2 Mak. 24:15, 16.

Sezvakaitwa neMupristi Mukuru Jehoyadha, kutya Mwari ngakuite kuti tirambe tichibatsira hama dzedu (Ona ndima 15) d

15. Nyaya yaJehoyadha inotidzidzisei? (Onawo mufananidzo.)

15 Nyaya ine chekuita naJehoyadha inogona kubatsira tese zvedu kuti tidzidze kutya Mwari. Vatariri vechiKristu vanogona kutevedzera Jehoyadha nekugara vachitsvaga nzira dzekuchengetedza ungano. (Mab. 20:28) Vechikuru vanogona kudzidza pana Jehoyadha kuti kana vakatya Jehovha voramba vakavimbika kwaari, anogona kuvashandisa pakuzadzisa chinangwa chake. Haazovakanganwi. Vechidiki vanogona kuona kuti Jehovha akabata sei Jehoyadha vomutevedzera nekuremekedza hama nehanzvadzi dzakura, kunyanya vaya vava nemakore akawanda vachishumira Jehovha. (Zvir. 16:31) Uyewo tese tinogona kudzidza kubva pavakuru uye vaRevhi vakatsigira Jehoyadha. Ngatirambei tichitsigira ‘vaya vari kutungamirira’ nekuvateerera.—VaH. 13:17.

USAITA SAMAMBO JEHOASHI

16. Chii chinoratidza kuti Mambo Jehoashi aiva mbwende?

16 Jehoyadha akabatsira Mambo Jehoashi kuti aite zvakarurama. (2 Madz. 12:2) Izvi zvakaita kuti mambo iyeye wechidiki ade kufadza Jehovha. Asi Jehoyadha paakangofa Jehoashi akateerera machinda ainge atsauka pakutenda. Zvakaguma nei? Iye nevanhu vake “vakatanga kushumira mapango anoyera nezvidhori.” (2 Mak. 24:4, 17, 18) Jehovha arwadziwa zvakanyanya, “akaramba achituma vaprofita pakati pavo kuti vavadzose . . . , asi havana kuteerera.” Havana kuteerera kunyange Zekariya mwanakomana waJehoyadha, uyo aiva muprofita uye mupristi waJehovha uyewo ari muzukuru waJehoashi. Mambo Jehoashi akatoita kuti Zekariya aurayiwe, kunyange zvazvo vabereki vaZekariya vakanga vamubatsira chaizvo.—2 Mak. 22:11; 24:19-22.

17. Zvinhu zvakafambira sei Jehoashi?

17 Jehoashi haana kuramba achitya Jehovha uye zvinhu zvakamuipira. Jehovha ainge ati: “Vaya vanondizvidza vachazvidzwa.” (1 Sam. 2:30) Uto diki revaSiriya rakakunda “uto guru kwazvo” raJehoashi uye “akakuvara zvakaipisisa.” Pashure pekunge vaSiriya vaenda, Jehoashi akaurayiwa nevashandi vake nekuti akanga auraya Zekariya. Mambo iyeye akaipa akaonekwa asina kutombokodzera kuti avigwe “munzvimbo yemakuva yemadzimambo.”—2 Mak. 24:23-25; ona pakanzi “son of Barachiah” pastudy note yaMateu 23:35 muBhaibheri reChirungu rekudzidza.

18. Maererano naJeremiya 17:7, 8, tingaitei kuti tisafanana naJehoashi?

18 Tinodzidzei pana Jehoashi? Ainge akaita semuti usina midzi yakadzika pasi, uyo waida kutsigirwa nebango. Bango parakanga risisipo, kureva Jehoyadha, uye mhepo dzevakatsauka pakutenda padzakanga dzichivhuvhuta, Jehoashi akadonha. Muenzaniso uyu unoratidza kuti hatifaniri kungoteerera Mwari nekungoti chete vemumhuri medu uye vamwe vemuungano vari kuita zvakanaka. Kuti tirambe takasimba pakunamata, tinofanira kusimbisa kuzvipira kwatakaita kuna Mwari uye kumutya kwatinoita kuburikidza nekugara tichidzidza, tichifungisisa uye tichinyengetera.—Verenga Jeremiya 17:7, 8; VaK. 2:6, 7.

19. Jehovha anoda kuti tiitei?

19 Jehovha haatikumbiri kuti tiite zvakawandisa. Zvaanoda kuti tiite zvinopfupikiswa pana Muparidzi 12:13, iyo inoti: “Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake, nekuti ichi ndicho chinhu chikuru chinofanira kuitwa nemunhu.” Kana tikatya Mwari, tichakwanisa kutsungirira miedzo yatichasangana nayo mune remangwana uye tichamira takasimba sezvakaita Obhadhiya naJehoyadha. Hapana chinozokwanisa kuparadza ushamwari hwedu naJehovha.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

a Sekushandiswa kwarinoitwa muBhaibheri, shoko rekuti “kutya” rine zvakawanda zvarinoreva. Zvichienderana nezvinenge zvichitaurwa, rinogona kureva kuvhunduka, kuremekedza, kana kushamiswa. Nyaya ino ichatibatsira kuti tive nekutya kunogona kuita kuti tive neushingi uye tive vakavimbika pabasa ratinoitira Baba vedu vekudenga.

b Obhadhiya uyu haasi iye muprofita Obhadhiya uyo akararama mazana emakore akazotevera uye akanyora bhuku reBhaibheri rine zita rake.

c KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Sezviri kuratidzwa pamufananidzo uyu, hama iri kuendesera vamwe zvekudya zvekunamata, basa redu parinenge richirambidzwa.

d KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi yechidiki iri kudzidza kuhanzvadzi yechikuru kuti ingaparidza sei nefoni; hama yechikuru iri kuratidza ushingi pakuparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda; hama yagara nebasa iri kudzidzisa vamwe mabasa anoitwa paImba yeUmambo.